RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 6/15 pp. 10-15
  • Ko Iwe Unoonga Zvinhu Zvinoyera Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ko Iwe Unoonga Zvinhu Zvinoyera Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zita raJehovha Norudzikinuro—Zvinoyera Zvikurusa
  • Ukama Hwedu naJehovha Nesangano Rake
  • Shoko raMwari, Mitemo, Uye Tariro yoUmambo
  • Kuungana Kunoyera Namaropafadzo
  • Roorano Nemhuri
  • Mudzimu Mutsvene waJehovha Nomunyengetero
  • Unoona Zvinhu Zvitsvene Semaonero Anoita Jehovha Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Isau Anotengesa Udangwe Hwake
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • VaKristu Vanowana Mufaro Mukushumira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Kuratidza Kuremekedza Kuungana Kwedu Kutsvene
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 6/15 pp. 10-15

Ko Iwe Unoonga Zvinhu Zvinoyera Here?

“Tsvakai rugare navanhu vose, noutsvene, nokuti kunze kwahwo hakuno munhu uchaona Ishe; muchenjere . . . kurege kuvapo nemhombwe, [kana kuti ani naani asingaongi zvinhu zvinoyera (NW)], saEsau wakatengesa udangwe hwake nokudya kamwe chete.”—VAHEBHERU 12:14-16.

1. Kushaikwai kwokuonga kunoratidza vanhu vazhinjisa, asi maKristu akasiana sei?

JEHOVHA MWARI wedu Mugoveri ano rupo zvikurusa. Iye anogovera norusununguko zvinodikanwa zvechisiko chake chose. Voruzhinji vorudzi rwomunhu, kunyanguvezvo, vanopa mufungo muduku kuna ikoku. Ivo havatendi Jehovha kana kuti kubvuma mungava wavo mukuru kwaari. MaKristu, pane rumwe rutivi, haarerutsi runako rwaJehovha. Iwo anomukudza nokuda kweizvo anoaitira. Nemhaka yokuzvipira kwawo kwaari, Jehovha akapa vanhu vake chiverengero chakati chezvinhu zvinoyera zvisingafarikanywi norudzi rwomunhu rwose zvarwo. Izvozvi ndizvinhu zvinokosha, zvakatsaurwa sezvitsvene uye zvine chokuita nokunamatwa kwaJehovha. Ko iwe unoziva here zviri izvi zvinhu zvinoyera? Uye une kuongwa kukuru, kwechokwadi kwazvo here?—Pisarema 104:10-28; Mateo 5:45; Zvakazarurwa 4:11.

2. Ndiani akaratidza kushaikwa kukuru kwokuonga?

2 Havasi vose vavanhu vaMwari vakaonga zvakafanira zvinhu zvinoyera. Mwanakomana waIsaka, Esau, somuenzaniso, akakundikana muna ikoku. Pauro akataura nezvake paakanyorera maKristu akazodzwa eHebheru. Pashure pokukurudzira ivava kuti “tsvakai rugare navanhu vose,” iye akavanyevera kuva nechokwadi chokuti hakusati kwaizobvumikisa kuva pakati pavo ne“mhombwe, [kana kuti ani naani asingaongi zvinhu zvinoyera (NW)], saEsau, wakatengesa udangwe hwake nokudya kamwe chete.”—VaHebheru 12:14-16.

3, 4. Ndaapi aiva maruramiro anoyera edangwe ayo Esau akatengesa kuna Jakobho nokuda kwendiro yenyemba?

3 Ndaapi aiva aya maruramiro edangwe? Jehovha akapikira sekuru waEsau, Abrahama, kuti kupfurikidza naye navazukuru vake mumwe pakupedzisira aizoberekwa uyo aizova Mbeu yechipikirwa, Mesia, kana kuti Kristu. Kupfurikidza neiyi Mbeu marudzi ose aizokwanisa kuzvikomborera amene, kuchitungamirira kukusunungurwa kwawo muchivi norufu.—Genesi 22:15-18; VaGaratia 3:16.

4 Esau, dangwe raIsaka, aiva nebanza rokuva rutivi rwomutsara uyo waizobereka Mbeu iyoyo. Urwu rwakanga rwuri rutivi rwoudangwe hwake. Asi kumanyadzi ake, chinyorwa cheBhaibheri chinoti: “Esau akazvidza udangwe hwake.” Iye akahutengesa nokukurumidza nokuda kwokudya kumwe kwenyemba nechingwa. Zvamazvirokwazvo, isu hatidi kutevedzera kushaiwa kwake kuonga. Tinofanira, panzvimbo pezvo, kukudziridza chimiro chomunun’una waEsau, Jakobho. Iye aitevera mumutsara woudangwe, uhwo akatenga nemhaka yokushaiwa kuonga kuri pachena kwamukoma wake. Jakobho nokudaro akava nechokwadi chokuti maruramiro okuva mukare weMbeu yakapikirwa akapfuudzwa nouyo akakoshesa zvakafanira ichi chinhu chinoyera.—Genesi 25:27-34.

5. Ndizvinhui zvinoyera zvaticharangarira, uye tinogona sei kudzivisa kurerutsa izvozvi?

5 Mukati meungano yechiKristu, Jehovha akaita kuti zvinhu zvinoyera zvakawanda zviwanike zvokutichengeta takasimba mumudzimu uye takashongedzerwa zvakafanira nokuda kwebasa rake. Ngatikurukurei chiverengero chakati chaizvozvi. Ipapo, somunhu mumwe nomumwe, tinogona kufungisisa pamusoro pazvo ndokusimbisa kuzvionga kwedu kuitira kuti tirege kutongozvirerutsa.

Zita raJehovha Norudzikinuro—Zvinoyera Zvikurusa

6. Tinogona kuratidza kuti hatirerutsi kuyera kwezita raJehovha munzirai?

6 Chokutanga pandaza yedu yezvinhu zvinoyera ndiro zita raJehovha. Iri zita rakakwirira sei mundangariro yako nomwoyo? Mukupa munyengetero womuenzaniso, Jesu akatanga kuti: “Zita renyu ngarikudzwe.” (Mateo 6:9, NW) Patinobhapatidzwa, tinova mumwe weZvapupu zvaJehovha. (Isaya 43:10, 11) Rukudzo rwakadini! Uye patinotaura pamusoro porunako rwaJehovha namadonzo ake akaisvonaka, vamwe vanosvika pakumuziva nezita rake chairo, uye ivowo vanoda kumubatira. Asi kana munhu akaregeredza kutaura pamusoro pake, kana kuti, zvakatoipisisa, akabatanidzwa muchakaipa, ikoku kunounza ruzvidzo pazita rakanaka raJehovha nomukurumbira. Zvapupu zvechiKristu zvakatendeka zvaJehovha zvinovavarira nguva dzose kutsvenesa zita rake dzvene pamberi pavamwe kupfurikidza nezvavanotaura nokuita.—Revhitiko 22:31, 32; Dheuteronomio 5:11.

7. Tinofanirireiko kuratidza kuongwa kukurusa kwechibairo chorudzikinuro chaKristu?

7 Chiri pamusoro pendaza yezvinhu zvinoyera ndicho chibairo chorudzikinuro. Chibairo chaKristu chinokosha sei kwauri? Tinogona kuita kuti zvivi zvedu zvikanganwirwe bedzi pahwaro hwokutenda kwakakwana muichi chibairo chakakwana chohunhu. (1 Johane 2:1, 2) Pauro anotaura nezveungano yakazodzwa seino“tengwa neropa roMwanakomana amene” waMwari. (Mabasa 20:28, NW; enzanisa na 1 Petro 1:17-19.) Jesu, Mwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waMwari, akarega nzvimbo yake mudenga, akararama pasi pano pakati pavarume navakadzi vanotadza, uye ipapo akapa upenyu hwake hwakakwana hwohunhu murufu rwunorwadza padanda rokutambudzira kuti tigova noupenyu husingaperi. (Mateo 20:28) Kwaizova kusaonga kukuru kana munhu akasaratidza zuva nezuva kuonga kukuru nokuda kweichi chipo chinokosha chaMwari.—VaHebheru 10:28, 29; Judhasi 4, 5.

Ukama Hwedu naJehovha Nesangano Rake

8. Ukama hwedu naJehovha hunokosha sei?

8 Ikoku kunotisvitsa kuimwe nhau inoyera zvikuru, ukama hwedu naJehovha. Tinofanira kukoshesa zvikuru sei uku kuva pedyo kwatinako naBaba vedu vokudenga. Kana isu ‘tikaswedera pedyo naMwari, iye achaswedera pedyo nesu.’ (Jakobho 4:8) Iye anotida zvikuru kwazvo, uye iye anoda kuti timude nomwoyo wedu wose. (Mateo 22:37, 38; Johane 3:16) Dhavhidhi akapa mwanakomana wake Soromoni zano rakanaka pamusoro poukama hwake naJehovha. Yakabatanidzwa muna iroro yakanga iri nyevero, inoti: “Zvino iwe Soromoni, mwanakomana wangu, ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakarurama, uye nomweya unoda kwazvo; nokuti Jehovha unonzvera mwoyo yose, unonzwisisa ndangariro dzose nemifungo; kana ukamutsvaka, iye uchawanikwa newe; asi kana ukamusiya iye uchakurasha nokusingaperi.” (1 Makoronike 28:9) Naizvozvo “muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarira ngoni dzaShe wedu, Jesu Kristu, muve noupenyu husingaperi.”—Judhasi 21.

9. Tinoratidza kuti hatirerutsi ropafadzo yokuva rutivi rwesangano raJehovha munzirai?

9 Ko iwe unonzwisisawo here kuti iropafadzo inoyera zvakadini kuva rutivi rwesangano raJehovha? Tose zvedu tinofanira kuyeuka kuti tiri mariri bedzi kupfurikidza nomutsa wakakomba waJehovha. Kana munhu akabvumikisa kuva asingaongi uye akava mutadzi asingapfidzi, iye acharashikirwa neiyi ropafadzo. Pauro akanyevera, achiti: “Naizvozvo, unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa.” (1 VaKorinte 10:6-12) Pauro akapa iyi nyevero pashure pokutaura nezvavaIsraeri 23 000 vakaparara nemhaka yokunamata zvidhori noutere. Isu tinogona kuratidza kuonga kwedu kuyera kwesangano raJehovha kupfurikidza nokuita kwomumwe nomumwe wedu rutivi rwedu kurichengeta risina tsvina, utere, gakava, kutengeserana, uye mirangariro youkuru nokufungira mano akaipa. (2 VaKorinte 7:1; 1 Petro 1:14-16) Tinogona kushanda pakusimbisa chisungo chorudo rwouhama, tichisanochengeta nhevedzano youbati ushe hwoumwari nokubatira pamwe naavo vanotungamirira.—1 VaTesaronika 4:3-8; 5:12, 13.

Shoko raMwari, Mitemo, Uye Tariro yoUmambo

10. Tinoratidza sei kuti tinoonga zvizere Magwaro Matsvene?

10 Shoko rakafuridzirwa raMwari, Bhaibheri Dzvene, rinoyerawo. Iro rine ziviso dzoumwari, miraidzo, zano, zvipikirwa, zvizaruro, hungu, zvose zvatinoda ‘kutishongedzera nokuda kwebasa riri rose rakanaka.’ (2 Timotio 3:16, 17) Tinogona seiko kuratidza kuonga nokuda kwaikoku? Kutanga, kupfurikidza nokurifunda nokushandisa zvatinodzidza muupenyu hwedu. Ipapo, kupfurikidza nokuteerera zvakafanira “zvokudya panguva yakafanira” zvakavakirwa paBhaibheri izvo Jehovha ari kugovera kupfurikidza no“muranda akatendeka nowakachenjera.” (Mateo 24:45, NW) Uye mumurangariro unoshanda, tinofanira kuchengeta makopi edu pachedu eBhaibheri, pamwe chete nezvinyorwa zvedu zvechiKristu zvatinoshandisa mumubato wedu wokuparidzira zvakatsvinda uye zvakachena. Kungaunza ruzvidzo pana Jehovha kana tikabuda kundopupurira ndokushandisa Bhaibheri rine tsvina zvakashata kana kuti risingatarisiki.

11. Neiko tisingafaniri kurerutsa mitemo inoyera yaJehovha?

11 MuShoko raMwari mune mitemo inoyera yaJehovha. Ko iwe nguva dzose unoirangarira seinoyera, kana kuti pane dzimwe nguva unokombamira here kuirerutsa? Mitemo yaJehovha yakafanana nezviratidzo, nharidzo, uye mhinganidzo dzechengeteko munzira yokuupenyu. Kana tikaiteerera, tichafamba zvakakotsekana uye pakupedzisira kusvika mugumo wedu munyika itsva yaJehovha; asi kana tikarerutsa mirairo yaJehovha nezviyeuchidzo, takananga kungwavaira.—Pisarema 119:10, 11, 35, 101, 102; Zvirevo 3:1-4.

12. Tariro yedu yoUmambo ndichinhu chinoyera sei?

12 Kupfurikidza neBhaibheri, tinodzidzawo nezvechinhu chinoyera chinofanira kuva chinokosha kumwoyo yedu: tariro yedu yoUmambo. Achitaura nezvaAbrahama akatendeka, Pauro anoti pana VaHebheru 11:10: “Nokuti wakanga achimirira guta [Umambo hwaMwari] rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.” Ko iwe une tariro yakafanana yakasimba, inotsungirira muUmambo hwaMwari here? Ko kutenda kwako kwakasimba kwazvo zvokuti mwoyo wako hauchengeti panikiro here, uye shingairo yako inoramba isingadereri paunenge wakamirira madonzo aMwari kuzadzikwa munguva yake yakafanira here?—Mateo 24:20-22, 33, 34, 42.

Kuungana Kunoyera Namaropafadzo

13. Neiko tisingafaniri kurerutsa betsero dzemisangano yechiKristu?

13 “Kukurudzira kurudo namabasa akaisvonaka, tisingaregi kuungana kwedu timene pamwe chete, sezvo vamwe vane miitiro,” akapa zano kudaro Pauro. Ikoku kunoratidzira kuti misangano yedu yechiKristu ndiimwe gadziriro inoyera isingafaniri kurerutswa. Pamisangano, tinogamuchira muraidzo unokosha noruwadzano rwoushamwari zvatinoda zvikuru kwazvo. Panowo tinogona kuita “ziviswo yapachena yetariro yedu” kupfurikidza nokutaura tiri pachikuva kana tikava nebanza uye kupfurikidza nokutsinhira nguva dzose. (VaHebheru 10:23-25, NW) Uye sezvo Horo yoUmambo iri apo mizhinjisa yemisangano yedu inoitirwa, ko iwe unogovera nguva dzose mari nebasa rakaoma zvokuti ichengetwe zvakafanira here?—Eksodho 35:21.

14. Chii chichatibetsera kunzwisisa kuti ushumiri hwedu hwechiKristu ipfuma inoyera?

14 Ropafadzo ina maKristu yokuparidzira mashoko akanaka inofananidzwa naPauro ne“pfuma mumidziyo yevhu.” (2 VaKorinte 4:1, 7, NW) Hungu, ushumiri hwechiKristu ndichinhu chinoyerawo chatinoonga zvikuru kwazvo. Nepo vazhinjisa vaavo tinoparidzira kwavari vasingakendengi, tinofanira kuramba tichizviyeuchidza timene nezveropafadzo hurusa yatinayo yokuudza vamwe pamusoro paJehovha namadonzo ake. Nokudaro tichaita basa redu rokuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari nokuita vadzidzi. (Mateo 24:14; 28:19, 20) Kuona vadzidzi vatsva vachiita fambiro mberi ndichimwe chisakiso chomufaro. (1 VaTesaronika 2:19, 20) Kana isu tichikoshesa ushumiri, hatisati tichizova vanodarika-darika kana kuti vasingaiti basa mukuzivisa mashoko akanaka.

15. Neiko kutarisira maropafadzo mukati mesangano raJehovha kusingafaniri kurerutswa?

15 Maropafadzo mukati mesangano raJehovha anoyerawo. Zvomenemene, maropafadzo akadaro mutoro unoyera. (Enzanisa naMabasa 20:28.) Kana mutoro wacho uchibatanidza utarisiri, kufudza, kudzidzisa, kana kuti rimwe basa kumaKristu biyedu, upe ngwariro yechienzi. Kunyange kana basa racho richiratidzika kuva risingakoshi, usarirerutsa, asi sanoriita, nokukurumidza, sokuna Jehovha. Yeuka, “wakatendeka pazvinhu zviduku, wakatendekawo pazvikuru.”—Ruka 16:10.

Roorano Nemhuri

16. Tingaratidza kuti tinorangarira roorano nemhuri kuva zvinhu zvinokosha munzirai?

16 Mukuronga zvinhu zvinoyera, usakanganwa kubatanidza roorano nemhuri. Chokwadi, vasiri maKristu vanoroorawo, asi maKristu anorangarira roorano seinoyera, inobatanidzwa mukunamata kwavo Jehovha. (Enzanisa na 1 Petro 3:1-7.) Ko iwo anoratidza sei ruremekedzo nokuda kweichi chinhu chinoyera? Bhaibheri rinoti pana VaHebheru 13:4 (NW): “Roorano ngaive inokudzwa pakati pavose, uye huvato hweroorano ngahuve husina svibiswo, nokuti Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” Jesu akanyevera kuti kupfuurira kutarira mukadzi zvokuva nezemo nokuda kwake kwaizoguma nokuita upombwe mumwoyo. (Mateo 5:27, 28) Kana iwe ukasarudza kuroora, ita saizvozvo nenzira inokudzwa. Ipapo, usatongorerutsa roorano yako. Vaka rudo rwechokwadi noruremekedzo rukuru zuva riri rose. Kana une vana, ‘varere muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.’ Neiyi nzira mhuri yako ichava “tsvene.”—VaEfeso 6:4; 1 VaKorinte 7:14.

Mudzimu Mutsvene waJehovha Nomunyengetero

17. Neiko tisingagoni kurerutsa mudzimu mutsvene waMwari?

17 Tinoda gadziriro dzaJehovha dzose, uye betsero imwe inokosha inobva kuna Jehovha ndiwo mudzimu mutsvene wake. (Johane 14:26) Hatizivi nguva dzose nzira Jehovha anoshandisa nadzo mudzimu mutsvene wake nokuda kwedu, asi chinhu chimwe chine chokwadi: Hatigone kurarama tisinawo. Tinofanira kunyengeterera mudzimu mutsvene kuti utibetsere kunzwisisa dzidziso dzechokwadi nokutsungirira miedzo. Tinouda kuti utibetsere kusakurira zvibereko zvomudzimu. (VaGaratia 5:22, 23) Uye tinonyeverwa pana VaEfeso 4:30 kuti hatisati tichifanira kuva “tichichemedza” mudzimu mutsvene, kubatanidzwa muzvinhu zvinoganhurira kuyerera kwawo uchiuya kwatiri. Ngationgei nguva dzose mudzimu mutsvene waJehovha.

18. Neiko munyengetero uri ropafadzo inoyera?

18 Chinhu chinoyera chokupedzisira chatichakurukura, munyengetero, zvamazvirokwazvo haukoshi zvishoma. Tine ropafadzo yakadini yokukurukura naChangamire wechisiko chapose pose, Jehovha! Sezvinooneka, tinofanira kumusvika nenzira yokuremekedza, nenzira yokukudza, isati ichitongova yokurerutsa. Tinogona kuva nechivimbo chokuti iye achanzwa ndokupindura minyengetero yedu iyo inopiwa mutsinhirano nokuda kwake. “Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga.” (VaFiripi 4:6) Munyengetero uchatichengeta tichionga zvinhu zvinoyera.

19. Zvikomboreroi zvinouya kuavo vanoonga zvakafanira zvinhu zvinoyera?

19 Takurukura zvinhu zvinoyera 13 chete zvatisingatongofaniri kurerutsa. Zvimwe zvakawanda zvingagona kududzwa. Kana tichionga zvinhu zvakadaro, tichachengeta ukama hwakanaka naMwari wedu, Jehovha, ndokuva nechikomborero chake chezuva nezuva. Haiwa ikoku kunounza rugare rwendangariro rwakadini, pamwe chete nehana yakanaka! Usatongorerutsa ukama hunokosha ihwohwo! Ida Jehovha nomwoyo wako wose, ndangariro, mweya, nesimba, uye iye achakuda nguva dzose. (1 Johane 4:16) Hapana chinhu kunze kwokusatendeka kwako umene chinogona kupunza chisungo ichocho chorudo.—VaRoma 8:38, 39.

20. Tinogona sei kufamba zvinobudirira munzira yokuupenyu munyika itsva yaJehovha?

20 Ngatirambeiwo takabatikana mubasa roUmambo, tichitarisira zvakanaka maropafadzo edu nokuonga gadziriro dzose dzomudzimu. Nemwoyo yakazara nguva dzose nokuonga, ngatingwarirei kuteerera mitemo yose inoyera yaJehovha nezviyeuchidzo, tichinzwisisa kuti izvo zvakaiswa kuti zvititungamirire zvakakotsekana munzira yokuupenyu. Uye, sezvatinoramba tichifamba mumugwagwa iwoyo wakatetepa wokuupenyu, kunobvira kuti Jehovha haasati achizongotichengeta bedzi tiri vapenyu mudambudziko guru asi kutipa upenyu husingagumi nezvikomborero zvisingagumi munyika itsva yake, zvino yava pedyo zvikuru kwazvo. Zvose izvozvi nemhaka yokuti takaonga zvinhu zvinoyera.

Imhinduroi Yaungapa?

◻ Tinogona sei kudzivisa kurerutsa zita raJehovha nechibairo chorudzikinuro?

◻ Chii chingaratidzira kuti hationgi ukama hwedu naJehovha nesangano rake?

◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvinhu zvinoratidzira kuonga kwedu Shoko raMwari nemitemo, uye tariro yoUmambo?

◻ Tingaratidza sei kuti hatirerutsi misangano yechiKristu namaropafadzo oumwari?

◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvinhu zvinoyera zvokuwedzera zvatinofanira kusakurira kuonga kukuru?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe