Vabereki—Svikai Mwoyo Womwana Wenyu Kuvambira Paucheche
“Rambai muchirera [vana venyu] muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VAEFESO 6:4, NW.
1. Chii chakaitika mukati menhambo inotambudza zvikuru muupenyu hwaJesu?
JESU KRISTU navadzidzi vake vakanga vachienda kuJerusarema. Isiri nguva refu pamberi pezvi, panhambo mbiri dzakasiana, Jesu akanga audza vadzidzi vake kuti aizotambura zvakawanda ndokuurawa muguta iroro. (Marko 8:31; 9:31) Mukati meiyi nhambo inotambudza zvikuru nokuda kwaJesu, nhauro yeBhaibheri inoti: “Zvino vakauya navachechewo kwaari, kuti avanyangate.”—Ruka 18:15.
2. (a) Neiko vadzidzi vangave vakaedza kudzinga vanhu? (b) Jesu akaita sei kumugariro wacho?
2 Kuitai kwaivapo kuna ikoku? Eya, vadzidzi vakatuka vanhu ndokuedza kuvadzinga, pasina panikiro vachidavira kuti vakanga vachiitira Jesu zvakanaka kupfurikidza nokumudzivirira padzongonyedzo isiri madikanwa nokunetseka. Asi Jesu akatsamwira vadzidzi vake, achiti: “‘Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa’ . . . Ipapo akavafungatira mumaoko, akavaropafadza.” (Marko 10:13-16) Hungu, pasinei zvapo nezvose zvinofanira kuva zvaiva mundangariro make nomwoyo, Jesu akawanira nguva vacheche.
Chifundoi Chavabereki?
3. Chifundoi chinofanira kudzidza vabereki muichi chinoitika?
3 Chifundo muna ikoku nokuda kwavabereki chinofanira kuva ichi: Pasinei zvapo nemimwe misengwa ipi neipi zvayo yamunayo kana kuti zvinetso zvamunotarisana nazvo, kupedza nguva mune vana venyu kunofanira kupiwa nzvimbo yokutanga. Nguva inopedzwa pamwe chete ichakubvumirai kuroverera zvinokosha zvomudzimu izvo zvichataviridza mwoyo yavana venyu ndokuvapinza munzira yakarurama. (Dheuteronomio 6:4-9; Zvirevo 4:23-27) Juniki naRoisi, munhevedzano yapiwa mai nambuya vaTimotio, vakawana nguva yokumupa muraidzo uyo wakaorora mwoyo wake muduku ndokuumba upenyu hwake zvokuti akakura kuva mubatiri akazvipira waMwari.—2 Timotio 1:5; 3:15.
4. Vana vanokosha sei, uye vabereki vanofanira kuratidza sei kuti vanovaonga?
4 Vabereki vechiKristu havagoni kutsunga kuregeredza vana avo Jehovha Mwari akapa kwavari. Hungu, vana chipo chinokosha chinobva kuna Jehovha. (Pisarema 127:3) Naizvozvo pedzai nguva navo—svikai mwoyo yavo—kunyange sezvo mai nambuya vaTimotio vakagadza muenzaniso. Hamusati muchingofanira kupedza nguva bedzi muchitaura navana venyu pamusoro pomufambiro wavo nokuvaranga asi munofanirawo kudya zvokudya navo, kurava navo, kutamba navo, kuvabetsera kugadzirira kurara usiku. Iyi nguva yose inopedzwa navana venyu inokosha.
5. Ipa muenzaniso wababa akaratidza kunzwisiswa kwemitoro yake yomubereki.
5 Murume webhizimisi akatanhamara weJapan uyo akava mumwe weZvapupu zvaJehovha akaziva iri idi. Pasi pomusoro unoti, “Mukuru Wapamusoro weJNR Anorega Kuti Ave Nemhuri,” Mainichi Daily News yaFebruary 10, 1986, yakashuma, kuti: “Mukuru wapamusoro weJapanese National Railways (JNR) akasarudza kurega basa panzvimbo pokuparadzana nemhuri yake . . . Anodaro Tamura, ‘Basa romutungamiriri mukuru rinogona kutorwa nomunhu upi noupi. Asi ini ndini baba bedzi wavana vangu.’” Ko iwe unorangarira here mitoro yako yemhuri zvakakomba zvakafanana?
Chikonzero Nei Nhamburiko Chaidzo Dzichidikanwa Zvino
6. Neiko kwakaoma kwazvo kurera vana zvakafanira nhasi?
6 Zvimwe kugara nokugara munhau yavanhu hakuna kumbova kwakaoma kwazvo kudaro kurera vana munzira iyo Shoko raMwari rinoraidza, kuti, “muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4, NW) Chikonzero chaikoku ndechokuti tiri kurarama “mumazuva okupedzisira,” uye Satani namadhemoni ake vari kuparira nhamo huru nemhaka yokuti vakatsamwa, vanoziva kuti vanongova nenguva pfupi bedzi yasara. (2 Timotio 3:1-5, NW; Zvakazarurwa 12:7-12) Nokudaro, nhamburiko dzavabereki dzokurera vana vavo nenzira youmwari dziri kudziviswa no“mweya” wokufananidzira uyo Satani anoshandisa chiremera pauri. “Mweya” iwoyo, kana kuti mudzimu woudyire nokusateerera, unotekeshera somweya chaiwoiwo watinofema.—VaEfeso 2:2.
7, 8. (a) Chii chinogona kupinza terevhizheni mumusha, asi chii chinoita vabereki vazhinji? (b) Neiko kushandisa terevhizheni somureri womwana kuri kuregeredzwa kunosuruvarisa kwomutoro wavabereki?
7 Terevhizheni, zvikurukuru, inopinza mumusha uyu “mudzimu wenyika,” uyu “mweya” une chepfu. (1 VaKorinte 2:12) Zvomenemene chinooneka muterevhizheni chinowanzopesvedzerwa zvakasimba kwazvo norutivi rune simba rwoutere nerwevatano yavane mitezo mimwe cheteyo yevatano rwevaraidzo. (VaRoma 1:24-32) Vana venyu vanotapurwa zvikuru nokufunga kusiri kwoumwari netsvina youtere inoratidzirwa, kunyange sezvo vanoitwa kumweya chaiwoiwo wakashatiswa. Asi chii chinoita vabereki vazhinji?
8 Ivo vanoshandisa terevhizheni somureri womwana. “Kwete zvino, mudiwa. Ndakabatikana. Enda undotarira terevhizheni,” ivo vanoudza vana vavo kudaro. Mushamarari weterevhizheni akatanhamara anotaura kuti aya ndiwo “mashoko anowanzotaurwa zvikurusa mumhuri dzakawanda dzeAmerica.” Asika kuendesa vana kundoona chipi kana chipi chingava muterevhizheni kunoguma, chaizvoizvo, nokuvaita kuti vaite madiro. (Zvirevo 29:15) Kunoumba kuregeredzwa kunosuruvarisa kwomutoro wavabereki. Sezvakataura uyu mushamarari pamusoro pokurera vana, kuti: “Iri basa rokuva mubereki rinopedza nguva uye mutoro mukuru uye ungasapiwa, zvamazvirokwazvo kuterevhizheni.”
9. Pashatisoi apo vana zvikurukuru vanoda dziviriro?
9 Zvisinei, nemhaka yedzvinyiriro yenguva dzatiri kurarama madziri, ungakombamira, sezvakanga zvakaita vadzidzi, kudzinga vana kuitira kuti ugogona kuita ringafungwa nezvaro sebasa rinokosha zvikuru. Asi chii chinokosha zvikuru kupfuura vana vako umene? Upenyu hwavo hwomudzimu huri mungozi! Ungayeuka kuti apo tsaona yenyukireya yeChernobyl yakaitika muSoviet Union muna 1986, vana vakabviswa munharaunda macho kuvadzivirira mukushatisa kwacho. Nenzira yakafanana, kana uchizodzivirira utano hwomudzimu hwavana vako, unofanira kuvadzivirira pa“mweya” wenyika une chepfu, uyo unowanzobudiswa kwazvo muterevhizheni.—Zvirevo 13:20.
10. Ndimamwe manyukoi o“mweya” une chepfu ari ngozi kuvana, uye muenzanisoi weBhaibheri unoratidzira ikoku?
10 Kune mamwe manyuko o“mweya” une chepfu, zvisinei, ayo anogona kuparadza zvinokosha zvetsika ndokuomesa ndangariro duku. Songaniro isakafanira navana vomunzvimbomo nokuchikoro inogona kutsvikinyidzirawo kunze zvokwadi dzeBhaibheri dzakasimwa mumwoyo minyoro. (1 VaKorinte 15:33) Chifundo chinogona kuwanwa mumwanasikana muduku waJakobho Dhina, uyo “aisibuda kundoona vanasikana venyika” uye, somuuyo, akachinywa nerimwe ramajaya. (Genesi 34:1, 2, NW) Vana vanofanira kusanoraidzwa ndokurovedzwa kudzivisa hunza dzetsika dzenyika iyo yakatoipa zvikuru kwazvo nhasi kupfuura zvayakanga yakaita panguva iyoyo.
Chikonzero Chokurovedza Kuvambira Paucheche?
11. (a) Rovedzo yavabereki inofanira kuvamba rini? (b) Miuyoi yakaisvonaka inogona kukarirwa?
11 Asi rovedzo yavabereki inofanira kuvamba rini? Bhaibheri rinotaura kuti Timotio akagamuchira iyi rovedzo “kubvira paucheche.” (2 Timotio 3:15) Nenzira inofadza, breʹphos, shoko rechiGiriki pano, rinowanzoshandiswa pamusoro pomwana asati aberekwa, sapana Ruka 1:41, 44. Ipapo mucheche Johane akataurwa kuva akakwakuka mukati medumbu ramai vake. Asi breʹphos anoshandiswawo pamusoro pavana vakanga vachangobva kuberekwa vechiIsraeri vane upenyu hwakatyisidzirwa muEgipita munguva iyo Mosesi akaberekwa. (Mabasa 7:19, 20) Muchinoitika chaTimotio, shoko racho rinonongedzera zvakajeka kumuchechewo zvake, kana kuti mwana, uye kwete chete kumwana muduku. Timotio akagamuchira muraidzo unobva mumanyoro matsvene kuvambira kure shure apo yeuko yake yaigona kusvika, kuvambira panguva apo iye aingova zvake mwana. Uye nemiuyo yakaisvonaka zvakadini! (VaFiripi 2:19-22) Bva, ko vana vachangobva kuberekwa vanogona chaizvoizvo here kubetserwa nokudzidzisa kwapakuvamba kwakadaro?
12. (a) Ndirini apo vacheche vangavamba kupinza pfungwa namashoko? (b) Vabereki vanofanira kuvamba kugovera muraidzo womudzimu nokuda kwavana vavo rini uye sei?
12 “Chimwe chezvinoitika zvinoshamisa zvikurusa munzvimbo yose yokufunda kushanda kwendangariro inzwisiso yedu itsva yamano makuru omucheche okudzidza,” akashuma kudaro Dr. Edward Zigler, purofesa weYale University, muna 1984. Kutaura idi, magazini inonzi Health inoti: “Vana vachiri mudumbu vangakwanisa kuona, kunzwa, kuravidza—uye ‘kunzwa’ mirangariro, nzvero itsva inokarakadza kudaro.” Sezviri pachena, vabereki havatongogoni kunyanyokurumidza kutanga kuraidza vana vavo. (Dheuteronomio 31:12) Ivo vanogona kutanga kupfurikidza nokuratidza vana vavo mifananidzo yomumabhuku uye kugoverana nhau navo. “Makore anokosha,” anodaro Masaru Ibuka, munyori webhuku rinonzi Kindergarten Is Too Late, “ndiwo makore anovambira pakuberekwa kusvika kumatatu.” Ikoku imhaka yokuti ndangariro duku haitani kurovedzwa zvikuru, inopinza mashoko nenyore zvikuru, sezvinoratidzirwa nokukurumidza kubata kwomucheche mutauro mutsva. Purofesa mudzidzo yapakuvamba youduku hwapakuvamba wapaUnivhesiti yeNew York akatotaura kuti “vabereki vanofanira kuvamba kudzidzisa vana kurava panguva yavanovaunza kumusha vachibva muchipatara”!
13. Chii chinoratidzira mano avacheche okudzidza?
13 Vamwe amai veCanada vanonyora pamusoro pamano omwana wavo okudzidza, vachiti: “Rimwe zuva ndakanga ndichiravira nhau yomuBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri mwanakomana wangu ane makore mana nehafu okukura, Shaun. Sezvandakatindika pane rimwe pfundo, ndakawana kukushamiswa kwangu kuti iye akavamba kupfuuridzira nhau yacho, shoko neshoko, sezvainooneka mubhuku Renhau dzeBhaibheri. . . . Ndakaedza imwe uye ipapo imwe, uye iye akanga adzidza nomusoro iri yose. . . . Iye akadzidza nomusoro zvomenemene, shoko neshoko, nhau 33 dzokutanga, kubatanidza mazita akaoma enzvimbo navanhu.”a
14. (a) Ndivanaani vasingashamiswi nezvinoita vacheche? (b) Chii chinofanira kuva nharidzano yavabereki vechiKristu? (c) Vana vanofanira kugadzirirwa nokuda kwechii, uye nei?
14 Avo vakasanorovedzana namano avacheche okudzidza havashamiswi nezviito zvakadaro. “Nyika ingagona kuzara navangwaru vakuru vakafanana naEinstein, Shakespeare, Beethoven naLeonardo da Vinci kana tikadzidzisa shiye panzvimbo pavana,” anodaro Dr. Glenn Doman, mutungamiriri weThe Institutes for the Achievement of Human Potential. Chokwadika, nharidzano yavabereki vechiKristu haisi yokuita vangwaru vakuru asi kusvika mwoyo yavana vavo kuitira kuti vana vasatongobve pakubatira Mwari. (Zvirevo 22:6) Nhamburiko dzakadaro dzinofanira kuitwa nguva refu mwana asati apinda chikoro, kumugadzirira nokuda kwemiedzo yaachatarisana nayo ikoko. Gadziriro dzeKirechi kana kuti dzokutarisira vana mukati mezuva, somuenzaniso, dzinosimbisa mapati amazuva okuberekwa namazororo izvo zvinogona kuva zvinofadza nokuda kwavana. Naizvozvo mwana anoda kunzwisisa chikonzero nei vabatiri vaJehovha vasingatori rutivi. Kukasadaro iye angasvika pakuvenga rudzidziso rwavabereki vake.
Masvikirwe Omwoyo Womwana
15, 16. Chii chinogona kushandisa vabereki kuvabetsera kusvika mwoyo womwana wavo, uye idzi gadziriro dzinogona sei kushandiswa nenzira inobudirira?
15 Kubetsera vabereki kusvika mwoyo womwana wavo, zvinyorwa zvakadai saKuteerera Kuno Mudzidzisi Mukuru zvakagoverwa neZvapupu zvaJehovha. Iri bhuku rinotaura pamusoro pamapati uye kuti “iwo anogona [sei] kuva mufaro mukuru” muganhuro yacho inoti “Varume Vairi Vakachengeta Mazuva Okuberekwa.” Bva ganhuro yacho inotsanangura kuti mapati maviri bedzi amazuva okuberekwa anodudzwa muBhaibheri akachengetwa navahedheni, avo vakanga vasinganamati Jehovha, uye kuti papati imwe neimwe ‘musoro womumwe munhu wakagurwa.’ (Marko 6:17-29; Genesi 40:20-22) Unogona sei kushandisa aya mashoko kusvika mwoyo womwana wako?
16 Unogona kushandisa mutoo unofadza webhuku raMudzidzisi Mukuru nokutaura, kuti: “Zvino, tinoziva kuti chinhu chiri chose chiri muBhaibheri chirimo nokuda kwechikonzero.” Ipapo bvunza, kuti: “Naizvozvo, chii chawaizotaura kuti Mwari ari kutiudza pamusoro pamapati amazuva okuberekwa?” Mwana wako nokudaro anobetserwa kurangarira pamusoro penhau yacho ndokusvika mhedziso dzakarurama. Kunze kwebhuku raMudzidzisi Mukuru, mamwe mabhuku akagoverwa nokuda kwokushandiswa navabereki, kubatanidza Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri uye nhevedzano ye“Upenyu hwaJesu Noushumiri” iyo yakaoneka muchinyorwa chimwe nechimwe cheNharireyomurindi chibviro chaSeptember 1985. Ko iwe wave uchishandisa idzi nyaya here kudzidzisa vana vako pamwe chete newe umene?
17. Zvikarakadzoi zvinoshanda zvinopiwa pano kuvabereki?
17 Nomwana wako, unofanira kufunda wafundazve mashoko ayo anofukidza nhau nemigariro zvaachatarisana nazvo muchikoro. Ita kuti mwana wako azive kuti mose muri vaviri munozvidavirira kuna Jehovha. (VaRoma 14:12) Simbisa zvinhu zvakanaka Jehovha anotiitira, nokudaro uchisunda mwoyo muduku womwana kuda kufadza Jehovha. (Mabasa 14:17) Ita kuti marusando okudzidza ave nguva inofadza. Vana vanoda nhau, naizvozvo shanda chaizvoizvo pakupa muraidzo nenzira yakamuka iyo ichasvika mwoyo womwana wako. Mhuri dzakawanda dzinopotsa banza rinoshamisa ramarusando akadaro kupfurikidza nokukundikana kuva nezvokudya nguva dzose pamwe chete. Imi munodya pamwe chete semhuri here? Kana musati, munogona here kururamisa mugariro wacho?—Enzanisa naMabasa 2:42, 46, 47.
18, 19. (a) Vabereki vanofanira kuronga sei kudzidziswa kwavana vavo, uye chii chisingagoni kusimbiswa zvinopfuurezvi? (b) Mativii omuenzaniso wazvino uno werovedzo yavabereki anokuorora, uye chii chaunodavira kuti chingava muuyo kana mubereki akaashandisa?
18 Rusando rwokudzidza rwunofanira kugadziridzirwa kuzera romwana. Naizvozvo nomucheche, ane hurefu hwengwariro hwakaganhurirwa, iva nechiverengero chakati chamarusando mapfupi zuva nezuva. Ipapo, nenzira inofambira mberi, arebese zvikuru uye futunura zviri mukati mawo. Kukosha kwokuva nenhambo dzenguva dzose dzokudzidzisa mwana wako hakumbogona kusimbiswa zvinopfuurezvi. (Genesi 18:19; Dheuteronomio 11:18-21) Mumwe baba, zvino ava namakore ari mumakumi manomwe, akagadza muenzaniso wakaisvonaka mukurera mwanakomana wake, uyo zvino ari mukuru wechiKristu. Makore apfuura iye akarondedzera gadziriro yake, achitsanangura, kuti:
19 “Apo mukomana wedu akanga ava nerinenge gore rimwe ndakavamba kumuudza nhau dzeBhaibheri panguva yokurara, dzinorondedzerwa nenzira yakafutunurwa, yakaisvonaka yokuita pesvedzero yakajeka. Nokukurumidza paakavamba kutaura mugore rake rechipiri taipfugama parutivi pomubhedha wake uye taimuita kuti adzokorore pashure pangu, chitsama chamashoko nechitsama chamashoko, ‘Munyengetero waShe.’ . . . Paakanga ava namakore matatu ndakavamba kuva nefundo yeBhaibheri yenguva dzose naye . . . Iye aitevera mubhuku rake, achidzokorora zvinonzwika mashoko acho pashure pangu. Iye nokudaro akasvika pakududza mashoko zvakanaka ndokudzidza kududza zvakajeka kunyange mashoko makuru. . . . Kuyamura mukuita kuti zvokwadi dzeBhaibheri dzinyure zvikuru mumwoyo make, paakanga ava namakore matatu takavamba kumuita kuti adzidze nomusoro magwaro akapfava eBhaibheri. Pakasvika nguva yaakapinda kirechi aiziva magwaro anenge makumi matatu, uye September apfuura paakatanga giredhi rokutanga iye akanga adzidza nomusoro magwaro makumi manomwe. . . . Mwanakomana wedu asati arara ndinomuita kuti adzokorore mamwe amagwaro ake. Nenzira yakafanana paanomuka mumangwanani iye anowanzodudza magwaro eBhaibheri mashomanene sorutivi rwekwaziso dzake dzezuva.”
