Unogutswa Here Negadziriro Dzomudzimu dzaJehovha?
“‘Mundiidze naizvozvi zvino,’—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo—‘muone kana ndisingakuzaruririyi mawindi okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa.’”—MARAKI 3:10.
1. Zvisikwa zvipenyu zvizhinjisa zvinogutswa negadziriroi?
KANA IWE ukarega kufema mweya, uchafa mumaminitsi mashomanene. Kana iwe ukarega kunwa mvura, uchafa mumazuva mashomanene. Kana iwe ukarega kudya zvokudya, uchafa mumavhiki mashomanene. Kana iwe ukarega kudya pagadziriro dzomudzimu dzaJehovha, ipapo paunofa uchafa nokusingaperi. Jehovha anogovera mweya, mvura, uye zvokudya izvo zvisikwa zvipenyu zvose zvinoda. Nokudaro, kuna Jehovha wezvamapisarema anoti: “Munotadzanyura ruoko rwenyu, ndokugutisa zvipenyu zvose.” (Pis. 145:16) Chishuvo chezvinhu zvizhinjisa zvipenyu chinogutswa negadziriro dzokunyama. Asi ikoku hakusati kuri kwechokwadi nezvezvisikwa zvavanhu.
2. Chii chiri chishuvo chomwoyo womunhu, uye igadziriroi iri madikanwa yokugutswa kwawo?
2 Jesu akaonesa ikoku paakati: “Munhu haazati achifanira kurarama nezvokudya bedzi, asi neshoko riri rose rinobuda nomumuromo maJehovha.” (Mateo 4:4, NW) Zvisikwa zvakaderera hazvina murangariro usingagumi, asi munhu anawo, sezvinotaura Muparidzi 3:11, kuti: “Wakaisawo zvisingaperi mumwoyo mavo.” Kana kuti sokushandura kunoita Revised Standard Version, “Iye akaisa kusingagumi mundangariro yomunhu.” Nokudaro, chishuvo chikuru chomunhu kurarama kusvikira kunguva isingazivikanwi, kunyange nokusingaperi. Mweya, mvura, uye zvokudya zvoga hazvikwani nokuda kwaizvozvo. Kurarama nokusingaperi kunoda gadziriro dzomudzimu dzakavakirwa pa“shoko riri rose rinobuda nomumuromo maJehovha.” Nhasi, idzo dzinowanwa mubhuku rimwe, Bhaibheri, uye mugove wacho hauperi—zvose zvaunoda, zvinopfuura zvaunogona kuva nazvo. Iri kabati haritongovi risina chinhu.
3. Chii chakaratidzira Jesu sechinokosha zvikurusa, uye ndichakavanzikai chakadzidza Pauro?
3 Jesu akatidzidzisa kunyengeterera zvokudya zvinodikanwa zvokunyama, achiti: “Tipei nhasi zvokudya zvedu zvezuva rino.” Asi nokukurumidza pashure paikoko iye akaisa zvinhu zvomudzimu munzvimbo yokutanga paakati: “Naizvozvo, rambai muchatanga kutsvaka Umambo nokururama kwake.” (Mateo 6:11, 33, NW) Zvokudya zvokunyama zvinotichengeta tiri vapenyu zuva panguva; zvokudya zvomudzimu zvinopfuuridzirwa zvinogona kukuita kwenduramo yose, uye kunyange nokusingagumi. Naizvozvo usafunganya pamsoro pezvinhu zvokunyama. Pauro akanga asati. Iye akataura nezvepfuma dzomudzimu idzo dzakamugonesa kugutswa pasinei zvapo nemigariro yokunyama, achiti: “Ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushaiwa. Ndingaita zvose naiye unondipa simba.”—VaFiripi 4:12, 13.
Ngwavaira Inouya Kuvasingagutswi
4. Igadziriroi dzakanga dzisina kukwanira vaviri vokutanga vavanhu, uye ndizvimwei zvavaida?
4 Vazhinji, zvisinei, havagutswi negadziriro dzaJehovha. Vabereki vedu vokutanga havana. Ivo vaigara mubindu reparadhiso—chitarisiko chakaisvonaka chaifadza meso avo, maruva anonhuhwira akanhuhwidza mweya wavaifema, zvokudya zvinonaka zvaibudisa mate mukanwa mavo, nziyo dzeshiri dzaivaraidza nzeve dzavo. Uyezve, ivo vaiva nebasa rinofadza rokutarisira iri bindu, kubatanidza chikomborero chokuzadza pasi navana vakakwana. Asi ivo vaiva noudyire. Izvo Mwari akanga apa zvakanga zvisina kukwana. Vaida zvakawanda. Vaida kuzvisarudzira vamene chakanga chakarurama nechakanga chisina kururama. Naizvozvo vakadaro, uye chisarudzo chimene chokutanga ivo vakaita chaiva nengwavaira, chichiguma nokurasikirwa nechinhu chiri chose, nokuda kwavo vamene uye nokuda kwavana vavo.—Genesi 3:1-7, 16-19.
5. Jehovha akakomborera vaIsraeri nechii, uye ndokupi kwaiva kuita kwavo?
5 VaIsraeri vakatevedzera muenzaniso wavo wakashata. Mwari akavanunura muuranda muEgipita, akavaita rudzi, akavapa Mutemo wakakwana, akavatungamirira munzendo dzavo dzomurenje, akavagovera zvokupfeka zvisina kutongosakara, uye akavatsigira nenenji nemana iyo yaidonha ichibva kudenga nemvura yakabuda mubwe. Asi ivo havana kugutswa negadziriro dzaJehovha. (1 VaKorinte 10:1-5) Sezvavakafamba nomurenje, ivo vakanyunyuta vanyunyutazve.—Eksodho 13:21, 22; Numeri 11:1-6; Dheuteronomio 29:5.
6. Inzirai yakaunza ruparadziko pavaIsraeri sorudzi?
6 Ivo vakangopopota pashure pokunge vagadzikana muNyika Yakapikirwa—nyika yakaibva, yaiva nemvura yakawanda “inoyerera mukaka nouchi.” Vachiri vasingatendi, vachiri vasingagutswi negadziriro dzaJehovha, ivo vakasiya kunamatwa kwake, vakatendeukira kukunamata vatano kwezvidhori, vakabaira vana vavo kuna Moreki, uye vakaunza ruparadziko pavari vamene sorudzi. Vadzorerwa vachibva muubatwa hweBhabhironi, ivo vakatevera magamuchidzanwa omuromo ayo akaita kuti shoko raMwari rishaye simba. Ivo vakaguma nokuuraya Mesia wavo akapikirwa, Kristu Jesu.—Dheuteronomio 6:3; 8:7-9; Vatongi 10:6; 1 Madzimambo 14:22-24; 2 Madzimambo 21:1-16; Isaya 24:1-6; Mateo 15:3-9; 27:17-26.
7. Vakuru vechiKristudhomu vanhasi vakapfuurira sei vari munzira imwe cheteyo savaprista vasina kutendeka vomunguva yaMaraki?
7 Kuburukira kuzuva rino rudzi rwomunhu kazhinji kazhinji rwakapfuurira kuda zvarwo zvitendero zvorudzidziso rwenhema. Vakuru vorudzidziso vanoshora zita raJehovha, kwete kunyange kurishandisa. Vanomuzvidza nedzidziso dzavo dzisiri dzapaMagwaro dzakadai soUtatu, mweya usingafi, uye kutambudzwa kusingagumi muhero yomwoto. Dzidziso dzavo hadzina kungoshatiswa bedzi nounhema hwakatorwa muBhabhironi rakare neEgipita asiwo, muzvinoitika zvakawanda, dzakashatiswa nokurambwa kworudzikinuro rwaKristu nokugamuchirwa kwemhindumupindu. Ivo vanotorera Jehovha rumbidzo yake yakafanira, sezvakaita chaizvo vaprista vomuzuva raMaraki.—Maraki 1:6-8; 3:7-9.
8. (a) Ikokeroi iyo vaprista vomuzuva raMaraki navatungamiriri vorudzidziso vanhasi vanoramba? (b) Ndivanaani vakapindura kokero yacho, uye nomuuyoi?
8 VaIsraeri shure panguva iyeyo vakakurudzirwa kuzvichenesa vamene ndokudzokera kuna Jehovha. “Dzokerai kwandiri, neni ndichadzokera kwamuri,” Jehovha akadaro. Iye akavakumbirazve, kuti: “‘Mundiidze naizvozvi zvino,’—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo—‘muone kana ndisingakuzaruririyi mawindi okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa.’” (Maraki 3:7, 10) Vakasarira bedzi vorudzi rwechiJudha vakadzokera; nhasi, vakasarira vakatendeka vaIsraeri vomudzimu vakabuda mumarudzidziso enhema enyika. Ivo, pamwe chete neboka guru rinokura ravanamati vamwe vakafanana namakwai, vanorumbidza Jehovha seZvapupu zvake. (Johane 10:16) Kwavari, Jehovha akachengeta chipikirwa chake uye iye ‘akazarura mawindi okudenga ndokuvadururira zvikomborero kutozosvikira pasisinazve kushaiwa’—madyo chaiwoiwo ezvokudya zvomudzimu!—Isaya 25:6.
Zvokudya Zvomudzimu Zvakawanda
9. Igadziriroi dzomudzimu dzinowanika nhasi, kupfurikidza nei, uye nomuuyoi?
9 “Muranda akatendeka nowakachenjera” uyo Jesu akadeya kutaura nokuda kwezuva redu ari kubatikana kugovera zvokudya zvomudzimu zvakawanda. (Mateo 24:45, NW) Gore rapera roga, munyika 208 nezvitsuwa zvegungwa, nomumitauro 200, vanopfuura mamirioni matatu veZvapupu zvaJehovha vakaita kuti idzi gadziriro dzomudzimu dziwanike kupfurikidza neshanyo dzapaimba neimba uye kugoverwa kwamazana amamirioni amabhuku, magazini, uye maBhaibheri. Vazhinji vakadya izvi zvokudya zvomudzimu uye vakagutswa: Vatsva vanopfuura 225 000 vakabhapatidzwa mugore rimwe!
10. Igadziriroi dzinowanika nokuda kwokuteerera zano raPauro rokuungana pamwe chete?
10 Gadziriro dzomudzimu dzaJehovha dzakaita kuti dziwanikewo kupfurikidza nekokorodzano dzoruwa, magungano edunhu, uye misangano mishanu yevhiki nevhiki inoitwa nguva dzose muungano 52 000 dzeZvapupu zvaJehovha—zvose mukuteererwa kwezano raPauro riri pana VaHebheru 10:25, ‘rokusarega kuungano kwedu pamwe chete.’
11. Chii chinoenzanisira nzira inodikanwa yokuti zvokudya zvomudzimu zvigadzirirwe nayo?
11 Apo mukadzi anokoka vaenzi kuzvokudya, iye haasati achingovidza zvake nhindi yenyama ndokuikandira mundiro. Iye anoshandisa zvinonhuhwira nomuto kuwedzera kunaka kunonyemudza nezvinoyevedza kuti zvifadze maziso. Kungooneka chete kwazvo nokunhuhwira zvakakwana kuita kuti mukanwa mubude mate uye masiriri kuyerera. Ndiyo nzira yakagadzirirwa nayo gadziriro dzomudzimu dzaJehovha—kwete nomutoo usingafadzi, womuitiro, asi nenzira inonaka kufadza ndangariro nokuorora mwoyo. MuKristu mumwe nomumwe anofanira kutevera muenzaniso iwowo. “Ko nzeve haiidzi mashoko, somukanwa unoravira zvokudya here?”—Jobho 12:11.
12. Mienzanisoi yatinayo yezvokudya zvomudzimu zvinogadzirirwa nenzira inonyautsamukamwa?
12 Bhuku Rinotungamirira reChikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari muzvifundo zvaro zvokutanga rinosimbisa kushandisa mashoko anofadza. Soromoni akashandisa kwete bedzi mashoko akarurama asiwo anofadza. (Muparidzi 12:10) Pisarema 45:2 rakadeya kutaura nezvaMesia, Jesu Kristu, kuti: “Nyasha yakadururirwa pamiromo yenyu.” Kwakabvumikisa kuva kwakadaro. Vanzwi vake vakashamiswa na“mashoko akanaka akabuda mumuromo make.” Ivo vakaramba vanaye kuti vamunzwe, vakakurumidza kuuya kutembere kuzomunzwa, vakamuteerera nomufaro, vakashamiswa nenzira yake yokudzidzisa. Vakuru vakuru vakatumwa kuzomusunga vakazivisa, kuti: “Hakuno munhu wakatongotaura nokutaura kwomunhu uyu.” (Ruka 4:22; 19:48; 21:38; Marko 12:37; Mateo 7:28; Johane 7:46) Bhuku Rinotungamirira rakagoverwa kutibetsera kutaura mashoko anofadza ezvokwadi. Ko iwe unorishandisa zvakazara here?
13. VaEfeso 5:15-17 inosimbisa sei pamsoro po‘kutenga nguva,’ uye neiko ikoku kuchisimbiswa?
13 VaEfeso 5:15-17, NW inotipa zano, ichiti: “Rambai muchingwarira zvikuru kuti mafambire enyu asave saavasina kuchenjera asi ave avanhu vakachenjera, muchizvitengera nguva yakafanira, sokuti mazuva akaipa. Nokuda kwaizvozvi regai kuva vasina mufungo, asi rambai muchinzwisisa chiri kuda kwaJehovha.” Shoko rechiGiriki rakashandurwa pano kuti “nguva” harirevi nguva mupfungwawo zvayo asi rinoreva nguva yakagadzwa, nguva yakakodzera nokuda kwedonzo chairo. Chiito chechiGiriki chakashandurwa kuti “muchitenga” chiri muchimiro chokusimbisa, uye “muaya mashoko akapoteredza zvimwe chinoreva ku‘tenga zvikuru’; ndiko kuti, kubata banza riri rose rinouya.”a Ko iwe unobata nguva murudungwe rwako yokuzviita umene akachenjera kupfurikidza nokudya gadziriro dzomudzimu dzaJehovha here? Unofanira. Tose zvedu tinofanira. Nemhaka yeiko? “Sokuti mazuva akaipa.”
Kubva Murenje Romudzimu Kuenda Kuparadhiso
14. Indimai yeBhaibheri inobatira somuenzaniso worutivii rweNew World Translation Reference Bible redu romutauro wechiNgezi?
14 Gadziriro yomudzimu yakatanhamara ndeyedu New World Translation of the Holy Scriptures—With References, yakabudiswa muna 1984. Iyo ine mativi akawanda anobvirisa kushandisa ‘nguva yakatengwa’ kuwedzera zivo yedu.b Muenzaniso mumwe inongedzero dzayo. Rangarira Pisarema 1:3, iro rinobata nomugariro womunhu anofungisisa mutemo waMwari masikati nousiku. Ndima iyoyo inorava, kuti: “Uchafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, mashizha awo haasvavi; chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.” Kune zvakawanda, zvakawanda zvikuru, kuiyi ndima kupfuura zvinosangana neziso romuravi anongorava zvake nokukurumidza ndokupfuura.
15. Mibvunzoi inomutswa pamsoro pomuti wePisarema 1:3, uye ivhenekeroi inopa Isaya 44:4?
15 Tapota cherechedza: Muti wakasimwa. Wakasimwa naani? Uri pahova dzemvura, dzakawanda. Ko muti mumwe unokura panhenderekedzo dzehova dzinoverengeka here? Aiwa. Naizvozvo iva anoda kuziva. Uyu muti unoreva nezvechii? Nongedzero dzinozarura meso endangariro yedu. Idzo ndiIsaya 44:4,; 61:3 naJeremia 17:8. Isaya 44:4, NW inotaura kuti vanhu vake vachava vakafanana nemiti “iri pamakoronga emvura.” Makoronga emvura akawanda? Chokwadi, hungu! Hova dzacho makoronga okudiridza anodziridza miti iri mumunda wemiti!
16. Ndiimwe jekesoi inopiwa naIsaya 61:3 naJeremia 17:8?
16 Isaya 61:3 inodana mimwe yeiyi miti kuti “miti yokururama, chakasimwa chaJehovha, kuti iye akudzwe.” Jehovha ndiye anosima ndokudiridza iyoyi, uye iye ndiye anokudzwa nemichero inobereka miti yacho! Jeremia 17:8 inofananidza munhu anorangarira pamsoro pomutemo waMwari masikati nousiku no“muti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usingatyi, kana kupisa kuchisvika, asi mashizha awo achava matema; haungarangariri pagore rokusanaya kwemvura, kana kurega kubereka zvibereko.” Mashizha awo haasvavi; chinhu chiri chose chaunoita chinobudirira!
17. Mufananidzoi zvino unobuda pamsoro pePisarema 1:3, uye rutivii rwatinoita marwuri?
17 Zvino toziva mugariro wechokwadi wezvinhu! Pisarema 1:3 riri kuratidzira mufananidzo wakaisvonaka. Avo vanofungisisa pamsoro pomutemo waJehovha masikati nousiku vakafanana nemiti yakasimwa pamanyuko asingakundikani emvura. Ivo havasati vachasiri rutivi rwupi norwupi rwamasangano enyika akaoma mumudzimu asi zvino vanosonganirana nesangano raMwari rinogoverwa zvikuru mvura dzinozorodza dzezvokwadi. Zvamazvirokwazvo, ivo vari muparadhiso yomudzimu, vanozorodzwa mumudzimu, uye vari kubereka chibereko chomudzimu kurumbidzwo yaJehovha. Uye imbofunga hako! Mwari ari kushandisa Zvapupu zvake kutungamirira vanhu vachibva mumasangano akaoma, asina chinhu, enyika vachienda kuparadhiso yake inozorodza, ine mvura yakawanda yomudzimu.
18. Vamwe vanoita sei apo vanoona vamwe vachiita zvakanaka uye mukupupurira, neiko ivo vangakundikana?
18 Kuti tiite iri basa zvinobudirira, tinofanira kuranga ndangariro dzedu nemwoyo kuti tigoshandisa gadziriro dzose dzomudzimu dzaJehovha. Vamwe vanonzwa vamwe vachitsanangura magwaro eBhaibheri uye ipapo vanoti: “Ndinoshuva kuti dai ndaiziva Bhaibheri sezvaanoita!” Asi kana vakadaro vakazviranga vamene kuti vafunde Bhaibheri, ivowo vanogona kuwedzera muzivo yeBhaibheri. Vamwe vanonzwa vamwe vachipupurira pamasuo uye ipapo vanoti: “Ndinoshuva kuti dai ndaigona kupupurira pamasuo nenzira yaanoita nayo!” Asi kana ivo vakazviranga vamene kuti vagoverane nguva dzose mubasa romumunda, vachishandisa bhuku raReasoning From the Scriptures, ivowo vanogona kuva Zvapupu zvine unyanzvi zvikuru. Vamwe vanonzwa vamwe vachikurukura hurukuro dzeBhaibheri uye ipapo vanoti: “Ndinoshuva kuti dai ndaigona kukurukura hurukuro nenzira yaanoita nayo.” Asi, zvakare, kana ivava vakazviranga vamene kugadzirira zvakanaka migove yavo yokukurukura, vachipinza zvifundo zveBhuku Rinotungamirira reChikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari, ivowo vachafambira mberi mumano okutaura.
19. Chii chiri chinhu chikuru kukukudziridza mano edu okupupurira?
19 Zvino, kuda kwakaisvonaka, asi kuda pasina kushanda hakuiti kuti basa riitwe. Ndiro basa rinoita kuti kuda kuitike. Zvirange umene kuti utenge nguva, uye ita basa rinoita kuti kuda kuitike. Kana usati uchishandisa tsinga, ichadhamba. Kana usati uchishandisa unyanzvi, huchapera. Kana usati uchishandisa ndangariro yako, mano okufunga achapera. Kana usati uchishandisa zivo, ucharasikirwa neyaunayo. Muchinoitika chiri chose, muitiro ndouyu, “Chishandise kana kuti rasikirwa nacho.” Ndiko ‘kupfurikidza neshandiso kuti masimba enzwisiso anorovedzwa.’ Ipapo “mano okufunga amene achakuchengeta, nzwisiso imene ichakutaviridzira.”—VaHebheru 5:14; Zvirevo 2:11, NW.
20. Kupfurikidza nokushandisa gadziriro dzomudzimu dzaJehovha, chii chatichadzivisa, uye chii chatichawana?
20 Naizvozvo shandisa gadziriro dzomudzimu dzaJehovha. Fara navanogutswa vake. Nzvenga nzara iyo Amosi akadeya kutaura, kuti: “‘Tarirai, mazuva anouya,’—ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha,—‘andichatuma nzara panyika, isati iri nzara yezvokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.’” (Amosi 8:11) Goverana naavo vanodya ndokufara, kwete naavo vanoramba zvokudya ndokutambura manyadzi: “Naizvozvo zvanzi naShe Jehovha: ‘Tarirai, varanda vangu vachadya, asi imi muchava nenzara; tarirai varanda vangu vachanwa, asi imi muchava nenyota; tarirai, varanda vangu vachafara, asi imi muchanyadziswa.”—Isaya 65:13.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona The New International Dictionary of New Testament Theology, Volume 1, peji 268, yakanyorwa naColin Brown.
b Ungave uchigere kuva nayo mumutauro wenyu asi pasina panikiro uchawana fariro mumuenzaniso uri pamsoro apa wokushanda kwayo.
Unoyeuka Here?
◻ Rudzi rwaIsraeri rwakaratidza sei kusagutswa kwarwo negadziriro dzaJehovha?
◻ Maraki 3:10 yakazadzikwa sei paZvapupu zvaJehovha?
◻ Ndeipi iri revo huru yePisarema 1:3?
◻ Neiko kuchikosha kushandisa zvinhu zvinodzidzwa kupfurikidza negadziriro dzomudzimu dzaJehovha?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Avo vanofungisisa pamsoro pomutemo waJehovha vakafanana nemiti yakasimwa pamanyuko asingakundikani emvura