RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 6/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mashoko Akafanana
  • “Makatengwa Nomutengo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Hondo Yenguva Refu Yokupedza Uranda
    Mukai!—2002
  • Ivai Varanda vaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Muenzanisiro Wamatarenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 6/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ Nemhaka yamashoko aJesu ari pana Johane 15:15 (NW), ko maKristu anofanira kuzvirangarira amene sa“varanda” vake here, kana kuti tinogona here kuzvirangarira timene kuva “shamwari” dzake?

Tinogona uye tinofanira kuva zvose zviri zviviri. Kuti tione chikonzero nei, ngaticherechedzei izvo Jesu ipapo akataura kuvaapostora vake vakatendeka pausiku hwake hwokupedzisira anavo:

“Hakuno munhu ane rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu arashire [shamwari (NW)] dzake upenyu hwake. Imi muri [shamwari (NW)] dzangu, kana muchiita zvandinokuraira ini. Handichakuidzii varanda; nokuti muranda haazivi zvinoitwa naShe wake; asi ndinokuidzai [shamwari (NW)]; nokuti zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu, ndakakuzivisai izvo.”—Johane 15:13-15.

Kutanga, chii chakareva Jesu nokutaura kuti vadzidzi vake vakavimbika vakanga vari varanda? Iye haana kureva varanda mupfungwa yokuti vazukuru vose vohunhu vaAdhama vanoberekwa vasina kukwana, nokudaro vakatengeswa kana kuti vakapinzwa muuranda kuchivi. (Johane 8:34; VaRoma 5:18, 19; 6:16; 7:14) SenamaKristu chibviro chenguva iyoyo, vaapostora vaimbova vakaiswa muuranda nenzira iyoyo, asi chibairo chaJesu chaizogovera mutoo wokuvasunungura, kana kuti kuvanunura. (1 Petro 1:18, 19; VaGaratia 4:5) Bva, ivo havana ipapo kuva vakasununguka chose chose. Seizvo muapostora Pauro akanyora gare gare, ivo “vakatengwa nomubairo,” ropa raJesu, naizvozvo vakava varanda vaMwari navaKristu.—1 VaKorinte 6:20; 7:22, 23.

Pano Johane 15:15 Jesu akanga asiri kukarakadza kuti vaapostora vakatendeka avo vaizokurumidza kugamuchira mudzimu mutsvene ndokuva maKristu akazodzwa vakanga vasati vachiri varanda. (Enzanisa naJohane 15:20.) Chokwadika, uranda kuna Mwari kupfurikidza naKristu hahudzvinyiriri uye hahuurayi. Ihwo ndohworudo uye hunochengeta upenyu. (2 Timotio 4:8; Tito 1:1, 2) MuKristu anogamuchira nomufaro ukoshi hweropa raKristu uye anova muranda waMwari aizotarisana norufu rwechigarire bedzi kana iye gare gare akaramba chibairo ichocho ndokuzvipa amene zvakare kuchivi, achiva muranda wacho zvakare. (VaGaratia 1:10; 4:8, 9; VaHebheru 4:4-6) Nokudaro, vadzidzi vaJesu vaizopfuurira kuva varanda vaMwari navaKristu, asi ivo vakanga vachitova vanopfuura varanda. Neiko?

Jesu navaapostora vakanzwisisa kuti shure panguva iyeyo, muukama hwaiwanzova husina ushamwari kana kuti hwomuitiro hwatenzi nomuranda, ‘muranda haasati aizoziva chinoita tenzi.’ Kazhinji kazhinji, tenzi wohunhu haasati aizokurukura nomuranda wake akatengwa, uyewo haasati aizozivisa kwaari mifungo yake yechivande nemirangariro.

Tinogona kuona mumashoko aJesu, kunyanguvezvo, kuti kwakanga kwakasiana navaapostora. Iye akati: “Ndinokuidzai [shamwari (NW)]; nokuti zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu, ndakakuzivisai izvo.” (Johane 15:15) Hungu, sezvinozivikanwa navose pakati peshamwari dzinodana, Jesu akanga awadzanyura kwavari udzame nenzwisiso izvo zvakanga zvave zvakavandika. (Mateo 13:10-12; 1 VaKorinte 2:14-16) Kunyange zvazvo vakanga vachiri vabatiri, kana kuti varanda, vaMwari kupfurikidza naJesu, vaapostora vakafarikanya kuva pedyo kwoushamwari uko kwakavaratidzirawo seshamwari dzinovimbwa. (Enzanisa nePisarema 25:14.) Ikoko kunogona uye kunofanira kuva kwechokwadi nezveduwo. Iropafadzo yakadini kuva navaTenzi vari kudenga Avo vanotibata savavimbwi vanovimbwa navanoremekedzwa, seshamwari!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe