CHIKAMU 2
Kubva Mumazuva eMadzimambo Kusvika Pakazovakwazve Jerusarema
Chikamu ichi chinobata zvakaitika mumakore anenge 600. Tichatanga kukurukura nezvaJonatani, mwanakomana waMambo Sauro, tozokurukurawo nezvaDhavhidhi. Pamadzimambo ese akatonga muIsraeri, Dhavhidhi ndiye akatanga kunyatsoratidza kuti ainge akavimbika kuna Jehovha. Tichazoenderera mberi nekuongorora zvimwe zvakaitika kusvikira panguva yakadzoka vanhu vaMwari kubva kuBhabhironi kwavakanga vari nhapwa uye pavakazovakazve Jerusarema. Tichazowanawo zvidzidzo kubva pane zvakaitika muupenyu hwaAbhigairi, Natani, Eriya, Dhanieri, Esteri, Nehemiya, nevamwewo. Vanhu ivavo vakasangana nezvinhu zvakaoma muupenyu. Semuenzaniso, vamwe vavo vakatonga panguva yakapanduka vanhu vaJehovha, vamwe vavo vaitofanira kutsungirira matambudziko aikonzerwa nekutsauka kwevatungamiriri vavo, uye vamwe vaifanira kuramba vachitsigira chokwadi pasinei nekuti vanhu verudzi rwavo vakanga vatsauka pakutenda uye vava kuita zvakaipa.