Nzwisiso Panhau
Chiratidzo Chakaipa
“Ndechipi chiri chiratidzo chako?” Nokuda kwamamirioni avanhu anoongorora chati dze“chiratidzo chenyeredzi” dzakagadzirirwa navoruzivo rwenyeredzi, mubvunzo iwoyo ndowoukoshi hukuru. Ivo vanodavira kuti nzvimbo yenyeredzi, nyika dzomudenga, zuva, uye mwedzi kana toreva nezvamapoka ezodiac panguva yokuberekwa inotapura zvakananga upenyu hwomunhu. Zvisinei, mukuwirirana nepepanhau rezuva nezuva reLondon Independent, voruzivo rwenyeredzi vari kupa vanhu chiratidzo chakaipa. Chati dze“chiratidzo chenyeredzi” dzinoshandiswa nokuda kwechati dzamatenga dzakavakirwa pa“mitemo” yoruzivo rwenyeredzi dzakaitwa makore 2 000 apfuura.
Independent inoti: “Woruzivo rwenyeredzi achaudza vabereki vomwana achangobva kuberekwa wanhasi kuti iye ndiCancer.” Zvisinei, mushumo wacho unoti: “Kana ivo panzvimbo pezvo vakatarira kunzvimbo yezuva mudenga, ivo vangawana kuti zuva riri chaizvoizvo muGemini.” Chii chinotsanangura ikoku? Voruzivo rwemitumbi yomudenga vanokudana kuti “kufamba kwaapo masikati nousiku zvine urefu hwakaenzana,” chinoitika umo chitenderero chapasi, chaizvoizvo, chinogweda-gweda zvikuru sezvinoita icho chechinhu chakabairwa muti chinosikwa sezvo chinopera simba. Uku kufamba, kana kuti “kugweda-gweda,” kunopedza denderedzwa rine madhigirii 360 makore 25 800 ari ose, uko kunoreva kuti masikati nousiku ane urefu hwakaenzana anofamba masekondi 50 edenderedzwa gore rimwe nerimwe, kana kuti dhigirii rimwe makore 72. Nokudaro, mumakore 2 000 apfuura, nzvimbo iri pachena yezuva mudenga yakadzokera shure nechiratidzo chimwe chakazara chezodiac. Somuuyo, “chati dzamatenga dzenzvimbo yokuberekwa kwomunhu hausi mufananidzo chaiwoiwo wamatenga panguva yokuberekwa kwomunhu,” anotsanangura kudaro Richard F. Smith mubhuku rake Prelude to Science. “Akawanda zvikurusa amaScorpio enyika ino,” iye anotsanangura, “akaberekwa chaizvoizvo apo zuva raiva muLibra, vanaLeo vazhinjisa ndivanaCancer chaizvoizvo, vanaCancer ndivanaGemini, uye zvichingodaro.”
Kusavimbika kwechati dzenyeredzi nechati dzomumatenga kunongosimbisa bedzi uchenjeri hwokutarira kuMusiki nokuda kwenhungamiro ndizvo kwete kuzvinhu izvo iye akasika. (VaRoma 1:24, 25) Zvisinei, chikonzero chinotova chikuru zvikuru chokudzivisa kushandiswa kwechati dzomumatenga ndechokuti ikoku kungagona kutungamirira kukunamata “zuva kana kuti mwedzi kana kuti hondo yose yamatenga, chinhu [Mwari] asina kuraira.”—Dheuteronomio 17:2-5.
Hapana Mvura—Hapana Upenyu
Iyi ndiyo mhedziso yakasvikwa naPurofesa Norman H. Horowitz, musayendisiti akabatanidzwa nenzendo dzokumwedzi dzeMariner neViking dza 1965-76.
Mubhuku rake To Utopia and Back: The Search for Life in the Solar System, Purofesa Horowitz akataura kuti zviwanwa zvomuidzi nzendo zvakapedza zvakajeka mubvunzo wokuti kuno upenyu here paMars kana kuti paimwe nyika ipi neipi yomudenga inotenderera zuva. “Mars,” iye anodaro, “anoshaiwa chinhu chiya chechienzi chinodzora mhoteredzo yenyika yedu timene, makungwa emvura inopiswa nezuva.” Nzvero yakasimbisa kushaiwa kwenyika yacho mvura.
Pashure pokunge kuedza kwokungwarira kwabvisa kubvira kuri kwose kwokubvira kwoupenyu paMars, Horowitz akabvuma, kuti: “Kukundikana kuwana upenyu paMars kwaiva kuodzwa mwoyo, asi kwaivawo chizaruro. Sezvo Mars akapa nokure hugaro hunovimbisa zvikurusa nokuda kwoupenyu kunze kwapasi munyika dzinopoterera zuva, zvino kunodokuva kwechokwadi kuti pasi ndiyo bedzi nyika ino upenyu munharaunda yedu yegwara renzou.”
Kwakakodzera sei kuti, pakunyora pamusoro papasi, muporofita wakare Isaya akataura kuti Muiti waro “akariita kunyange kuti rigarwe”! (Isaya 45:18, NW) Mvura inodudzwa pakuvamba munhauro yechisiko yeBhaibheri. Nenzira yakajeka, kugovera mvura pamberi pokusikwa kwechimiro chipi nechipi choupenyu chapasi kwaiva chinodikanwa. Seizvo nzendo dzokuMars dzakapupurira: Kunze kwenzvimbo yemidzimu, kusina mvura, hakugoni kuva noupenyu.—Genesi 1:1-10.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Pamusoro pasina upenyu peMars, pakaonwa vari muchitundu mutsere mutsere “Viking II”
[Kwazvakatorwa]
NASA photo