RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 8/1 pp. 16-21
  • Pwere—Dzivisai Kurarama Upenyu Huviri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pwere—Dzivisai Kurarama Upenyu Huviri
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Vamwe Vachirarama Upenyu Huviri
  • Vabereki, Munogona Kuparira
  • Chiri Chaizvoizvo Upenyu Huviri
  • Madzivisirwe Ako
  • Betsera Vamwe Kukudzivisa
  • Ndingaitei Kuti Ndisanyepedzera Kushumira Jehovha?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Rarama Upenyu Huviri—Kwokona Nei?
    Mukai!—1994
  • Upenyu Huviri—Ndiani Anofanira Kuzviziva?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndinogona Sei Kusununguka Muupenyu Huviri?
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 8/1 pp. 16-21

Pwere—Dzivisai Kurarama Upenyu Huviri

“Fara hako, iwe jaya, pahuduku hwako . . . Asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.”—MUPARIDZI 11:9.

1, 2. Muenzanisoi uripo wepwere inorarama upenyu huviri?

“KUVAMBIRA paucheche ndakarererwa mumhoteredzo yechiKristu, pakati peZvapupu zvaJehovha,” yakanyora kudaro imwe pwere. “Zvisinei, upenyu hwandakararama, kunyange ndiri pamusha, hwakanga hwakasiana zvakakwana nemipimo nokufunga zvavabereki vangu. Upenyu hwangu kworutivi rukurusa hwakanga huri upenyu hwokusazvibata, upenyu husina kurangwa hwenyika.”

2 Pwere yacho yakatsanangurazve, kuti: “Kunyange ndisati ndasvika zera ramakore gumi, ndakatanga kuva munyika dzose dziri mbiri zvakanakisisa sezvandaigona—kuti ndiwane kugamuchirwa noushamwari kuchikoro uye ndichingova anogamuchirwa navabereki vangu. Kuchikoro ndaiwirirana zvikuru sezvandaigona musitaera nomufambiro . . . Asi pamusha ndakanga ndakasiana chose chose. Ndakanga ndiri muKristu anozvibata zvakanaka uyo vabereki vangu vaikarira.”

3. (a) Chivimboi chatinacho, bva chii chatinoziva? (b) Chii chinosunda kunangidzira kwedu ngwariro kupwere?

3 Tinoziva kuti mufambiro weiyi pwere haumiriri vazhinjisa venyu vaduku muri muungano. Voruzhinji venyu, tine chivimbo, makatendeseka kuvabereki venyu neungano, uye ikoku kunofadza mwoyo yedu. Panguva imwe cheteyo, tinoziva kuti vamwe vanoratidzika kuva vakarurama, uye zvakanakisisa sezvavanogona, vanovanzira vakura nzira yokuita zvakaipa. Nokudaro mubvunzo ndouyu: Ko iwe uri rudzi rwomunhu uri kutitungamirira kudavira kuti uri here, kana kuti uri kurarama upenyu huviri here? Hatibvunzi ikoku nomudzimu wokuwanira mhaka asi, panzvimbo pezvo, nemhaka yokuti tinokudai zvirokwazvo uye tinoda kukubetserai kufarikanya upwere hwenyu kupfurikidza nokuhurarama nenzira ichafadza Jehovha.—Muparidzi 11:9, 10; 12:14; 2 VaKorinte 5:10.

4. Vamwe vakuru vakararamawo sei upenyu huviri, asi chii chakacherechedzwa misi ichangobva kupfuura iyi pakati pavanhu vaduku?

4 Zvisinei, iwe ungabvunza, kuti: ‘Kutisarudzireiko vaduku? Zvakadiniko navakuru?’ Hapana panikiro yokuti ivowo vanofanira kudzivisa kurarama upenyu huviri. Gehazi, murindiri waErisha, akaita nenzira yokunyengera, achiedza kufukidza idi rokuti iye akagamuchira zvipo zvakabva kuna Namaani. (2 Madzimambo 5:20-26) Uye Ananiasi naSafira, vakanga vari vakuru, vakareva nhema kupfurikidza nokutaura kuti ivo vakanga vapa kuvaapostora mutengo wose womunda—vachiedza kuzviita vamene vatarisike kuva vakanaka—apo zvomenemene ivo vakachengeta yakati kuti yemari nokuda kwavo vamene. (Mabasa 5:1-4) Chikonzero, zvisinei, tiri kunangidzira ngwariro kwamuri vaduku ndechokuti sezviri pachena kwave kune wedzero mukuitika kweichi chinetso pakati penyu.

Chikonzero Nei Vamwe Vachirarama Upenyu Huviri

5. (a) Neiko dzimwe pwere dzichirarama upenyu huviri? (b) Pwere kazhinji kazhinji dzinobatwa sei padzinorarama upenyu hunorumbidzwa, naizvozvo chii chinoita vamwe?

5 Neiko ikoku kwakadaro? Imwe pwere yakaonesa chikonzero chikuru, ichitsanangura, kuti: “Ndakanga ndisingadi kurasikirwa neshamwari dzangu kupfurikidza nokuva akasiana.” Ichokwadi kuti kuva akasiana nenzira yakanaka kazhinji kazhinji kunoita kuti munhu ave nyajambwa wokunyombwa. (Enzanisa na 1 Petro 3:16; 4:4.) Kudzivisa ikoku uye kuti dzigamuchirwe navaenzani vadzo, dzimwe pwere dzichatodhakwa kana kuti kuva nevatano. Musikana asiri Chapupu ane makore 13 okukura, uyo akawana maA ose uye nguva dzose akatora rutivi mukurukurirano dzekirasi, akachema, achiti: “Vakomana havasati vachizotongofarira mumwe munhu anodeya kutaurwa kuva akanaka seni. . . . Ndiri kurangarira kurega magiredhi angu achiderera kana kuti chimwe chinhu chokunyandura mukurumbira wangu.”

6. Petro akapesvedzerwa sei kupinda mumufambiro wakaipa, naizvozvo ikoku kunofanira kutapura sei kurangarira kwedu pwere?

6 Nenzira inokosha, muapostora Petro amene pane imwe nguva akambofunga zvikuru nezvomufananidzo wake amene, kana kuti mukurumbira, kupfuura kuita chaaiziva kuva chakarurama. Apo maKristu echiJudha akabva Jerusarema akashanyira Antiokia, Petro akabva musonganirano namaKristu aVamarudzi nemhaka yokutya kutsoropodzwa navaJudha nokuvhengana naava Vamarudzi. (VaGaratia 2:11-14) Sezvo kunyange maKristu akakura mumudzimu akadarozvo kutera kudzvinyiriro yavaenzani, kunomboshamisa here kuti pwere dzisina ruzivo rwokuzviwanira dzingaitawo saizvozvo?—Zvirevo 22:15.

7. Chii chingaedza dzimwe pwere kurarama upenyu huviri?

7 Chikonzero chinowirirana nei vamwe vaduku vachirarama upenyu huviri ndechokuti vanodavira kuti vari kurasikirwa nomufarwa. Ivo vanonzwa vaduku kuchikoro vachitaura pamusoro pemibato yavo—kuti pati yakanga iri huru sei, nziyo dzamarimba dzinoshamisa, kunwa, mirimo, mufaro mukuru wakadini wavakava nawo! Kana kuti ivo vanonzwa kuti, iye anogona kutsvoda sei ndokuda. Naizvozvo chishuvo chokuwana izvi zvinhu chinonyandurwa, uye vaduku vanopesvedzerwa kuedza icho Bhaibheri rinodana kuti “kufarikanywa kwechinguvana kwechivi.”—VaHebheru 11:24, 25, NW; 1 VaKorinte 10:6-8.

8. Ndechipi chiri chikonzero chikuru nei pwere dzichirarama upenyu huviri?

8 Zvisinei, chikonzero chikuru dzimwe pwere dzichirarama upenyu huviri ndechokuti Jehovha uye nyika itsva iri kuuya hazvisi hazvo chaizvoizvo kwadziri. Idzo hadzidaviri zvirokwazvo zvipikirwa zvaJehovha kana kuti nyevero dzinobudiswa kupfurikidza neShoko rake nesangano rake rinooneka pamusoro pemiuyo yokusateerera Jehovha. (VaGaratia 6:7, 8) Idzo hadzina kufanana naMosesi, nezvake Bhaibheri rinoti: “Iye akatarisisa mubairo wetuso [yaMwari]. . . . Iye akapfuurira akatsiga achiona Uyo asingaoneki.” Kuna Mosesi, Jehovha nezvipikirwa Zvake zvaiva chaizvoizvo. Asi avo vanorarama upenyu huviri vanoshaiwa kutenda ikoko. Zvose zvavanoona ndizvo Satani anoda kuti vaone—kupenya kwetsika yake. Uye naizvozvo vanotevera kufarikanywa kwechinguvana kwechivi asi, panguva imwe cheteyo, vachiedza kuratidzira utsvene.—VaHebheru 11:26, 27.

Vabereki, Munogona Kuparira

9. (a) Vabereki vanogona sei kuparira kurarama upenyu huviri kwavana vavo? (b) Chii chinoda vakuru kunzwisisa ndokusvinurira kuita?

9 Pwere yanokorwa mashoko pakutanga yakati: “Chakandiita kuti ndive asina kukurumbira kuchikoro chakaunza kugamuchirwa nenyemwerero yetendero pamusha. Asi ndaida zvinopfuura izvozvo. Ndaida mumwe munhu wandaigona kubatirira kwaari, kutaura kwaari, uye kutaura zvakavanzika kwaari, uye ndakanga ndisingawani izvozvo kuvabereki vangu.” Vabereki, muri kungwarira here kusaparira kurarama kwavana venyu upenyu huviri? Ko muri kuvagovera here ngwariro yomunhu oga nenhungamiro zvavanoda? Vakuru vanofanira kunzwisisa dzvinyiriro huru, dzinosekesa kutenda idzo vaduku vedu vanotarisana nadzo muchikoro ndokungwarira kuita chinhu chiri chose chinobvira kudzikurudzira nokudzibetsera.—Pisarema 73:2, 3; VaHebheru 12:3, 12, 13.

10. (a) Ifariroi iri mutoro wavabereki kutaura? (b) Ndoupi unowanzova muuyo apo vabereki vanokundikana kugovera nhungamiro?

10 Kazhinji kazhinji mibvunzo yepwere yakavakirwa paukama nemitezo ine mitezo yevatano yakasiana, nhau iyo, sezvineiwo, vabereki vazhinji vanodzivisa. “Ivo havana kutongova nekurukurirano yakasununguka neni,” akarondedzera kudaro mudzidzi anokudzwa ane makore 15 okukura. “Chinhu chiri chose chandakadzidza pamusoro pevatano ndaifanira kudzidza ndoga. . . . Ndainyara zvikuru kuimutsa kunyange zvazvo paiva nezvinhu zvakawanda kwazvo zvandaida kuziva.” Chii chaiva muuyo wacho? Iye akati: “Rusvingo rusingaoneki rwakakora zvikuru pakati pavabereki vangu neni, ndizvo ndakava musikana anoda kuziva zvikuru, benzi naasingatani kunyengerwa.” Hungu, iye akatera kuzvikarakadzo zvevatano zvejaya, asi ndiani waungati akagoverana mutoro waikoku?—Zvirevo 22:3; 27:12.

11. (a) Vabereki vanogona sei kuratidza kuti vanoda vana vavo? (b) Sezvinobvira pwere dzichaita sei kurudo rwakadaro?

11 Kunokosha kuti vabereki varatidze vaduku vavo kuti vanovada zvirokwazvo kupfurikidza nokupedza nguva vanavo, vachigoverana mukurukurirano yakavandika, nokugovera nhungamiro. (Zvirevo 15:22; 20:18) “Ndine murangariro wokuti kudai vaindiitira hanya chaizvoizvo vaizoita mitemo,” yakadaro imwe pwere. Kunyange kana vaduku vachitsamwira mitemo yenyu nemirau zvino, gare gare vachafunga nezvazvo nokuonga. Imwe pwere yakanyorera amai vayo, kuti: “Somunhu akanga achiedza miganhu nguva dzose, ndichitsvaka nzvimbo dzakapfava nenzira dzokunzvenga nadzo mitemo yakaoma nemirau, ndinoonga zvikuru kwazvo kuti makaramba muchindidzora zvikuru.” Naizvozvo ratidza kuti unoda vana vako kupfurikidza nokuda kuti ivo vawirirane nenhungamiro dzako. Usatongoparire kurarama kwavo upenyu huviri kupfurikidza nokukundikana kuchengeta nzira dzakazaruka dzekurukurirano kana kuti kupfurikidza nokukundikana kuvapo pavanokuda!

12. Chimiroi chokusachenjera chavamwe vabereki chinoparira kurarama upenyu huviri kwavana vavo?

12 Vabereki vanogonawo kuparira nenzira yakasiana chose kurarama kwavana vavo upenyu huviri. Tsinhiro dzomutongi wedare guru wenyika yeNew Jersey dzinoratidzira. “Vadzidzisi,” mutongi wacho akadaro, “vanoedza kuranga vana nokuda kwokuita chakaipa muchikoro uye ipapo vanotukwa navabereki panzvimbo pokutsigirwa.” Kunoratidzika kuti vamwe vabereki vanodavira nokukanganisa kuti vaduku vavo havagoni kuita chakaipa. Kunyange apo vakuru vechiKristu kana kuti vamwe vane mutoro vari muungano vanounza chakaipa chavana vavo kungwariro yavo, vabereki havanzwi. Kupfurikidza nokuita saizvozvo, vanoparira kukusatendeseka kwavaduku vavo.

Chiri Chaizvoizvo Upenyu Huviri

13. Kurarama upenyu huviri kunoguma nechii chaizvoizvo?

13 Ikoku kunokosha kurangarira: Kurarama upenyu huviri kunoguma chaizvoizvo nokureva nhema—kuva munyengeri, nhavatava. (Pisarema 12:2; 2 Timotio 3:13) Kufanana naSatani, uyo “anoramba achizvishandura amene kuva ngirozi yechiedza.” (2 VaKorinte 11:14, 15, NW) Kunorevawo kuva akafanana navatungamiriri vorudzidziso vaye nezvavo Jesu akati: “Mune nhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anoonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namafupa avakafa netsvina yose. Saizvozvo nemiwo munoonekwa navanhu kunze kwenyu makaita samakarurama, asi mukati muzere nokunyengera nokuipa.” (Mateo 23:27, 28) Nenzira yakajeka, kurarama upenyu huviri imhaka yakakomba inoitirwa Mwari.

14. Munhu anofanirireiko kuda kudzivisa kurarama upenyu huviri?

14 Rimwe idi rerangariro yakakomba ndeiri: Nzira yokunyengera haigoni kuvanzwa kusvikira kunguva isingazivikanwi. “Kunyange nemwanakomana unozvizivisa nezvaanoita, kana basa rake rakanaka, kana rakarurama,” Bhaibheri rinodaro. (Zvirevo 20:11; Ruka 12:1-3) Hungu, mubato wako, ungave wakanaka kana kuti wakashata, pakupedzisira uchazivikanwa. Uye Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari acharanga vanyengeri zvakakomba. (Mateo 24:51) Zvirokwazvo unofanira kuda kudzivisa kurarama upenyu huviri!

Madzivisirwe Ako

15. Chii chichabetsera pwere kudzivisa kurarama upenyu huviri?

15 Nzira imwe yokudzivisa nayo kurarama upenyu huviri kutarisana nezvakunoreva chaizvoizvo uye ipapo zvibvunze umene, kuti: Iyoyo ndiyo nzira yandinoda kuyeukwa nayo here, somunyengeri, somutevedzeri waSatani navaFarise? Chokwadika, kwete! Chimwe chinhuzve chichakubetsera kudzivisa kurarama upenyu huviri kufunga nezvenhamo yomunhu oga nengwavaira upenyu hwakadaro huchakuunzira. Yeuka chakaitika kuna Gehazi nokuda kwokuedza kureva nhema. Maperembudzi aNamaani akanamatira kwaari, uye iye akanga ari wamaperembudzi kwoupenyu hwake hwose hwakasara. Uye Ananiasi naSafira vose vari vaviri vakarohwa ndokufa naMwari nokuda kwokunyepedzera kuva norupo.—2 Madzimambo 5:27; Mabasa 5:5, 9, 10.

16. Chii chakaitika kupwere imwe yakabatanidzwa mumutoo woupenyu hwenyika?

16 Kunewo mienzaniso yazvino uno. Imwe pwere yomuUnited States yakanga yavamba kufunda Bhaibheri ndokupinda misangano paHoro yoUmambo. Asi ipapo yakavamba kupinda mumutoo woupenyu wenyika ndokurega songaniro. Makore akapfuura, uye iye akanyora, kuti: “Inenge mwedzi miviri yapfuura ndakakumbira Mwari kunditumira Chapupu nemhaka yokuti ndakanzwa chishuvo chokutanga zvakare. Ndakatanga kufunda zvakare apo bhomba rakaputika. Ndakaongororwa mwedzi mumwe wapfuura sendine sarcoma yaKaposi, rutivi rwokuoneka kweAIDS itsva isingarapiki.” Iye akagumisa, kuti: “Kudai bedzi ndakanga ndatevera ndokuteerera nyevero dzapaMagwaro shure panguva iyoyo, ndingadai ndisiri muuyu mugariro nhasi.” Zvirokwazvo unoda kudzivisa miuyo ipi neipi yakadaro inosuruvarisa! Nyika chaizvoizvo haina chinhu choukoshi chokupa.—1 Johane 2:15-17.

17. Ndiimwe rangariroi inofanira kubetsera pwere kudzivisa kurarama upenyu huviri?

17 Chichakubetserawo kudzivisa kurarama upenyu huviri kurangarira muuyo uyo kuita saizvoizvo uchava nawo pazita raJehovha. Pwere yadudzwa musumo yakataura kuti mumwe munhu akamuona achigamuchira mudzanga akatsinhira, kuti: “Ndakanga ndisingazivi kuti Zvapupu zvaJehovha zvingagona kusvuta. Iwe hausi Chapupu here?” Iye gare gare akataura kuti mubvunzo wacho wakamuita kuti anzwe zvakaipa nemhaka yokuti chaakanga achiita chakanga chichiunza ruzvidzo pana Jehovha. Iwe unoda izvozvo here? Ko iwe unofunga zvishomanene kwazvo nezvaMwari wedu zvokuti kufanana naIsraeri asina kutendeka wakare uchaunza manyadzi pazita rake here?—Pisarema 78:36, 37, 41; Ezekieri 36:22.

18. (a) Vabereki sezvingabvira vangaita sei kana vakaziva kuti mwana wavo airarama upenyu huviri? (b) Neiko ikoku kuchifanira kudzivisa pwere dzechiKristu kurarama upenyu huviri?

18 Kunze kwezvo, rangarira zita nemirangariro zvavabereki vako. “Zuva rakasvika apo vabereki vangu vakaziva zvandakanga ndiri chaizvoizvo,” yakanyora kudaro pwere yadudzwa pamusoro apa. “Kwakavakatyamadza. Uye kwenguva yokutanga muupenyu hwangu ndakaona amai vangu nababa vachichema. Ivo vakakuvadzwa kwazvo neizvo ndakanga ndaita.” Vabereki vako zvimwe vangachemawo, kana vakaziva kuti uri kurarama upenyu huviri. Izvozvo ndizvo zvaunoda here? “Zita rakanaka rinodikanwa zvikuru kupfuura pfuma huru,” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 22:1, The Jerusalem Bible) Kupfurikidza nokurarama upenyu huviri, unoparadza zita rako umene rakanaka. Asi izvozvo handizvo zvoga. Unoshatisawo zita rakanaka ravabereki vako, uye unorizvuzvurudza mumadhaka, uchivaparira manyadzi nokukwenudzwa.—Zvirevo 10:1; 17:21.

19. Mufambiro usakarurama wavanakomana vaJakobho wakamutapura sei, uye chifundoi chinogona kuwanwa muna ikoku?

19 Vanakomana vaJakobho vanosanoratidzira kuti vana vanogona sei kuparadza zita rakanaka ravabereki vavo. Apo mwanasikana waJakobho Dhina akachinywa, hanzvadzi dzake dzakauraya varume veguta ndokuripamba, dzichiparira Jakobho kuchema, kuti: “Manditorera mufaro, zvamandinhuwisa pakati pavanhu vanogara munyika ino.” Mwari akatoraira Jakobho kubva munharaunda macho. (Genesi 34:30; 35:1) Iwewo unogona kuparira zita rababa vako namai kunhuwa, uchivaparira kunyara kutarisana kunyange navavakidzani vavo neshamwari. Zvamazvirokwazvo, sezvinotaura Bhaibheri: “Mwanakomana benzi unochemedza baba vake, unoitira mai vakamubereka zvinovava.”—Zvirevo 17:25.

20. Chipoi chakaisvonaka icho vabereki vechiKristu vakaita kuti chiwanike kuvana vavo?

20 Tine chivimbo, zvisinei, chokuti iwe haudi kuti vabereki vako vatambure dambudzo nenhamo. Naizvozvo rangarira miuyo yamabasa ako pavari. Uyewo, kana iwe wakaropafadzwa kuva navabereki vechiKristu, funga nezveizvo vakakupa—kwete chete upenyu—asi chimwe chinhu chinokosha zvikuru. Bhaibheri rinoti nezvaJehovha: “Mutsa wenyu worudo uri nani kupfuura upenyu.” (Pisarema 63:3, NW) Kupfurikidza nokukurera muzvokwadi, vabereki vako vakaita kuti mutsa worudo waMwari uwanike kwauri, kukubetsera kuva noukama naye. Kuva naihwohwu kuri nani kupfuura kuva noupenyu humene nemhaka yokuti kunyange ukafanira kufa, Mwari achakudzorera kuupenyu husingagumi muParadhiso.

Betsera Vamwe Kukudzivisa

21. (a) Mutoroi une pwere dzinoziva nezvechakaipa chavamwe? (b) Muenzanisoi wakaisvonaka mumwe ane makore 13 okukura akagovera?

21 Zvakadiniko kana uchiziva nezvomumwe munhu ari kurarama upenyu huviri? Kutanga, kurudzira munhu wacho kusvika vakuru. Uye zvakadiniko kana iye akaramba kuita izvozvo? Ipapo mutoro wako wapaMagwaro kukushuma. (Revhitiko 5:1) Tinoziva kuti ikoku kungasava kuri nyore, asi ndiko chinhu chakarurama chokuita. “Mavanga anotemwa neshamwari angatendwa,” Bhaibheri rinodaro. (Zvirevo 27:6) Mumwe musikana ane makore 13 okukura, pashure pokunzwa hurukuro inotsanangura mutoro wake wapaMagwaro, akaenda kushamwari yaaiziva kuti yaiita chisina kururama ndokuiudza kuti inofanira kureurura kuvakuru. “Ndakaenda ndokunzvera kuzoona kana iye akanga ataura nomukuru upi noupi,” musikana wacho anotaura kudaro. “Iye akanga asati. Naizvozvo ndakaenda ndokutaura kumumwe wavo.” Musikana muduku akabvunza, kuti: “Ndakaita chinhu chakarurama here kupfurikidza nokumhangarira ‘yaichimbova shamwari yangu yapamwoyo?’” Chokwadika iye akadaro! Nepo miuyo yokukurumidza yokuita ikoku ingava inorwadza, muuyo pashure pacho unogona kuva unofadza, kunyange unoponesa upenyu kumuiti wechakaipa.—VaHebheru 12:11.

22. Inzirai yokuchenjera iyo pwere dzinokurudzirwa kutora, uye ndoupi uchava muuyo wayo?

22 Bva zvose izvozvi zvinogona kudziviswa kana usingararami upenyu huviri pakutanga. Naizvozvo iva akachenjera. Kudziridza ukama hwomunhu oga hwakasimba naMwari, sezvawaizoita neshamwari yapedyo. Ita ikoku kupfurikidza nokunyengetera kwaari nguva dzose, kupfurikidza nokukumbira betsero yake, uye kupfurikidza nokufunda nokushingaira Shoko rake, Bhaibheri, kuitira kuti ugosvika zvirokwazvo pakunzwisisa mavara ake. Pwere, ipapo muchakomborerwa uye muchaita kuti mwoyo wavabereki venyu ufare. Asi kunyange zvinotokosha zvikuru, muchaita kuti mwoyo waJehovha ufare.—Zvirevo 27:11.

Ungapindura Sei?

□ Neiko dzimwe pwere dzichirarama upenyu huviri?

□ Vamwe vabereki vanoparira sei kurarama upenyu huviri kwavana vavo?

□ Kurarama upenyu huviri kunoguma nechii chaizvoizvo?

□ Pwere dzinogona sei kudzivisa kurarama upenyu huviri?

□ Mutoroi une pwere kana dzichiziva nezvavamwe vaduku vakaita zvakaipa zvakakomba?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kutaura nechivimbo kunoratidzira rudo rwomubereki

[Mufananidzo uri papeji 20]

Kana iwe uchiziva kuti mumwe akaita mhosva yakakomba, kurudzira iyeyo kuishuma

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe