RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bm chikamu 6 p. 9
  • Jobho Anoramba Akaperera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jobho Anoramba Akaperera
  • Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Mashoko Akafanana
  • Jobho Akarumbidza Zita raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • “Handizosiyi Kuperera Kwangu Kuna Mwari!”
    Tevedzerai Kutenda Kwavo
  • Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raJobho
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 18—Jobho
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
bm chikamu 6 p. 9
Jobho aine mamota

CHIKAMU 6

Jobho Anoramba Akaperera

Ari pamberi paMwari, Satani anova nemibvunzo nezvekuperera kwaJobho, asi Jobho anoramba akatendeka kuna Jehovha

PANE munhu angaramba akatendeka kuna Mwari here kana akaedzwa kusvika pekupedzisira uye kana kuteerera kusina zvakunomupa? Mubvunzo iwoyo wakabvunzwa ukapindurwa munyaya ine chokuita nemurume ainzi Jobho.

VaIsraeri pavakanga vachiri muIjipiti, Jobho, hama yaAbrahamu, aigara mune yava kunzi Arabia. Panguva iyi, ngirozi dzakaungana kudenga pamberi paMwari, uye mupanduki Satani aivawo pakati padzo. Pamberi pegungano iri raiva kudenga, Jehovha akataura nezvechivimbo chaaiva nacho muna Jobho mushumiri wake akavimbika. Kutaura zvazviri, Jehovha akati pakanga pasina mumwe munhu akanga akaperera saJobho. Asi Satani akataura kuti Jobho aishumira Mwari pamusana bedzi pokuti Mwari akanga amukomborera uye aimudzivirira. Satani akataura kuti kudai Jobho aizotorerwa zvose zvaakanga ainazvo, aizotuka Mwari.

Ngirozi dzakaungana pamberi paMwari uye Satani aripowo ipapo

Mwari akabvumira Satani kuti atange kuparadza upfumi hwaJobho nevana vake ndokuzopedzisira neutano hwake. Asingazivi zvaiitwa naSatani pane zvose izvi, Jobho haana kunzwisisa kuti nei Mwari akamurega achipinda mumiedzo iyi. Kunyange zvakadaro, Jobho haana kupandukira Mwari.

Shamwari nhatu dzenhema dzakauya kuna Jobho. Mumashoko anozadza mapeji akawanda ebhuku raJobho, varume vacho vakaedza kuita kuti Jobho abvume kuti Mwari akanga achimurangira zvivi zvaakaita pachivande. Vakatoti Mwari haafariri vashumiri vake uye haavimbi navo. Jobho akaramba mafungiro avo asina kururama. Jobho akataura nechivimbo kuti aizoramba akaperera kusvika pakufa!

Asi Jobho akaita chikanganiso chokunyanya kufunga nezvekuzviruramisa. Murume wechiduku ainzi Erihu, ainge akateerera kukurukurirana kwacho kwose, akataura achiruramisa Jobho neshamwari dzake dzenhema. Erihu akatsiura Jobho nokuti akatadza kunzwisisa kuti kurevererwa kweuchangamire hwaJehovha Mwari kunonyanya kukosha zvikuru kupfuura kurevererwa kwemunhu chero upi zvake. Erihu akatsiurawo zvakasimba shamwari dzaJobho dzenhema.

Jehovha Mwari akabva ataura naJobho, achiruramisa mafungiro ake. Paakataura nezvezvinhu zvinoshamisa zvakasikwa, Jehovha akaita kuti Jobho afunge nezveuduku hwemunhu kana huchienzaniswa neukuru hwaMwari. Achizvininipisa, Jobho akabvuma kururamiswa naMwari. Sezvo Jehovha aine ‘rudo rukuru nengoni,’ akaita kuti Jobho avezve neutano hwake, akamupa pfuma yaipeta kaviri yaaimbova nayo uye akamukomborera nevana gumi. (Jakobho 5:11) Nokuramba akaperera kuna Jehovha paaiedzwa zvikuru, Jobho akabudirira pakupindura kupomera kwaSatani kwekuti vanhu havarambi vakatendeka kuna Mwari kana vakaedzwa.

—Kubva mubhuku raJobho.

  • Satani akamutsa nyaya yei nezvaJobho?

  • Zvakaitwa naJobho zvokuramba akaperera kuna Jehovha zvakapedzei?

NYAYA DZINOKOSHA

Nokutaura kuti Jobho, murume ainge asina mhosva uye aitya Mwari kupfuura vose vaiva panyika, aishumira Jehovha Mwari achiitira kuti zvingomunakira chete, Satani akapa pfungwa yokuti izvi ndizvo zvinoitwa nevanhu vose uye ngirozi dzose. Nokudaro, Satani haana kuva nechokwadi nokuperera kwevanhu kuna Jehovha. Ichi chikamu chenyaya hombe yakamutswa naSatani muEdheni, yekukodzera uye kururama kweuchangamire hwaJehovha. Bhuku raJobho rinoratidza kuti ngirozi nevanhu vanogona kuva nezvavanoita pakurevererwa kweuchangamire hwaJehovha nokuramba vakaperera kwaari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe