Vazivisi voUmambo Vanoshuma
Kupupura Kunobereka Zvibereko Pamusha Nomuchikoro
UPENYU hwomuKristu hunobatanidza kuitira vamwe zvakanaka, zvikurukuru kupfurikidza nokugoverana navo mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Zvirevo 3:27 inoti: “Munhu, wakafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.” MuArgentina chimwe Chapupu chiduku chaiva mugore racho rechitatu rechikoro chapamusoro chaida kugoverana mashoko akanaka oUmambo neshamwari yokuchikoro. Kuita kwacho saizvozvo kwakava nemigumisiro inosvika kure.
Rimwe zuva Chapupu chiduku chacho chakadudza kushamwari yacho kuti haasati ari marudzidziso ose akanaka. Apo murume muduku akapindura kuti haana kuita chinhu chipi nechipi chakashata, Chapupu chacho chakati: “Hauitiriwo Mwari chinhu chipi nechipi.” Ikoku kwakaparira pwere yacho kufunga. Gare gare Chapupu chacho chakatsanangura kuti ano ndiwo mazuva okupedzisira uye kuti kuti ave netendero yaMwari, munhu anofanira kuwana zivo yakarurama yeBhaibheri ndokuishandisa. Shamwari yake yokuchikoro yakabvuma. Asi mhuri yayo yaizomubvumidza here kuva nefundo yeBhaibheri? Kuti chipe shamwari yacho chimwe chinhu chokufunga nezvacho, Chapupu chacho chakaikumbira kurava bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano.
Nguva yakapfuura, uye shamwari yacho yakarega chikoro. Hapana chinhu chakanzwiwa nezvayo kwerinopfuura gore. Ipapo rimwe zuva Chapupu chiduku chacho chakashamiswa kugamuchira runhare rwaibva kushamwari yacho yakataura kuti yaigona kuona kuti uporofita hweBhaibheri hwakanga huchizadzikwa chaizvoizvo. Nokukurumidza Chapupu chacho chakaronga kufunda Bhaibheri nayo.
Apo chakaenda kumusha weyaichimbova shamwari yacho yokuchikoro, chakacherechedza kuti vabereki veshamwari yacho vaiitira hanya zvikuru nezveizvo mwanakomana wavo akanga ava kubatanidzwa mazviri. Kunyange munun’una weshamwari yacho akafunga kuti akanga ava kupenga. Naizvozvo vabereki vacho vakaita kuti munun’una wacho avepo pafundo yakatevera. Pashure pezvo, nemisodzi mumeso ake, uyu murume muduku akashuma kuvabereki vacho kuti mukoma wake akanga asiri kupenga, zvokuti mai vacho vakataura kuti, “Panzvimbo pechinetso chimwe, zvino ndave nezviviri!”
Nokudaro, pafundo yakatevera yacho ivo vamene vakanga varipo uye vaitofanira kubvuma kuti vakomana vacho vakanga vasiri kupenga. Gare gare fundo yeBhaibheri yakarongwa naivo nomurume wavo. Nokukurumidza mhuri yose yakavamba kupinda misangano yeungano paHoro yoUmambo. Pakupedzisira, vanasekuruwo vakavamba kufunda Bhaibheri ndokutanga kuenda kumisangano. Kubvira panguva iyeyo, murume muduku wokutanga akabhapatidzwa. Akaroora, uye iye nomudzimai wake vaparidzi vanoshingaira.
Kupfuurirazve, kupfurikidza nokupupura kusina kurongwa kuchikoro, Chapupu chiduku chacho chabetsera vamwe vokuchikoro biyacho vaviri pamwe chete namai vacho nehanzvadzi yomumwe wavo kuvamba kufunda Bhaibheri. Pamwe chete, vanhu 11 vakadzidza zvokwadi yeBhaibheri nemhaka yokuti Chapupu chiduku hachina kurega kuitira zvakanaka vokuchikoro biyacho. Mugumisiro unofadza zvakadini! Zvirokwazvo, “Vane mufaro vanhu avo, Mwari wavo ari Jehovha.”—Pisarema 144:15.