20. Chii chinofanira kubatanidzwa mugadziriro yokudzidzisa, uye mwana anogona sei kufarikanya ushumiri hwapaimba neimba?
20 Gadziriro yokudzidzisa inofambira mberi yakadaro, kubatanidza muenzaniso wakafanira wavabereki nokushandiswa kwechirango kwenguva dzose, zvichagovera mwana wenyu mavambo muupenyu ayo achaonga nokuda kwawo nokusingaperi. (Zvirevo 22:15; 23:13, 14) Rutivi runokosha rwegadziriro yacho runofanira kuva kurovedza muushumiri hwapachena kuvambira pazera rapakuvamba. Kuite chinoitika chinofadza kupfurikidza nokugadzirira mwana wako kuva negoverano ine revo. Baba vadudzwa pamusoro apa vakatsinhirazve pamusoro pomwanakomana wavo, kuti: “Mano ake okunokora magwaro anomuita kuti ave anobudirira zvikuru muushumiri hwapaimba neimba, sezvo vanasaimba vazhinji vachishamiswa uye vasingagoni kudzivisa chinogoverwa chamagazini eBhaibheri chaanogovera. Iye agoverana muiri basa rechiKristu chibviro chaapo aiva namakore matatu okukura, uye zvino [pazera ramakore 6] anobudirira zvikuru kazhinji kazhinji mukugovera mabhuku eBhaibheri vanhu kupfuura mudzimai wangu neni.”—Mukai! wechiNgezi, January 22, 1965, mapeji 3-4.
21. (a) Chii chiri chipo chakanakisisa vabereki vanogona kusiira vana vavo? (b) Ipangiroi inopiwa vabereki, uye chii icho vabereki vose vane vana vaduku vanofanira kuva vachiva nacho?
21 Zvirokwazvo, vabereki vechiKristu vane nhaka inoshamisa, zivo yaJehovha, yokusiira vana vavo uye nayo kariro youpenyu husingagumi, rugare, uye mufarwa munyika itsva ine mbiri. (Zvirevo 3:1-6, 13-18; 13:22) Kupfuura zvose, mumwoyo yavaduku venyu vakai chivimbo muuzvokwadi hwenguva yemberi iyoyo yakaisvonaka, pamwe chete nechishuvo chokubatira Jehovha. Itai kuti kunamata kwechokwadi kuve chinoitika chomuzvarirwo nechinofadza nokuda kwavo. (1 Timotio 1:11) Rovererai chivimbo muna Jehovha kuvambira paucheche. Uye, aiwa, musatongoregeredza marusando okudzidza enguva dzose navo! Ipai iwawa nzvimbo yenyu yokutanga zvikurusa, muchinzverazve nguva dzose kuti mashokoi vana venyu vanoda uye kuti munogona zvakanakisisa sei kusvika mwoyo yavo navo. Imi makabatikana uye makadzvinyirirwa; Satani nenyika yake vanoita ikoko. Asi yeukai muenzaniso waJesu! Musatongova vakabatikana zvokusagona kuva nefundo yenguva dzose navana venyu!
[Mashoko Omuzasi]
a Nguva refu iye asati agona kurava, akanga adzidza nhau idzodzo nokungoteerera chete kumakaseti akarekodhwa ebhuku racho.
Ungapindura Sei?
□ Hufakazii hweBhaibheri hunoratidza kuti vabereki vanofanira kupa nzvimbo yokutanga kuzvinodikanwa zvavana vavo?
□ Neiko nhamburiko chaidzo dzinoitwa navabereki zvino dzichidikanwa mukudzivirira vana vavo?
□ Neiko kuchikosha kwazvo kuti vana varovedzwe kuvambira paucheche?
□ Ndezvipi zviri zvikarakadzo zvinoshanda zvavabereki mukusvika mwoyo womwana wavo?
□ Chii icho vabereki vechiKristu vasingatongofaniri kuregeredza?
[Mufananidzo uri papeji 12]
Rovedzo yavabereki haigoni kunyanyokurumidza kutanga