RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 10/1 p. 30
  • Kunzvera Girisi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunzvera Girisi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 10/1 p. 30

Kunzvera Girisi

Vagari vanozivikanwa vekaresa veGirisi vainzi vaIonia. Kunodavirwa kuti iri zita rakabva kumukare wavo Javhani (chiHebheru, Ya·wanʹ), mwanakomana waJafeti uye naizvozvo muzukuru waNoa. (Genesi 10:1, 2) MuMagwaro echiKristu echiGiriki eBhaibheri, Girisi inonzi Hel·lasʹ. Iyo inyika yakashata neine mabwe, ine makomo ane miti yakawanda. Kare kare vaGiriki vakava vakwasvi vane unyanzvi.

VaGiriki vakare vaiva navamwari vazhinji, vanorondedzerwa savaiva nechimiro chomunhu norunako rukuru. Ava vamwari vanofungidzirwa kuva vaidya, vainwa, uye vairara; uye kunyange zvazvo vairangarirwa kuva vatsvene navasingafi, ivo vainyengerawo nokubata chibharo uye vaikwanisa kunyengera nokupara mhaka. Ngano dzakadaro dzingava yeuko dzakashatiswa zvomenemene dzenguva yapamberi paMafashamo apo vanakomana vengirozi vaMwari vakauya kupasi nenzira yokupandukira, vakagara navakadzi, vakabereka vana vane simba vainzi vaNefirimi, uye vakazadza pasi namasimba masimba.—Genesi 6:1-8, 13.

Muzana ramakore rechina P.N.V., Philip weMacedon, baba vaAlexander Mukuru, akatanga kubatanidza aichimbova maguta enyika akazvimirira eGirisi, achiaunza pasi poudzori hweMakedhonia. Muzana ramakore rechipiri P.N.V., Girisi yakava ruwa rweRoma, uye shambidziko yeGirisi yakapararira kuRoma.

Shandiswo yakapararira yekoi·neʹ yechiGiriki yakapira kukukurumidza kuparira kwamashoko akanaka echiKristu munharaunda yose yeMediterranean.

Muapostora Pauro akashanyira Makedhonia neGirisi mukati morwendo rwake rwechipiri nerwechitatu rwoufundisi. Iye akaumba ungano dzechiKristu muFiripi, Tesaronika, Korinte, uye Bheria. Sirasi, Timotio, Tito, uye mamwe maKristu apakuvamba akadzidzisawo muno. Nhasi, Girisi ine ungano dzinopfuura 320 dzeZvapupu zvaJehovha navazivisi voUmambo hwaMwari vanopfuura 23 000.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe