‘Kudyara Nemisodzi uye Kukohwa Nokudanidzira Kwomufaro’
Yakataurwa naMiyo Idei
“Ndava kufa! Ndava kufa! Ndibetserei!” Baba vangu vakanga vachiita nhamburiko huru yokudanidzira. Inzwi ravo rakazadza mhepo sezvo ndakamhanya ndichibuda mumba. Pakanga pari pakati pousiku, uye baba vangu vakanga vachiva nokutadza kushanda kwomwoyo. Ndakamhanyira kuhama yangu yokunyama, iyo yaigara pedyo, asi apo takadzokera, kurova kwomwoyo waBaba kwakanga kusati kuchagona kunzwiwa.
IKOKO kwakaitika pana December 14, 1918. Pazera ramakore 13, ndakasiiwa ndisina vabereki. Amai vangu vakanga vafa apo ndaiva namakore manomwe okukura. Zvandakarasikirwa navabereki vose vari vaviri pakuvamba kwazvo muupenyu hwangu, ndakavamba kushamisika kuti, ‘Neiko vanhu vachifa? Chiiko chinoitika pashure porufu?’
Pashure pokunge ndapedza kudzidza pachikoro chavadzidzisi, ndakava mudzidzisi muTokyo ndokudzidzisa paShinagawa Elementary School. Gare gare, mumwe muzivikanwi akandisuma kumurume muduku, Motohiro, wandakaroorwa naye pazera ramakore 22. Kwamakore 64 apfuura, takagoverana zvose zviri zviviri zvinoitika zvinofadza nezvisingafadzi zvoupenyu. Nokukurumidza takatamira kuTaiwan, iyo panguva iyeyo yaitongwa neJapan. Panguva yacho ndakanga ndisina pfungwa yokuti ndaizowana chisakiso chokudanidzira kwomufaro munyika iyoyo.
Kudzidza Zvokwadi
Muchirimo cha 1932, apo takanga tichigara mumativi ari kunze kweChiai pakati peTaiwan, mumwe murume anonzi Saburo Ochiai akatishanyira. Iye akaonesa kuti mauporofita eBhaibheri anobatanidza chipikirwa chorumuko rwavakafa. (Johane 5:28, 29) Ikariro inoshamisa zvakadini! Ndaida zvikuru kwazvo kuona amai vangu nababa zvakare. Nezvibvumikiso zvayo zvine mufungo, tsananguro dzine mufungo, uye ufakazi hwakasimba hweBhaibheri, mashoko ake akaratidzika kuva ane zvokwadi. Nguva yakapfuura nokukurumidza sezvo takapedza zuva rose tichikurukura Bhaibheri. Iro kamwe kamwe rakava bhuku rinokwezva kwandiri.
Nokukurumidza VaOchiai vakaenda kuimwe nzvimbo, vachitisiira mabhuku akadai saCreation, Harp of God, Government, Prophecy, Light, uye Reconciliation, ose akabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society. Ndakanyura mukuarava, uye sezvandakadaro, ndakanzwa sundo yokuudza vamwe nezveizvo ndakanga ndichirava. Kana Jesu akatanga ushumiri hwake mutaundi romusha wake reNazareta, neiko ini ndisingafaniri kutanga pandaigara? Ndakashanyira muvakidzani wangu wapedyo. Hakuna munhu akanga andidzidzisa kuparidzira, naizvozvo ndakaenda paimba neimba ndine Bhaibheri rangu namabhuku andakanga ndarava, ndichiparidzira zvakanakisisa sezvandaigona. Vanhu vakagamuchira zvakanaka ndokugamuchira magazini. Ndakakumbira Todaisha, seizvo Watch Tower Society yaidanwa muJapan panguva iyoyo, kunditumira makopi 150 ekabhukwana kane musoro unoti The Kingdom, the Hope of the World, uye ndakaagovera.
Rimwe zuva mumwe munhu akanga agamuchira mabhuku akandiudza kuti mapurisa akauya ndichangoti ibvei ndokubvuta mabhuku acho. Nokukurumidza pashure paikoko, matikitivha mana akauya kumba kwangu ndokubvuta mabhuku angu ose namagazini. Iwo akangosiya Bhaibheri bedzi. Kwamakore mashanu, handina kusangana nomumwe wavanhu vaJehovha, asi mwoto wezvokwadi wakaramba uchipisa mumwoyo mangu.
Ipapo kwakasvika December 1937! Mapiona maviri akabva Japan akatishanyira. Ndashamiswa, ndakabvunza, kuti: “Makawana sei mashoko pamusoro pedu?” Ivo vakati: “Tine zita renyu pano chaipo.” Jehovha akanga atiyeuka! Zvapupu zviviri, Yoriichi Oe naYoshiuchi Kosaka, zvakanga zvachovha mabhasikoro ekare kwamakiromita 240 kubva kuTaipei zvichienda kuChiai, nezvinhu zvazvo zvakaturikidzwa pashure. Sezvo vakataura nesu, ndakanzwa sengomwa yeEtiopia iyo yakati: “Chii chinondidzivisa kubhapatidzwa?” (Mabasa 8:36, NW) Usiku hwavakasvika, tose tiri vaviri murume wangu neni takabhapatidzwa.
Kutarisira Hama Dzakapinzwa Mutorongo
Muna 1939 kusungwa kweZvapupu zvaJehovha kwakasvika nokukurumidza muJapan mose. Fungu rechitambudzo rakakurumidza kusvika muTaiwan. Muna April vose vari vaviri Hama Oe naKosaka vakasungwa. Mwedzi miviri gare gare isu takasungwawo. Sezvo ndakanga ndiri mudzidzisi, ndakasunungurwa zuva rakatevera racho, asi murume wangu akachengetwa ari mutorongo kwemwedzi mina. Pashure pokunge murume wangu asunungurwa, takatamira kuTaipei. Sezvo zvino takanga tava pedyo zvikuru netorongo umo hama mbiri dzaichengetwa, ikoku kwakashanda zvakanaka zvikuru.
Torongo reTaipei rakanga riri torongo rine kuchengetwa kwakakomba. Ndichiendesa zvipfeko nezvokudya, ndaienda kundoona hama. Kutanga, Hama Kosaka akaoneka nomurindiri nomutikitivha seri kwewindo rine waya rina mativi mana akaenzana ane masendimita 30. Iye akanga acheneruka uye miromo yake yakatsvuka samasitirobheri mambishi. Iye akanga abata tiibhi.
Ipapo Hama Oe akabuda achinyemwerera, achidzokorora nomufaro, kuti: “Kwakanaka kuti magona kuuya.” Sezvo chiso chake chakanga chiri yero uye chakazvimba, ndakamubvunza pamusoro poutano hwake. “Ndakasimba chose!” akapindura kudaro. “Iyi inzvimbo yakanaka zvikuru. Hamuna tsikidzi kana kuti inda. Ndinogona kunyange kudya tuzvipapata tunogadzirwa negorosi. Yakafanana chaizvo nemba,” akadaro. Mapurisa nomurindiri havana kugona kudzora kuseka kwavo ndokuti: “Haiwa, hatigoni kukurira uyu munhu Oe.”
Kupinzwa Mutorongo Zvakare
Panenge pakati pousiku pana November 30, 1941, mazuva mashomanene pashure pokunge ndadzokera kumusha ndichibva kundoshanyira hama, pasuo pakagogodzwa. Ndakaona mimvuri yakafanana negomo yengowani napasuo regirazi rinosaidzirwa. Ndakaverenga misere yayo. Akanga ari mapurisa. Akamanikidzira kupinda mumba medu ndokupidigura chinhu chiri chose chaiva mumba—asi zvose pasina maturo. Pashure peawa yokusanoongorora nzvimbo yacho, akabvuta maarabhamu mashomanene amapikicha ndokutiudza kuuya nawo. Ndakayeuka kuti Jesu akasungwa pakati pousiku. (Mateo 26:31, 55-57; Johane 18:3-12) Mufungo wavarume vasere vanonetsa zvikuru kwazvo pamusoro pavaviri vedu wakandifadza.
Takaendeswa kuchivako chisina kurovedzeka icho chakanga chiri chihombe uye chakasviba. Gare gare takawana kuti yakanga iri Torongo reTaipei Hichisei. Takagariswa pamberi pechibhariro chikuru, uye bvunzurudzo yakavamba. Vakabvunza vabvunzazve, kuti: “Munoziva aniko?” uye mumwe nomumwe wedu akapindura, kuti: “Handizivi munhu upi noupi.” Taigona sei kuziva vaiva munyika yeJapan? Taingoziva bedzi Hama Oe naKosaka, uye takavhara miromo yedu pamusoro pamamwe mazita api naapi ayo tingave takanzwa nenzira isina kunanga.
Nokukurumidza yakanga yava 5 kiroko mumangwanani, uye matikitivha maviri akandiendesa kuchitokisi changu. Kwakatora nguva yakati ndisati ndagona kujaira mhoteredzo itsva. Kwenguva yokutanga muupenyu hwangu, ndakasangana netsikidzi. Utu tumbuyu tuduku, tunofarira kudya vauyi vatsva, twakandinetsa nenzira youtsinye, tuchisiya vamwe vakadzi vaviri vaiva muchitokisi vari voga—pasinei zvapo nokupwanya kwangu twaiuya kwandiri. Pakupedzisira ndakatera ndokuturega tuchindidya.
Zvokudya zvedu zvakanga zviri kapu yomupunga usina kuibva, asi muromo wangu wakapfuurira mukufunga nezvawo somupunga mumbishi. Chaiiswa nomupunga chakanga chiri chitsama chiduku chamashizha akarungwa omudaikon (muti weJapan) ane tujecha tuchiri paari. Pakutanga, nemhaka yokuti zvokudya zvakanhuwa zvakaipa uye zvakanga zvine tsvina, handina kugona kuzvidya, uye vamwe vasungwa vaiuya ndokuzvidya. Chokwadika, pashoma napashoma ndakachinja kuti ndipone.
Upenyu mutorongo hwakanga hune ngwavaira. Pane imwe nhambo, ndakanzwa mumwe murume, aifungidzirwa kuva tsori, achiridza mhere zuva nezuva nokutambudzwa. Ndakaonawo mumwe munhu aiva muchitokisi chinotevera achifa namarwadzo. Kwose ikoku kuchiitika pamberi pangu, ndakanzwa zvikuru kuti iyi tsika yekare inofanira kuguma, uye tariro yangu muzvipikirwa zvaMwari yakava yakasimba zvikuru kupfuura nakare kose.
Bvunzurudzo
Ndakaganhurirwa kutorongo kwerinenge gore rimwe uye ndakabvunzurudzwa kashanu. Rimwe zuva murovereri wemhaka akauya kwenguva yokutanga, uye ndakatungamirirwa kukamuri duku zvikuru rokubvunzurudza. Chinhu chokutanga chaakataura chaiva: “Ndiani ari mukuru zvikuru, Amaterasu Omikami [mwarikadzi wezuva] kana kuti Jehovha? Ndiudze!” Ndakafunga kwechinguvana pamusoro penzira yokupindura nayo.
“Ndiudze ari mukuru zvikuru, kana kuti ndichakurova!” Iye akandidzvokora.
Ndakapindura nenzira yakaterama, kuti: “Pamavambo pamene peBhaibheri, pakanyorwa kuti, ‘Pakutanga Mwari akasika denga napasi.’” Handina kunzwa dikanwo yokuwedzera chinhu chipi nechipi. Iye akangondiringa muchiso pasina shoko uye ipapo akachinja nhau yacho.
Pashure pokurangarira zvose, ndakanga ndichichengetwa mutorongo nokuda kwechikonzeroi? Chinyorwa chenzvero chakati: “Kunotyirwa kuti iye angatsausa vanhu nehurukuro nezviito zvake.” Ichi ndicho chikonzero nei ndakapfigirwa ndisingatongwi.
Jehovha akanga ari pedyo neni nguva dzose pandakanga ndichitsungirira ikoku kwose. Kupfurikidza nomutsa waJehovha, ndakagoverwa Magwaro echiKristu echiGiriki anopinda muhomwe. Mutikitivha akaakandira muchitokisi changu rimwe zuva, achiti: “Ndichakurega uchiva naiwawa.” Ndakaarava zuva riri rose kusvikira papfundo rokudzidza nomusoro zvandakanga ndichirava. Mienzaniso youshingi yamaKristu omuzana rokutanga ramakore iri mubhuku raMabasa yakava manyuko makuru ekurudziro. Tsamba 14 dzaPauro dzakandisimbisawo. Pauro akatambura chitambudzo chakanyanya, asi mudzimu mutsvene wakamutsigira nguva dzose. Zvinyorwa zvakadaro zvakandisimbisa.
Ndakava akaonda zvikuru naasina simba, asi Jehovha akanditsigira, kazhinji kazhinji munzira dzisingakarirwi. Rimwe Svondo mutikitivha wandakanga ndisina kutongosangana naye akauya nepasuru yakaputirwa muhengechepfu. Akazarura suo rechitokisi ndokundibudisira kuruvazhe. Apo takasvika kumuti womucamphor mukuru, akavhura pasuru yacho. Tarira! Mabhanana namabhanzi zvakanga zviri mukati. Iye akandiudza kuzvidya ipapo. Mutikitivha akati: “Mose zvenyu muri vanhu vakanaka zvikuru. Bva tinofanira kukubatai saizvozvi. Ndingada kubuda muiri basa nokukurumidza.” Nokudaro varindiri namatikitivha vakavamba kundibata nomutsa. Ivo vakandivimba ndokundirega ndichichenesa kamuri dzavo uye vakandipa mamwe marudzi akasiana-siana ebasa rakaropafadzwa.
Mukupera kwa 1942, ndakadanwa nomumwe wamatikitivha akatisunga. “Kunyange zvazvo uchifanirwa netongero yorufu, uchasunungurwa nhasi,” akazivisa kudaro. Murume wangu akanga adzokera kumusha unenge mwedzi mumwe pamberi pokusunungurwa kwangu.
Kumutsidzira Songaniro neZvapupu
Apo takanga tiri mutorongo, Japan yakapinda muHondo yeNyika II. Ipapo, muna 1945, takanzwa kuti Japan yakanga yakundwa muhondo, uye takarava mumapepanhau kuti vasungwa vezvamatongerwe enyika vaizosunungurwa. Takaziva kuti Hama Kosaka akanga afa nechirwere mutorongo, asi ndakakurumidza kutumira tsamba kumatorongo muTaipei, Hsinchu, uye mamwe maguta ndokubvunza kwakanga kuna Hama Oe. Zvisinei, handina kugamuchira mhinduro. Gare gare ndakawana kuti Hama Oe akanga aurawa navapfuri.
Muna 1948 takagamuchira tsamba isingakarirwi yakabva kuShanghai. Yaibva kuna Hama Stanley Jones, uyo akanga atumirwa kuChina achibva kuGilead, chikoro chavafundisi chakanga chichangobva kuvambwa cheZvapupu zvaJehovha. Jehovha akanga atiyeuka zvakare! Ndakafadzwa zvikuru nokuva neiyi onano nesangano raJehovha. Makore manomwe akanga apfuura chifo chaapo takanga taona Hama Oe. Kunyange zvazvo ndakaparadzaniswa chose chose nguva iyoyo yose, ndakanga ndave ndichiudza vamwe pamusoro pamashoko akanaka.
Apo Hama Jones akatishanyira kwenguva yokutanga, yakanga iri nguva yokufara. Iye akanga ane ushamwari zvikuru. Kunyange zvazvo takanga tisina kusangana naye kare, takanzwa sokunge takanga tichigamuchira hama yokunyama yapedyo zvikuru mumusha medu. Nokukurumidza pashure paikoko, Hama Jones akaenda kuT’ai-tung, mhiri kwamakomo, nomurume wangu somuturikiri wake. Ivo vakadzoka pashure perinenge vhiki rimwe, muri mukati menguva iyo ivo vakanga vava negungano rezuva rimwe ndokubhapatidza vane 300 vamaAmis vemhenderekedzo yegungwa yokumabvazuva.
Shanyo yaHama Jones yakanga ine revo muimwe nzira nokuda kwangu. Ndakanga ndave ndichiparidzira ndiri ndoga kutozosvikira panguva iyeyo. Uye zvino varoorani, murume achiva muridzi wenzvimbo yedu, vakabhapatidzwa mukati meshanyo yaHama Jones. Chifo chenguva iyeyo, kakawanda ndakawana mufaro wokuita vadzidzi mukuwedzera kumufaro wokuzivisa Umambo. Gare gare takatamira kuHsinchu, uko Hama Jones akatishanyira katatu, nguva imwe neimwe kwamavhiki maviri. Ndakafarikanya zvikuru songaniro inobetsera. Panhambo yokupedzisira, iye akati: “Nguva inotevera, ndichaunza mubiyangu, Harold King.” Asi “nguva inotevera” iyoyo haina kutongosvika, nokuti nokukurumidza pashure paikoko vose vari vaviri vakapinzwa mutorongo muChina.
Muna 1949, Joseph McGrath naCyril Charles, vafundisi vakabva mukirasi yechi 11 yeGilead, vakasvika muTaiwan. Ivo vakakudza basa muTaiwan, vachishandisa musha wedu senzvimbo yavo yamabasa. Mienzaniso yavo yakandikurudzira chaizvoizvo. Zvisinei, mugariro wezvamatongerwe enyika wakavamanikidzira kuenda kuHong Kong. Handina kugona kudzivisa misodzi yangu sezvo vakaenda nomupurisa. “Usachema, Miyo,” Joe akadaro. Iye akawedzera, kuti: “Wazvita,” uye akandigamuchidza bhoropoindi yake yakashandiswa zvikuru sechiyeuchidzo.
Kutanga Kurovedza Mwana
Murume wangu neni hatina kuva navana vapi navapi, naizvozvo takagamuchira muzukuru womurume wangu apo akanga ane mwedzi mina yokukura. Upenyu hwamai wake hwakapinzwa mungozi neasima.
Muna 1952, Hama Lloyd Barry, uyo akanga achibatira somufundisi muJapan, akashanyira Taiwan kuzotsvaka zivikanwo yapamutemo yemibato yeZvapupu zvaJehovha. Iye akagara nesu ndokutikurudzira zvikuru kwazvo. Panguva iyoyo mwanasikana wedu akanga ava nemwedzi 18 yokukura. Akamusimudza ndokumubvunza, kuti: “Zita raMwari ndiani?” Ndashamiswa, ndakamubvunza, kuti: “Munoreva kuti tinofanira kumudzidzisa ari muduku zvakadaro here?” “Hungu,” akapindura kudaro nesimba. Iye ipapo akataura kwandiri pamusoro poukoshi hwokurovedza mwana kuvambira pamakore apakuvamba zvikuru. Mashoko ake: “Iye chipo chakabva kuna Jehovha chenyaradzwo yako,” akanamatira mundangariro yangu.
Nokukurumidza, ndakavamba kurovedza mwanasikana wangu, Akemi, kuziva ndokuda Jehovha nokuva mubatiri wake. Ndakamudzidzisa zviratidzo zvamanzwi ndichitanga namabhii matatu e, ho, uye ba, ayo anoumba shoko rokuti “Ehoba,” kana kuti Jehovha, muchiJapan. Pakusvika zera ramakore maviri, akanga okwanisa kunzwisisa chandakanga ndichimuudza. Naizvozvo usiku huri hwose asati avata, ndaimuudza nhau dzeBhaibheri. Iye aiteerera nefariro uye aidziyeuka.
Apo akanga ava namakore matatu nehafu okukura, Hama Barry akashanya zvakare ndokupa Akemi Bhaibheri rakanyorwa muchiJapan chakarovedzeka. Iye akafamba-famba mukamuri ane Bhaibheri racho, achiti: “Bhaibheri raAkemi! Bhaibheri raAkemi!” Ipapo maminiti mashomanene gare gare, akadanidzira, kuti: “Bhaibheri raAkemi harina Jehovha! Handidi irori!” Akarikandira pasi. Ndakatyamadzwa, ndakanzvera zviri mukati. Kutanga ndakazarura kuna Isaya ganhuro 42, ndima 8. Ipapo zita rokuti Jehovha rakatsiviwa neshoko rokuti “Ishe.” Ndakatarira mamwe magwaro, asi handina kugona kuwana zita roumwari, Jehovha. Akemi akanyaradzwa apo zvakare ndakamuratidza zita raJehovha muBhaibheri rangu rekare, iro rakanga riri muchiJapan chakare.
Kudzokera kuJapan
Takadzokera kuJapan muna 1958 ndokusonganirana neSannomiya Ungano muKobe. Zvandaiva nezvikonzero zvakawanda kwazvo zvokuva anoonga kuna Jehovha, ndaida kuratidzira kuonga ikoko kupfurikidza nokuva piona—mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha. Ndakazvishandisa ndimene mubasa roupiona. Somuuyo, ndakakwanisa kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzakawanda uye ndakaravidza mufaro wokubetsera vanhu 70 kusvikira ku 80 kupinda muzvokwadi. Kwenguva yakati ndakatoropafadzwa kubatira sapiona chaiye, ndichishanda anopfuura maawa 150 mwedzi uri wose mumunda, apo ndaitarisirawo murume wangu nomwanasikana.
Sezvo takanga tagara muTaiwan kwaanopfuura makore 30, upenyu muJapan hwakanga huri katyamadzo yeshambidziko, uye ndakapfuura nomuzvinoitika zvinoverengeka zvinotambudza. Panguva dzakadaro Akemi akava nyaradzo yangu netsigiro, seizvo chaizvo Hama Barry akanga andiudza makore akati pamberi pezvi. Apo ndaiodzwa mwoyo, aiti kwandiri: “Amai, shingai. Jehovha achaita nzira yokubuda nayo.” “Hungu, achadaro, haasati here?” Ndaipindura ndokumumbundira zvikuru. Manyuko akadini ekurudziro! Hapana chandaigona kuita kunze kwokuonga Jehovha!
Kupa Mwanasikana Wangu Kuna Jehovha
Akemi akava muparidzi apo akanga ava namakore 7 uye akabhapatidzwa apo akanga ava namakore 12, muzhezha ra 1963. Ndakaedza kupedza nguva yakawanda seinobvira naye. (Dheuteronomio 6:6, 7) Kwaiva nenguva dzinotambudza apo akanga achiyaruka, asi nemienzaniso yakaisvonaka nekurudziro zvakabva kumapiona chaiwo ayo akatumirwa kuungano yedu, Akemi pakupedzisira akakuita nharidzano yake kupayona mundima itsva.
Pakokorodzano yoruwa muna 1968, akaita rutivi rwomwanasikana waJefta muchinoitika cheBhaibheri. Sezvo ndakatarira chinoitika chacho, ndakasarudza, seizvo Jefta akanga aita, kupa mwanasikana wangu bedzi, uyo ndakanga ndada kusvikira panguva iyeyo, kuna Jehovha nokuda kwoushumiri hwenguva yakazara. Upenyu hwaizova hwakadini ndisina mwanasikana wangu pedyo? Yakanga iri denho, sezvo ndakanga ndatopfuura makore 60.
Muna 1970 nguva yakasvika yokuti mwanasikana wedu atisiye. Iye akawana mvumo yakabva kumurume wangu ndokuenda kuKyoto kunobatira sapiona. Achinzwisisa mirangariro yedu, mwoyo wake wakaratidzika kuva unotambudzika sezvo akatisiya. Ndakanokora mashoko Pisarema 126:5, 6 sorugwaro rwokuonekana nokuda kwake: “Vanodyara nemisodzi vachakohwa nomufaro. Unofamba-famba, achichema, akatakura tsama yembeu, uchadzoka nomufaro akatakura zvisote zvake.” Aya mashoko akabvumikisa kuva anofadza nokuda kwanguwo.
Gare gare Akemi akaroorwa uye akapfuurira kuita upiona chaihwo nomurume wake. Chifo cha 1977, apo murume wake akagadzwa somutariri wedunhu, ivo vakabatira mubasa rokufambira. Nguva dzose ndinowaridza mepu ndo“kufamba” pamepu nomwanasikana wangu. Mufaro wangu kunzwa zvinoitika zvavo ndokurovedzana nehanzvadzi dzakawanda kupfurikidza nomwanasikana wangu.
Ndatova namakore 86. Mazuva apfuura anoratidzika kuva akafanana nokurinda kumwe bedzi mukati mousiku. Handigoni kushanda zvikuru sekare, asi basa romumunda richiri kundiunzira mufaro. Apo ndinofungisisa pamusoro pamakore 60 ayo apfuura chifo chaapo ndakadzidza zvokwadi, chipikirwa chinonyaradza chaMwari chinopupuma mumwoyo mangu. Hungu, Jehovha uyo achaita nokuvimbika navakavimbika ari kuita kuti tikohwe mufaro mukuru.—Pisarema 18:25.