RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 11 pp. 58-61
  • “Pinda Muna Farao”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Pinda Muna Farao”
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • Akasarudza Zvaaida
    Famba naMwari Neushingi
  • Mosesi naAroni Vanoona Farao
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Kusvika Pakuziva Nzira dzaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Mwari Anonunura Vanakomana vaIsraeri
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 11 pp. 58-61

11 MOZISI

“Pinda Muna Farao”

Rakaprindwa
Rakaprindwa

MOZISI akanga achinja. Akanga ava nemakore akawanda abva kuIjipiti, saka zvinoita sekuti akanga asingachaoni sekuti ndiye aizoshandiswa naJehovha pakununura valsraeri muljipiti. Panguva iyi Mozisi akanga ava nemakore anenge 80, uye akanga atova nemudzimai nevana vaviri. Akanga aita makore 40 achiita basa raitarisirwa pasi rekufudza makwai atezvara vake munyika yaipisa yainge isinganyanyonaya mvura, yevaMidhiyani.

Jehovha akaona kuti Mozisi akanga achinja zvechokwadi. Rimwe zuva, Jehovha akaita kuti gwenzi raiva mujinga megomo reHorebhi, kana kuti Sinai, ribvire moto asi risingatsvi zvikabva zvaita kuti Mozisi ade kuziva kuti chii changa chichiitika. Paakaenda pedyo negwenzi racho, Jehovha akabva ataura naye ari mumoto asi achishandisa ngirozi ine simba. Akamuudza kuti adzokere kuljipiti kuti anotungamirira vanhu vake pakubuda munyika iyoyo! Kuti amusimbise, Mwari akamuita kuti azive chimwe chinhu nezvezita rake dzvene rekuti Jehovha, paakati: “Ndichava Zvandinenge Ndasarudza Kuva.” Saka Jehovha aigona kusarudza kuva Muponesi wevanhu vake ava vaidzvinyirirwa, achivaitira chero zvaidiwa kuti vave nerusununguko, oita kuti vave rudzi rune simba.

Asi Mozisi akanga achiri kuzeza. Aiona sekuti basa racho akanga asingarikwanisi, uyewo akanga asingakwanisi kuenda kunotaura naFarao mambo weljipiti. Jehovha akamururamisa uye pane chimwe chinhu chinoshamisa chaakaita kuti asimbise kutenda kwake. Ipapo ndipo pekutanga muBhaibheri, patinoona Jehovha achipa munhu simba rekuita zvishamiso. Uye Jehovha akaita kuti Mozisi abatsirwe nemukoma wake Aroni, uye ndiye aizotaura achimumiririra. Mozisi akazobvuma hake, asi akanga achiri kutya. Apa akanga atova mesiya, kureva kuti ainge asarudzwa naJehovha kuti aponese vanhu vake.—VaH. 11:26.

Mozisi akadzokera kuljipiti achiperekedzwa naAroni vachibva vaenda kunotaura naFarao. Asi Farao paakanzwa mashoko avakanga vauya nawo akagumbuka. Pane kuti asunungure valsraeri, mambo uyu ainge agumbuka akabva aita kuti varanda vacho vawedzere kuomeserwa pabasa ravaiita! Zvadaro Jehovha akatumazve Mozisi kuti adzokere kuna Farao kunomuudza nezvedambudziko rekutanga raida kuunzwa naJehovha panyika yeljipiti. Jehovha akabva arova nyika yeljipiti nedambudziko rekutanga! Akaita kuti mvura yemuRwizi rwaNire ichinje kuva ropa. Asi Farao akaramba akatsika madziro. Jehovha akaramba achituma Mozisi kuti adzokere kuna Farao uye pese paaienda aiudza Farao nezverimwe dambudziko rinenge rava kuda kuuya. Jehovha akaudza Mozisi kuti: “Pinda muna Farao,” uye Mozisi akashinga kuita zvaakanga audzwa naJehovha. Asi mutongi iyeye aizvikudza akaramba akaomesa mwoyo. Kutangira padambudziko rechi4, Jehovha akaita kuti matambudziko acho arove valjipiti asi asingabati vanhu vake.

Mozisi naAroni vachisvika pamberi paFarao nevamwe vashandi veimba yamambo.

Dambudziko rimwe nerimwe rainyatsobudisa pachena kuti vanamwari veljipiti, vapristi vaiita zvemashiripiti, kunyange Farao pachake, pakanga pasina zviripo. Asi Farao akaramba akaomesa mwoyo, asingadi kurega vaIsraeri vachienda. Padambudziko rechi9 ljipiti yakafukidzwa nerima, asi kwaiva nevaIsraeri kwaiva nechiedza. Pakaitika dambudziko iri Farao akamboda kuti dzorei mwoyo asi nemhaka yekuzvikudza akabva aramba akatsika madziro. Farao akabva atyisidzira Mozisi achimuudza kuti kana akaedza futi kudzoka kwaari, aizomuuraya.

Mozisi aifanira kudzokera adzokerazve kuna Farao nemashoko aigona kumugumbura

Asi Jehovha akabva atuma futi Mozisi kuna Farao kekupedzisira, uye Mozisi akabvuma kuenda. Dambudziko rekupedzisira rechi10 rakaita kuti matangwe ese emuIjipiti afe, kubvira kumatangwe evanhu kusvikira kumatangwe emhuka. Farao paakazoona kuti kunyange mwanakomana wakewo akanga afa, akabva akanda mapfumo pasi. Farao achishaya pekupinda nekunyara, akashevedza Mozisi, akabva asunungura valsraeri, asi vasati vaenda Farao akakumbira Mozisi kuti atange amukomborera. Pakanga pava nemakore 430, kubva pakapinda Abrahamu muNyika Yakapikirwa uye panguva iyoyo chaiyo, valsraeri ndipo pavakabva vasunungurwa! Valsraeri vakanga vasisiri varanda, uye pavakabuda muljipiti vakabuda pamwe chete “neboka guru revamwe vanhu vakasiyana-siyana,” uye vakawanda vavo vakanga vari valjipiti. Gare gare Farao akabva achinja mwoyo. Farao akaunganidza uto rake guru vachibva vatanga kutevera valsraeri.

Pavakanga vava pamahombekombe eGungwa Dzvuku, Mozisi nevaIsraeri vaiita sevakanga vasisina kwekutizira. Valsraeri vakatanga kutya zvekutya zviya. Mozisi akabva akumbira Jehovha kuti avabatsire. Uye Jehovha akamupindura achiita chishamiso chakanga chisati chamboonekwa chero naani zvake. Akapatsanura Gungwa Dzvuku, kuitira kuti valsraeri vakwanise kuyambuka nepakaoma. Farao paakaona kuti valsraeri vakanga vava kutoyambuka, akabva atanga kuvadzingirira neuto rake achipindawo nemugungwa imomo. Asi valsraeri pavakanga vangopedza kuyambuka Gungwa Dzvuku, Jehovha akabva aita kuti mvura yemugungwa racho idzokere payakanga iri, ikabva yafukidza valjipiti. Uto raizezesa pasi rese rakabva ratsakatika!

Mozisi haana kuzombobvira akanganwa zvaakaona musi iwoyo. Zvakaitika ipapo zvakaita kuti kutenda kwake kuwedzere kusimba. Mozisi akatungamirira vanhu vaMwari kwemakore 40 akazotevera, kusvikira paakazofa ava nemakore 120. Aitungamirira vanhu vaMwari achiratidza kuti aiva nekutenda, rudo, uye ushingi zvatinogona kutevedzerawo mazuva ano.

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • Eksodho 2:15–5:23; 7:1–11:10; 12:​29-41; 13:17–14:31

  • Dheuteronomi 29:​2, 3; 34:​5-7

Mubvunzo wekukurukura:

Mozisi akaratidza sei ushingi pane zvakaitika muupenyu hwake panguva iyi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Zita raFarao aitonga ljipiti panguva iyi harizivikanwi, uye hapana zvinyorwa zvati zvawanikwa zvekuljipiti zvinotaura nezvekubuda kwevalsraeri munyika yacho. Asi nei zviine musoro kuti titi nyaya iyoyo ndeyechokwadi? (g04 4/8 23 ¶3–24 ¶2-wcgr)

  2. 2. Nei vanhu vaitya Farao? (w14 4/15 8 ¶1-wcgr) Ona mufananidzo A

    PRISMA ARCHIVO/Alamy Stock Photo

    Pikicha A: Chidziro chekare chakatemererwa mufananidzo wemumwe Farao

  3. 3. Matambudziko 10 akanyadzisa sei vanamwari veljipiti? (it “Vanamwari Navanamwarikadzi” ¶24-26-wcgr)

  4. 4. Chii chinoratidza kuti Jehovha akavhura nzira yakakura muGungwa Dzvuku, uye vangangodaro vari valsraeri vangani vakayambuka nepanzira iyoyo? (it “Kubuda muIjipiti” ¶46-51-wcgr) Ona mufananidzo B

    Pikicha B: Pikicha yeGungwa Dzvuku yakatorwa nemunhu aiva paSinai inoratidza panofanira kunge pakayambukira vaIsraeri

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Zvakaitika kuna Mozisi zvinotikurudzira sei patinonzwa sekuti hatikwanisi kuita rimwe basa ratinenge tapiwa naJehovha? (Eks. 4:10; 7:​6, 7)

  • Tingabatsira sei hama nehanzvadzi dzedu mazuva ano, tichitevedzera zvakaitwa naAroni paakabatsira Mozisi kuti aite basa raakanga apiwa naJehovha neushingi? (Eks. 4:​14-16) Ona mufananidzo C

    Mifananidzo: Hanzvadzi yakakura pakunamata iri kubatsira imwe hanzvadzi kuti ive nechivimbo muushumiri. Mifananidzo mitatu inotevera inoratidza zvinhu zvitatu zvayakaita ichiibatsira. Hanzvadzi yakakura pakunamata ichiona imwe hanzvadzi iri kuomerwa nekuparidzira mumwe murume pamusika. Gare gare musi iwoyo, hanzvadzi iya yakakura pakunamata inoshandisa bhurocha rinonzi “Iva Nerudo Nevanhu, Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi” kuti iratidze imwe hanzvadzi yacho mazano ainogona kushandisa. Hanzvadzi dzacho dziri mbiri dziri kutaura nemumwe murume pamusika. Hanzvadzi iya yanga ichimboomerwa nekuparidza yava kutaura nechivimbo ichiparidzira murume wacho.

    Pikicha C

  • Ungatevedzera sei ushingi hwakaratidzwa naMozisi pane zvataurwa munyaya iyi?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Mozisi paachamutswa zvine chekuita nezvakaitika panguva iyi yeupenyu hwake?

Dzidza Zvimwe

Ona kuti zvinorehwa nezita raJehovha zvingabatsira sei vechidiki kuti vave neushingi.

Zita raJehovha (1:54)

Zvakaitika muupenyu hwaMozisi zvakamudzidzisei nezvaJehovha?

“Kusvika Pakuziva Nzira dzaJehovha” (w05 5/15 20-25-wcgr)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe