RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gf chidzidzo 17 pp. 28-29
  • Kuti Uchengete Shamwari, Unofanira Kuva Shamwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuti Uchengete Shamwari, Unofanira Kuva Shamwari
  • Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Mashoko Akafanana
  • Rudo rwaMwari Runogara Nekusingaperi
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Uri Kuvakira Pajecha Here Kana Kuti Padombo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • “Kuda Mwari Kunoreva Izvi”
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • “Ndava Kukutii Shamwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
Ona Zvimwe
Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
gf chidzidzo 17 pp. 28-29

CHIDZIDZO 17

Kuti Uchengete Shamwari, Unofanira Kuva Shamwari

Ushamwari hunovakirwa parudo. Kudzidza kwaunoita zvakawanda nezvaJehovha, ndiko kuwedzera kunoita kumuda kwako. Kuda kwako Mwari zvakunowedzera, kuda kwako kumushumira kunowedzerawo. Izvi zvichakuita kuti uve mudzidzi waJesu Kristu. (Mateu 28:19) Nokubatana nemhuri inofara yeZvapupu zvaJehovha, unogona kuva noushamwari naMwari nokusingaperi. Unofanira kuitei?

Unofanira kuratidza kuda kwako Mwari nokuteerera mitemo yake. “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; asi mirayiro yake hairemi.”—1 Johani 5:3.

Shandisa zvaunodzidza. Jesu akataura nyaya inoenzanisira izvi. Murume akangwara akavakira imba yake paruware. Murume akapusa akavakira imba yake pajecha. Pakauya mvura zhinji ine dutu, imba yakavakirwa paruware haina kuwa, asi imba yakavakirwa pajecha yakaondomoka. Jesu akati avo vanonzwa zvaanodzidzisa nokuzviita vakafanana nomurume akangwara akavakira paruware. Asi avo vanoteerera zvaanodzidzisa uye vorega kuzviita vakafanana nomurume akapusa akavakira pajecha. Unoda kufanana nomurume upi?—Mateu 7:24-27.

Imba yakavakwa padombo neyakavakwa pajecha

Kuzvitsaurira. Izvi zvinoreva kuti unosvika Jehovha nomunyengetero womuudza kuti unoda kuita kuda kwake nokusingaperi. Kuita kuda kwaMwari kunoratidza kuti uri mudzidzi waJesu Kristu.—Mateu 11:29.

Munhu ari kuzvitsaurira achinyengetera

Kubhabhatidzwa. “Bhabhatidzwa ubvise zvivi zvako nokudana pazita rake.”—Mabasa 22:16.

Murume ari kubhabhatidzwa

Batanidzwa zvizere mukushumira Mwari. “Zvose zvamunoita, zvishandei nemweya wose sokuna Jehovha, kwete kuvanhu.”—VaKorose 3:23.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe