Budiriro—Pasinei Zvapo Nemiuyo Here?
RUSIMBIRIRO rwokubudirira rwunoratidzira kuti munhu iyeyo ane nharidzano chaiyoiyo. Chii chiri nharidzano yako muupenyu? Chii chawakagadzirira kuita kuti uiwane? Zvamazvirokwazvo, ndechipi chinofanira kuva chinotsvakwa chako chikurusa kuti uve anogutswa naanofara zvirokwazvo?
Munyika dzakawanda dzeThird World, mupimo wavazhinji wokurarama une zvakawanda zvinoshaikwa. Nemhaka yezvinetso zvinotarisanwa nazvo imomo, kurangarira zano rakafanira rinobva muShoko raMwari kuchatibetsera kuyera zviri nani nharidzano dzedu timene nebudiriro, pasinei zvapo nokwatinogara.
Nourombo hwakawanda, vanhu vazhinji vakatsvaka budiriro mune zvemari kusvikira pakurega chimwe chinhu chiri chose. Vamwe vanotendeukira kukusatendeseka kuti vawane iyoyi. Pakuva maKristu echokwadi, kunyanguvezvo, ivo vanofanira kuva vasiya ichi chimiro zvechigarire mushure kuti vawirirane nemipimo yakarurama yeBhaibheri.
Zvisinei, kunyange mamwe maKristu anobatwa zvakare mukunangidzira nhamburiko panharidzano dzenyika. Ivo vangawira mumufambiro usiri wechiKristu kuti vawane budiriro. Vabereki vanoregeredza mhuri dzavo. Vanhu vamwe navamwe vanoregeredza basa ravo kuna Mwari. Chii chaunofunga kuti chingava muuyo pamusoro pegutsikano muupenyu nomufarwa?
Richitingwadza kumuuyo wacho, Bhaibheri rinonyevera, richiti: “Asi vanotsvaka kufuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, . . . Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.”—1 Timotio 6:9, 10.
“Kuchiva kuzhinji kunokuvadza.” ‘Vakazvibaya pose pose namarwadzo mazhinji.’ Ikoko zvamazvirokwazvo hakunzwiki sokurondedzerwa kwegutsikano nomufarwa, kunodaro here? Bva, chinoitika chamamirioni avanhu mumazana ose amakore apfuura, kunyange kusvikira nhasi chaiye, chinobvumikisa kuti kutaura ikoko kweBhaibheri ndokwechokwadi sei. Chii, ipapoka, chinorumbidza ikoku pamusoro penharidzano dzomuKristu nenzira youpenyu?
Vanotsauswa—Seiko?
MaKristu anogona kutsauswa pakutenda munziraiko? Vamwe vakasvika pakurambwa chose chose kwetsika nezvitendero zvoumwari. Muzvimwe zvinoitika vanhu vamwe navamwe vakatsauswa panzira yokuzvipira kwoumwari, kunyange kushandisa zvisakafanira kuzvipira kwakadaro somutoo wokuwana nawo pesvedzero pavamwe. Naizvozvo Bhaibheri rinotaura nezva“vanhu vano murangariro wakaodzwa, vakatorerwa zvokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa.” (1 Timotio 6:5) Nepo vasingasiyi chose chose chiKristu, vangazviwana vamene vachipunza nheyo dzeBhaibheri idzo dziri zvinhu zvinokosha zvokutenda kwechiKristu.
Jesu akaudza vateveri vake kusava vakafanana navanhu venyika vanovirimira vamwe. Iye akati: “Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi aninaani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushumiri wenyu.” Mukushurikidza vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha, Jesu akapfuurirazve. Iye akaratidzira kuti rudo rukuru rwomukurumbira wenyika runowana kusatendera kwaMwari. (Mateo 20:26; 23:6-9, 33) Nokudaro, maKristu anofanira kutsvaka kubatirana panzvimbo pokupfuura kana kuti kudzora vamwe. Mudi wemari uyo anotsvaka budiriro pasinei zvapo nemiuyo anogona kusatana kutsauswa muiyi nzira.
Iwe unoita sei muna ikoku? Unozviwana umene here uchiyera budiriro yako netambanuko yaunoshandisa nayo chiremera pavamwe? Ko iwe unoshandisa kana kuti kumonyanisa nheyo dzechiKristu nedzidziso kuti ushandise chiremera kana kuti kuchiwana here? Ko iwe unorangarira kuti unofanira kuwana zvinopfuura zvavaenzani vako here pasinei zvapo nomuuyo? Ko iwe unowana mufarwa mukuru mukutaura pamusoro pepfuma yako kana kuti zvaunoita kubasa here? Kana zvakadaro, ipapo unodikanirwa kukamuranisa kana uri kutsauswa pakutenda.
Marwadzo E“budiriro”
Jesu akatiwo: “Regai kuzviunganidzira fuma panyika . . . nokuti pane fuma yako, nomwoyo wako uchavapowo . . . Hamungabatiri Mwari neFuma.” (Mateo 6:19-24) Ko vabereki vanonangidzira vana vavo zvikurukuru kunharidzano dzokunyama namabasa enyika vari kutevera iri zano here? Ko simbiso pabudiriro yenyika yakafanirwa here nokurasikirwa kana vana vakasiya zvokwadi ndokugamuchira mitoo youpenyu isiri yechiKristu? Kwakakufanira here kurega kana kuti, toti zvedu, kupinza mungozi upenyu hwavo hwomudzimu nokuda kwe“fuma panyika”? Vabereki vanoita ikoku kazhinji kazhinji vanowana kuti kunyange ivo ‘vanobaiwa pose pose namarwadzo mazhinji’ nokuda kwokuitira hanya vana vavo nokuzvidemba nokuda kwokurasikirwa kwomudzimu—uye pane dzimwe nguva kwokunyama—navo.
Rudo rwepfuma nditenzi anoraira. Runoda nguva yavanhu, simba, uye mano; uye runobudisa kuzvipira kwoumwari. Irwo kazhinji kazhinji runonyengera vanhu kutsvaka kunyange pfuma huru zvikuru nomukurumbira wenyika, nokudaro kuchivaswededza kure nguva dzose nokutenda. Bhaibheri rinoti nomazvo: “Unoda sirvheri, haangagutswi nesirvheri, naiye unoda zvakawanda, haangagutswi nezvakawanda.”—Muparidzi 5:10.
Kunyange pashure pokuva muKristu, rudo rwomumwe murume webhizimisi weAfrica rwebudiriro yezvemari rwakaramba rwuchitora nzvimbo yokutanga muupenyu hwake. Iye akaregeredza mibato yechiKristu achida shanyo dzokushanyirana navasonganiri vebhizimisi venyika. Iye haana kuita fambiro mberi yomudzimu, pasinei zvapo nenhamburiko dzakaitwa navakuru veungano yake dzokumubetsera. Iye nokudaro akazviwana amene ava muchitambudzo chomudzimu—asina pake paakanga asitongori muKristu bva aida kuzivikanwa saari. Tose zvedu tinogona kunzwisisa kuti mugariro wake wakanga usingatungamiriri kugutsikano huru muupenyu kana kuti kumufarwa usingagumi.
Vanhu vakadaro vanosungirwa kutarisana namarwadzo omudzimu. Kudyidzana mubhizimisi nomufambidzano navanhu vane panikiro shoma pamusoro pokutendeseka kana kuti tsika dzevatano kunoratidzira munhu kupesvedzero dzisakanaka. MaKristu anonzarwozvo kuratidzirwa anofanira kurwisana neidzi pesvedzero uye kazhinji kazhinji anova nerwisano nehana yawo. Vamwe pakupedzisira vanova vakafanana navasonganiri vavo uye vanotsauswa chose chose pakutenda. (1 VaKorinte 15:33) Budiriro yezvemari iyo inotungamirira kukundikano yakadaro yomudzimu neyetsika ndeyebetseroiko? Jesu akati: “Munhu uchabatsirweiko kana awana nyika yose, akarashikirwa noupenyu hwake?”—Mateo 16:26.
Rudzi Rwuri Nani Rwebudiriro
Ruzivo rwokuzviwanira rwakasimbisa kuti kuchenjera kuteerera iri zano reBhaibheri: “Regai kuenzaniswa neiyi tsika yezvinhu, asi . . . zvibvumikisirei mumene kuda kwakanaka nokunofadza uye kwakakwana kwaMwari.” “Musada nyika kana kuti zvinhu zviri munyika. Kana munhu upi noupi achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.” Hungu, takachenjera kana tisingatevedzeri nyika kana kuti kushuva chainopa. Itiro hanya yedu huru inofanira kuva yetendero yaMwari, iyo isingagoni kuwanwa kupfurikidza nokuronda zvinhu zvenyika.—VaRoma 12:2; 1 Johane 2:15, 16, NW.
Jesu akaenzanisira ikoku nomurimi akavimba nefuma yake asi uyo kwaari Mwari akati: “Iwe benzi, nousiku uhu vachakutorera mweya wako; izvo zvawagadzira zvichagova zvaaniko?” Achipeta muenzanisiro wake, Jesu akati: “Ndizvo zvakaita munhu unozviunganidzira fuma, asingafumi kuna Mwari.” Jesu akanga achiratidza kuti “upenyu hwomunhu hauzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.”—Ruka 12:15-21.
Jesu akashandisa muenzaniso mupenyu womutongi muduku akapfuma kuratidza chinhu chimwe chetecho. Uyu murume akanga achibudirira mupfungwa yenyika, uye iye sezviri pachena aida kuva akarurama mutsika. Zvisinei, Jesu haana kumuratidzira sechiratidzo chebudiriro. Panzvimbo pezvo, Jesu akati kwaizova kwakaomera vanhu vakadaro “kupinda muumambo hwaMwari.” Vanhu vazhinjisa vari mumugariro iwoyo havana kugadzirira kurega fariro dzokudisa zvenyika nokutsvaka Umambo hwaMwari senharidzano huru muupenyu hwavo.—Ruka 18:18-30, NW.
Achisimbisazve ukuru hwefariro dzomudzimu, Jesu akati: “Naizvozvo musafunganya muchiti: ‘Tichadyei?’ Kana: ‘Tichanwei?’ Kana: ‘Tichafukei?’ Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose, nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvose. Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.” Naizvozvo, kunyange pamusoro pezvinhu zviri madikanwa, tinofanira kuziva zvinokosha zvedu. Kuti isu tive vanobudirira zvirokwazvo—kuti tiwane mufarwa ndokuwana gutsikano yechokwadi—zvomudzimu zvinofanira kutangira zvokunyama.—Mateo 6:31-33.
Ramba Uchitsvaka Budiriro Yomudzimu
Naizvozvo nzira yokuchenjera sezvinooneka kutsvaka budiriro kupfurikidza nokuronda Umambo hwaMwari nokururama kwake. Ikoku kunobatanidza kufunda Bhaibheri kuti “tigozvibvumikisira timene kuda kwakanaka nokunofadza uye kwakakwana kwaMwari.” Kuda kwake kunobatanidza kuisa kwako basa rake pakutanga muupenyu hwako, kuva kwako negoverano yakazara muushumiri hwechiKristu, kusaregeredza kwako misangano yechiKristu, uye kurarama kwako upenyu hwakarurama mutsika mutsinhirano nokururama kwaMwari. Izvi zvinhu hazvifaniri kuiswa parutivi nokuda, kana kuti kudzikatidzwa, nefariro dzokudisa zvenyika. Izvi ndizvo zvakarehwa nezano raJesu kumutongi muduku akapfuma: “Tengesa zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nefuma kudenga; ugouya, unditevere.”—VaRoma 12:2, NW; Ruka 18:22.
Mukuita ikoku, uchave uchivaka umudzimu hwako umene nouhwo hwemhuri yako. Panzvimbo pokuzvitutumadza kana kuti kuisa tariro yako papfuma isina chokwadi, uchava pakati paavo “vakapfuma mumabasa akaisvonaka, . . . vanozvichengetera vamene hwaro hwakaisvonaka hwenguva yemberi, kuti vagobatisisa upenyu chaihwoihwo.” Hungu, nharidzano yako inogona kuva upenyu husingaperi muParadhiso yapasi ichadzorerwa nemhaka yokuti “nyika inopfuura uye saizvozvowo noruchiva rwayo, asi iye unoita kuda kwaMwari unogara nokusingaperi.” Hakuna budiriro huru inopfuureyi yaungagona kumbowana.—1 Timotio 6:17-19; 1 Johane 2:17, NW.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Ko mari ndiyo nhungamiriro here?
[Mufananidzo uri papeji 7]
Ko vabereki vachatumira vana vavo kundoronda budiriro kupfurikidza nedzidzo yakakwirira here?