‘Kubetserwa Kunzwisisa Mumwe Munhu Ndisina Kutongofunga Kuti Ndaigona’
Mutsamba inotevera kuWatch Tower Society, mumwe munhu anorondedzera kwaakagamuchira betsero yakadaro.
“Vanachangamire Vanodiwa:
“Ndingada kukuzivisai kuti mabhuku enyu ari kundibetsera zvikuru sei kunzwisisa Mumwe munhu ndisina kutongofunga kuti ndaigona. Bhaibheri zvino ibhuku rinofadza zvikurusa randati ndarava nemhaka yebetsero yamakandipa kupfurikidza namabhuku enyu.
“Mungagona kunditumira here ndapota rudungwe rwamabhuku ose amunobudisa, kana kuchibvira?
“Yakapfigirwa i$4,00 yamakopi maviri Reasoning From the Scriptures . . . Ndinofanira kugoverana uyu ‘mubetseri muduku’ mukuru.”
Tingadawo kuita kuti riwanike kwauri bhuku duku reBhaibheri rine mapeji 448 Reasoning From the Scriptures. Rinongoita $2,00 bedzi.
Ndapota tumirai, muchiripira mari yokuposita, bhuku duku rine butiro rakasimba Reasoning From the Scriptures. Ndinopfigira $2,00.