RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 21 pp. 98-101
  • Mukomana Akataura Achimiririra Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mukomana Akataura Achimiririra Jehovha
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • “Akaramba Achikura Jehovha Ainaye”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Samueri Akaramba Achiita Zvakarurama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • “Akaramba Achikura Jehovha Ainaye”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Samueri Akaramba Achiita Zvakanaka
    Dzidzisai Vana Venyu
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 21 pp. 98-101

21 SAMUERI

Mukomana Akataura Achimiririra Jehovha

Rakaprindwa
Rakaprindwa

SAMUERI ane paakanga akafanana nemwanasikana waJefta uyewo naSamsoni. Vese vari vatatu vainge vakafanana pakuti zvakaitwa nevabereki vavo zvakachinja upenyu hwavo chaizvo. Samueri akaita upenyu hwake hwese achiitira Jehovha basa dzvene sezvakaitwa nemwanasikana waJefta. (1 Sam. 2:11) Samueri aiva muNaziri kweupenyu hwake hwese sezvainge zvakaita Samsoni. (Vat. 13:7) Uye kufanana navo vese, Samueri aitofanirawo kuva neushingi.

Samueri paakarumurwa ava nemakore anenge 3 kana kuti ati pfuurei ipapo zvishoma, amai vake Hana, vakamuendesa kutebhenekeri yaiva kuShiro kuti anoshumira Jehovha ari ikoko sezvavakanga vavimbisa Jehovha. Asi Hana aishanyira mwanakomana wake gore negore, uye pese paaimushanyira aimuendesera nguo itsva yekuti apfeke ari patebhenekeri ipapo. Samueri akakura achigara patebhenekeri paaichengetwa nemupristi mukuru Eri uyo akanga akwegura. Pamwe vamwe vakadzi vaiva patebhenekeri ipapo vakabatsirawo pakuchengeta kamukomana aka.

Asi kunamata kwakachena kwaiitwa patebhenekeri kwainge kwava kusvibiswa uye Eri aitovawo nemhosva panyaya yacho. Vanakomana vake vaviri, Hofini naFiniyasi, vainge vari varume vakaipa. Vaiita unzenza nevamwe vakadzi vaishumira Jehovha patebhenekeri yake tsvene. Uye pane zvimwewo zvavaitoita zvaisvibisa kunamata kwakachena. Zvinoita sekuti vanhu pavaiuya nezvibayiro zvavo kutebhenekeri, Hofini naFiniyasi vaibva vatumira vashandi vepatebhenekeri kuti vaende kunotorera vanhu ivavo nyama dzakanakisisa pazvibayiro zvavanenge vauya nazvo, pane kuti vadzipe kuna Jehovha. Eri aiziva zvaiitwa nevanakomana vake. Asi akangovatsiura zvakaneta-neta uye ivo vacho havana kana kutombomuteerera. Pasinei nezvakaipa zvaakakura achiona, Samueri akaramba achikura achifarirwa naMwari nevanhu. Nguva payakazosvika yekuti Jehovha agadzirise zvakaipa zvaiitwa patebhenekeri muShiro, akasarudza Samueri kuti ataure mitongo yake achimumiririra.

Rimwe zuva huri usiku, Samueri akapepuka paakanzwa inzwi remunhu aitaura. NdiJehovha aimushevedza! Asi Samueri akafunga kuti ndiEri, saka akabva amhanya kwaari kuti anonzwa kuti ari kudei. Samueri akaenda kuna Eri uyo akanga akwegura uye asisanyatsooni, asi Eri akati Samueri adzokere hake kunorara nekuti akanga asina kumushevedza. Izvozvo zvakaitika futi kechipiri uye zvakazoitikazve kechitatu. Eri akazoziva zvakanga zvichiitika, saka akabva audza Samueri kuti adzokere futi kunorara. Eri akaudza Samueri kuti kana Jehovha akamushevedzazve, apindure achiti: “Taurai henyu Jehovha, nekuti muranda wenyu akateerera.” Samueri akanoita zvaakanga audzwa kuti aite naEri.

Jehovha akashevedzazve Samueri kechi4, achiti: “Samueri, Samueri!” Samueri akabva ati: “Taurai henyu nekuti muranda wenyu akateerera.” Jehovha akabva ataura naye. Akamuudza kuti aizogadzirisa zvakaipa zvaiitwa patebhenekeri muShiro uye Eri aizorangwa nekuti akanga asina kutsiura vanakomana vake. Jehovha akatonga imba yaEri pamwe chete nevanakomana vake vainge vakaipa. Samueri aifanira kuudza Eri zvese izvi!

Samueri akadzokerazve kunorara, asi Bhaibheri haritiudzi kuti hope dzakazobata here. Ava mangwanani, Samueri akamuka ndokuvhura masuo echivanze chetebhenekeri. Zvinonzwisisika kuti, “Samueri aitya kuudza Eri zvaakanga aona.” Eri akashevedza mukomana wacho ndokumubvunza kuti Mwari amuudza kuti kudii. Pamwe Eri akazviona kuti Samueri aitya saka akabva amuudza kuti: “Ndapota usandivanzira.”

Kunyange zvazvo Samueri akanga achiri mudiki aifanira kuudza Mupristi Mukuru Eri mutongo waibva kuna Jehovha

Zviri pachena kuti iyi yaiva nguva yakaoma chaizvo kuna Samueri. Airemekedza Eri achitomuona sasekuru vake here? Hatinyatsoziva hedu, asi chatinoziva ndechekuti semupristi mukuru, Eri ndiye aitungamirira rudzi rwacho pane zvekunamata. Kunyange zvakadaro, mukomana wacho akataura zvaakanga audzwa naJehovha. “Samueri akamuudza zvese.” Eri akabva aziva kuti pakanga pasara nguva pfupi kuti Jehovha amutonge iye neimba yake. Pane zvaakazoita here kuti vanakomana vake vasiye zvakaipa zvavaiita? Hapana chinoratidza kuti akaita izvozvo.

Samueri achiri mudiki achitaura nemupristi mukuru Eri, vakamira pedyo nemasuo echivanze chetebhenekeri.

Jehovha akapa Samueri makomborero akawanda chaizvo nekuti akaratidza ushingi. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Jehovha aiva naye.” Chimwezve ndechekuti kubvira ipapo zvichienda mberi, Samueri akabva atanga kutaura achimiririra Mwari, uye Mwari ‘haana kurega chero shoko ripi zvaro rakataurwa naSamueri richikundikana.’ Zvese zvakataurwa naSamueri nezvaEri nevanakomana vake zvakazadzika. Kubvira ipapo, vaIsraeri vainge vava kutungamirirwa naSamueri pane zvekunamata. Samueri akaita makumi emakore achishumira Jehovha akavimbika semuprofita uye semutongi. Akanga adzidza kuratidza ushingi kubvira achiri mudiki, uye akaramba achihuratidza makore ese akawanda aakararama achikomborerwa naJehovha.

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • 1 Samueri 1:​9-11, 24-28; 2:​12-36; 3:​1-21; 25:1

  • VaHebheru 11:32

Mubvunzo wekukurukura:

Samueri akaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Tsanangura zvainge zvakaita kuShiro kwaiva netebhenekeri yaJehovha. (w92 11/1 8-9-wcgr) Ona mufananidzo A

    Todd Bolen/BiblePlaces.com

    Mufananidzo A: Paimbova neShiro kare

  2. 2. Samueri akakura achiona zvinhu zvakaita sei paaiva patebhenekeri? (ia 60-62 ¶9-13-wcgr) Ona mufananidzo B

    Samueri achiri mudiki achivhura masuo echivanze chetebhenekeri.

    Mufananidzo B

  3. 3. Samueri paakanga achiri mudiki “akanga asati ava kuziva Jehovha” pakuti kudii? (1 Sam. 3:7; w02 12/15 8 ¶5-6-wcgr)

  4. 4. Uprofita hwaitaura nezvemhuri yaEri hwakazadzika sei? (it “Eri, 1” ¶5-7-wcgr)

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Wechidiki angatevedzera sei Samueri . . .

    • panyaya yekuteerera? (1 Sam. 3:5)

    • panyaya yekuremekedza vamwe? (1 Sam. 3:​6-10)

    • panyaya yekuva munhu anogona kuvimbwa naye? (1 Sam. 3:15) Ona mufananidzo C

      Hama yechidiki iri kunyora uwandu hwezvinhu zvekushandisa pakuchenesa Imba yeUmambo. Nechekumashure kune hama iri kurongedza mabhuku uye hanzvadzi iri kuchenesa.

      Mufananidzo C

  • Ndepapi pangada kuti wechidiki ave neushingi hwekutaura, uye zvakaitwa naSamueri zvingamubatsira sei?

  • Ndepapi pamwe patingatevedzera ushingi hwakaratidzwa naSamueri?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Samueri paachamutswa?

Dzidza Zvimwe

Ndepapi pangada kuti tese vakuru nevadiki tive neushingi hwekutsigira zvakarurama?

Dzidza Kubva Kwavari—Samueri (4:53)

Samueri akasarudza kushumira Jehovha achiri mudiki kunyange zvazvo aigara nevanhu vaisaremekedza Mwari.

“Samueri Anosarudza Kushumira Jehovha” (ijwis nyaya yechi15-wcgr)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe