13 JOSHUA
Akateerera Kunyange Pazvaiita Sezvisina Musoro
JOSHUA akamira akatarisa Jeriko, guta raakanga audzwa naMwari kuti aifanira kurwisa uye kuparadza. Akayeuka zvaakanga amboudzwa naJehovha, Mozisi paakanga ava kuda kufa zvekuti: “Shinga usimbe.” (Dheut. 31:23) Munguva pfupi yakanga ichangobva kudarika, Jehovha akanga amuudza mashoko akada kufanana ekuti: “Ingoshinga usimbe kwazvo.” (Josh. 1:7) Asi apa Joshua ndipo paakanga ava kufanira kuratidza ushingi. Nei tichidaro?
Kunyange zvazvo Jeriko rakanga risiri haro guta rakanyanya kukura, rainge rakapoteredzwa nerusvingo rwakakura uye rwakasimba. Ndiro raiva guta rekutanga munyika yakapikirwa raifanira kuzorwiswa nevalsraeri. Muguta iroro maigara vanhu vaiita zvinhu zvinogara zvakadaro. Mazana emakore akanga adarika, Jehovha akanga audza Abrahamu “nezvechivi chevaAmori,” achireva vanhu vaigara munharaunda yeKenani. Akati zvakaipa zvavaiita zvaizosvika “pakuipisisa” rimwe zuva uye zvadaro Jehovha aibva azovapa mutongo. (Gen. 15:16) Zuva iroro rakanga razosvika. Vanhu vacho vainamata zvidhori, vaiita chipfambi chepatemberi, ungochani, kurara neveukama, kurara nemhuka, uye kutopa vana vavo sezvibayiro kuna vanamwari venhema. Vakanga vaipa chaizvo uye zvakanga zvava kuita sekuti nyika yavo chaiyo yakanga yava kuda kuvarutsa! (Revh. 18:3, 6, 21-27) lzvozvo zvaizoitika sei?
Jehovha paakaudza Joshua zvaaifanira kuita kuti aparadze Jeriko, zvaakamuudza zvacho zvaiita sezvisina musoro
Mwari aizoshandisa Joshua neuto rake. Masoja iwayo akanga akagadzirira kuita zvaidiwa naJehovha. Jehovha aizoshandisa hondo iyoyo kuti atange kubvisa vanhu vakaipa munyika yacho achitangira muguta reJeriko. Asi zvakataurwa naJehovha achiudza Joshua kuti aite pakurwa kwacho zvaiita sezvisina musoro. Jehovha haana kumuudza kuti aende kunorwisana nevanhu vacho, kana kuti akombe guta racho kwenguva refu, asi chaaifanira kungoita chete, kufora. Vaifanira kungofora vachitenderera guta racho kamwe chete pazuva, kwemazuva 6. Vapristi vaifanirawo kufora vakatakura areka yesungano uye vachiridza hwamanda. Pazuva rechi7, vese vaifanira kufora vachitenderera guta racho ka7 vobva vazoshevedzera.
Joshua ane dzimwe hondo dzaakanga amborwa. Achizvitarisa semunhu aiva neunyanzvi hwekurwa, izvozvo zvaiita sezvisina musoro. Ko kudai kuri kuti valsraeri vaizokundwa, chii chaizoitika? Zvaisazoshingisa vamwe vagari vemuKenani here, zvoita kuti varwisewo valsraeri vacho?
Asi Jehovha akanga atoita kuti Joshua azive kuti aigona kuvimba naye. Joshua paakatuma vasori vaviri kuti vaende kuJeriko, vakanzwa kuti varume vekuJeriko vaitotya valsraeri. Uye Jehovha akanga aita chishamiso chekumisa yemuRwizi rwaJodhani, achiitira kuti valsraeri vayambuke.
Joshua anofanira kunge akafungisisa zvinhu zvese izvozvo zvaiita kuti ave nekutenda muna Mwari wake. Izvozvo zvakaita kuti ave neushingi hwekuteerera zvaakaudzwa kuti aite. Saka akatungamirira uto rake pakufora vachitenderera Jeriko, uku vapristi vachiridza hwamanda. Asi muguta macho makanga makati zii, “rakavharwa zvakasimba” vachityira kurwiswa. Zuva rakatevera racho, Joshua akatungamirira uto rake pakufora vachitenderera guta racho, achinyatsoita zvaakanga anzi naJehovha aite. Vakaramba vachiita izvozvo zuva nezuva, kwemazuva 6. Asi zuva rechi7 rakazosvika.
Musi iwoyo, Joshua neuto rake vakafora vachitenderera Jeriko ka7. Pavakapedza kufora kechi7, pane chimwe chinhu chavakabva vaita chavanga vasiri kumboita mazuva ese avaifora. Joshua akabva ashevedzera achiti: “Shevedzerai, nekuti Jehovha akupai guta!” Havana kana kumbotora nguva refu vakamirira. Bhaibheri rinoti: “Vanhu pavakangoshevedzera zvinotyisa, rusvingo rwakabva rwaondomoka.”
Joshua nevarume vaakanga ainavo vakabva vapinda muguta racho ndokuparadza zvinhu zvese zvipenyu zvaivamo, sezvavakanga vaudzwa naJehovha kuti vaite. Vachibatsirwa naJehovha, Joshua neuto rake vaiti vakaparadza guta iri voenda vonoparadza rimwe, vakaparadza rudzi urwu voenda vonoparadza rumwe, vachingokunda. Nguva yakanga yazosvika, yekuti Jehovha achenese nyika yacho “pachivi chevaAmori”!
Asi pane kamwe kachikamu kerusvingo rweJeriko kasina kuondomoka. Nei kasina kudonha? Mhinduro yacho ine chekuita nekutenda uye ushingi zvakaratidzwa nemumwe mukadzi watichazonzwa nezvake muchitsauko chinotevera.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Joshua akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Joshua angangodaro aiva nezvikamu zvipi zveShoko raMwari zvakafemerwa? (w09 12/1 17 ¶4, mashoko emuzasi-wcgr) Ona mufananidzo A
Mufananidzo A
2. VaIsraeri vasati vafora vachitenderera Jeriko, Jehovha akaudza Joshua kuti kudii? Nei zvakaudzwa Joshua naJehovha zvaiita sekuti hazvina musoro? (Josh. 5:2-8; w18.10 23 ¶5-7-wcgr)
3. Uchapupu hupi huripo hunoratidza kuti Jeriko rakakundwa risina kumbokombwa kwenguva refu? (w15 11/15 13-wcgr) Ona mufananidzo B
Kennedy, Titus (2023). The Bronze Age Destruction of Jericho, Archaeology, and the Book of Joshua. Accessed via researchgate.net. Licensed under CC BY 4.0
Mufananidzo B: Midziyo yevhu ine zviyo zvakatsva yakawanikwa paimbova neJeriko kare
4. Uprofita hunotaura nezveJeriko huri pana Joshua 6:26 hwakazadzika sei? (w98 9/15 21 ¶8-wcgr)
Zvidzidzo Zvatinowana
Chii chakabatsira Joshua kuti ave nechokwadi chekuti zvakavimbiswa naJehovha zvaizozadzika? (Josh. 23:14) Tingavawo sei nechivimbo chakadaro mazuva ano?
Zvakaitwa naJoshua zvinotibatsirawo sei kuti titeerere zvatinoudzwa nesangano raMwari? Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naJoshua?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Joshua paachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Zvakaitwa naJoshua zvinotibatsira sei panyaya yekudzidza kubva kune vechikuru, yekuvimba nezvinovimbiswa naMwari, uye yekuramba takatendeka kunyange patinenge tarwadziswa nemumwe muKristu?
Batsira vana vako kuti vawane zvidzidzo zvinokosha kubva paupenyu hwaJoshua.