RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 10/1 p. 32
  • Mwana Wako Ane Kuzvinyoresa Kwake Amene Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwana Wako Ane Kuzvinyoresa Kwake Amene Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 10/1 p. 32

Mwana Wako Ane Kuzvinyoresa Kwake Amene Here?

KUTI VASAKURIRE muvaduku vavo chishuvo chokudzidza, vabereki vakachenjera vanoita kuti mabhuku akaisvonaka awanike nyore nyore kwavari. Vazhinji, somuenzaniso, vanova nechokwadi chokuti vana vavo vane kuzvinyoresa kwavo vamene kwamagazini eBhaibheri Nharireyomurindi, iyo inoshandiswa sohwaro hwekurukurirano dzevhiki nevhiki dzeBhaibheri pamisangano yeZvapupu zvaJehovha. Asi pazerai apo mwana anofanira kugoverwa kuzvinyoresa kwake amene?

Pakuvamba kwegore rapera, tsamba inotevera yakagamuchirwa ichibva kuno mumwe mai: “Uku kuzvinyoresa ndokwomwanakomana wedu ane makore maviri okukura. Mukati meFundo yeNharireyomurindi, anofanira kuva nekopi yake amene. Ndakaedza kumupa imwe patakanga tisina kopi yomuraudzo, asi aicherechedza kuti mifananidzo yaisawirirana, uye aida chinyorwa chakatanga tichishandisa. Ndine chokwadi chokuti mifananidzo ine mavara yakaisvonaka inoorora kunyange mwana muduku uye ichabetsera nzwisiso yake yapakuvamba yezvokudya zvomudzimu zvaanenge achigere kunzwisisa.”

Wadiiko kuva nechokwadi chokuti mumwe nomumwe wavana vako ane kuzvinyoresa kwake amene kweNharireyomurindi? Gamuchira kuzvinyoresa kwegore kupfurikidza nokuzadza ndokuposita kopani inotevera, pamwe chete ne$8.

Ndapota tumirai Nharireyomurindi. Ndinopfigira $8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe