Sema Chose Chose Nzira Inonyadzisa Yenyika
“Nemhaka yokuti hamusati muchipfuurira kufamba navo muiyi nzira inoenda kuushati hukuru humwe chetehwo, vanoshamiswa ndokupfuurira kukutukai.”—1 PETRO 4:4, NW.
1. Bhaibheri rinorondedzera sei nzira yekare yenyika umo maKristu akawanda omuzana rokutanga ramakore akanga achifamba?
“USHATI hukuru.” Iyoyo ndiyo nzira iyo muapostora Petro anorondedzera nayo mugariro unonyadzisa maiva navazhinji muzana rokutanga ramakore vasati vava maKristu. Dzimwe shanduro dzinotaura nezvayo se“doro rouipi” (The New American Bible); “nzvimbo youtere” (The New Testament, yakanyorwa naKleist naLilly). Chii chakanga chiri muushati hukuru ihwohwu? Muapostora anodudza nenzira yakananga kusazvibata, ruchiva, kunyanyonwisa waini, mitambo yokuzvifadza, mapitse okunwa, uye kunamata zvidhori kusingabvumirwi.—1 Petro 4:3, 4.
2. Neiko maKristu nhasi achifanira kurumbidzwa?
2 Musiano wakadini uripo pakati penyika ino neungano yechokwadi yechiKristu! Petro akarumbidza noushamwari maKristu ayo akanyorera nokuda kwokusapfuurira kufamba nedzaichimbova shamwari dzawo dzenyika muiri doro, iyi nzvimbo, youshati. Kunotifadza zvikuru kwazvo kupa rumbidzo yakafanana kumaKristu nhasi, apo migariro inotova yakaipa zvikuru kupfuura zvayakanga yakaita muzana rokutanga ramakore. Zvapupu zvaJehovha zviri kushandisa nhamburiko yokushingaira kuti zvishandise kunamata kwakachena nokusina kusvibiswa kunotenderwa naMwari wedu uye Baba, uko kunobatanidza ‘kuzvichengeta umene usina ruvara runobva munyika.’ (Jakobho 1:27) Mupimo wazvo wetsika wakakwirira unounza rukudzo rukuru kuzita raJehovha.
3. Chii chaiva chisakiso chorusuruvaro kuna Pauro, sezvachakaitawo kwatiri nhasi?
3 Kuti vachengete mupimo wavo wakakwirira sesangano rakachena, zvisinei, vanhu vaJehovha pane dzimwe nguva vanofanira kutsiura kana kuti kunyange kudzinga vashomanene zvikuru vanozvibvumira vamene kunyengedzwa ndokudzokera mumiitiro yakashata yenyika ino. Ichi chisakiso chorusuruvaro, uye tinonzwa sezvakaita muapostora Pauro apo akaona mugariro wakafanana muzana rokutanga ramakore. Iye akanyora, achiti: “Nokuti vazhinji, vandakakuudzai zvizhinji, nazvino ndinokuudzai nokuchema, vanofamba vari vavengi [vedanda rokutambudzira raKristu]; kuguma kwavo ndiko kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, vanozvirumbidza pamusoro pezvinonyadzisa zvavo, vanofunga zvenyika.” (VaFiripi 3:18, 19) Isu tinogona sei, savanhu vamwe navamwe, kudzivisa kuitika kwechinhu chakadaro kwatiri? Kupfurikidza nokudzidza kutevedzera Jesu mukuda mipimo yakakwirira yaJehovha yokururama uye kupfurikidza nokuvenga kusachena kwenyika ino.—VaHebheru 1:9.
Usatarira Shure
4. (a) Neiko pano kubvira kwokunyengedzwa kwedu kutendeukira kumiitiro yakashata yenyika ino? (b) Chii chichatibetsera kudzivisa kuvaka chishuvo chakaipa?
4 Usatongorerutsa simba rechivi. Zvinokwezva zvenyika ino zvakasimba uye zvakawanda; Dhiabhorosi ane manomano uye akashata; mwoyo womunhu unonyengera. (1 Johane 2:15-17; 1 Petro 5:8; Jeremia 17:9) Apo mwoyo unova wakasimba muchishuvo chawo chechimwe chinhu, iwo kazhinji kazhinji hauteereri kurangarira. Ndokusaka tichigamuchira zviyeuchidzo zvakawanda kwazvo muShoko raMwari zvokutibetsera kuchengeta mwoyo yedu yakazvipira kuna Jehovha nokuitwa kwokuda kwake. Kunokosha zvikuru kusarega chishuvo chakaipa chichimbovamba kukura mumwoyo. (Jakobho 1:14, 15; Mateo 5:27-30) Tinofanira kuramba tichisimbisa mwoyo yedu nezvikonzero nei tichifanira kuda chiri chakarurama ndokusema chose chose nokuramba nzira dzine tsvina dzenyika ino. Muapostora Pauro akakupeta neiyi nzira, achiti: “Rudo ngarurege kuva nokunyengera. Vengai zvakaipa, namatirai zvakanaka.”—VaRoma 12:9.
5. Nei kuri kuchenjera kusanonzvera vavariro dzedu nezvishuvo?
5 Nemhaka yengozi yokubva munzira yechiKristu, kuchenjera kuti mumwe nomumwe wedu apfuurire kunzvera vavariro dzedu, zvishuvo zvedu, nharidzano dzedu. Ko iwe pachako wakafanana namaKristu aye ayo Petro akakwanisa kurumbidza nokuda kwokusadzokera ku“ushati hukuru” humwe chetehwo here? Kana kuti ko iwe padzimwe nguva unoratidzira chimiro chomudzimai waRoti, uyo akatarira shure nokudisa pazvinhu zvaakanga anunurwa mazviri here?—Genesi 19:26; Ruka 17:31-33.
Uipi Hwakawanda Mu“mazuva Okupedzisira”
6, 7. (a) Chimiroi kumufarwa chinotaura Bhaibheri kuti chaizoratidzira “mazuva okupedzisira”? (b) Vanhu venyika vanoratidzira sei kufunga kwavo kusina kuchena namabasa?
6 Funga kwechinguvana pamusoro penyika matinozviwana timene tiri pamugumo wezana rino ramakore rechi 20. Huipi hwakawanda zvakadini! Sezvo muapostora Pauro akadeya kutaura, varume navakadzi “vadi vemifarwa panzvimbo pokuva vadi vaMwari.” Zvamazvirokwazvo, ‘vanhu vakaipa navanyengeri vanobva pakushata kusvikira pakuipa zvikuru, vachitsausa nokutsauswa.’—2 Timotio 3:1, 4, 13.
7 Upombwe, ufeve, vatano yavanhu vane mitezo mimwe cheteyo yevatano, vakadzi vanovatana, nokubvisa pamuviri—mashoko iwawa namamwe azova kutaura kunozivikanwa navose. Zvinhu zvakadaro zvinotaurwa norusununguko uye nokutendera munhepfenyuro neterevhizheni uye mumasangano orudzidziso needzidzo. Mabhuku outere ibhizimisi guru uye anowanika nyore nyore kuvose. Mamwe amabhaisikopo akakurumbira zvikurusa, mitambo yapachikuva, uye mitambo yomunhepfenyuro inopfuurira yezvinetso zvemhuri zvinobatanidza nyaya dzakabatanidzwa noutere hworudzi rwakati. Tinoonga sei kusava rutivi rwaikoku! Uye tinofanira kurwa zvakaoma sei kuti tive nechokwadi chokuti paradziro yakadaro haitapuri mwoyo yedu!
8. Pamusoro pemiitiro youtere yenyika ino, chii chinotaura Bhaibheri kuti tinofanira kuita uye kusafanira kuita?
8 MaKristu akachenjera anoteerera nyevero yaPauro, inoti: “Upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; . . . Muchiidza muzive zvinofadza Ishe. . . . Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera.” Panzvimbo pezvo, Pauro akati, tinofanira kufunga pamusoro pezvinhu zviri zvechokwadi, zvakarurama, zvakachena, zvinodikanwa, nezvakanaka.—VaEfeso 5:3-16; VaFiripi 4:8.
9. Chii chinogona kusatana kuitika kana tikasarudza varaidzo inopanikirika?
9 Ko iwe unosanochengeta iri zano rakanaka mundangariro pakusarudza varaidzo here? Yeuka, tikateerera zvikuru zvinhu zvakashata, mutoo woupenyu hwenyika unoratidzika kuva unogamuchirika zvikuru, usina kutongoipa kwazvo kudaro. Tingatovamba kuyemura pachivande kana kuti kutevedzera vakatanhamara mumitambo kana kuti varaidzo vari kushandisa zvinhu zvakadaro. Ngwarira kombamiro ipi neipi yakadaro.
Usabatwa Nokurangarira Kwenyika Ino
10. Ndohupi hwaiva uzivi hwoupenyu hwaishandiswa navaEpikuro vezana rokutanga ramakore?
10 Muzuva raPauro vazhinji vaitsigira uzivi hwavaEpikuro, avo vairaramira mufarwa, kugutsa pfungwa. Apo rufu runokusvikira, ivo vaiti, chinhu chiri chose chapera kana toreva nezvako. Naizvozvo kuregerereiko kuwana mufarwa uri wose unobvira muupenyu uchiri mupenyu, nokuti mangwana ungadaro ukafa.
11. Vanhu vazhinji venyika nhasi vanotevedzera sei vaEpikuro mukufunga kwavo namabasa?
11 Vazhinji nhasi vane chimiro chimwe chetecho. Ivo nokusanyara vanozvipinza vamene mumifarwa yorudzi rwuri rwose, nomufungo muduku pamusoro pokuti mufambiro wavo unotapura sei vamwe. Kwavari, Mwari haapo, kana kuti kana aripo, haapi hufakazi hwokuitira hanya zvinhu zvavanhu. Sezvo munhu ari muuyo wemhindumupindu—sezvavanodaro—ivo chaizvoizvo havafaniri kuzvidavirira kumunhu upi noupi kunze kwavo vamene nenzanga mavanogara. Kunotova nepembedzo yokuita semhuka. Kana miitiro youtere iyo Bhaibheri rinoshurikidza ichiunza mufarwa kupfungwa, zvirokwazvo haifaniri kushurikidzwa. Kuraramireiko upenyu hwokuzvinyima nekangaidziko, vanhu vakadaro vanorangarira kudaro, apo tose zvedu tinogumira munzvimbo imwe cheteyo—guva?
12, 13. (a) Chii chiri ngozi kana maKristu akaratidzirwa kukurangarira kwenyika? (b) Ndechipi chaiva chisakiso chechinetso muKorinte? (c) Chii chinofanira kuitwa kutidzivisa kutapurwa nomurangariro woudyire woupenyu?
12 Kunocherechedzwa kuti mamwe maKristu aiva muKorinte anoratidzika kuva akatapurwa norudzi urwu rwokurangarira. Mukunyorera ungano yaivamo, Pauro akabvuma kuti “kana vakafa vasingamutswi,” ipapo kwaizova nomufungo kukutaura kunozivikanwa navose kwezuva racho: “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.” Asi iye anokurumidza kufumura uku kurangarira kunonyengera: “Musatsauswa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka. Pengenukai zvakarurama, murege kutadza, nokuti vamwe havazivi Mwari; ndinotaura izvi kuti munyadziswe.”—1 VaKorinte 15:32-34.
13 Cherechedza kuti Pauro anosvika sei chaizvo kuchisakiso chechinetso chamaKristu iwayo eKorinte. Kufunga kwawo kwakaipa kwakabva musonganiro yakashata. Tinogona kudzidza muna ikoku. Kana tisingangwariri, tinogona kuvamba kufunga kuti tinofanira kuravira mifarwa inorambidzwa tisati tanyanyokwegura zvokusagona kuifarikanya kana kuti tisati tafa. Kana tine chimiro chakati chokurangarira neiyi nzira, tinofanira kukurumidza kuchinja nzira yedu yokufunga. Seiko? Yeuka kuti uyu murangariro woudyire unofuratira mipimo yakarurama yaMwari. Kunoratidza kushaikwa kwokutenda muzvipikirwa zvechokwadi zvaMwari, kubatanidza tariro yorumuko. Kunyange mumurangariro unoshanda, avo vanorarama upenyu hwakashata vanounza pavari vamene zvinetso nezvitambudzo zvakawanda. Kuwana murangariro wakafanira, ivo vanofanira ku“pengenuka zvakarurama.” Ivo havagoni kurangarira zvakarurama uye zvakadzikama kana “vasina zivo yaMwari.”
14. Ndivanaani vasati vachizogara nhaka zvikomborero zvoUmambo hwaMwari, bva chii chakabvuma Pauro pamusoro poupenyu hwomunguva yakapfuura hwavamwe?
14 Pakuvamba mutsamba yake kuvaKorinte, muapostora Pauro akajekesa kuti vafevi, mhombwe, vanamati vezvidhori, vanovatana navane mitezo mimwe chete yevatano, mbavha, vanhu vane makaro, zvidhakwa, vatuki, uye makororo, vose vakanga vakawanda muKorinte, havasati vaizova rutivi rwoUmambo hwaMwari. Iye akawedzera, kuti: “Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene.” Kucheneswa kwavo neiyi nzira kwakaratidza simba reShoko raMwari nechibairo chorudzikinuro. (1 VaKorinte 6:9-11) Zvirokwazvo, kudzokera kukusachena kwenyika yekare kwaizova upenzi hukuru!
15. Mutauroi wakajeka wakashandisa Petro kurondedzera mugariro waavo vanodzokera kumiitiro ine tsvina yenyika ino?
15 Petro akati: “Nokuti ivo, kana nenzira yokuziva Ishe, Muponesi Jesu Kristu, vambotiza havo zvinosvibisa zvenyika, kana vakabatwa nokukundwazve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuura kutanga kwavo. Zvinorehwa neshumo yazvokwadi ndizvo zvakaitwa kwavari, zvinoti: ‘Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo, nenguruve yakanga yashambidzwa, kukuumburuka mumatope.’” (2 Petro 2:20, 22) Kutaura kwakasimba kwakadini! Bva, mashoko ane simba ari madikanwa padzimwe nguva kuroverera patiri ukombi hwezano rinopiwa. Iyi nyevero yakapiwa kumaKristu omuzana rokutanga ramakore inotova yakafanira zvikuru nokuda kwedu nhasi.
Tinocheka Chatinodyara
16. Munhu ‘anocheka chaanodyara’ munzirai pakurarama upenyu hwoutere?
16 MaKristu anoona chitendiso makaapoteredza mose chokuti kurarama kwoutere, kwakashata kwenyika ino kunokuvadza, kunouraya. (VaRoma 1:18-32) Mune zvevatano moga chete, funga nezvenhamo nokutambura zvinovapo apo kunenge kusina kuremekedzwa kwomutemo waMwari pamusoro petsika dzakanaka: misha yakaputsika, pamuviri pasiri papamutemo, kubvisa nhumbu, kubata chibharo, kutambudzwa kwavana, uye hosha dzinopfuudzwa nevatano, kungoronga zvinhu zvishomanene chete. Ipapo kune zvinetso zvoutano zvinouya apo muviri unoshatiswa nokunyanyodyisa nokunwisa, uye kudyiwa kwemirimo nokuda kwomufaro. Kutera kumakaro kazhinji kazhinji kunoguma nokuba nokunyengera. Hakusati kuchitongova nokuputswa kupi nokupi kwomutemo waMwari kusingagumi nekuvadziko yakati yomuviri kana kuti yendangariro kumudariki. Kwakaita seizvo muapostora Pauro akayeuchidza maKristu, kuti: “Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodyara munhu, ndizvo zvaanochekazve. Nokuti unodyarira nyama yake, uchacheka kuora, kunobva panyama; asi unodyarira [mudzimu (NW)], uchacheka upenyu husingaperi hunobva ku[mudzimu (NW)].”—VaGaratia 6:7, 8, NW.
17. Neiko muKristu achifanira kusundwa kurarama mukuwirirana nemipimo yakarurama yaMwari?
17 Pane rumwe rutivi, zvikonzero zvakasimba zvakadini zvinopa Magwaro zvokuchengeta mipimo yaMwari. Izvo Shoko raMwari rinotaura ndezvechokwadi sei: “Munhu wakatendeka uchava namaropafadzo mazhinji”! (Zvirevo 28:20) Avo vanosema nzira inonyadzisa yenyika ino vanodzivisa miuyo inotyisa youpenyu hwakashata. Ivo vanofarikanya ukama hwakachena nehama dzavo nehanzvadzi, uye naMwari wavo, Jehovha. Uyezve, vane tariro yakaisvonaka yokugamuchira mubairo woupenyu husingaperi munyika itsva yaMwari. Zvino zvaapinda chaizvo mumugumo wetsika ino yezvinhu, avo va“mamwe makwai” vanotova netariro chaiyo yokupfuura vari vapenyu mu“dambudziko guru” ndokusatongofa. Ivo vano kutenda kwakakwana kwokuti kana rufu rukasvika nguva iyoyo isati yasvika, Mwari anopikira kumutsa vose avo vari mumakuva echirangaridzo. (Johane 5:28, 29; 10:16; Zvakazarurwa 7:14) Nemhaka yaikoku kwose, munhu upi noupi angapa sei mufungowo zvawo wokubatanidzwa mumiitiro inosemesa yenyika ino?—VaRoma 6:19-23; 1 Petro 4:1-3.
18. (a) Jehovha acharatidzira sei rutongeso rwake pa“vanhu vasingadi Mwari” pa“dambudziko guru”? (b) Pamusoro porutongeso, Jehovha anotaura sei amene mumashoko ake akapedzisira kunyorwa muBhaibheri?
18 Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti tiri kurarama murutivi rwokupedzisira rweicho tinodana kuti “mhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 24:3, NW) Petro akati “matenga napasi zviripo zvino zvakachengeterwa mwoto uye zviri kuchengeterwa zuva rorutongeso neroruparadziko rwavanhu vasingadi Mwari.” (2 Petro 3:7, NW) Apo iri zuva rakamirirwa kwenguva refu rokuzvidavirira rinosvika, kutaura kwokuti munhu anogona kuita akazvimirira pana Mwari uye kuti mufambiro wake woutere, wamasimba masimba unongova muuyo chete wemhindumupindu kuchaparara. (VaKorose 3:5, 6) Teerera kuti Mwari amene anorondedzera sei, mumashoko ake okupedzisira akanyorwa muBhaibheri, muuyo nokuda kwaavo vanomubatira uye nokuda kwaavo vasati: “Tarirai, ndinokurumidza kuuya; mubairo wangu ndinawo, kuti ndipe mumwe nomumwe sezvaakabata. . . . Vanosuka nguvo dzavo vakaropafadzwa, kuti vave nesimba rokuuya kumuti woupenyu, vapinde napamasuo eguta. Kunze ndiko kune mbwa, navaroyi, nemhombwe, navaurayi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoda nhema vachidziita.”—Zvakazarurwa 22:12-15.
19. Ndokupi kunofanira kuva kutsunga kwedu sezvatinotarisana nenguva yemberi?
19 Sezvo mugariro wetsika wenyika ino unoipa zvikuru, iva akatsunga zvakasimba kufadza Jehovha kupfurikidza nokuita chiri chakachena, chinokudzwa, nechakarurama. Ramba uchivavarira mubairo woupenyu. Ramba kudzorerwa mu“ushati hukuru” hwenyika ino, uhwo huri mwena worufu. Unogona kuhwina muhondo yokurwisana nokufunga kwakashata kana ukasema chose chose nzira inonyadzisa yenyika ino!
Ungapindura Sei?
◻ Neiko pane ngozi yokubatanidzwa mumiitiro inonyadzisa yenyika ino?
◻ Neiko tichifanira kuva vanongwarira zvikuru mukusarudza varaidzo?
◻ Kurangarirai kune ngozi kunogona kusatana kutipesvedzera kana tikasonganirana navaEpikuro vomuzuva razvino uno?
◻ Ndorupi ruri rutongeso rwaJehovha paavo vanotendeukira nokusapfidza kunzira inonyadzisa yenyika ino?
◻ Zvikomboreroi zviri mberi nokuda kwaavo vanoramba vasina mufambiro unosemesa wenyika ino?
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
Kusema chose chose nzira inonyadzisa yenyika ino kuchabetsera vabatiri vaMwari kupinda munyika itsva yokururama
[Mufananidzo uri papeji 18]
Varaidzo inonyadzisa yenyika inogona kupinza mumusungo muKristu asina kungwarira