RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 5/1 p. 7
  • Zvokwadi yeBhaibheri “Inoshandisa Simba”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokwadi yeBhaibheri “Inoshandisa Simba”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Kupupura Kunobereka Zvibereko Pamusha Nomuchikoro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Simba Rinoshandura reShoko raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • “Shoko raMwari . . . Rine Simba”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 5/1 p. 7

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

Zvokwadi yeBhaibheri “Inoshandisa Simba”

NYIKA ino inopedza nguva yakawanda nemari ichiedza kudzora mabasa avanhu vakashata. Mitemo inoitirwa mhaka dzakadai sokushandisa mirimo zvisakafanira, kuba, uye kuponda; asi iyi mitemo haisati ichiita kuti vanhu vakashata vave vakanaka. Pane rumwe rutivi, Shoko raMwari, Bhaibheri, rine simba rinoshandura, uye vanhu vanoshandisa mitemo yaro nenheyo vanova vanhu vakarurama, vakatendeseka, uye vanyoro.—VaRoma 12:2.

◻ Somuenzaniso, Zvapupu zviviri muAustralia zvakaita shanyo yedzokerero pamajaya anoverengeka, akanga asingashandi. Sezvo zvakapinda mumba umo varume vacho vakanga vari, zvakapinda mukamuri rine rima, rakazadzwa noutsi. Imomo makanga mune zvinhu zvembanje patafura nezviziviso zvikuru zverock zviri pamadziro. Murutivi rumwe rwekamuri makanga mune magudzanzwi egetsi egitare. Yakanga iri kamuri yokurovedza yeboka rerock. Izvo zvakakwanisa kutanga fundo yeBhaibheri navatatu vaava varume avo vaiva hama dzokunyama. Makore akati pamberi pezvi mai wavo akanga afunda Bhaibheri neZvapupu, uye neyamuro yebhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano, iye akanga adzidzisa vakomana pamusoro pechipikirwa chaMwari cheparadhiso yomunguva yemberi. Ipapo mhuri yakatama, uye fundo yakamiswa. Zvino, rudo rwavo rwezvokwadi zvarwakamutsidzirwa, vakakurumidza kukumbanirwa mufundo yavo neshamwari mbiri.

Mukati memwedzi mitatu, mumwe wavo akanga opupurira, uye mwedzi mumwe gare gare iye akakumbanirwa navamwe vaviri. Ivo vakarega boka racho, uye mukati memwedzi mina, vatatu vose vakanga vogoverana mubasa rokuparidzira. Munguvayi, mai wavo, munun’una, uye hanzvadzi huru yakaroorwa vakatanga kufunda Bhaibheri. Nokukurumidza pashure paikoko imwe shamwari yakakumbira fundo yeBhaibheri. Mufaro wakadini kuona vashanu vavo vachibhapatidzwa pazuva rimwe chetero pagungano redunhu! Vamwe vaviri vari kushanda vakananga kurubhapatidzo, nepo mai nomwanasikana vachipfuurira kuita fambiro mberi yakanaka. Zvirokwazvo, Shoko raMwari rinoshandisa simba.

◻ Mumwe murume muArgentina aiva nomushandi akanga ane nungo uye ainyengera uye aiva nomungava naye wemari yakawanda. Rimwe zuva mushandi akanyangarika. Ipapo, makore gare gare, mumugwagwa pedyo nomusha wake, murume wacho akasangana naaichimbova mushandi wake. Aichimbova mushandi akamukwazisa, achiti: “Ndanga ndichienda kumba kwenyu kuzobhadhara mari yandine ngava nayo nemi. Heino mari yenyu. Ndinokuongai zvikuru kwazvo, uye ndapota ndikanganwirei nokuda kwokusaidzorera nokukurumidza zvikuru.” Ashamiswa, murume wacho akamubvunza chikonzero nei iye akaita ikoku. Iye akapindura, achiti: “Zvino ndiri kufunda Bhaibheri, uye ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Bhaibheri rinotaura kuti hatifaniri kuva nengava nomunhu upi noupi yechinhu chipi nechipi kunze kworudo. Ndokusaka ndakadzorera yenyu.” Murume akabvunza, kuti: “Isimbai rine Bhaibheri rokuparira chinjo yakadaro mumunhu?” Fundo yeBhaibheri yakatangwa naye, uye zvino iyewo ari kudzidza zvokwadi, zvose nemhaka yechinjo huru zvokwadi yeBhaibheri yakaita muaichombova mushandi wake.

Vanhu vazhinji vane mwoyo wakatendeseka muArgentina vari kugamuchira zvokwadi inoshandura yeBhaibheri uye vari kuchinja nzira yavo youpenyu, sezvinoratidza chinoitika chinotevera.

◻ “Rimwe zuva patakagogodza pasuo tiri mubasa,” chinorondedzera kudaro chimwe Chapupu, “takanzwa mhere dzichibva mukati memba. Mumhinduro kukugogodza kwedu, mumwe murume akabuda—akatsamwa zvikuru kwazvo. Takavamba kutsanangura donzo reshanyo yedu, asi akatyisidzira kutikandira kunze kwenzvimbo yake. Takapfuurira kutaura chinyararire uye zvakadzikama. Pashoma napashoma iye akaterama. Tichicherechedza izvozvi, takatsanangura kwaari zvakawanda pamusoro pedonzo rinoshamisa raJehovha nokuda kworudzi rwomunhu. Aororwa naikoku, murume wacho akatikatyamadza nokutaura, kuti: ‘Mwari akutumirai pano.’ Iye ipapo akatikumbira kupinda mumba. Vakaungana mukona, vakanga vari ‘mudzimai’ wake navana, vachichema. Ipapo iye akareurura, kuti: ‘Apo mauya, ndanga ndodokuuraya mhuri yangu neni ndimene. Ndapererwa nezano! Ndakarasikirwa nebasa rangu, uye zvino vachatibudisa mumba medu, uye ndine zvikwereti zvakawanda zvokubhadhara.’”

Ichi chinoitika chakava nomugumo unofadza. Imwe hanzvadzi yakawanira murume wacho basa, uye iye akawana imwe imba. Iye no“mudzimai” wake vakavamba kufunda Bhaibheri ndokuroorana pashure pokugara pamwe chete kwamakore 15.

Zvokwadi yeBhaibheri “inoshandisa simba” sezvinoratidza izvi zvinoitika, uye iyo inogona kuita izvozvo nokuda kwaani naani ane mwoyo unozvininipisa uyo achafunda Bhaibheri ndokurishandisa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]

“Shoko raMwari ibenyu uye rinoshandisa simba.”—VAHEBHERU 4:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe