RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 5/1 pp. 21-25
  • Jehovha Haasiyi Vabatiri Vake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Haasiyi Vabatiri Vake
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Upenyu Hwangu Hwapakuvamba
  • Kudzidza Zvokwadi yeBhaibheri
  • Kubatira saMacolporteur
  • Basa reBheteri Rechinguvana
  • Kukupupurira Pasinei Zvapo Nechishoro
  • Kusungwa Nokupinzwa Mutorongo
  • Kubva Murima Kupinda Muchiedza
  • Kurega Kunamata Mambo Ndokutanga Kunamata Kwechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Jehovha Anokwevera Vanozvininipisa Kuchokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • “Kutanga Kutsvaka Umambo”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • ‘Kudyara Nemisodzi uye Kukohwa Nokudanidzira Kwomufaro’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 5/1 pp. 21-25

Jehovha Haasiyi Vabatiri Vake

Yakataurwa naMatsue Ishii

KWERINODOKUSVIKA gore rimwe, ndakanga ndachengetwa ndiri mandaigara ndiri ndoga musero yetorongo duku, ine tsvina, yakazadzwa nenhata muSendai, Japan. Kwenguva yose iyoyo, ndakanga ndisingabvumirwi kugeza neshawa kana kuti kushamba. Nyama yangu yakanga yava namanyukira, yadyiwa nenda. Ndakanga ndarwadziwa kwazvo nerheumatism zvokuti ndaisagona kugara kana kuti kumira. Ndaderedzerwa kuganda namapfupa uye ndichirema isingasviki 30 kg, ndakanga ndava pedyo norufu.

Asika neiko ndakanga ndiri imomo? Neiko zviremera zvakanga zvarova pasuo rangu panguva yeshanu mumangwanani, June 21, 1939, uye zvakandisunga? Chii chandakanga ndaita? Idzodzo dzakanga dziri nguva dzakaoma anodokusvika makore 50 apfuura muJapan. Regai ndikuudzei pamusoro padzo uye pamusoro pemigariro yakandipinza mutorongo uye pamusoro penzira yandakapukunyuka nayo.

Upenyu Hwangu Hwapakuvamba

Ndakaberekwa muna 1909 muKure City, Japan, 25 km bedzi kubva Hiroshima. Vabereki vangu vaiva neshopo yomupunga nechitoro chamajazi. Pandakanga ndine makore mapfumbamwe, furuwenza yeSpain yakarova nharaunda yedu, uye nokukurumidza mabhokisi ane miviri yakafa aitutirwa pokupisira. Mukoma wangu neni takabatwa nehosha yacho, uye vhiki rimwe gare gare iye akafa. Parufu rwake rwakamwe kamwe, ndakavamba kushamisika: ‘Neiko vanhu vachifa? Chii chinoitika kwavari parufu?’

Baba vakanga vari muBhuddha anoshingaira, uye kuti ndiwane mhinduro, ndakashanyira tembere dzechiBhuddha dzakasiana-siana. Ndaibvunza mamongi aivapo, kuti: “Neiko vanhu vachifa?”

“Hausati uchifanira kufunga pamusoro pezvinhu zvakadaro,” ivo vaipindura kudaro. “Kana ukapfuurira kuvimba naBhuddha ndokuimba mashoko ako omukumbiro, uchava nechokwadi chokuwana Nirvana nokupinda muparadhiso.”

Pandakanga ndava namakore 17, ndakaziva pamusoro pebhuku rinonzi Bhaibheri. Ndakariwana asi ndaisagona kurinzwisisa. Gare gare ndakatanga kupinda chechi ye“chiKristu” muKure City. Apo ndakanzwa kuti rufu rwomunhu rwakanga rwuri muuyo wechivi chaAdhama, kwakava nomufungo kwandiri, uye ndakava mutezo wechechi unoshingaira.

Panguva iyoyo murangariro waiwanzotaurwa mumataundi omuruwa waiva uyu: “Rudzidziso rweYaso [rwechiKristu] ruchaparadza nyika.” Sezvo ndakanga ndiri “muKristu” anoshingaira wokutanga munharaunda medu, vanhu vomutaundi vakandipomera mhaka yokuunza manyadzi pataundi ndokudokundimanikidzira kuenda. Vabereki vangu vakatsamwiswa zvikuru neni.

Kudzidza Zvokwadi yeBhaibheri

Munhamburiko yokundiita kuti ndirege kutenda kwangu, Baba vakandirongera kuroorwa nomuenzi chaiye, Jizo Ishii, muBhuddha anoshingaira. Mukoma wake akanga ari muprista mukuru wetembere yechiBhuddha. Ndakaudzwa kuti kunyange zvazvo Jizo akanga asiri muKristu, aizova anonzwisisa pamusoro pokutenda kwangu. Naizvozvo ndakatamira kuOsaka uye pazera ramakore 19 ndakaroorwa naJizo, uyo akanga ari musoni. Asi mukupesana neizvo baba vangu vakanga vataura, Jizo aisandibvumidza kupinda chechi.

Seri kwemba yedu muTojo-cho, Osaka, kwakanga kune imba yaiva nechiratidzo, chinoti: “Bazu reOsaka reInternational Bible Students Association.” Ndichirirangarira kuva boka rechiKristu, ndakashanyira imba yacho.

“Ko imi munodavira here mukuuya kwechipiri kwaShe?” ndakabvunza jaya rakauya kusuo.

“Kuuya kwechipiri kwaKristu kwakaitika muna 1914,” iye akapindura kudaro.

Nokushamiswa, ndakamuudza kuti kwakanga kusingabviri. “Iwe unofanira kurava iri bhuku,” iye akadaro, achindigamuchidza The Harp of God.

Kuita kuti murume wangu arege kuona bhuku racho, ndakariviga mubhegi renhokwe raiva namarasha ndokurirava nguva ipi neipi pandaigona. Idi rimwe nerimwe rakandirova semheni—144 000 bedzi vanoenda kudenga; Kristu haasi rutivi rwoUtatu asi Mwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waJehovha, Mwari wamasimba ose; tiri kurarama munguva yomugumo; uye furuwenza yeSpain iyo yakatora upenyu hwamukoma wangu yakanga iri rutivi rwezadziko youporofita hweBhaibheri. Ndakapwiswa kuti iyi yakanga iri zvokwadi yandakanga ndave ndichitsvaka.

Pakupedzisira, murume wangu akawana kuti ndakanga ndichirava bhuku rechiKristu. Zvisinei, pandakatsigira zvakasimba kutenda kwangu, akavamba kushamisika kana chimwe chinhu chaikosha zvikuru chaibatanidzwa uye naizvozvo akarava iye amene The Harp of God. Ndakabhapatidzwa gore rakatevera racho, March 23, 1929, uye murume wangu akabhapatidzwa nokukurumidza pashure paikoko.

Kubatira saMacolporteur

Takavhara shopo yokusona ndokudzinga vashandi. Tazadzwa nomufaro, takatanga mumubato wokuparidzira pasuo nesuo muOsaka. Muna September 1929, ndakava mucolporteur wechipiri weJapan, seizvo vashumiri venguva yakazara vaidanwa panguva iyeyo, uye murume wangu akakumbanira macolporteur gare gare. Pamwe chete takafukidza zvikamu zvitatu zvezvina zveJapan, kubatanidza Osaka, Kyoto, Nagoya, Tokyo, Sendai, Sapporo, Okayama, uye chitsuwa cheShikoku. Taigara munzvimbo imwe neimwe kweinenge mwedzi mitanhatu, tichirenda furati uye tichipa ngwariro pakuparadzira mabhuku.

Taishandisa mabhuku aiwanika muchiJapan, mabhuku akadai saThe Harp of God, Deliverance, Creation, Reconciliation, uye Government, pamwe chete neThe Golden Age (zvino Mukai!) uye Nharireyomurindi. Samacolporteur, taipedza maawa 180 pamwedzi tichienda pasuo nesuo. Kunyange zvazvo takanga taneta mumuviri, mufaro wedu mukubatira waiva mukuru.

Macolporteur eJapan mumazuva iwayo akanga asingaripirwi mari nokuda kwendyiko dzawo asi aigamuchira hafu yemari yaibva mumabhuku anogoverwa nokuda kwendyiko dzokurarama. Upenyu hwakanga husiri nyore. Mucolporteur biyangu akafa namanyoka. Ndichitarisira murwere wacho, iniwo ndakabata hosha yacho uye ndakapinzwa muchipatara. Apo takabatira muNagoya mwoto wakatanga pedyo nepatakanga tichigara. Takamhanya tichidzika namasitepisi tichibva pauriri hwechipiri nezvipfeko bedzi zvatakanga takapfeka, tichipukunyuka napaburi retsono noupenyu hwedu. Zvinhu zvishomanene zvataiva nazvo namabhuku okuparadzira zvose zvakatsva, kuchitisiya tisina mari.

Patakanga tichibatira muOkayama, murume wangu akava nefivhiri kwamazuva uye akawanikwa ane TB yomumapapu. TB kazhinji kazhinji yakanga iri hosha inouraya panguva iyeyo. Kana rufu rwakanga rwusingadzivisiki, taida kuenda kuSapporo pachitsuwa chiri kuchamhembe zvikurusa, Hokkaido, kundopupurira umo basa rokuparidzira rakanga risina kutongoitwa.

Muna September 1930, takatamira kuHokkaido, uko ndaikarira murume wangu kufa. Muno mhepo yakanga yakanaka, mukaka nembatatisi zvakanga zvisingadhuri, uye utano hwomurume wangu hwakavandudzika pashoma napashoma. Jehovha haana kutongotisiya asi akatikomborera nomufaro mukuru muushumiri hwedu.

Patakashanda muSendai kwenguva yokutanga, Mr. Inoue, purezidhendi weTohoku Imperial University, akabvuma kundiona. Iye akagamuchira mabhuku andakanga ndinawo uye ipapo akandiperekedza kusuo kuti andione ndichienda. Ndichipupurira pasuo nesuo, ndakasanganawo naBansui Doi, murume akakurumbira anonyora mabhuku, uyo akashandura Iliad neOdyssey zvaHomer muchiJapan. Iye akagamuchira bhuku raCreation.

Pakati pavagamuchiri vanoonga veshoko redu pakanga pane mhuri yaMiura yokuIshinomori. Hagino, mudzimai, aiva namakore 17 okukura apo akashanyira musha wedu muSendai. Pashure pokupedza usiku tichikurukura Bhaibheri, iye akapiswa kuti taiva nezvokwadi. Nokukurumidza mhuri yose yakatamira kuTokyo, uko Hagino nomurume wake, Katsuo, vakabatira samacolporteur. Katsuo akafa seChapupu chakatendeka, uye Hagino achiri kubatira nenzira yokutendeka. Mwanakomana wavo, Tsutomu, ave ari mushanduri pabazu reJapan reWatch Tower Society kwamakore akawanda.

Basa reBheteri Rechinguvana

Muma 1930 murume wangu neni taibatira mwedzi mishomanene gore rimwe nerimwe muBheteri raiva muOgikubo, Tokyo. Panguva yacho, kwaiva navanenge vashandi 20 ipapo. Michina miviri ine mheremhere yaitsikirira The Golden Age. Jizo neni taishanda muBato reZvipfeko. Pakuchinja kwemwaka, macolporteur aitumira zvipfeko zvabvaruka kuBheteri. Isu taigeza, kusona, uye kuzvichisa uye ipapo kuzvidzorera kwaari. Taitoita zvipfeko zvitsva zvamacolporteur. Apo iri basa rakanga rapedzwa, taidzokera isu timene kubasa ramacolporteur.

Imwe yeyeuko dzangu dzinodikanwa dzeBheteri yaiva pamusoro pekokorodzano inokosha muColumbus, Ohio, U.S.A., muna 1931. Imwe hama yakanga yagadzira nhepfenyuro yeshortwave kuti igamuchire kutepfenyura kwokumwe. Ichitenderedza chokuchunisa muswere wose wezuva nousiku hwose, takaedza pasina nebetsero yose kuwana purogiramu yekokorodzano. Pakati pousiku, inzwi rapurezidhendi weWatch Tower Society, J. F. Rutherford, rakabuda nesimba rakazara. Nokukurumidza imwe hama yakatanga kuturikira. Nokudaro takanzwa chisarudzo chokugamuchira zita idzva, “Zvapupu zvaJehovha,” uye kuombera kukuru kwetendero. Tiri kure muBheteri yeJapan, takashevedzera nomufaro mutsinhirano nehama dzedu muAmerica. Maminiti mashomanene gare gare, kubata kwenhepfenyuro kwakashata, uye hapanazve chimwe chakanzwiwa. Asi Jehovha akatirega tichiva rutivi rweiyi nguva inokosha.

Kukupupurira Pasinei Zvapo Nechishoro

Mukati mederero yokutengeserana yenyika yose pashure peHondo yeNyika I, chinyamupupuri chourudzi chokurwa chakapfuura nomuJapan. Mambo airangarirwa samwari mupenyu kwaari perero yavagari vemo vose yaiva. Asi taiudza vanhu, kuti: “Kunongova naMwari mumwe bedzi.”

“Muri kutaura kuti mambo haasi Mwari here?” ivo vaipindura kudaro.

“Kunofanira kuva nenguva yemberi inoshamisa inoparirwa noUmambo hwaMwari,” taitsanangura kudaro.

“Ko imi munoda utongi husiri hwamambo here?” ivo vaibvunza kudaro. Chipi kana chipi chataitaura, mashoko edu aimonyaniswa uye tainzi vatengesi. Zviremera zvakasimbisa kuongorora kwazvo mabhuku edu, uye kutironda kwamadhikitivha kwakawedzera.

Kazhinji kazhinji kamwe pagore, hurukuro yavose yaiitwa. Kunyange zvazvo taiva nezvinenge Zvapupu 20 bedzi muTokyo, vanenge 500 vakapinda hurukuro inoti “Kuwa Kwepepuko yechiKristu” muYodobashi Public Hall yeguta. Mapurisa akakomba mukurukuri pachikuva, uye kana iye akataura chinhu chipi nechipi vairangarira kuva chisingadikanwi, inzwi rainzwika, “Mukurukuri, mira!” Pana ikoko mukurukuri ainongedzera nokungwarira pakutaura kurugwaro ndokurwurava. Sezvo Bhaibheri rakanga risina kurambidzwa, iye akabvumidzwa kupfuurira.

Kusungwa Nokupinzwa Mutorongo

Anodokusvika makore gumi pashure pokunge tatanga mubasa recolporteur, kusungwa kukuru kweZvapupu zvaJehovha kwakaitika muJapan. Pamangwanani iwayo anokosha aJune 21, 1939, ndakaendeswa kukamba yamapurisa muIshinomaki ndokukandirwa mukamuri rine rima rokuchengetedzwa rakanga rine utsi hwairembera huchibva padenga. Nokukurumidza ndakachinjirwa kuSendai ndokupinzwa mandaigara ndiri ndoga. Murume wangu akasungwawo, uye ndakarasikirwa neonano yose naye kutozosvikira pashure pehondo.

Ndakagara musero ine tsvina iyoyo rinodokusvika gore rimwe ndokudokufa. Gare gare, ndakaziva kuti mukati menhambo iyoyo zviremera zvakanga zvichiongorora Junzo Akashi, mutariri webazu reJapan. Pakupedzisira, kubvunzurudzwa kwangu kwakatanga. “Kandira Bhaibheri pauriri ndokutsika pariri,” akaraira kudaro muongorori anomhura. Ipapo iye akandiratidza chinyorwa chokuongororwa kwaAkashi. Pakutanga ndakafunga kuti kwakanga kuri kushereketa.

“Ko iwe unodavira Akashi here?” akabvunza muongorori.

“Akashi anongova zvake munhu asina kukwana,” ndakapindura kudaro. “Chero bedzi Akashi akatevera nheyo dzeBhaibheri, Akashi akashandiswa somubatiri waMwari. Asi sezvo kutaura kwake kwakabva paBhaibheri, haasati achasiri hama yangu.” Maiwe, Akashi zvamazvirokwazvo akanga asiya zvokwadi!

Pakupedzisira, tongero yakapiwa, uye ndakaganhurirwa muSendai Women’s Prison. Zvakare ndakaiswa mandaigara ndiri ndoga. Zvokudya, kunyange zvazvo zvaiva zvishoma, zvaigoverwa. Kwamaminiti 30 mangwanani mamwe namamwe, ndaibvumidzwa kufamba ndichirindwa nomurindiri wechikadzi. Pane imwe nguva murindiri akandiudza, kuti: “Kudai nguva dzakanga dziri nani, waikwanisa kutidzidzisa. Sezvo nguva dzakashata, ndapota shivirira.” Ndakakurudzirwa namashoko ake.

Munguvayo, Japan yakapinda muhondo neUnited States, uye iyoyi yakadzora chiono chenyika. Nechokumugumo kwa 1944, makore mashanu nehafu pashure pokusungwa kwangu, ndakasunungurwa. Muna August 1945 mabhomba eatomu akadonhedzerwa paHiroshima neNagasaki, uye Japan yakarasikirwa nehondo.

Kubva Murima Kupinda Muchiedza

Murume wangu neni takadzokera kuKure City uye munyongano yapashure pehondo takawana mari yokurarama nayo kupfurikidza nokutarisira shopo yomusoni. Shamwari dzekare dzakaparadzirwa, uye takarasikirwa neinodokuva onano yose nadzo. Zvisinei, anenge makore mana pashure pehondo, takanzwa kuti vafundisi vakanga vachiuya vachibva kuUnited States, uye basa roUmambo raizozarurwazve muJapan.

Achitora mwanakomana wedu ane makore matanhatu okukura, watakanga tagamuchira sowedu pashure pehondo, murume wangu akapinda gungano rokutanga rapashure pehondo, rakaitirwa muTarumi, Kobe. Rakavambira pamugumo paDecember 1949 ndokupinda mugore idzva ra 1950. Chibviro cha 1939 basa roUmambo muJapan rakanga rawana ‘nguva yakasviba,’ asi pakupedzisira takanga tichichinjirwa muchiedza!

Muna 1951 takanzwa kuti Nathan H. Knorr, panguva iyeyo purezidhendi weWatch Tower Society, akarongwa kushanyira Japan, asi takanga tisingazivi musi. Pana April 27, 1951, sezvatakanga tichisona mbatya kusvikira pakati pousiku, takanzwa nhau dzomunhepfenyuro dzokupedzisira dzezuva. “Mr. N. H. Knorr, purezidhendi weWatch Tower, achashanyira Japan ndokukurukura hurukuro paKyoritsu Auditorium,” mushamarari akadaro. Zuva rakatevera racho ndakakwira chitima ndokufamba 900 km ndichienda kuTokyo pakati pourombo husina kurongwa hwapashure pehondo. Pana April 29 ndakanga ndakagara ndichiteerera Hama Knorr.

Ndakafadzwa nokunzwa ziviso yokubudiswa kweNharireyomurindi muchiJapan kwenguva yokutanga pashure pehondo. Ndakaenda kumusha nechinyorwa chakanga chichangobva kubudiswa chaMay 1, 1951. Handigoni kuyeuka nguva muupenyu hwangu hwose pandakanzwa ndichifara kupfuurazvi. “Zvino basa muJapan ravhurwazve pamutemo,” ndakafunga kudaro, “uye kungofanana nezvakaporofitwa, basa raJehovha richawedzera, mumwe achava chiuru.”

Chibviro chenguva iyeyo takafarikanya onano yakazara nesangano raJehovha. Muna August 1951 Hama Adrian Thompson akatishanyira kwenguva yokutanga somutariri wedunhu. Misangano yakatangwa, uye hama mbiri dzokutanga mapiona chaiwo muJapan dzakagoverwa kuKure City. Ungano yakakura pashoma napashoma, uye murume wangu akabatira somubatiri weungano.

Chii chakaitika kuZvapupu 130 muJapan yapamberi pehondo? Muenzaniso wakashata waJunzo Akashi, mutariri webazu, wakava nomuuyo wakashata pavazhinji. Vashomanene vakava vateveri vake, vamwe vakaparadzirwa, uye vamwe sezviri pachena vakafira muchitambudzo. Vanenge gumi navaviri vakaramba vachishingaira mubasa raJehovha, uye vamwe vachiri vanokomborerwa nomwero wakati woutano uye vari kubatira nokushingaira.

Sezvo utano hwangu hwakavandudzika, ndakabatira sapiona wenguva dzose kwamakore mashomanene. Apo murume wangu akanga ava namakore 71 okukura, akarutsa ropa rakawanda uye akamhanyiswa kuchipatara. Vanachiremba, ndinoonga, vakaremekedza kuramba kwake kubvuma kuisirwa ropa. Kunyange zvazvo iye akanaya zvakati, akafa mwedzi mitanhatu gare gare. Mwanakomana wedu watakagamuchira sowedu, Kozo, akanga ari piona chaiye kwamakore akawanda uye zvino mukuru wechiKristu.

Mukutarira shure, kunoratidzika kwandiri kuti vazhinjisa vaavo vapamberi pehondo vaiita zvakanaka mumano noungwaru vakasiya sangano raMwari pavakadzvinyirirwa zvikuru. Zvimwe ivo vakavimba namano avo vamene. Avo vakaramba vakatendeka vakanga vasina mano chaiwo uye vakanga vasina kutanhamara. Zvirokwazvo tose zvedu tinofanira nguva dzose kuvimba naJehovha nomwoyo wedu wose.—Zvirevo 3:5.

Pakupedzisira “dambudziko guru” rine chokwadi chokuuya. (Mateo 24:21, NW) Isu panguva iyeyo tingatarisana nemiedzo inokunda yekare. Kuitsungirira kungasava nyore sezvatinofungidzira. Asi kana tichivimba zvirokwazvo naJehovha, tichimuda chaizvoizvo ndokushevedzera mumwoyo wedu nokuda kwebetsero yake, sezvo asina kundisiya, iye haasati achizosiya vabatiri vake vanovavarira kumubatira nenzira yokutendeka.—Pisarema 37:25.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Ndakaroorwa naJizo Ishii, muenzi chaiye kwandiri

[Mufananidzo uri papeji 25]

Apo Hama Knorr akashanyira Japan muna 1951, akabatira vafundisi namagungano muTokyo, Nagoya, uye Kobe (pamusoro apa)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe