RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bm chikamu 8 p. 11
  • VaIsraeri Vanopinda muKenani

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • VaIsraeri Vanopinda muKenani
  • Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Mashoko Akafanana
  • Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raJoshua
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 6—Joshua
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Akanzi “Akarurama Nemabasa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Rakabhi Anovanza Tsori
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
bm chikamu 8 p. 11
Joshua anoshevedzera nokuda kwehondo vapristi vachiridza hwamanda

CHIKAMU 8

VaIsraeri Vanopinda muKenani

Joshua anotungamirira vaIsraeri pakukunda Kenani. Jehovha anopa vatongi simba rokununura vanhu vake pakudzvinyirirwa

MAZANA emakore vaIsraeri vasati vapinda muKenani, Jehovha akavimbisa kupa nyika iyoyo kuvana vaAbrahamu. Panguva ino vachitungamirirwa naJoshua, vaIsraeri vakanga vava pedyo nokutora Nyika Yakapikirwa.

Mwari akanga atonga vaKenani sevanhu vakakodzera kuparadzwa. Vakanga vazadza nyika yacho nounzenza hunosemesa uyewo kuteura ropa neutsinye. Nokudaro, maguta evaKenani aizokundwa nevaIsraeri aifanira kuparadzwa zvachose.

Zvisinei, vasati vapinda munyika yacho, Joshua akatuma vasori vaviri vakanogara muguta reJeriko nomumwe mukadzi ainzi Rakabhi. Akapinza vasori vacho mumba make uye akavachengetedza kunyange zvazvo aiziva kuti vaiva vaIsraeri. Rakabhi aitenda muna Mwari wevaIsraeri, nokuti akanga anzwa zvakaitwa naJehovha achiponesa vanhu vake. Akaita kuti vasori vacho vamupikire kuti iye neveimba yake vaisazourayiwa.

Pave paya, vaIsraeri pavakapinda muKenani kuti varwise Jeriko, Jehovha akaita chishamiso chokuti masvingo eJeriko akoromoke. Mauto aJoshua akaita chipitipiti achipinda ndokuparadza guta racho asi haana kuuraya Rakabhi neveimba yake. Zvadaro, mumakore matanhatu mauto achirwisa nokukurumidza, Joshua akakunda zvikamu zvikuru zveNyika Yakapikirwa. Pashure paizvozvo, nyika yacho yakagoverwa kumadzinza evaIsraeri.

Mepu yenyika yeKenani[Mepu iri papeji 11]

Ava pedyo nokupedza basa rake raaiitira Mwari kwenguva refu, Joshua akaunganidza vanhu. Akadzokorora navo zvakanga zvaitirwa madzibaba avo naJehovha uye akavakurudzira kuti vashumire Jehovha. Zvisinei, pashure pokunge Joshua nevamwe varume vakuru vaaishanda navo vafa, vaIsraeri vakasiya Jehovha kuti vashumire vanamwari venhema. Kwemakore 300, rudzi rwacho haruna kuramba ruchiteerera mitemo yaJehovha. Panguva iyoyo, Jehovha akabvumira vavengi vevaIsraeri, vakadai sevaFiristiya, kuti vavadzvinyirire. Asi vaIsraeri pavaidana kuna Jehovha kuti avabatsire, aigadza vatongi kuti vavaponese. Vatongi vacho vose vakasvika ku12.

Nguva yeVatongi inotaurwa mubhuku reVatongi yakatanga naOtinieri uye yakaguma naSamsoni, murume akanga aine simba kupfuura vose vakanga vararama. Chokwadi chinokosha chinoratidzwa charatidzwazve munhoroondo iyi inonakidza chakanyorwa mubhuku reBhaibheri reVatongi ndeichi: Kuteerera Jehovha kunounza zvikomborero, uye kusateerera kunounza matambudziko.

​—Kubva muna Joshua; Vatongi; Revhitiko 18:24, 25.

  • Nei Jehovha asina kuuraya Rakabhi neveimba yake?

  • VaIsraeri vakaitei pashure pokunge Joshua afa?

  • Ichokwadi chipi chinokosha chinoratidzwa mubhuku reBhaibheri reVatongi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe