RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 5/1 pp. 8-9
  • Kudzidzisazve Pazuva Rechinomwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidzisazve Pazuva Rechinomwe
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Mwanakomana waMwari Ndiye “Chiedza Chenyika”
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • “Chokwadi Chichakusunungurai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Zano Rokuonekana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 43—Johane
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 5/1 pp. 8-9

Upenyu hwaJesu Noushumiri

Kudzidzisazve Pazuva Rechinomwe

ZUVA rokupedzisira roMutambo waMatumba, zuva rechinomwe, richiri kufambira mberi. Jesu ari kudzidzisa muchikamu chetembere chainzi “chivigiro chemari.” Ichochi sezviri pachena chiri munharaunda inonzi Ruvazhe rwaVakadzi umo mune zvivigiro umo vanhu vanoisa mipiro yavo.

Usiku huri hwose mukati momutambo, muiyi nharaunda yetembere mune chiedza chaicho. Zvigadziko zvikuru zvemwenje zvina zvinoiswa muno, chimwe nechimwe chine midziyo mikuru mina yakazadzwa namafuta. Chiedza chinobva muiyi midziyo 16 yamafuta anopfuta mwoto chakasimba zvakakwana kuvhenekera nzvimbo yakapoteredza kusvikira kudaro guru usiku. Izvo Jesu zvino anotaura zvingayeuchidza vateereri vake nezveiyi gadziriro. “Ndini chiedza chenyika,” Jesu anozivisa kudaro. “Unonditevera haangatongofambi murima, asi uchava nechiedza choupenyu.”

VaFarise vanoramba, vachiti: “Unozvipupurira iwe; kupupura kwako hakuzi kwazvokwadi.”

Mumhinduro Jesu anopindura, achiti: “Kunyange ndichizvipupurira, kukupupura kwangu ndokwazvokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, nokwandinoenda; asi imi hamuzivi kwandakabva, nokwandinoenda.” Iye anowedzera, kuti: “Ndini ndinozvipupurira, nababa vakandituma, vanondipupurirawo.”

“Baba vako varipiko?” VaFarise vanoda kuziva.

“Hamundizivi ini, kunyange naBaba vanguwo,” Jesu anopindura. “Dai maindiziva ini, maizivawo naBaba vangu.” Kunyange zvazvo vaFarise vachiri kuda kuti Jesu asungwe, hapana anomubata.

“Ndinoenda,” Jesu anodarozve. “Pandinoenda, imi hamungauyipo.”

Pana ikoku vaJudha vanovamba kushamisika: “Uchazviuraya kanhi, zvaanoti: ‘Pandinoenda, imi hamuchauyipo.’”

“Imi muri vapasi,” Jesu anotsanangura kudaro. “Ini ndiri wokumusoro; imi muri venyika ino, ini handiziri wenyika ino.” Ipapo iye anowedzera, kuti: “Nokuti kana musinganditendi kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.”

Jesu, chokwadika, ari kunongedzera kukuvapo kwake asati ava munhu uye idi rokuti iye ndiye Mesia akapikirwa, kana kuti Kristu. Kunyanguvezvo, ivo vanobvunza, pasina panikiro noruzvidzo rukuru, kuti: “Iwe ndiwe aniko?”

Mukutarisana nokuramba kwavo, Jesu anopindura, achiti: “Izvo zvandinongoramba ndichikuudzai kubva pakutanga.” Bva iye anopfuurira kuti: “Wakandituma ndowazvokwadi; izvo zvandakanzwa kwaari, ndizvo zvindinoudza nyika.” Jesu anopfuurira, kuti: “Kana masimudza Mwanakomana womunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye kuti ini handiiti chinhu ndimene, asi ndinoreva izvozvo zvandakadzidziswa naBaba. Wakandituma unemi. Haana kundisiya ndiri ndoga; nokuti ini ndinoita nguva dzose zvinomufadza.”

Apo Jesu anotaura zvinhu izvi, vazhinji vanomutenda. Kuna ivava iye anoti: “Kana imi muchigara mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.”

“Tiri vorudzi rwaAbrahama isu,” vashori vake vanodzongonyedza, “hatina kutongova varanda vomunhu; zvino iwe ungareva seiko kuti ‘muchasunungurwa?’”

Kunyange zvazvo vaJudha kazhinji kazhinji vave vari muudzori hwavamwe, ivo havabvumi mudzvinyiriri upi noupi satenzi. Ivo vanoramba kunzi varanda. Asi Jesu anoonesa kuti ivo varanda zvamazvirokwazvo. Munziraiko? “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri,” Jesu anodaro, “mumwe nomumwe unoita zvivi ndiye muranda wezvivi.”

Kuramba kubvuma uranda hwavo kuchivi kunopinza vaJudha munzvimbo ine ngozi. “Muranda haagari mumba nokusingaperi,” Jesu anotsanangura. “Mwanakomana ndiye unogara nokusingaperi.” Sezvo muranda asina maruramiro enhaka, iye angava mungozi yokudzingwa panguva ipi neipi. Mwanakomana bedzi akaberekwa chaizvoizvo kana kuti kugamuchirwa mumhuri anogaramo “nokusingaperi,” ndiko kuti, chero bedzi achirarama.

“Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunungurai,” Jesu anopfuurira, “muchava vakasununguka kwazvo.” Nokudaro, zvokwadi iyo inosunungura vanhu ndiyo zvokwadi pamusoro poMwanakomana, Jesu Kristu. Kunongova bedzi kupfurikidza nechibairo chakakwana choupenyu hwake hwakakwana hwohunhu kuti munhu upi noupi anogona kusunungurwa muchivi chinouraya. Johane 8:12-36.

◆ Jesu anodzidzisirepi pazuva rechinomwe? Chii chinoitika usiku imomo, uye ikoku kunei chokuita nokudzidzisa kwaJesu?

◆ Chii chinotaura Jesu pamusoro pemviromviro yake, uye ikoku kunofanira kuzivisei pamusoro pokuzivikanwa kwake?

◆ VaJudha varanda munzirai, asi izvokwadii ichavasunungura?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe