RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be p. 4-p. 8 ndim. 1
  • Tinokugamuchira Kuchikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinokugamuchira Kuchikoro chaMwari Choushumiri
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Misoro Midiki
  • Kubatsirwa Zvakazara
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be p. 4-p. 8 ndim. 1
Bhokisi riri papeji 5

Tinokugamuchira Kuchikoro chaMwari Choushumiri

PASI pose, munyika dzinopfuura 200, mamiriyoni evadzidzi ari kubatsirwa vhiki imwe neimwe nedzidzo yeChikoro chaMwari Choushumiri. Vamwe vatsva. Vamwe vave vachipinda chikoro chacho kwemakore akawanda. Chikoro chacho chinoitwa munzvimbo makumi ezviuru. Chero kwaunogara pasi pano, purogiramu yedzidzo yakafanana unoiwana. Vanhu vemazera ose, marudzi, uye vane dzidzo yakasiyana-siyana vari kurayiridzwa muchikoro chaMwari mahara.

Pakatanga chikoro chacho muungano dzeZvapupu zvaJehovha muna 1943, chinangwa chacho chakataurwa nemashoko aya: “Kugadzirira ‘varume vakatendeka’ vose, vaya vakanzwa Shoko raMwari vakaratidza kutenda kwavo mariri, kuti ‘vakwanise kudzidzisa vamwe’ . . . nechinangwa chokuti mumwe nomumwe . . . ashongedzerwe zviri nani kupa pachena tariro yaanayo.” (Course in Theocratic Ministry, p. 4) Chinangwa chechikoro chacho hachisati chachinja nanhasi.

Chaizvoizvo, ndechipi chinhu chakanakisisa chingaitwa naani wedu zvake nechipo chedu chokutaura chatakapiwa naMwari? Bhaibheri rinopindura kuti: “Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha.” (Pis. 150:6) Patinodaro, tinofadza mwoyo waBaba vedu vokudenga. Tinovaratidza kuti mwoyo yedu iri kuongawo runako rwavo norudo. Ndosaka vaKristu vachigarokurudzirwa ku“pa Mwari chibayiro chokurumbidza, icho chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita rake”! (VaH. 13:15) Tinokugamuchira somudzidzi muChikoro chaMwari Choushumiri, nechinangwa chokukubatsira kuvandudza mano ako okushandisa zvipo zvako zvawakapiwa kurumbidza Jehovha.

Kunyange zvazvo kuverengera vanhu uye unyanzvi hwokutaura nokudzidzisa zvichikurukurwa zvikuru muchikoro chino, kubatsira kwedzidzo yeChikoro chaMwari Choushumiri hakugumiri ipapo. Sezvauchavawo nezvokuita, uchabatsirwa kukudziridza unyanzvi hunobatsira hwakadai sokuverenga uri woga, kuteerera uye kuyeuka, kudzidza, kutsvakurudza mashoko, kuongorora uye kuronga, kukurukura, kupindura mibvunzo, uye kunyora zviri mupfungwa. MuBhaibheri uye mumabhuku akavakirwa pariri ndimo muchabva chidzidzo nemashoko uye mienzaniso zvinopiwa muchikoro. Sezvaunopinza mupfungwa dzako chokwadi chinokosha chinowanikwa muShoko raMwari, uchadzidza kufunga zvinofungwa naMwari. Izvozvo zvingava zvinobatsira sei muzvinhu zvose zvoupenyu! Nezvokukosha kweShoko raMwari, mumwe mudzidzisi wepayunivhesiti womuzana remakore rechi20 William Lyon Phelps akanyora kuti: “Munhu wose anonyatsoziva Bhaibheri zvechokwadi anganzi akadzidza. . . . Ndinofunga kuti kuva nedzidzo yeBhaibheri usina kosi yokukoreji kunokosha pane kosi yokukoreji usingazivi Bhaibheri.”

Kubatsirwa Zvakazara

Mufananidzo unozadza peji yose papeji 4

Chokwadi, kuti unyatsobatsirwa zvakazara nedzidzo inopiwa muChikoro chaMwari Choushumiri, iwe, mudzidzi, unofanira kutoshingirira. Muapostora Pauro akakurudzira mumwe wake muKristu Timoti kuti: “Fungisisa pamusoro pezvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose.” (1 Tim. 4:15) Ungashingirira munzira dzipi dzinoshanda?

Kana uchikwanisa pinda Chikoro chaMwari Choushumiri vhiki nevhiki. Shandisa bhuku rino nokuchenjera, Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri. Nyora zita rako panzvimbo yaro iri papeji ine musoro webhuku. Uya nebhuku racho pose paunouya kuchikoro. Bhuku rino rine pokunyorerawo zvinhu zvishoma. Paunoverenga mariri pfungwa dzinokosha dzaunofunga kuti dzichakubatsira, dzitare. Shandisa micheto mikuru kunyorera pfungwa dzinoshandisika dzaunodzidza pakukurukurirana pachikoro.

Purogiramu yakadhindwa ichatevedzerwa paChikoro chaMwari Choushumiri unoipiwa iri yoga. Purogiramu yacho ichavawo nemashoko okuti chikoro chichaitwa sei. Pamwe zvingakunakira kuchengeta purogiramu iyi mubhuku rino, maichawanikwa nyore.

Pakugadzirira chikamu chechikoro chevhiki nevhiki, usakanganwe kuti Bhaibheri ndiro bhuku guru. Kuverenga chikamu charo chingave chakarongwa vhiki iyoyo kunokosha kwazvo. Kana ukakwanisawo kufanoverenga zvikamu zvakasiyana-siyana zvepurogiramu, izviwo zvichakubatsira kwazvo.

Chikoro pachinenge chichiitwa, pangava nemikana yokuti vateereri vapindure. Ishandise zvizere. Kupindurawo pakukurukurirana kwakadaro chinhu chinokosha kuti uyeuke zvaunonzwa nokukwanisa kuzvishandisa muupenyu hwako.

Zvechokwadi, vadzidzi vose vachava nemikana yokukurukura kana kuenzanisira pamberi peungano. Shandisa mumwe nomumwe weiyi mikana zvakanaka. Nyatsoshingirira kuti uvandudze chero unyanzvi hwokutaura hwawakanzi ugadzirire. Uchapiwa zano kuti urambe uchibudirira. Gamuchira kubatsirwa kwako woga ikoko. Mubhuku rako, nyora zvinhu zvakananga zvawanzi iwe woga uite kuti uvandudze. Sezvo zvakaoma kuti munhu azvinzwisise sezvaanoitwa nevamwe, zvaunoudzwa uye zano raunopiwa nenzira yorudo zvinobva muBhaibheri zvingakubatsira zvikuru kubudirira. Izvozvo zvinoshanda kunyange kana wave wakanyoresa muchikoro kwemakore akawanda.—Zvir. 1:5.

Ungada kubudirira nokukurumidza here? Kana iwe pachako ukaratidza kuti une chido, zvinogona kuita. Fanodzidza mashoko achakurukurwa muhurukuro yomudzidzi mumwe nomumwe. Kana pachidiwa mukurukuri anotsiva, unenge uchikwanisa kuzvipira, uye izvozvo zvichakupa ruzivo rwakawedzera. Vamwe pavanokurukura, nyatsoteerera matauriro avanoita mashoko avo. Tinodzidzisana.

Uyewo, kana iwe uchikwanisa, ungawedzera kubudirira kwako nokufanodzidza uri woga zviri mubhuku rino. Kana wanyatsodzidza zviri muzvidzidzo 15 zvinotevera, enderera mberi nokuongorora zviri pa“Purogiramu Yokukudziridza Mano Somukurukuri uye Mudzidzisi,” kutangira papeji 78. Kutanga, dzidza chidzidzo chimwe nechimwe, wozoita basa rokuita rinopiwa muchidzidzo chacho. Shandisa zvauri kudzidza muushumiri hwako. Izvi zvingawedzera zvikuru kubudirira kwako somukurukuri uye somudzidzisi weShoko raMwari.

Dzidzo yako yeChikoro chaMwari Choushumiri ichakubatsira kugadzirira zvinhu zvinonyanyokosha muupenyu. Sezvatiri vapenyu pamusana pokuda kwaMwari, kumurumbidza ndiko kuziva chikonzero chaicho chokuvapo kwedu. Jehovha Mwari akafanirwa nokurumbidzwa kwakanakisisa. (Zvak. 4:11) Dzidzo yatinowana muchikoro chino inoita kuti tikwanise kuita izvi kuti tikwanise kufunga zvakajeka, tiite nokuchenjera, uye titaure zvinobudirira chokwadi chinoshamisa chiri muShoko raMwari rakafuridzirwa.

ZVAKAITA CHIKORO CHACHO

  • Purogiramu yevhiki nevhiki yokuverenga, kudzidza, uye kutsvakurudza yakavakirwa paBhaibheri

  • Mirayiridzo yokuverengera vanhu uye unyanzvi hwokutaura nokudzidzisa

  • Kutaurawo mukukurukurirana kwomukirasi

  • Mikana yokupa hurukuro pamberi peungano

  • Kubatsirwa uri woga kuti ubudirire

UNYANZVI HUNOKURUKURWA

  • Kuteerera uye kuyeuka

  • Kuverenga uri woga

  • Kudzidza

  • Kutsvakurudza mashoko

  • Kuongorora uye kuronga

  • Kukurukura

  • Kupindura mibvunzo

  • Kunyora pfungwa

NHEYO YOKUVAKIRA PAIRI

Mano okukurukura zvinobudirira zvinoreva unyanzvi. Havasi vose vanozviita zvakanaka. Mabhuku akawanda akanyorerwa kubatsira vanhu kuvandudza kuita izvi. Zvisinei, Musiki, Iye akapa vanhu mano okutaura, anoziva zvakawanda nezvokutaura nokudzidzisa kupfuura chero munhu upi noupi anodzidzisa kutaura. Mwanakomana wake akaberekwa ari oga akashandira pamwe naye ari Mhizha pakugadzira uropi hwomunhu nenhengo dzokutaura nezvimwewo zvinhu zvose zvinoshamisa zvakasikwa.

Pakazosikwa ngirozi uye vanhu, Mwanakomana iyeye akashanda ari Shoko raMwari, Ndiye aishandiswa zvikuru naMwari kusvitsa mirayiridzo kwavari. (Zvir. 8:30; Joh. 1:1-3) Mwanakomana iyeye akatumwa pasi pano ari Ishe Jesu Kristu. Nezvake, mashoko akafuridzirwa anoti: “Mapoka evanhu akashamiswa nemadzidzisire ake.” Uye vaya vakamunzwa vakapupurira vachiti: “Hapana mumwe munhu akambotaura zvakafanana neizvi.” (Mat. 7:28; Joh. 7:46) Jesu anotaurwa nezvake kanopfuura ka40 muEvhangeri achinzi Mudzidzisi, uye pane chikonzero chakanaka chokudaro. Pane zvakawanda mune zvokutaura uye kudzidzisa zvatingadzidza kwaari.

MuBhaibheri munewo mashoko okuti Jehovha Mwari akashandisa sei varume nevakadzi vakakurira munzvimbo dzakasiyana-siyana kuita zvaaida. Vamwe vavo vakashandiswa vakapa mashoko mashoma asi ane simba. Vakawanda havana kutaura pamberi pevateereri vazhinji, asi vakapawo uchapupu pamusoro paMwari wechokwadi nezvinangwa zvake nokutendeka. Sezvineiwo, vakawanda vaisava vatauri vanodedemura, asi Mwari akakomborera kuedza kwavo. Tinogona kudzidza pane zvatinoudzwa neBhaibheri pamusoro pokuti vakaita sei ushumiri hwavo.—Pis. 68:11.

Ichokwadi kuti Bhaibheri harisi bhuku rokudzidzisa kutaura pamberi pevanhu vazhinji. Asi kuna vaya vanoverenga vachinzwisisa, rine zvidzidzo zvinokosha zvinoonwa nepfungwa maererano nokutaura uye kudzidzisa zvinobudirira. Bhuku idzva iri Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri rinovavarira kuvakira panheyo iyoyo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe