RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 3/15 pp. 30-31
  • Imwe Fambiro Mberi Mudzidzo yeBhaibheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Imwe Fambiro Mberi Mudzidzo yeBhaibheri
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri—Musuo Muhombe Webasa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Chikoro Chine Vanenge Vapedza Kudzidza Vari Kubatsira Vanhu Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Aifarira Mutemo waJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Vafundisi Vakawanda Nokuda Kwokucheka Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 3/15 pp. 30-31

Imwe Fambiro Mberi Mudzidzo yeBhaibheri

CHINA, October 1, 1987, yakanga iri imwe fambiro mberi mudzidzo yeBhaibheri inopiwa neSosaiti yenyika yose yeZvapupu zvaJehovha. Yakaratidzira kuvambwa kweChikoro Chokurovedza Vashumiri chitsva. Kirasi yokutanga yehama dzisina kuroora 24 yakanga yashuma nokuda kwerovedzo chaiyo paPittsburgh Assembly Hall huru paCoraopolis, Pennsylvania. Vanasaimba vane mutsa pakati peZvapupu zvomunharaunda macho zvakanga zvazarura misha yazvo kuti zvichengete ava vadzidzi nokuda kwenhambo yadzo yamavhiki masere erovedzo.

Vadzidzi vakanyorwa mumangwanani, vachigamuchira mabhuku avo anoshandiswa pamwe chete nemiraidzo yokutanga. Pa 7:30 madekwana iwayo, Assembly Hall yakazadzwa neZvapupu zvine manyemwe 1 518 zvaidisa kugoverana mukuzarurwa kwapamutemo kweichi chikoro chitsva.

Albert Schroeder, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha, akabatira sasachigaro. Pashure porwiyo nomunyengetero, iye akasuma Robert Dawson, mutariri weguta wePittsburgh. Hama Dawson akakwazisa noushamwari vadzidzi 24 kuPittsburgh ndokuonga vanasaimba 13 avo vakanga vazvipira kugovera pokugara nokuda kwavo. Iye akayeuchidza vachinguri kuti kungagona kuva ropafadzo yavo kuratidza rudo runoshivirira, runodavira, rune tariro, uye runotsungirira zvinhu zvose. (1 VaKorinte 13:7) Iye akayeuchidza vadzidzi kuti, savaenzi, ivo vanofanira kuratidzira kuonga, kuzvininipisa, uye kuva vanobetsera. Neiyi nzira, ushamwari hungagona kuvapo uhwo hungagona kugara kwenduramo yose.

Vadzidzi ipapo vakashumwa, mumwe nomumwe achipa zita rake uye achitaura kwaaibva uye rakanga riri basa rake mubasa raJehovha. Vamwe vakanga vabva kuPuerto Rico, Argentina, Canada, uye Hong Kong, vasara vachiva vakabva murutivi rwokumabvazuva rweUnited States. Kunze kwechiNgezi, vamwe vavo vanotaura Spanish, French, Italian, uye Chinese.

Sachigaro akatevera kusuma James Hinderer somumwe wavaraidzi. Achivakira tsinhiro dzake pana Mateo 7:24, 25, Hama Hinderer akasimbisa ukoshi hwokuita zvinhu, kupfurikidza nokushandisa zvakadzidzwa. Nokudaro, vadzidzi vaizova vachivakira “imba” yavo paruware panzvimbo pejecha.

Randall Davis, mumwe muraidzi, akatevera kutaura kuvadzidzi. Achivakira tsinhiro dzake pana Isaya 54:13, iye akataura kuti ivo vaizodzidziswa naJehovha kuti vagozokwanisa kupa muraidzo kuvamwe. Vaizoda kutsamira zvikuru pa“mubetseri,” mudzimu waJehovha.—Johane 14:26.

Albert Schroeder akatevera kutaura pamusoro pokuti madekwana acho akamuyeuchidza sei nezveimwe fambiro mberi mudzidzo yeBhaibheri. Iye akayeuka February 1, 1943, apo vadzidzi vane zana rimwe, varaidzi vana (kubatanidza iye), uye vashanyi vakabva Brooklyn vakaungana paSouth Lansing, New York, nokuda kwokuzarurwa kweWatchtower Bible School of Gilead. Anopfuura makore 44 chibviro chenguva iyeyo, Gilead School yakava nechikomborero chaJehovha, sezvinoonwa mukupararira kwavafundisi vakarovedzwa neBhaibheri 6 000 mupasi rose. Hama Schroeder ipapo akadudza nhau dzakasiana-siana dzaizodzidziswa muChikoro Chokurovedza Vashumiri. Pakati paidzodzi pane Dzidziso dzeBhaibheri, Sangano roUbati Ushe hwoUmwari (iyo inonangidzira ngwariro huru pamitoro yavatariri navabatiri vanoshumira), Kutungamirira kwaMwari, uye Kutaura Pamhene. Iye akadanirawo ngwariro kumabhuku anoshandiswa akasiana-siana, kubatanidza Reasoning From the Scriptures. Mumhedziso, Hama Schroeder akataura zadziko yaIsaya 45:23, achitaura kuti vashori vorudzidziso, chaizvoizvo, vakanga vachipfugamira Mwari nemhaka yokuti vaitofanira kubvuma kuti Zvapupu zvaJehovha zvakarurama mune zvemishonga, mutemo, uye kuverenga nguva kweBhaibheri.

“Ivai vatevedzeri vaPauro” wakanga uri musoro wakasarudzwa nomukurukuri akatevera, Karl Klein woMutumbi Unodzora. Iye akaratidza kuti muapostora Pauro akakumbira akumbirazve sei vamwe kumutevedzera. Iye aigona kuita ikoku, nokuti akanga achitevedzera Kristu. (1 VaKorinte 11:1) Vadzidzi vakapiwa zano kutevedzera Pauro muzivo yake nokushandisa kwounyanzvi Magwaro, mukuparidzira kwake kwoushingi nokushingaira, mukusava noudyire kwake, mukuzvininipisa kwake nokuzvidukupisa, uye mutsungiriro yake yokushivirira.

Theodore Jaracz, mumwe mutezowo woMutumbi Unodzora, ipapo akakurukura hurukuro yetsauriro, “Chikoro Chitsva—Chedonzoi?” Iye akavamba kupfurikidza nokutaura kuti avo vakazvipira nokuda kweichi chikoro vakabvuma kubatira munzvimbo ipi neipi mavaizodikanwa mumunda wenyika yose. NeZvapupu zvinopfuura mamirioni matatu nechikamu chimwe chezvina muungano dzinopfuura 54 000, kune kudikanwa kukuru kwavarume vakakwaniriswa vokufudza, kudzidzisa, uye kutungamirira mubasa guru rokuparidzira Evhangeri. Kare kare Jehovha akadeya kutaura kuti aizogovera “zvipo muchimiro chavarume.” (Pisarema 68:18, NW) Iye akaita ikoku munguva dzavaapostora, kunyange sezvinotaurwa nomuapostora Pauro pana VaEfeso 4:8-11. Nhasi, Jehovha ari kugoverawo ‘zvipo muvarume’ uye ari kurovedza vamwe vavo kupfurikidza neichi chikoro chitsva.

Hama Jaracz vakataurazve kuti nepo vadzidzi vose vane mano omuzvarirwo, Kristu anogona kuwedzera iwaya. Asi ikoko kunoda nhamburiko, uye mukurukuri akataura chivimbo chokuti vadzidzi 24 vaizoita nhamburiko iyoyo. Iye akaonesa kuti hapana kuva nokubva pamipimo yakarurama yaJehovha ndokutaura kuti avo vanotungamirira vanogona kubetsera kupfurikidza nomuenzaniso womunhu oga nepesvedzero. Mumativi akawanda apasi, mune kudikanwa kukuru kwavarume vakakwaniriswa kugamuchira mutoro wesangano. Uku kudikanwa kunobatanidza kunyange ungano huru dzingava nomukuru mumwe bedzi kana kuti vaviri nechiverengero chakaganhurirwa chavabatiri vanoshumira. Naizvozvo kuri pachena chikonzero nei Chikoro Chokurovedza Vashumiri chaidikanirwa kutangwa—kurovedza vakuru navabatiri vanoshumira vasina kuroora kuti vabatire munzvimbo ipi neipi mumunda wenyika yose. Somuuyo werovedzo yavo, ivo vachava vakashongedzerwa zviri nani kutarisira wedzero savafudzi.

Vose veZvapupu zvaJehovha vanogona kupa kuonga kuna Mwari nokuda kwokubvirisa Chikoro Chokurovedza Vashumiri. Mumhedziso, Hama Jaracz vakati: “Ndine chokwadi chokuti tose zvedu takabatanidzwa mumifungo nemirangariro kuna Jehovha sezvinotaurwa paPisarema 79:13: ‘Kana tirisu vanhu venyu namakwai amafuro enyu, tichakuongai kusvikira kunguva isingazivikanwi; kuvambira pachizvarwa kusvikira pachizvarwa tichazivisa rumbidzo yenyu.’” Ipapo, norwiyo nomunyengetero, iyi nhambo inokosha zvikuru neinofadza yakasvika pamugumo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe