RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg pp. 2-3
  • Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira
  • Famba naMwari Neushingi
  • Mashoko Akafanana
  • “Shinga . . . Uzviite”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Shingai!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • ‘Shingai uye Simbai!’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Shinga—Jehovha Anewe!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg pp. 2-3

Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira

Rakaprindwa

Hama Nehanzvadzi Dzinodiwa:

Jesu akaudza ungano yaiva muSimina kuti: “Usatya matambudziko awava kuda kusangana nawo.” (Zvak. 2:10) Mashoko iwayo anoshandawo kwatiri mazuva ano sezvo tiri kurarama “muzuva raShe.” (Zvak. 1:10) Tiri kurarama ‘munguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri,’ asi zvinokurudzira chaizvo kuona vanhu vaMwari vachiramba vaine kutenda kwakasimba uye vakashinga pasinei nemiedzo yavari kusangana nayo!—2 Tim. 3:​1-5.

Murume akararama panguva dzinotaurwa muBhaibheri ari kufamba murenje rakakura.

Saka zvii zvatingaita kuti tirambe takasimba, ‘tisingadzokeri shure’ kunyange tikasangana nezvinhu zvinotyisa? (VaH. 10:39) Dzimwe nguva hazvisi nyore kuti tirambe takasimba, ‘tisingadzokeri shure’ nekuti tinogona kupikiswa kana kuti kutotambudzwa chaiko. Asi nguva dzese tine zvatinogona kusarudza kuita kana kusaita. Tingave tiri vanhu vanonyara kana kuti vakati shingei, tinogona kusarudza kutsigira Jehovha toita zvakarurama tisingatyi. Chii chingatibatsira?

Shoko raMwari rakafemerwa rinogona kukubatsira kuti uve neushingi. Rakazara nenyaya dzevarume nevakadzi vaiva neushingi. Bhuku rino rakagadzirwa kuti ritibatsire kudzidza nezvevarume nevakadzi ivavo toona kuti tingavatevedzera sei. Pauchange uchidzidza nyaya dzacho, nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kuona kuti ungavatevedzera sei iye zvino kana kuti mune ramangwana. Funga kuti Jehovha angakubatsira sei kuti uve neushingi. Uyewo, funga kuti ushingi hwakaratidzwa nevarume nevakadzi ava hungakubatsira sei pazvinhu zvinotevera:

Pakuchinja maonero atinoita zvinhu. (Jak. 3:17) Chimbofunga nezvaJonatani. Pamwe aifunga kuti ndiye aizosara achitonga samambo pashure pababa vake, Sauro. Asi Jehovha akabva asarudza Dhavhidhi uyo aiva mudiki nekure kuna Jonatani kuti azova mambo. Jonatani akagamuchira zvakanga zvasarudzwa naJehovha uye akanyatsozvitsigira. Jonatani ainge akavimbika kuna Jehovha uye akaratidza ushingi.

Pakutsigira zvinonzi naJehovha zvakarurama. (VaH. 11:​32-34) Chimbofunga nezvaHananiya, Mishaeri naAzariya. Vakasarudza kufira havo muvira remoto pane kuti vaite zvisingadiwe naJehovha zvekunamata chidhori.

Pakuudza vamwe chokwadi nezvaJehovha naJesu. (Mat. 22:16) Fungawo nezvaSauro wekuTaso, uyo akaparidza nezvaJesu kuvanhu vaitarisira kuti aizovabatsira pakutambudza vateveri vaJesu.

Tinovimba kuti bhuku rino richakubatsira kuti uwedzere kusimbisa kutenda kwako uye kuti uwedzere kuva neushingi. (Pis. 27:14) Dai Jehovha akakukomborera nekubatsira kwauchaita vemumhuri mako uye vemuungano kuti vavewo neushingi hwekutsigira Umambo hwaMwari!

Hama dzenyu,

Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe