RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jv chits. 22 pp. 404-422
  • Rutivi 1—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rutivi 1—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
  • Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kusvika Vapindi Vechechi
  • Russell Anoenda Kudzimwe Nyika
  • VokuScandanavia Vanogoverana
  • Mutarisiri Webindu Anozvininipisa Anova Muparidzi Weevhangeri muEurope
  • Apo Mashoko Akanaka Akasvika kuGermany
  • Wedzero Mumunda weBritain
  • Mwoyo Yavo Yakavasunda
  • Kuzarura Nharaunda yeCaribbean
  • Chiedza Chezvokwadi Chinosvika kuAfrica
  • KuMabvazuva Nezvitsuwa zvePacific
  • Shanyo Yomunyika Yokufambisira Mberi Kuparidzwa Kwamashoko Akanaka
  • Uchapupu Hunoorora Hwakapiwa
  • Rutivi 2—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kuzivisa Kudzoka Kwashe (1870-1914)
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kuedza Nokusefa Kunotangira Mukati
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kuparidza Pachena Napaimba Neimba
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
jv chits. 22 pp. 404-422

Ganhuro 22

Rutivi 1—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi

Urwu nderwokutanga rwamativi mashanu muganhuro rinoshuma kuti mubato weZvapupu zvaJehovha wakasvika sei kupote pasi rose. Rutivi 1, urwo runofukidza nhambo kuvambira muma1870 kusvikira kuna 1914, rwuri pamapeji 404 kusvikira ku422. Chaunga chavanhu hachina kutongonaya panyongano yamasimba masimba yakaparirwa neHondo Yenyika I, iyo yakavamba muna 1914. Iroro ndiro rakanga riri gore iro Vadzidzi veBhaibheri vakanga vanguve vaziva serairatidzira mugumo weNguva dzaVamarudzi.

ASATI akwira kudenga, Jesu Kristu akatuma vaapostora vake, achiti: “Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi rwuri kuresa rwapasi.” (Mabasa 1:8, NW) Akanga afanotaurawo kuti “aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.” (Mat. 24:14, NW) Basa iroro harina kupedzwa muzana rokutanga ramakore. Rutivi rukuru rwaro rwakaitwa munguva dzazvino. Uye chinyorwa chokuitwa kwaro kuvambira muma1870 kusvikira kunguva ino chinofadza zvirokwazvo.

Kunyange zvazvo Charles Taze Russell akasvika pakuzivikanwa zvikuru nokuda kwehurukuro dzake dzakasanoziviswa pamusoro peBhaibheri, akanga asingafariri vateereri vakawanda bedzi asi vanhu. Nokudaro, nokukurumidza pashure pokunge avamba kubudisa Nharireyomurindi muna 1879, iye akafamba zvikuru kuti ashanyire mapoka maduku avaravi vemagazini yacho kuti akurukure Magwaro navo.

C. T. Russell akakurudzira avo vaidavira zvipikirwa zvinokosha zveShoko raMwari kuva norutivi mukuzvigoverana navamwe vanhu. Avo vane mwoyo yakaororwa zvikuru nezvavakanga vachidzidza vakaratidza shingairo chaiyoiyo mukuita izvozvo chaizvo. Kubatsira mubasa racho, mashoko akadhindwa akagoverwa. Pakuvamba muna 1881, maturakiti akati akaoneka. Mashoko aibva muna iwaya ipapo akabatanidzwa namashoko okuwedzera kuti aumbe Food for Thinking Christians rinofukidza zvakawanda zvikuru, uye makopi 1 200 000 airori akagadzirwa nokuda kwokuparadzirwa. Asi boka duku raVadzidzi veBhaibheri (zvichida 100 panguva iyoyo) raigona sei kuparadzira ose aiwaya?

Kusvika Vapindi Vechechi

Mamwe akapiwa kuhama dzokunyama neshamwari. Mapepanhau akati akabvuma kutumira kopi kumumwe nomumwe wavazvinyoresi vawo. (Simbiso chaiyo yakaiswa pamapepa evhiki nevhiki neomwedzi nomwedzi kuti Food for Thinking Christians rigosvika vanhu vakawanda vaigara munharaunda dzomumaruwa.) Asi kwakawanda kwokuparadzira kwacho kwakaitwa pamaSvondo anoverengeka anotevedzana pamberi pechechi muUnited States neBritain. Kwakanga kusina Vadzidzi veBhaibheri vakakwana kuti vakuite kwose pachavo, naizvozvo vakahaya vamwe kuti vabetsere.

Hama Russell vakatumira vasonganiri vaviri, J. C. Sunderlin naJ. J. Bender, kuBritain kundotarisira kuparadzirwa kwamakopi 300 000 ikoko. Hama Sunderlin vakaenda kuLondon, apo Hama Bender vakaenda kuchamhembe ndokupinda muScotland uye ipapo vakashanda vachienda kumaodzanyemba. Ngwariro huru yakapiwa kumaguta makuru zvikuru. Kupfurikidza nezviziviso zvomupepanhau, varume vanokwanirisa vakawanwa, uye zvibvumirano zvakaitwa navo zvokuronga kuti vabetseri vakakwana vaparadzire mugove wavo wamakopi. Vaparadziri vanodokusvika 500 vakahayiwa muLondon moga. Basa racho rakaitwa nokukurumidza, pamaSvondo maviri akatevedzana.

Gore rimwe chetero, gadziriro dzakaitwa dzokuti Vadzidzi veBhaibheri avo vaigona kupedzera hafu kana kuti inopfuura yenguva yavo chose chose mubasa raShe vave macolporteur, vachiparadzira mabhuku efundo yeBhaibheri. Ava vatangiri vaavo vanozivikanwa nhasi samapiyona vakaparadzira mashoko akanaka zvinoshamisa zvirokwazvo.

Mukati memakore gumi akatevera, Hama Russell vakagadzira mhatsa yamaturakiti ayo aigona kushandiswa nenzira iri nyore kuparadzira dzimwe dzezvokwadi dzakatanhamara dzeBhaibheri idzo dzakanga dzadzidzwa. Ivo vakanyorawo mavhoriyamu anoverengeka eMillennial Dawn (akazivikanwa gare gare seStudies in the Scriptures). Ipapo vakavamba kuita nzendo dzokuparidza evhangeri dzomunhu oga kudzimwe nyika.

Russell Anoenda Kudzimwe Nyika

Muna 1891 iye akashanyira Canada, uko fariro yakakwana yakanga yatangwa kubvira muna 1880 zvokuti gungano rakapindwa navane 700 raigona zvino kuitwa muToronto. Akaendawo kuEurope muna 1891 kundoona chaigona kuitwa kufambisira mberi kuparadzirwa kwezvokwadi imomo. Urwu rwendo rwakamuendesa kuIreland, Scotland, England, dzakawanda dzenyika dziri mukondinendi yeEurope, Russia (nharaunda zvino inozivikanwa seMoldova), uye Middle East.

Chii chaakagumisa kubva muvaakaonana navo parwendo irworwo? “Hatina kuona kuigamuchira kana kuti kudisa zvokwadi muRussia . . . Hatina chinhu chatakaona chokutikurudzira kukarira kukohwa kupi nokupi muItaly kana kuti Turkey kana kuti Austria kana kuti Germany,” akashuma kudaro. “Asi Norway, Sweden, Denmark, Switzerland, uye zvikurukuru England, Ireland neScotland, minda yakagadzirira uye yakamirira kukohwiwa. Iyi minda inoratidzika kuva iri kudanidzira kuti, Uyai kuno mutibetsere!” Iyi yakanga iri nhambo apo Chechi yeKaturike yakanga ichiri kurambidza kurava Bhaibheri, apo vaPurotesitendi vakawanda vakanga vachisiya chechi dzavo, uye apo vasiri vashomanene, vaodzwa mwoyo nechechi, vakanga vachiramba Bhaibheri zvachose.

Kubetsera vanhu ivavo avo vakanga vane nzara mumudzimu, pashure porwendo rwaHama Russell muna 1891 nhamburiko dzakawedzerwa dzakaitwa kushandurira mabhuku mumitauro yeEurope. Uyewo, gadziriro dzakaitwa dzokudhinda nokuchengeta migove yamabhuku muLondon kuti iwaya agowanikwa nenzira iri nyore zvikuru nokuda kwokushandisa muBritain. Munda weBritain, zvirokwazvo, wakabvumikisa kuva wakagadzirira nokuda kwokukohwa. Pakasvika 1900, makanga matova neungano pfumbamwe nehwerengedzo yaVadzidzi veBhaibheri 138—pakati pavo paiva nemacolporteur anoshingaira. Apo Hama Russell vakashanyira zvakare Britain muna 1903, chiuru chimwe chakaungana muGlasgow kuzovanzwa vachitaura pamusoro pe“Tariro Nekariro zveMiriyenimu,” 800 vakapinda muLondon, uye vateereri 500 kusvikira ku600 mumamwe maguta.

Mukusimbisa cherekedzo dzaHama Russell, zvisinei, pashure peshanyo yavo makore 17 akapfuura ungano yokutanga yaVadzidzi veBhaibheri isati yaumbwa muItaly, kuPinerolo. Uye zvakadiniko neTurkey? Mukati mokupera kwema1880, Basil Stephanoff akanga aparidza muMacedonia, mune yaiva panguva iyoyo European Turkey. Kunyange zvazvo vamwe vakanga varatidzika kuva vairatidza fariro, vanhu vakati avo vaitaura kuti ihama vakaita mishumo yenhema, kuchitungamirira kukuiswa kwake mutorongo. Tsamba inobva kune mumwe wokuGreece aiva muSmyrna (zvino yava Izmir), Turkey, haina kushuma kuti rimwe boka imomo rakanga richifunda nokuonga zvinyorwa zveWatch Tower Society kutozosvikira muna 1909. Kana iri Austria, Hama Russell vamene vakadzokera muna 1911 kundotaura muVienna, musangano ndokuzongovhiringidzwa bedzi nemhomho. MuGermanywo, kugamuchira kwokuonga kwakanga kuchinonoka kuuya. Asi vokuScandanavia vakaratidza kuziva kukuru zvikuru chinodikanwa chavo chomudzimu.

VokuScandanavia Vanogoverana

VokuSweden vakawanda vakanga vachigara muAmerica. Muna 1883 kopi yomuenzaniso yeNharireyomurindi yakashandurirwa muchiSwedish yakaitwa kuti iwanikwe nokuda kwokuparadzirwa pakati pavo. Iwaya akakurumidza kuendeswa nepositi kushamwari nehama dzokunyama muSweden. Hakuna mabhuku echiNorwegian akanga ati agadzirwa. Kunyange zvakadaro, muna 1892, gore rapashure porwendo rwaHama Russell kuEurope, Knud Pederson Hammer, mugari wekuNorway uyo akanga adzidza zvokwadi muAmerica, akadzokera pachake kuNorway kundopupura kuhama dzake dzokunyama.

Ipapo, muna 1894, apo mabhuku akavamba kubudiswa muchiDano-Norwegian, Sophus Winter, wokuAmerica weDenmark aiva nemakore 25 okukura, akatumirwa kuDenmark nomugove wokuparadzira. Pakasvika chirimo chakatevera, akanga agovera mavhoriyamu 500 eMillennial Dawn. Mukati menguva pfupi, vamwe vashomanene avo vakarava zvinyorwa izvozvo vakanga vachigoverana mubasa racho naye. Nenzira inosuruvarisa, iye pakupedzisira akakanganwa ukoshi hweropafadzo inokosha iyo yakanga iri yake; asi vamwe vakapfuurira kuita kuti chiedza chipenye.

Asati asiya basa racho, zvisinei, Winter akaita ucolporteur muSweden. Nokukurumidza pashure paikoko, pamusha weshamwari yaiva pachitsuwa cheSturkö, August Lundborg, mumwe mutungamiriri weSalvation Army muduku, akaona mavhoriyamu maviri eMillennial Dawn. Iye akaakumbira, akaarava nokudisa, akabuda muchechi yacho, uye akatanga kugoverana navamwe zvaakanga adzidza. Rimwe jaya, P. J. Johansson, rakajekerwa somugumisiro wokurava rimwe turakiti rarakanhonga pabhenji repaka.

Sezvo boka rekuSweden rakavamba kukura, vamwe vakaenda kuNorway kundoparadzira mabhuku eBhaibheri. Kunyange ikoko kusati kwaitika, mabhuku akanga asvika muNorway kupfurikidza nepositi kubva kuhama dzokunyama dzaiva muAmerica. Rasmus Blindheim akatanga kushanda mubasa raJehovha neiyi nzira. Pakati pavamwe muNorway, Theodor Simonsen, muparidzi weFree Mission, akagamuchira zvokwadi mukati mamakore iwayo apakuvamba. Iye akatanga kubvumikisa kuva nhema dzidziso yehero yemwoto muhurukuro dzake paFree Mission. Vateereri vake vakafara zvikuru pamusoro paaya mashoko anoshamisa; asi apo kwakazivikanwa kuti akanga ave ane batano ne“Millennial Dawn,” akadzingwa muchechi yacho. Kunyange zvakadaro, akaramba achienderera mberi achitaura pamusoro pezvinhu zvakanaka zvaakanga adzidza. Rimwe jaya iro rakagamuchira mamwe mabhuku rakanga riri Andreas Øiseth. Apo rakangopwiswa bedzi kuti rakanga rava nezvokwadi, rakasiya purazi remhuri ndokutora basa roucolporteur. Nenzira yakarongeka rakashanda richienda kuchamhembe, ipapo kumaodzanyemba mumikana yegungwa, risinganzvengi nzanga ipi neipi. Muchando raitakura migove yaro—zvokudya, zvipfeko, uye mabhuku—pakick-sled, uye vanhu vane mutsa vakagovera nzvimbo dzokuti rirare. Murwendo rwamakore masere, rakafukidza inodokuva nyika yacho yose namashoko akanaka.

Mudzimai waAugust Lundborg, Ebba, akabva kuSweden ndokupinda muFinland kundoita basa roucolporteur muna 1906. Panenge panguva imwe cheteyo, varume vaidzoka kubva kuUnited States vaiuya nemabhuku eWatch Tower ndokuvamba kugoverana zvavakanga vachidzidza. Nokudaro mukati mamakore mashomanene, Emil Österman, uyo akanga achitsvaka chimwe chinhu chiri nani kupfuura icho chechi dzaigovera, akava neThe Divine Plan of the Ages. Akarigoverana neshamwari yake Kaarlo Harteva, uyo akanga achitsvakawo. Achiziva ukoshi hwezvavakanga vanazvo, Harteva akarishandurira muchiFinnish uye, nebetsero yaÖsterman mukuwanira mari, akaronga kuti ribudiswe. Pamwe chete vakatanga kuriparadzira. Vachiratidzira mudzimu wapachokwadi wokuparidza evhangeri, vakataura navanhu munzvimbo dzavose, vakashanya paimba neimba, uye vakapa hurukuro muhoro huru idzo dzakanga dzakazara zvikuru. MuHelsinki, pashure pokufumura dzidziso dzenhema dzechiKristudhomu, Hama Harteva vakakumbira vateereri kushandisa Bhaibheri kudzivirira kudavira kusafa kwomweya, kana vaigona kudaro. Meso ose akatendeukira kuvafundisi vaivapo. Hapana akataura zvinonzwika; hapana aigona kupindura kutaura kwakajeka kunowanwa pana Ezekieri 18:4. Vamwe vaiva muvateereri vakataura kuti vaidokusagona kurara zvakanaka usiku ihwohwo pashure pezvavakanga vanzwa.

Mutarisiri Webindu Anozvininipisa Anova Muparidzi Weevhangeri muEurope

Munguvayi, Adolf Weber, pakurudziro yeshamwari yakwegura yechiAnabaptist, akabva muSwitzerland kuenda kuUnited States achitsvaka nzwisiso yakazara zvikuru yaMagwaro. Ikoko, mukupindura chiziviso, akava mutarisiri webindu waHama Russell. Nebetsero yeThe Divine Plan of the Ages (yaiwanika panguva iyoyo muchiGerman) uye misangano yaiitiswa naHama Russell, Adolf akawana zivo yeBhaibheri iyo akanga achitsvaka, uye akabhapatidzwa muna 1890. ‘Meso omwoyo wake akavhenekerwa,’ zvokuti akaonga zvirokwazvo kuti mukana wakaisvonaka zvakadini wakanga wamuzarukira. (VaEf. 1:18) Pashure pokupupura nokushingaira kwenguva yakati muUnited States, akadzokera kunyika yaakaberekerwa kundoita basa “mumunda wemizambiringa waShe” ikoko. Nokudaro, pakasvika pakati pema1890, akanga adzoka muSwitzerland achigoverana zvokwadi yeBhaibheri naavo vakanga vane mwoyo inogamuchira.

Adolf akawana zvokuti ararame nazvo somutarisiri webindu nomutarisiri wemasango, asi fariro yake huru yakanga iri kuparidza evhangeri. Akapupura kune avo aishanda navo, pamwe chete nokuvanhu vomumataundi namaruwa ari pedyo eSwitzerland. Aiziva mitauro inoverengeka, uye akashandisa zivo iyoyi kushandurira zvinyorwa zveSosaiti muchiFrench. Apo chando chaisvika iye aizadza bhegi rake rokubereka namabhuku eBhaibheri ndokupinda netsoka muFrance, uye padzimwe nguva aienda kuchamhembe kwakadziva kumadokero achipinda muBelgium uye kumaodzanyemba achipinda muItaly.

Kuti asvike vanhu vaangasakwanisa kuonana navo pachake, iye akaisa zviziviso mumapepanhau namagazini, achikwevera ngwariro kumabhuku aiwanikwa nokuda kwefundo yeBhaibheri. Elie Thérond, ari pakati peFrance, akadavidza kuchimwe chezviziviso zvacho, akaziva kurira kwezvokwadi mune zvaakarava, uye nokukurumidza akavamba kuparadzira shoko racho iye amene. MuBelgium, Jean-Baptiste Tilmant, Sr., akaonawo chimwe chezviziviso zvacho muna 1901 ndokuwana mavhoriyamu maviri eMillennial Dawn. Mufaro wakadini kuti aone zvokwadi yeBhaibheri ichipiwa zvakajeka kwazvo! Sezvinobvira aigona sei kurega kuudza shamwari dzake! Pakasvika gore rakatevera, boka refundo rakanga richisangana nguva dzose mumusha make. Nokukurumidza pashure pacho mubato weboka duku iroro wakanga uchibereka zvibereko kunyange kuchamhembe kweFrance. Hama Weber vakaramba vachikurukura navo, vachishanyira panhambo nenhambo mapoka akasiyana-siyana ayo akatanga, vachiavaka mumudzimu uye vachiapa mirayiridzo pamusoro penzira yokugoverana nayo mashoko akanaka navamwe.

Apo Mashoko Akanaka Akasvika kuGermany

Nguva pfupi pashure pokunge zvimwe zvezvinyorwa zvavamba kuoneka muchiGerman, pakati pema1880, vokuAmerica veGermany avo vakazvionga vakavamba kutumira makopi kuhama dzokunyama dzaiva munyika yavakaberekerwa. Mumwe mukoti aishanda pachimwe chipatara muHamburg akagoverana makopi eMillennial Dawn navamwe pachipatara chacho. Muna 1896, Adolf Weber, aiva muSwitzerland, akanga achiisa zviziviso mupepanhau romutauro wechiGerman nokutumira maturakiti kuGermany. Gore rakatevera racho nzvimbo yokutumira mabhuku yakazarurwa muGermany kupfavisa kuparadzirwa kwechinyorwa cheNharireyomurindi chechiGerman, asi migumisiro yakanonoka kuuya. Zvisinei, muna 1902, Margarethe Demut, uyo akanga adzidza zvokwadi muSwitzerland, akatamira kuTailfingen, kumabvazuva kweBlack Forest. Kupupura kwake pachake kwokushingaira kwakabetsera kuvanzarika hwaro hwerimwe ramapoka apakuvamba aVadzidzi veBhaibheri muGermany. Samuel Lauper, wokuSwitzerland, akatamira kuBergisches Land, kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweCologne, kuti aparadzire mashoko akanaka munharaunda iyoyo. Pakasvika 1904, misangano yakanga ichiitwa imomo muWermelskirchen. Pakati paavo vaivapo pakanga pane mumwe murume ane makore 80 okukura, Gottlieb Paas, uyo akanga ave achitsvaka zvokwadi. Ari pauvato hwake hworufu, isati iri nguva refu pashure pokunge misangano iyoyo yavamba, Paas akasimudza Nharireyomurindi ndokuti: “Iyi ndiyo zvokwadi; ibatisisei.”

Nhamba yaifarira idzi zvokwadi dzeBhaibheri yakawedzera zvishoma nezvishoma. Kunyange zvazvo kwakanga kuchidhura, gadziriro dzakaitwa dzokuisa makopi omuenzaniso apachena eNharireyomurindi mumapepanhau muGermany. Mumwe mushumo wakabudiswa muna 1905 unotaura kuti makopi anopfuura 1 500 000 eiyi mienzaniso yeNharireyomurindi akanga aparadzirwa. Iroro rakanga riri basa guru nokuda kweboka duku zvikuru.

Vadzidzi veBhaibheri havana vose kunzwa kuti kupfurikidza nokusvika vanhu vari pedyo nomusha vakanga vaita zvakanga zviri madikanwa. Pakuvamba sa1907, Hama Erler, vokuGermany, vakaita nzendo vachipinda muBohemia mune yakanga iri panguva iyoyo Austria-Hungary (gare gare rutivi rweCzechoslovakia). Ivo vakaparadzira mabhuku ainyevera nezveArmagedhoni uye anotaura nezvezvikomborero zvaizouya kurudzi rwomunhu pashure pacho. Pakasvika 1912 mumwe Mudzidzi weBhaibheri akanga aparadzira mabhuku eBhaibheri munharaunda yeMemel, mune yava zvino Lithuania. Vakawanda vakadavidza nembavarira kushoko racho, uye mapoka anoverengeka akati kurei aVadzidzi veBhaibheri akakurumidza kuumbwa imomo. Zvisinei, apo vakaziva kuti vaKristu vechokwadi vanofanirawo kuva zvapupu, nhamba dzavo dzakavamba kuderera. Kunyange zvakadaro, vashomanene vakazvibvumikisa vamene kuva vatevedzeri vapachokwadi vaKristu, “chapupu chakatendeka uye chechokwadi.”—Zvak. 3:14, NW.

Apo Nikolaus von Tornow, mukuru mukuru wokuGermany ane zvivako zvakakura muRussia, akanga ari muSwitzerland munenge muna 1907, akapiwa rimwe ramaturakiti eWatch Tower Society. Makore maviri gare gare iye akaoneka kuBerlin Ungano, muGermany, akapfeka zvipfeko zvake zvakanakisisa uye achiperekedzwa nomushandi wake pachake. Kwakatora nguva yakati kuti anzwisise kuti nei Mwari aizoronza zvokwadi dzinokosha kuvanhu vasingazvikudzi vakadaro, asi zvaakarava pana 1 VaKorinte 1:26-29 zvakabetsera, kuti: “Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama dzangu, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama vakadanwa; havasi vazhinji vane simba, havazi vazhinji vanokudzwa . . . , kuti kurege kuva nenyama ingazvikudza pamberi paMwari.” Apwiswa kuti akanga awana zvokwadi, von Tornow akatengesa nzvimbo dzake muRussia ndokuzvipa amene nepfuma yake kukufambisira mberi fariro dzokunamata kwakachena.

Muna 1911, apo vaviri vakaroorana vechiduku vokuGermany, vanaHerkendell, vakachata, mwenga wakakumbira kuna baba vake, sechipo, mari yezororo revachangobva kuchata risiri renguva dzose. Iye nomurume wake vairangarira kuita rwendo rwokushingaira urwo rwaizotora mwedzi yakawanda. Zororo ravo revachangobva kuchata rakanga riri rwendo rwokupinda muRussia kuti vagosvika vanhu vanotaura chiGerman ikoko. Nokudaro munzira dzakawanda vanhu vamarudzi ose vakanga vachigoverana navamwe zvavakanga vadzidza pamusoro pechinangwa chorudo chaMwari.

Wedzero Mumunda weBritain

Pashure pokuparadzirwa kukuru kwamabhuku muBritain muna 1881, vamwe vaendi kuchechi vakaona kudikanwa kwokuita chiito pane zvavakanga vadzidza. Tom Hart weIslington, London, akanga ari mumwe waavo vakaororwa nezano rapaMagwaro reNharireyomurindi rokuti, “Budai mariri, vanhu vangu”—ndiko kuti, kubuda muchechi dzechiBhabhironi dzechiKristudhomu ndokutevera dzidziso yeBhaibheri. (Zvak. 18:4) Akabuda muchechi yacho muna 1884, achiteverwa nevamwe vakati.

Vakawanda vaisonganirana namapoka efundo vakakura kuva vaparidzi veevhangeri vanobudirira. Vamwe vaigovera mabhuku eBhaibheri mumapaka eLondon nedzimwe nzvimbo uko vanhu vakanga vachizorora. Vamwe vakanyanyobatikana munzvimbo dzebhizimisi. Nzira yenguva dzose zvikuru, zvisinei, yakanga iri yokuita shanyo dzapaimba neimba.

Sarah Ferrie, muzvinyoresi weNharireyomurindi, akanyorera Hama Russell achitaura kuti iye neshamwari shomanene muGlasgow vaizoda kuzvipira kugoverana mukuparadzirwa kweturakiti. Chishamiso chakadini apo rori yakasvika pasuo rake nematurakiti 30 000, ose aifanira kuparadzirwa pachena! Vakatanga kushanda. Minnie Greenlees, pamwe chete navanakomana vake vaduku vatatu, ne“ngoro duku inokweviwa nebhiza rimwe” yokufambisa, vakashanda zvakaoma kuwedzera kuparadzirwa kwamabhuku eBhaibheri muruwa rweScotland. Gare gare, Alfred Greenlees naAlexander MacGillivray, vachifamba namabhasikoro, vakaparadzira maturakiti murutivi rukuru rweScotland. Panzvimbo pokubhadhara vamwe kuti vaparadzire mabhuku acho, vazvipiri vakazvitsaurira zvino vakanga voita basa ivo vamene.

Mwoyo Yavo Yakavasunda

Mumumwe wemienzaniso yake, Jesu akanga ataura kuti vanhu avo ‘vainzwa shoko raMwari vaine mwoyo wakaisvonaka nowakanaka’ vaizobereka zvibereko. Kuonga kwapachokwadi gadziriro dzorudo dzaMwari kwaizovasunda kugoverana mashoko akanaka pamusoro poUmambo hwaMwari navamwe. (Ruka 8:8, 11, 15) Pasinei zvapo nemamirire ezvinhu zvavo, vaizowana nzira yakati yokukuita nayo.

Nokudaro mumwe mufambi wokuArgentina akawana chikamu cheturakiti raFood for Thinking Christians kune muchairi wengarava weItaly. Achiri pachiteshi chezvikepe muPeru, mufambi wacho akanyora nokuda kwamamwe, uye nefariro yakawedzerwa akanyorazve, ari kuArgentina muna 1885, kumupepeti wenhau weNharireyomurindi kuti akumbire mabhuku. Gore rimwe chetero mumwe mutezo weBritish Navy, uyo akatumwa nepfuti dzake kuSingapore, akaenda neNharireyomurindi. Akafadzwa nezvaakadzidza mumagazini yacho ndokuishandisa pachena ikoko kuzivisa murangariro weBhaibheri pamisoro yakanga iri nhau dzekurukurirano dzavose. Muna 1910 imwe ngarava iyo vamwe vakadzi vaviri vechiKristu vakanga vachifamba nayo yakamira pachiteshi chengarava muColombo, Ceylon (zvino Sri Lanka). Vakashandisa mukana wacho kupupura kuna VaVan Twest, mukuru mukuru wavashandi vepachiteshi chengarava. Vakataura zvakakomba kwavari pamusoro pezvinhu zvakanaka zvavakanga vadzidza mubhuku raThe Divine Plan of the Ages. Somugumisiro, VaVan Twest vakava Mudzidzi weBhaibheri, uye kuparidzwa kwamashoko akanaka kwakatanga muSri Lanka.

Kunyange avo vaisagona kufamba vakatsvaka nzira dzokugoverana nadzo zvokwadi dzeBhaibheri dzinofadza mwoyo navanhu mudzimwe nyika. Sezvakaziviswa netsamba yokuonga yakabudiswa muna 1905, mumwe munhu muUnited States akanga atumira The Divine Plan of the Ages kune mumwe murume muSt. Thomas, mune yakanga iri panguva iyoyo Danish West Indies. Pashure pokurirava, mugamuchiri akanga agwadama ndokuratidzira chishuvo chake chapachokwadi chokushandiswa naMwari mukuitwa kwokuda kwake. Muna 1911, Bellona Ferguson muBrazil akadudza chiitiko chake se“chibvumikiso chakanaka, chipenyu chokuti hakuna vari kure zvikuru zvokusagona kusvikwa” nemvura dzezvokwadi. Sezviri pachena akanga ave achigamuchira zvinyorwa zveSosaiti kupfurikidza nepositi kubvira muna 1899. Pane imwe nguva Hondo Yenyika I isati yatanga, mumwe wokuGermany akatamira muParaguay akawana rimwe ramaturakiti eSosaiti mubhokisi rake retsamba. Akaodhesa mamwe mabhuku uye nokukurumidza akagura batano dzake nechechi dzechiKristudhomu. Kwakanga kusina mumwe munhuzve munyika kuti akuite, naizvozvo iye natezvara wake vakasarudza kubhapatidzana. Zvirokwazvo, uchapupu hwakanga huri kupiwa mumativi ari kure apasi, uye hwakanga huchibereka zvibereko.

Bva vamwe vaVadzidzi veBhaibheri vakanzwa vachisundwa kuenda kunzvimbo uko ivo kana kuti vabereki vavo vakanga vakaberekerwa kuti vaudze shamwari nehama dzokunyama pamusoro pechinangwa chinoshamisa chaJehovha uye kuti vaigona sei kugoverana machiri. Nokudaro, muna 1895, Hama Oleszynski vakadzokera kuPoland namashoko akanaka pamusoro po“rudzikinuro, dzorerwo uye danidzo yokumusoro”; kunyange zvazvo, nenzira inosuruvarisa, asina kutsungirira mubasa iroro. Muna 1898 aichimbova purofesa, wokuHungary, akabva kuCanada kuti andoparadzira shoko rekurumidziro reBhaibheri munyika yokumusha kwake. Muna 1905 rimwe jaya rakanga rava Mudzidzi weBhaibheri muAmerica rakadzokera kuGreece kundopupura. Uye muna 1913 rimwe jaya rakatakura mbeu dzezvokwadi yeBhaibheri kubva kuNew York richidzokera kutaundi rokumusha remhuri yaro, Ramallah, kusati kuri kure neJerusalem.

Kuzarura Nharaunda yeCaribbean

Apo nhamba yavaparidzi veevhangeri yakanga ichiwedzera muUnited States, Canada, uye Europe, zvokwadi yeBhaibheri yakanga ichivambawo kudzika midzi muPanama, Costa Rica, Dutch Guiana (zvino yava Suriname), uye British Guiana (zvino yava Guyana). Joseph Brathwaite, uyo akanga ari muBritish Guiana apo akabetserwa kunzwisisa chinangwa chaMwari, akaenda kuBarbados muna 1905 kundopa nguva yake yakazara kukudzidzisa vanhu vaiva ikoko. Louis Facey naH. P. Clarke, avo vakanzwa mashoko akanaka apo vaishanda muCosta Rica, vakadzokera kuJamaica muna 1897 kundogoverana kutenda kwavo kwakanga kuchangobva kuwanwa pakati pavanhu vavo vamene. Avo vakagamuchira zvokwadi ikoko vakanga vari vashandi vanoshingaira. Muna 1906 moga, boka raiva muJamaica rakaparadzira maturakiti anenge 1 200 000 namamwe mabhuku. Mumwe mushandi akatama kubva kunyika yokumwe, uyo akadzidza zvokwadi muPanama, akadzoka neshoko reBhaibheri retariro kuGrenada.

Chinjo muMexico muna 1910-11 yakanga iri chimwe chinhu mukuunzira vanhu vane nzara yezvokwadi shoko roUmambo hwaMwari. Vanhu vakawanda vakatizira kuchamhembe vachipinda muUnited States. Imomo vamwe vavo vakaonana naVadzidzi veBhaibheri, vakadzidza pamusoro pechinangwa chaJehovha chokuunza rugare runogarisa kurudzi rwomunhu, uye vakatumira mabhuku shure kuMexico. Zvisinei, iyoyi yakanga isiri nguva yokutanga iyo Mexico yakasvikwa neiri shoko. Pakuvamba zvikuru sa1893, Nharireyomurindi yakabudisa tsamba yakabva kuna F. de P. Stephenson, weMexico, uyo akanga arava zvimwe zvezvinyorwa zveWatch Tower Society uye aida kuva nezvakawanda zvokugoverana neshamwari dzake mose muri muviri muMexico nomuEurope.

Kuti vazarure dzakawanda dzenyika dzeCaribbean kukuparidzwa kwezvokwadi yeBhaibheri nokuronga misangano yenguva dzose yefundo, Hama Russell vakatumira E. J. Coward kuPanama muna 1911 uye ipapo kuzvitsuwa. Hama Coward vakanga vari mukurukuri anosimbisa neanojekesa, uye vateereri kazhinji kazhinji vaisvika nhamba yokumazana vaidirana kuzonzwa hurukuro dzavo dzairamba dzidziso dzehero yomwoto nokusafa kwomweya womunhu, vachitaurawo nezvenguva yemberi ine mbiri nokuda kwapasi. Vakabva kutaundi rimwe kuenda kune rinotevera, uye kubva pachitsuwa chimwe kuenda kune chimwe—St. Lucia, Dominica, St. Kitts, Barbados, Grenada, uye Trinidad—vachisvika vanhu vakawanda savanobvira. Vakataurawo muBritish Guiana. Vari muPanama, vakasangana naW. R. Brown, hama duku inoshingaira yokuJamaica, iyo pashure pacho yakabatira pamwe chete naHama Coward pazvitsuwa zvakati zveCaribbean. Gare gare, Hama Brown vakabetsera kuzarura mimwezve minda.

Muna 1913, Hama Russell vamene vakataura muPanama, Cuba, uye Jamaica. Nokuda kwehurukuro yavose yavakapa muKingston, Jamaica, horo mbiri dzakanga dzakazara, uye vamwezve vanhu vane 2 000 vaitofanira kurambidzwa kupinda. Apo mukurukuri asina kutaura chinhu pamusoro pemari uye apo kuunganidzwa kwemipiro kusina kuitwa, vanyori vepepanhau vakazvicherekedza.

Chiedza Chezvokwadi Chinosvika kuAfrica

Africawo yakanga ichisvikwa nechiedza chezvokwadi mukati meiyi nhambo. Tsamba yakatumirwa kubva kuLiberia muna 1884 yakazivisa kuti mumwe muravi weBhaibheri ikoko akanga ava nekopi yeFood for Thinking Christians uye aida zvakawanda zvokugoverana navamwe. Makore mashomanene pashure paikoko, kwakashumwa kuti mumwe mufundisi muLiberia akanga arega nzvimbo yake youfundisi kuti agova akasununguka kudzidzisa zvokwadi dzeBhaibheri dzaakanga achidzidza neyamuro yeNharireyomurindi uye kuti misangano yenguva dzose yakanga ichiitwa imomo neboka raVadzidzi veBhaibheri.

Mumwe mufundisi weDutch Reformed wokuHolland akaenda nezvimwe zvezvinyorwa zvaC. T. Russell apo akatumirwa kuSouth Africa muna 1902. Kunyange zvazvo asina kubetserwa zvechigarire nazvo, Frans Ebersohn naStoffel Fourie, avo vakaona mabhuku acho muraibhurari yake, vakadaro. Makore mashomanene gare gare, mapoka murutivi irworwo rwomunda akasimbiswa apo Vadzidzi veBhaibheri vaviri vanoshingaira vakatama kubva kuScotland kuenda kuDurban, South Africa.

Nenzira inosuruvarisa, pakati paavo vakawana mabhuku akanyorwa naHama Russell uye ipapo vakadzidzisa mamwe awo kuvamwe, pakanga pane vashomanene, vakadai saJoseph Booth naElliott Kamwana, avo vakavhenganisa mifungo yavo vamene, iyo yakanga yakarongedzerwa kunyandura chinjo yenzanga. Kuvamwe vacherekedzi muSouth Africa neNyasaland (gare gare Malawi), ikoku kwakada kuvhiringidza kuzivikanwa kwaVadzidzi veBhaibheri vapachokwadi. Kunyange zvakadaro, vakawanda vakanga vachinzwa uye vachiratidza kuonga shoko iro rakanangidzira ngwariro kuUmambo hwaMwari sechigadzikiso chezvinetso zvorudzi rwomunhu.

Kana kuri kuparidza kwakafara muAfrica, zvisinei, ikoku kwakanga kuchiri munguva yemberi.

KuMabvazuva Nezvitsuwa zvePacific

Nokukurumidza pashure pokunge zvinyorwa zveBhaibheri zvakagadzirwa naC. T. Russell zvatanga kuparadzirwa muBritain, zvakasvikawo kuMabvazuva. Muna 1883, Muzvare C. B. Downing, mufundisi wePresbyterian muChefoo (Yantai), China, akagamuchira kopi yeNharireyomurindi. Akanzwisisa zvaakadzidza pamusoro pedzorerwo uye akagoverana mabhuku acho navamwe vafundisi, kubatanidza Horace Randle, aisonganirana neBaptist Mission Board. Gare gare, fariro yake yakanyandurwazve nechiziviso cheMillennial Dawn icho chakaoneka muTimes yeLondon, uye iyoyi yakateverwa nemakopi ebhuku racho rimene—rimwe rakabva kuna Muzvare Downing uye rimwe rakatumirwa namai vake vari kuEngland. Pakutanga, iye akashamiswa nezvaakarava. Asi angopwiswa bedzi kuti Utatu hausati huri dzidziso yeBhaibheri, akabuda muChechi yeBaptist ndokupfuurira kugoverana navamwe vafundisi zvaakanga adzidza. Muna 1900 iye akashuma kuti akanga atumira tsamba 2 324 namaturakiti 5 000 kuvafundisi muChina, Japan, Korea, uye Siam (Thailand). Panguva iyoyo kwakanga kuri zvikurukuru kuvafundisi vechiKristudhomu uko uchapupu hwakanga huchipiwa kuMabvazuva.

