Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Zvinoitika Zvakabva Tuvalu
MASHOKO akanaka oUmambo ari kuziviswa muzvitsuwa zvakaisvonaka zveTuvalu, muSouth Pacific, uye uchapupu hwakanaka hwakapiwa kunyange kuvanhu vane nzvimbo dzakakwirira. Imwe hama yeAustralia nomudzimai wayo iri kubatira mubasa rokufambira muTuvalu inotiudza nezvechinoitika chayo:
“Mudzimai wangu neni takakokwa kuzvokudya pamusha weGurukota Guru reTuvalu. Nhambo yacho yakanga iri shanyo yeGurukota reAustralia reZvinoitika Kunze kweNyika. Mukati mezvokudya, mudzimai wangu neni takava nebanza rakaisvonaka rokupupurira kuvose vari vaviri gurukota reAustralia nomudzimai waro. Pakutisuma, Gurukota Guru rakadudza kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichiita basa rinoshamisa sei muTuvalu, zvikurukuru pamusoro peshanduro yamabhuku edu mumutauro weTuvalu. ‘Ndine makopi ezvinyorwa zvavo zvose muraibhurari yangu, uye akaisvonaka!’ iye akadaro. Vose vari vaviri gurukota nomudzimai waro vakafadzwa nokunzwa fambiro mberi yebasa redu muTuvalu.
“Gare gare mumadekwana, takapinda varaidzo yomunzvimbomo yokutamba kwamagamuchidzanwa. Pashure pezvo Gavhuna Mukuru weTuvalu akatisvika ndokududza kuti zvimwe Zvapupu zvakanga zvashanyira paanogara vhiki pamberi pezvi ndokusiya makopi amagazini eNharireyomurindi naMukai! Iye akacherechedza shure kwerimwe ramagazini kuziviswa kweNew World Translation of the Holy Scriptures ndokuda kuziva kuti aigona sei kuwana imwe munzvimbomo. Takataura kuti taizofara kumupa kopi. Svondo rakatevera racho, ndakakwira kwaanogara neBhaibheri, uye takava nekurukurirano yakaisvonaka kweinenge awa. Iye akadudza kuti aionga sei basa redu nezvinyorwa. Kutaura idi, patakasvika pamusha pake, mudzimai wake akanga achirava bhuku raKurarama Nokusingaperi muTuvalu. Naizvozvo takafara kukwanisa kupupurira kuvamwe ‘vane nzvimbo dzakakwirira.’”—1 Timotio 2:1-4.
Pane imwe nhambo Gurukota Guru reTuvalu rakashanyira Solomon Islands. Nzanga yavaTuvalu vanogaramo yakava namadyo mukukudzwa kwake. Pakati paavo vakakokwa kumadyo yakanga iri hanzvadzi imwe, iyo yakashuma chinoitika chinotevera:
“Pamhedziso yamadyo, Gurukota Guru rakabvumira banza rokubvunza mibvunzo pamusoro pezvinoitika zvazvino uno muTuvalu. Mubvunzo mumwe wakabvunzwa waiva, ‘Pane marudzidziso matsva api naapi muTuvalu here?’ Gurukota Guru rakapindura kuti ‘mune marudzidziso matsva akabvumirwa kupinda muTuvalu asi kunongova norumwe bedzi rwakanaka.’ Paakabvunzwa kuti irworwo rwaiva rwupi, iye akapindura kuti, ‘Zvapupu zvaJehovha.’
“Munhu ari wose akashamiswa nemhinduro yake, uye mubvunzo uri pachena wakamuka pamusoro pechikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zviri ‘rudzidziso rwakanaka bedzi.’ Iye akati: ‘Nemhaka yokuti vafudzi vedu vanogara pamusha zuva rose ndokungoridza bedzi bhero pamaSvondo kuti tikwire ndokuteerera kwavari. Asi Zvapupu zvaJehovha zvinouya zvomenemene kwauri, uye kunyange zvazvo ungasaenda kuchechi, izvo zvichakudzidzisa pamusoro peBhaibheri mumusha mako umene.’”
Naizvozvo, kunyange zvazvo vamwe vangatsoropodza ushumiri hwedu hwapasuo nesuo, sezvinooneka vamwe vanoonga kuendesa kwedu shoko kumisha yavo imene.—Mabasa 5:42.