RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gf chidzidzo 18 pp. 30-31
  • Iva Shamwari yaMwari Nokusingaperi!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Shamwari yaMwari Nokusingaperi!
  • Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Mashoko Akafanana
  • Rudzi Rwakasununguka Asi Runozvidavirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Usapotsa Donzo Rorusununguko Runopiwa naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Shumira Jehovha, Mwari Werusununguko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Tingava Sei Nerusununguko Rwechokwadi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
gf chidzidzo 18 pp. 30-31

CHIDZIDZO 18

Iva Shamwari yaMwari Nokusingaperi!

Zvinoda kuvavarira kuti uite shamwari; zvinodawo kuvavarira kuti urambe une shamwari. Kuvavarira kwako kwokuva uye kuramba uri shamwari yaMwari kuchakomborerwa zvikuru. Jesu akati kune vakatenda kwaari: “Chokwadi chichakusunungurai.” (Johani 8:32) Izvozvi zvinorevei?

Varume vaviri vari muParadhiso

Unogona kuva norusununguko zvino. Unogona kusununguka padzidziso dzenhema uye makuhwa akaparadzirwa naSatani. Unogona kusununguka pakusava netariro kwakazara muupenyu hwemamiriyoni evanhu vasingazivi Jehovha. (VaRoma 8:22) Shamwari dzaMwari dzakasununguka kunyange pa“kutya rufu.”—VaHebheru 2:14, 15.

Unogona kuva norusununguko munyika itsva yaMwari. Rusununguko rwunoshamisa zvakadini rwaunogona kuva narwo munguva yemberi! MuParadhiso yapasi, kunenge kusisina hondo, kurwara, uye utsotsi. Kusisina urombo nenzara. Kusisina ukweguru nerufu. Kusisina kutya, kudzvinyirirwa, uye kusaruramisira. Bhaibheri rinoti nezvaMwari: “Munotadzanura ruoko rwenyu ndokugutisa zvipenyu zvose.”—Pisarema 145:16.

Shamwari dzaMwari dzichararama nokusingaperi. Upenyu husingaperi chipo chinokosha icho Mwari achapa kune vose vanotsvaka kuva noushamwari naye. (VaRoma 6:23) Chimbofunga kuti upenyu husingaperi hucharevei kwauri!

Murume nekamusikana vari kutarisa datya , mukadzi ari kupenda hari

Uchava nenguva yokuita zvinhu zvakawanda. Pamwe uchada kudzidzira kuridza chiridzwa chemumhanzi. Kana kuti pamwe unoda kudzidzira kunyora mifananidzo kana kuva muvezi. Ungada kudzidza nezvemhuka kana kuti zvinomera. Kana kuti pamwe uchada kufamba uchiona nzvimbo dzakasiyana-siyana nevanhu vakasiyana-siyana. Kuva noupenyu husingaperi kuchaita kuti zvinhu zvose izvozvi zvigoneke!

Uchava nenguva yokuita shamwari dzakawanda. Kurarama nokusingaperi kuchaita kuti uzive vamwe vakawanda vakava shamwari dzaMwari. Uchasvika pakuziva zvipo zvavo uye unhu hwavo hwakanaka, uye vachavawo shamwari dzako. Uchavada, uye vachakuda. (1 VaKorinde 13:8) Kuva noupenyu husingaperi kuchakupa nguva yokuti uve shamwari yomunhu wose panyika! Zvakanaka kupfuura zvose, ushamwari hwako naJehovha hucharamba huchisimba chaizvo nokupfuura kunenge kuchiita mazana emakore. Ivawo shamwari yaMwari nokusingaperi!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe