RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w87 10/1 pp. 15-18
  • Chirango Chinobereka Chibereko Chine Rugare

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chirango Chinobereka Chibereko Chine Rugare
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Shamhu Yechirango
  • Manyuko Echirango
  • Kupa Nokugamuchira Tsiuro
  • Tsungirira Chirango Ucheke Chibereko Chine Rugare
  • Kunzwisisa Chinangwa Chokuranga Nokurayira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Kurangwa Chiratidzo Chekuti Jehovha Anotida
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • “Shamhu Yechirango”—Ndeyechinyakare Here?
    Mukai!—1992
  • Unofanira Kuranga Sei Vana Vako?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
w87 10/1 pp. 15-18

Chirango Chinobereka Chibereko Chine Rugare

“Zvino kuranga kwose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, kunochemedza; asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama.”—VAHEBHERU 12:11.

1. (a) Chii chinotaura Shoko raJehovha pamsoro pamano omunhu okutungamirira nzira youpenyu hwake, bva munhu anotii? (b) Ndiani akabvumikiswa kuva wechokwadi, uye ndiani wenhema?

SHOKO raJehovha rinotaura kuti “munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Munhu anoti zviri kwaari kuita saizvozvo, uye kuvambira pamavambo okupandukira muEdheni, iye akaita saizvozvo. Kuvambira panguva iyeyo kusvikira zvino, navanhu vazhinji kwave kwakaita sezvakwakanga kwakaita mumazuva avatongi muna Israeri: “Murume mumwe nomumwe aiita sezvaakafunga kuti ndizvo zvakanaka.” (Vatongi 21:25) Asi mashoko aJehovha ari pana Zvirevo 14:12 akabvumikisa kuva echokwadi, anoti: “Munhu unoona nzira achiti yakarurama, asi kuguma kwayo inzira dzorufu.” Kwamakore 6 000, vanhu vakatora nzira yakaratidzika kuva yakarurama kwavari, uye nguva iyoyo yose yakatungamirira kuhondo, nzara, chirwere, utsotsi, uye rufu. Nhau yakabvumikisa mashoko aJehovha kuva echokwadi uye nzira dzomunhu kuva dzenhema.

2. Chimiroi chinotora voruzivo rwokushanda kwendangariro dzavana pakumbamura, asi chiberekoi icho madiro avo akabereka?

2 Vanhu vasina kukwana vanoda chirango. Ivo vanochida kuvambira pauduku zvichienda mberi. Shoko raMwari rinoti: “Unorega shamhu unovenga mwanakomana wake; asi unomuda, unomuranga zvakanaka.” (Zvirevo 13:24) Nyanzvi dzakawanda dzokushanda kwendangariro dzavana dzinoramba uchenjeri ihwohwu hwoumwari. Makore apfuura imwe yakabvunza, kuti: “Ko imi vanaamai munoziva here kuti nguva iri yose yamunombamura mwana wenyu munoratidza kuti muri kuvenga mwana wenyu?” Bva madiro avo akabereka usindimari hwepwere hukuru zvikuru zvokuti mutongi womudare weBrooklyn akaita iyi tsinhiro yakakomba: “Ndinofunga kuti tinoda kunyimwa sadza kwavaduku. Asi ikoko hakurangarirwi kuva kwakanaka zvino. Zvino tinoudzwa kuti hausati uchifanira kurova mwana; ungave uchidzivisa nyanzvi.” Asi madiro avo haana kubudisa chibereko chenyanzvi—kuwedzera bedzi kwokusateerera mutemo kwoutsotsi hwavechiduku.

3. Kuchivakirwa pakutaura kwezviremera zvinoverengeka, ikombamiroi iri kuva pachena?

3 Zvino chinjo yavapo. Burton L. White, nyanzvi pakukura kwavana, anotaura kuti rumano rwako harusati ruchizoparira mwana wako ku“kuda zvishoma kupfuura kudai waisava norumano. . . . Kunyange kana ukavambamura nguva dzose, uchaona kuti vanoramba vachidzokera kwauri.” Iye anosimbisa kuda kukuru kwomwana “rudo rwusina mufungo” runopfachukira. Dr. Joyce Brothers akashuma pamsoro pefundo yamazana avari mumagiredhi rechishanu nerechitanhatu vakarangwa norumano avo vakadavira kuti mitemo yorumano “yaiva ratidzirwo yorudo rwavabereki.” Journal of Lifetime Living yakati: “Nyanzvi dzokushanda kwendangariro dzavana, dzichiitirana nharo pamsoro pokupa zvokudya kwakarongwa nokwokuraira, kumbamura nokusambamura, dzakawana kuti hakuna kumwe kwako kunoita musiano mukuru chero bedzi mwana achidiwa.” Kunyange Dr. Benjamin Spock, munyori weBaby and Child Care, akatora rutivi rwokushorwa kwokushaika kworutsigo rwavabereki nousindimari hwakavapo somuuyo. Iye akati kushora kwaiva panyanzvi, “nyanzvi dzokurapa hosha dzendangariro dzavana, nyanzvi dzokushanda kwendangariro, vadzidzisi, vashandi venzanga navanachiremba vehosha dzavana kufanana neni ndimene.”

Shamhu Yechirango

4. Shamhu yechirango chiratidziro chechii, uye chii chinoratidzwa nokushandiswa kwayo kwakafanira mukupesana namadiro?

4 “Shamhu” sezvayashandiswa pamusoro apo haisati ichingoreva zvayo kumbamura; inomirira mutoo weruramiso, chimiro chipi nechipi chaingatora. The New International Version inoti paiyi ndima: “shamhu.” Zvimwe dimikira rechirango chorudzi rwupi norwupi.” Shamhu chiratidziro chokutonga kana kuti chiremera—muchinoitika chino chiremera chavabereki. Mubereki haaone kuonga gare gare nokuda kwamadiro ake nokukanganisa: “Kana munhu achirera muranda wake [kana kuti mwana] zvakanaka kubva pauduku hwake, pakupedzisira uchada kuva mwanakomana [asingaongi (NW)].” (Zvirevo 29:21) Kurega chiremera chavabereki kupfurikidza namadiro kunounza manyadzi uye kunoratidza kwete rudo asi kusakatara; kushandisa shamhu yechirango nenzira yomutsa asi zvakatsiga kunoratidzira itiro hanya yorudo. “Shamhu nokuraira zvinouyisa uchenjeri; asi mwana wakangoregwa hake unonyadzisa amai vake.”—Zvirevo 29:15.

5. (a) Imwe tsinhiro inotii pamsoro paZvirevo 13:24, uye inobvumirana norumwe rugwaroi rweBhaibheri? (b) Ndivanaani vari avo Jesu naJehovha vanoranga?

5 Ichinongedzera kuna Zvirevo 13:24, Keil-Delitzsch Commentary on the Old Testament inotsanangura, kuti: “Baba vanoda zvirokwazvo zvakanaka kumwanakomana wavo vanomuchengeta kusati kwava kunyanyononoka ari muchirango chorumano, kumupa achiri anokwanisa kupesvedzera nzira yakarurama, uye kusabvumira mhosho kuzvisimbisa dzimene maari; asi iye uyo anoregeredza mwana wake paanofanira kuva norumano, anoita sokunge aida chaizvoizvo ruparadziko rwake.” Moffatt’s New Translation of the Bible pana Zvirevo 19:18 inobvuma, ichiti: “Ranga mwanakomana wako, pachine tariro yake, uye usamurega achimhanyira kuruparadziko.” Chirango chomutsa asi chakatsiga chinovambira pauduku hwapakuvamba chinoratidzira rudo rwavabereki. Jesu akati: “Vose vandinoda ndinovaranga nokuvarova.” Kana ari Jehovha, “Jehovha anoranga avo anoda.”—Zvakazarurwa 3:19; VaHebheru 12:6, NW.

6. Chimiroi chinowanzotora chirango, uye mienzanisoi inotsigira mhinduro yako?

6 Chirango pane dzimwe nguva chingabatanidza kumbamura, asi kazhinji kazhinji hachidaro. Zvirevo 8:33, NW haiti, “inzwai” kurairira asi, “teerera chirango uve akachenjera.” Kazhinji chirango chinouya muchimiro chamashoko, kwete kumbamura: “Kuraira kwokurairirwa inzira youpenyu.” “Natsa kubata kurairirwa; usakuregedza. Ukuchengete, nokuti ndihwo upenyu hwako.” (Zvirevo 4:13; 6:23) Apo mubatiri waJehovha Jobho akada kurangwa, kwakaitwa namashoko okutsiura, kutanga naErihu uye ipapo naJehovha amene. (Jobho, ganhuro 32-41) Jobho akagamuchira tsiuro ndokuti kuna Jehovha: “Saka ndinozvisema, nokuzvidemba muguruva namadota.”—Jobho 42:6.

7. Chi chiri revo yeshoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “chirango,” icho chinofanira kupiwa sei, uye chinopedzei?

7 Pai·deiʹa ishoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “chirango.” Muzvimiro zvaro zvakasiana-siana iro rinoreva kurovedza, kudzidzisa, kuva “anoraidza nounyoro.” (2 Timotio 2:25, NW) Rine chokuita zvikuru nokurovedza mumufambiro kupfuura kukuwana zivo. Uku kuranga kunofanira kuva “nomwoyo murefu wose nounyanzvi hwokudzidzisa.” (2 Timotio 4:2, NW) Kunosanoenzanisirwa muzano rokuvabereki: “Uye imi, madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu, asi pfuurirai kuvarera muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4, NW) Nomutsa asi zvakatsiga, ichi chirango chinofanira kutungamirira pwere munzira yaJehovha yokufunga.

Manyuko Echirango

8. Tinogona kuzviranga timene kubva mumanyukoi uye munzirai?

8 Nheyo dzinobatanidzwa mukuranga vana dzinoshandawo kuvakuru. Bhaibheri ndiro manyuko amashoko pamsoro pechatinofanira uye tisingafaniri kuva. Sezvatinorirava, tinogona kuzviedza timene ndokushandisa ruramiso painodikanwa. (2 VaKorinte 13:5) Sezvatinofungisisa mitemo yaJehovha, kunzwa kwokuva nemhaka kunganyandurwa matiri, kuchibetsera kuziva chinjo dzinodikanwa nokuda kwedu. Kwakadaro nokuda kwowezvamapisarema: “Ndicharumbidza Jehovha akandipa mano, zvirokwazvo, itsvo dzangu [“mirangariro yangu mikurusa”] dzinondidzidzisa.” (Pisarema 16:7) Tingazviranga timene sezvakaita Pauro: “Ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe ndirege kuva wakarashwa ndimene.”—1 VaKorinte 9:27.

9. Ndimimwe mitooi iripo yokuranga kunobetsera?

9 Chirango chingabva kuno mumwe munhuwo zvake. Chingauya sokutarira, pfinyi, shoko, chiito, tsiuro yamashoko. Jesu akatarira Petro uko kwakamuyeuchidza nezvokudeya kutaurwa kwechivi chake chakakomba, uye akabuda ndokuchema zvikuru. (Ruka 22:61, 62) Imwe nguva kwaiva kutsiura mumashoko mana uko kwakakuvadza Petro: “Ibva shure kwangu Satani!” (Mateo 16:23) Kurava zvinyorwa zveWatch Tower, kupinda misangano, kutaura navamwe, kutsungirira zvinoitika zvakaoma—mibato yose yakadaro ingaita kuti meso edu aone nzvimbo matinoda kuita chinjo. Manyuko anokosha zvikuru nenhungamiro zvechirango, zvisinei, iShoko raMwari rimene.—Pisarema 119:105.

10. Zvirevo zvaSoromoni ndezvoukoshii nokuda kwokuranga, bva inzirai iyo vamwe vanoomerera kutevera?

10 Zvirevo zvaSoromoni zvakapiwa nokuda kwavanhu vamazera ose, kuti “vazive uchenjeri nokurairirwa; nokunzwisisa mashoko enjere; varairirwe nzira yokungwara, neyokururama, neyokururamisa, nokutendeka, vasina mano vapiwe kungwara, jaya ripiwe zivo nokuchenjera.” Asi zvichida munhu “muranda ungaramba kurairirwa namashoko bedzi: nokuti kunzwisisa unonzwisisa hake, asi haane hanya nazvo.” (Zvirevo 1:2-4; 29:19) Vasina mano vanoomerera pakudzidza mu“zvinoitika” zvoupenyu, sezvakaita mwanakomana anopambadza asati “afunga zvakanaka.”—Ruka 15:11-17, NW.

11. (a) Ungano yeKorinte naJona vakarangwa sei? (b) Zvirangoi zvokuranga zvakapiwa Dhavhidhi nokuda kwoupombwe hwake nenhamburiko dzokufukidza? (c) Mashokoi ePisarema 51 akanyorwa naDhavhidhi anoratidzira ukuru hworupfidzo rwake?

11 Achitsinhira pamsoro petsamba yaakanga anyorera ungano yechiKristu yaiva paKorinte, Pauro akati: “Makasuruvariswa mukapfidza; nokuti makasuruvariswa nenzira youmwari, . . . [uye kwakaguma] nokururamiswa kwechakaipa.” (2 VaKorinte 7:9-11, NW) Jona akarangwa nedutu regungwa nehove huru. (Jona 1:2, 3, 12, 17; 2:10; 3:1-4) Upombwe hwaDhavhidhi nokuedza kufukidza zvakaunza zvirango zvokuranga paari; sezvinoratidzwa pana 2 Samueri 12:9-14. Rupfidzo rwake rwakaratidzirwa zvinosiririsa naaya mashoko anobva muPisaremarechi 51: ‘Ndisukei pamhosho yangu, ndichenesei muchivi changu. Chivi changu chiri pamberi pangu nguva dzose. Bvisai mhosho dzangu dzose, sikai mandiri mwoyo wakachena, isai mukati mangu mudzimu mutsva. Musandirasha pamberi pechiso chenyu. Haiwa Jehovha, hamusati muchizvidza mwoyo wakapunzika nowakapwanyika.’—Pis. 51 Ndima 2, 3, 9-11, 17.

12. Ndimimwe mipimoi yakakomba zvikuru inodikanwa nokuda kwavamwe, uye chii chiri muuyo nokuda kwaavo vanoramba tsiuro dzinodzokororwa?

12 Navamwe vanhu mwero yakaoma zvikuru ingave iri madikanwa, sezvinoratidzira Zvirevo 26:3, kuti: “Tyava yakaitirwa bhiza, namatomu mbongoro, neshamhu musana wamapenzi.” Padzimwe nguva Jehovha akarega rudzi rwake rwaIsraeri rwuchikurirwa nenhamo idzo vakaunza pavari vamene: “Nokuti vakamukira mashoko aMwari, vakashora zano roWokumusorosoro; saka wakaninipisa mwoyo yavo nokutambura; vakawira pasi, kukasava nomunhu unobatsira. Ipapo vakachema kuna Jehovha panhamo yavo, akavaponesa pamadambudziko avo.” (Pisarema 107:11-13) Mapenzi, zvisinei, anozviomesa amene kupfuura panosvika rudzi rwupi norwupi rwechirango chinoporesa: “Munhu akarairwa kazhinji achiomesa mutsipa wake, uchaparadzwa pakarepo, kusina chingamubatsira.”—Zvirevo 29:1.

Kupa Nokugamuchira Tsiuro

13. Chii chatinofanira kudzivisa mukupa tsiuro, uye inofanira kupiwa sei?

13 Chimiro chipi kana chipi chingatora chirango, icho hachitongofaniri kupiwa muhasha. Kutaura idi, panzvimbo pokubetsera, “kutsamwa kunomutsa kukakavara.” Tinopangirwawo, kuti: “Uno mwoyo murefu une njere kwazvo; asi unokurumidza kutsamwa unowedzera upenzi.” Uyezve, “kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake; kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.” (Zvirevo 29:22; 14:29; 19:11) Apo chinodikanwa, chirango hachitongofaniri kunyanyisa. Chipe panguva yakafanira, uye kusvikira pamwero wakafanira—kwete kunyanyokurumidza, kwete kunyanyononoka, kwete chiduku zvikuru, kwete chikuru zvikuru.

14. Ndidzimwe nhungamiroi dzinopiwa nokuda kwokupa tsiuro?

14 Hedzino nhungamiro nokuda kwaavo vanopa tsiuro: “Usatuka mukuru, asi umuraire sababa, navaduku savanun’una, navakadzi vakuru samadzimai, navaduku sehanzvadzi nokuchena kwomwoyo kwose.” (1 Timotio 5:1, 2) Ko iwe unokumbira, kwete kutambudza here? “Hama, kunyange zvazvo kana mumwe munhu akaita chikanganiso iye asati achiziva, imi mune zvikwaniriso zvomudzimu edzai kugadziridza munhu akadaro nechimiro chendangariro chounyoro, sezvo imi mumwe nomumwe muchiramba muchizvirinda mumene, kutyira kuti imiwo mungadaro mukaedzwa.” (VaGaratia 6:1, NW) Ko tinopa zano muunyoro, nguva dzose tichiziva nezvoutera zvedu timene here? “Nguva dzose batai vamwe sezvamungada kuti vakubatei.” (Mateo 7:12, The New English Bible) Ko iwe unozviisa umene munzvimbo yomumwe munhu here, kuratidza tsitsi?

15. Kugamuchira tsiuro kunodei, uye izanoi rokuwedzera rinopiwa kuavo vanotsiurwa?

15 Kugamuchira tsiuro kuda kuzvininipisa. Ko iyo inoratidzika kuva yokunyanyosarudza, isina kunaka, isina kururama here? Usakurumidzira. Funga pamsoro payo. Usaramba. Rangarira pamsoro payo zvakanaka. Kana yose isingaratidziki kuva yakanaka, rutivi rwayo rwakanaka here? Zarura ndangariro yako kuti igamuchire; iyere pasina kwawakarerekera. Ko iwe uri kuva anonyanyotapurika, anonyanyokurumidza kugumburwa here? Kungatora nguva kuiona nenzira yakanaka, pashure pokunge kuvadziko ipi neipi yapakutanga kana kuti chigumbu chaderera. Naizvozvo mira. Bata rurimi rwako. Yera wakadzikama zvataurwa. Kunobvira here kuti iwe unofungira mano akaipa munhu anopa zano, uye wakairamba pahwaro ihwohwo? Kunyanguvezvo, ione seine vavariro yakanaka ndizvo kwete inofanira kurambwa nokukurumidza.

16. (a) Magwaroi nemibvunzo inowirirana zvatinofanira kurangarira pakugamuchira zano? (b) Murangariroi wakataurwa nowezvamapisarema watingatevedzera?

16 Heano magwaro okurangarira pamsoro pawo paunotsiurwa: “Unozvidzora pamashoko ake, une zivo; uye une mweya wakagadzikana, munhu wenjere.” (Zvirevo 17:27) Ko iwe unoteerera ndokuramba wakaterama here? “Nzira yebenzi yakanaka pakuona kwake; asi wakachenjera unoteerera kana achirairwa.” (Zvirevo 12:15) Unokurumidza kusarudza kuti wakarurama, kana kuti unoteerera nenzira yokugamuchira here? “Ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa.” (Jakobho 1:19) Ko iwe unotevera aya mashoko paunopiwa zano here? “Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nokuti kutsamwa kunogara pachipfuva chamapenzi.” (Muparidzi 7:9) Ko iwe unokurumidza kugumbuka here? Kwakaisvonaka sei kana tichigona kunzwa sezvakaita wezvamapisarema: “Wakarurama ngaandirove netsitsi; ngaandituke; ave mafuta pamusoro wangu; musoro wangu haungarambi.”—Pisarema 141:5.

Tsungirira Chirango Ucheke Chibereko Chine Rugare

17. Neiko chirango chisiri nyore kugamuchira nguva dzose, bva kurangarira VaHebheru 12:7, 11 kuchatibetsera sei kuchitsungirira?

17 Chirango hachisi nyore nguva dzose kugamuchira. Chingabatanidza kukwenudzwa ndokunzwa ganhuriro dzakati. Chingatokuparira nhamo. Asi tsungirira kwose ikoku. Kuchapfuura; mufaro unouya pashure. Yeuka: “Tsungai henyu mwoyo kuti murangwe; Mwari unobata nemi savanakomana; nokuti mwanakomana ndoupi usingarangwi nababa? Zvino kuranga kwose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, kunochemedza, asi pashure kunoberekera ivo vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama.”—VaHebheru 12:7, 11.

18, 19. Mirangariroi yakasimba iyo vose vari vaviri Jeremia nowezvamapisarema vakataura iyo inogadza nzira yakafanira nokuda kwedu patinenge tichitambura chirango?

18 Naizvozvo kana chirango chichirwadza uye chakaoma kutsungirira, mirira chibereko chine rugare chinouya pashure. Mirira Jehovha, sezvakaita Jeremia: “Mweya wangu uchangozvirangarira nazvino, wakakotama mukati mangu. Ndinozvifunga izvo, naizvozvo ndine tariro.” (Mariro 3:20, 21) Yeuka izvo wezvamapisarema ari munhamo akataura kwaari amene: “Unoshuvireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, nokuda kwokuponesa kwechiso chake.”—Pisarema 42:5, 11; 43:5.

19 Naizvozvo patinorangwa, mumwe nomumwe wedu ngaamirire Mwari. Pashure pokunge tarovedzwa nako, tichakohwa chibereko chine rugare, ndiko kuti, kururama.

Unoyeuka Here?

◻ Chii chiri ukoshi hwokushandisa shamhu yechirango?

◻ Ndaapi ari manyuko makuru echirango? Ndaapi ari mamwe manyuko echirango?

◻ Mukuwedzera kumashoko etsiuro, mipimoi yakasimba zvikuru ingadikanwa?

◻ Ndedzipi dziri nhungamiro dzokupa tsiuro?

◻ Izanoi richatibetsera kugamuchira tsiuro?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Ko iwe “unoteerera chirango” nenzira yokuchenjera here?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Nheyo dzinobatanidzwa mukuranga vana dzinoshandawo kuvakuru

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe