Jesu Kristu—ndiMwari, Munhu, Kana Kuti Ngano Here?
CHINOITIKA chenziyo dzerock icho chakatanga muBroadway muNew York City muna 1971 chakabvumikisa kuva chinomutsa nharo, sezvachakabata nenhau yorudzidziso. Asi zvimwe nhau yacho yakanga isingamutsi nharo kupfuura zvakanga zvakaita kuzivikanwa kwomutambi wacho mukuru.
Imwe yenziyo dzakakurumbira dzeichi chinoitika chenziyo yakabvunza, kuti: “Jesu Kristu Nyanzvi, unofunga here kuti uri zvavanotaura kuti uri?” Ndiani uyo vanhu shure muzana rokutanga ramakore vakati Jesu akanga ari? Jesu amene akabvunza vadzidzi vake mubvunzo iwoyo uye akagamuchira mhinduro dzinoverengeka dzakasiana-siana. (Mateo 16:13, 14) Nhasi, anodokusvika makore 2 000 gare gare, kuzivikanwa kwaJesu Kristu kuchiri kunomutsa nharo.
Kunokosha chaizvoizvo here kuti Jesu akanga ari ani? Muuyoi unogona kuva nokuzivikanwa kwake patiri? Eya, vanhu vakatanhamara vomumazuva apfuura vakaumba nhau yenyika, nokudaro vachititapura tose zvedu, kana kuri nenzira isina kunanga bedzi. Asi nhasi ivo vakafa. Nokudaro, kunyange zvazvo vakatitapura neizvo ivo vakaita, ivo havambogoni kutitapura neizvo vari kuita.
Zvisinei, nezvaJesu Kristu, mugariro wacho wakasiana chose chose. Mamirioni anodavira, uye ane hufakazi hwakasimba hwechitendero chakadaro, kuti Jesu mupenyu zvikuru nhasi, kwete somunhu pasi pano asi somudzimu une simba mudenga. Icho Jesu ave achiita, zvikurukuru muzana rino ramakore rechi 20, chakava nomuuyo mukuru pavanhu vose. Uyezve, muuyo waJesu paupenyu hwedu hauna kuganhurirwa kuizvo akaita munguva yakapfuura. Iwo unobatanidza izvo ari kuita panguva ino uye, nomufaro, zvaachaita munguva yemberi.
Tichidzokera kumusoro wedu: Jesu Kristu—ndiMwari, munhu, kana kuti ngano here? Iwe unofungei? Jesu Kristu wengano aizoreva kuti akanga asiri Mwari kana kuti munhu, kuchiita kuti imwe rangariro ive isina maturo. Pano rumwe rutivi, tinofanira kuva vanodisa kudzidza pamusoro paJesu uyo ari mupenyu uye uyo akapiwa simba naMwari rokuunza betsero dzisingagumi kurudzi rwomunhu.