RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gf chidzidzo 16 pp. 26-27
  • Ratidza Kuda Kwako Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ratidza Kuda Kwako Mwari
  • Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Mashoko Akafanana
  • “Mwari Anoda Munhu Anopa Achifara”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Unogona Kuva Shamwari yaJehovha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Mwari Anokukoka Kuti Uve Shamwari Yake
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Jehovha Anoda Vapi Vanofara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
gf chidzidzo 16 pp. 26-27

CHIDZIDZO 16

Ratidza Kuda Kwako Mwari

Murume ari kunyengetera uye ari kuverenga Bhaibheri

Kuti uchengete shamwari, unofanira kutaura nayo. Unomuteerera, uye anokuteerera. Unotaurawo zvinhu zvakanaka nezveshamwari yako kune vamwe. Zvakangofananawo nokuva shamwari yaMwari. Chimbofunga zvinotaurwa neBhaibheri nezveizvi:

Taura naJehovha nguva dzose mumunyengetero. “Rambai muchinyengetera.”—VaRoma 12:12.

Rava Shoko raMwari, Bhaibheri. “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu.”—2 Timoti 3:16.

Dzidzisa vamwe nezvaMwari. “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—Mateu 28:19, 20.

Zvapupu zviviri zviri kuparidzira mumwe murume

Swedera pedyo neshamwari dzaMwari. “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo.”—Zvirevo 13:20.

Pinda misangano paHoro yoUmambo. “Ngatirangarirane kuti tinyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo, . . . tikurudzirane.”—VaHebheru 10:24, 25.

Batsira kutsigira basa roUmambo. “Mumwe nomumwe ngaa[pe] sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asingaiti nokunyunyuta kana nokugombedzerwa, nokuti Mwari anoda mupi anofara.”—2 VaKorinde 9:7.

Zvapupu zvaJehovha zviri paImba yeUmambo
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe