Dzvinyiriro Yokubudirira
ZIVISO yezvokutengeserana yomuTV inokurudzira vagari veNigeria kuti “Budirirai. Koshai” kupfurikidza nokushandisa rudzi rwakati rwomushonga wokugezesa mazino. Nepo isu tose tichiziva kuti mushonga wokugezesa mazino haungatongogoni kutungamirira kukuva kwomunhu anokosha, vazivisi vari kuratidza kuti vanoziva kuti vanhu vanoda kuziviswa nezvinhu zvine chiratidzo che“budiriro.”
Chishuvo chokubudirira nokuzivikanwa navamwe ndechomuzvarirwo. Kunyanguvezvo, vose vari vaviri varume navakadzi kazhinji kazhinji vanoisa simbiso yakadaro pazvinoitwa navanhu zvokuti vanozvipinza vamene mudzvinyiriro yo“kuenzana navavakidzani.” Ikoku kungagona kuva kune ngozi here? Kungagona kukutapura here?
Dzvinyiriro Dzinotarisana Navanhu
Gwinyiro romunhu oga rokupfuma rinogona kushandisa dzvinyiriro. Vanhu vazhinji vanoda kukwanisa kuita “ratidzirwo yokuzvitutumadza yomutoo [wavo] woupenyu,” kuva nomukurumbira munzanga noutanhamari.—1 Johane 2:16, NW.
Mhuri ingashandisa dzvinyiriro. Mumisha yakawanda murume anofanira kupfuurira kuvavarira kuvandudza mari yake yaanowana nechimiro chake panzvimbo yake yebasa kuti avandudze mugariro wemhuri womunzanga. Kana kuti mudzimai angavavarira kuva mukadzi anoshanda anobudirira. Vana vanogona kusundwa kunanga kukuita zvakakwirira zvisina mufungo mudzidzo kuchikoro. Ikoku zvikurukuru chinetso mumarudzi ari kusimukira umo vazhinji vanodavira kuti chinotungamirira kukuvandudza kwomunhu mugariro wake idzidzo yakakwirira.
Nzangawo ingashandisa dzvinyiriro pamunhu yokuvavarira nokuda kwedzidzo yakakwirira, pfuma, uye nzvimbo dzomukurumbira nepesvedzero. Budiriro, iyo inowanzoyerwa mune zvemari, ingatungamirira kuutanhamari, rumbidzo, uye ruremekedzo. Chikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau cheDaily Times yeNigeria chakati: “Hazvinei hazvo nokuti mavara omunhu angava akanaka naanoorora sei, [vanhu] vazhinjisa havamuremekedzi nokumuziva, kana asina mari.”
Chii Chinogona Kuvapo
Budiriro yenyika yakadaro inogona kuunza farikanyo yakati, asi rangarira mutengo wakakwira wainorairawo. Munyori wenhau wepepanhau Achike Okafo akanyora, kuti: “Mhuri dzakagadzikana . . . dziri kupunzika zuva nezuva, zvikurukuru nemhaka yemari uye icho mari inogona kutenga. . . . Kunyange vakwanyina vachiri kukwanisa kuramba vari pamwe chete havatongotauri pamusoro pemisengwa yavo yavabereki . . . nemhaka yokuti vakanyanyobatikana zvikuru mukurondwa kwezvinodikanwa zvokunyama zvegarikano.” Wedzera kuna ikoku chinetso chavana vanoregeredzwa vanotendeukira kumirimo noutsotsi kana kuti kutiza pamusha, uye mutengo wacho unova wakakwira zvikuru.
Dzvinyiriro yokubudirira yakapinza vanhu vane gwinyiro mukusatendeseka noutere. Vakadzi vaduku vakatochinjanisa vatano nemiuyo yakanaka yebvunzo nebasa. Kunyange apo budiriro inowanwa zvakafanira, vanhu vanobudirira vangatarisana nepfundepfunde kana kuti godo zvavanobudirira zvishoma pamwe chete nounyengeri hwe“shamwari” dzinokwezviwa nepfuma nomukurumbira. (Muparidzi 5:11) Iyoyi ibudiriro chaizvoizvo here?
Munyori akachenjera waMuparidzi muBhaibheri anopindura kuti aiwa. Pashure pokuongorora pfuma yake huru, simba, uye mukurumbira, pamwe chete nefarikanyo yakaunza izvozvi, iye akagumisa kuti izvozvi zvakanga zviri “kudzingana nemhepo bedzi.”—Muparidzi 2:3-11.
Ikoku kunoreva here kuti chinotsvakwa chiri chose muupenyu hachina maturo? Kana kuti pane here dzikamo yakafanira iyo vanhu vanogona kuva nayo vachivaka basa rinobudirira? Chii chinoratidza ruzivo rwokuzviwanira kuti sezvingabvira chichabvumikisa kuva nharidzano yavo yakafanira zvikurusa?