Mukati menhambo imwe cheteyo yenguva, mbeu dzezvokwadi dzakadyarwawo muAustralia neNew Zealand. Yokutanga yeidzi “mbeu” kusvika muAustralia ingave yakaendeswa ikoko muna 1884 kana kuti nokukurumidza pashure pacho nomumwe murume akatanga kusvikwa nomumwe Mudzidzi weBhaibheri muimwe paka muEngland. Dzimwe “mbeu” dzakauya nepositi kubva kushamwari nehama dzokunyama dzaiva mhiri kwamakungwa.

Mukati memakore mashomanene pashure pokunge Commonwealth of Australia yaumbwa muna 1901, mazana avanhu ikoko akanga ari vazvinyoresi veNharireyomurindi. Somugumisiro womubato waavo vakaona ropafadzo yokugoverana zvokwadi navamwe, zviuru zvamaturakiti zvakatumirwa kuvanhu vakanga vane mazita akanga ari pandaza yavakanyoresa kuvhota. Akawanda akaparadzirwa mumigwagwa, uye mirwi yawo yakakandirwa kunze napamawindi echitima kuvashandi navagari vomumatumba vari voga munharaunda dziri dzoga pedyo nenjanji. Vanhu vakanga vachiziviswa nezvomugumo wakanga uchisvika weNguva dzaVamarudzi muna 1914. Arthur Williams, Sr., akataura pamusoro paikoku kuvatengi vose muchitoro chake muWestern Australia uye akakokera vanofarira kumusha wake nokuda kwedzimwe kurukurirano.

Kuti ndiani akatanga kusvika kuNew Zealand nezvokwadi yeBhaibheri hakuzivikanwi zvino. Asi pakasvika 1898, Andrew Anderson, mugari weNew Zealand, akanga arava zvakakwana zvezvinyorwa zveWatch Tower kuti agosundwa kuparadzira zvokwadi imomo sacolporteur. Nhamburiko dzake dzakasimbiswa muna 1904 namamwe macolporteur akabva kuAmerica uye kuhofisi yebazu yeSosaiti iyo yakatangwa mugore rimwe chetero muAustralia. Mai Thomas Barry, vaiva muChristchurch, vakagamuchira mavhoriyamu matanhatu eStudies in the Scriptures kubva kune mumwe wemacolporteur. Mwanakomana wavo Bill akaarava muna 1909 mukati merwendo rwokufamba neigwa rwevhiki nhanhatu achienda kuEngland ndokuziva uzvokwadi hwezvaakanga anazvo. Makore akati gare gare mwanakomana wavo Lloyd akava mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha.

Pakati pavashandi vanoshingaira mumazuva iwayo apakuvamba pakanga pana Ed Nelson, uyo, kunyange zvazvo akanga asina unyanzvi zvikuru, akapa nguva yake yakazara kwemakore 50 kukuparadzira shoko roUmambo kubva kuchamhembe kweNew Zealand kuenda kumaodzanyemba. Pashure pamakore mashomanene, akakumbanirwa naFrank Grove, uyo akasakurira kuyeuka kwake kuti atsive kusaona zvakanaka kwake uye uyo akapayonawo kweanopfuura makore 50 kutozosvikira kurufu rwake.

Shanyo Yomunyika Yokufambisira Mberi Kuparidzwa Kwamashoko Akanaka

Imwezve nhamburiko huru yakaitwa muna 1911-12 kubetsera vanhu vokuMabvazuva. International Bible Students Association yakatumira dare ravarume vanomwe, raitungamirirwa naC. T. Russell, kuti rizvinzverere pacharo mamirire ezvinhu ikoko. Kupi nokupi kwavakaenda vakataura pamusoro pechinangwa chaMwari chokuunza zvikomborero kurudzi rwomunhu kupfurikidza noUmambo hwaMesiya. Pane dzimwe nguva vateereri vavo vakanga vari vashoma, asi muPhilippines nomuIndia, makanga mune zviuru. Havana kutsigira nhimbe yakanga yakakurumbira panguva iyoyo muchiKristudhomu yokuunganidza mari nokuda kwokutendeutswa kwenyika. Cherekedzo yavo yakanga iri yokuti dzakawanda zvikurusa dzenhamburiko dzavafundisi vechiKristudhomu dzakanga dzichishandiswa kutsigira dzidzo yokunyika. Asi Hama Russell vakapwiswa kuti izvo vanhu vakanga vachida yakanga iri “Mharidzo yegadziriro yorudo yaMwari yoUmambo hunouya hwaMesiya.” Panzvimbo pokukarira kutendeutsa nyika, Vadzidzi veBhaibheri vainzwisisa muMagwaro kuti chakanga chichifanira kuitwa panguva iyoyo kwakanga kuri kupa uchapupu uye kuti ikoku kwaizobatira kukuunganidzwa kwe“vakasarudzwa vashomanene kubva mumarudzi ose, vanhu, hama dzokunyama nendimi nokuda kwokuva mutezo muboka [raKristu] roMwenga—kuti vagare Naye pachigaro Chake choumambo mukati memakore ane chiuru, vachibatira pamwe mubasa rokusimudzira dzinza rose zvaro.”a—Zvak. 5:9, 10; 14:1-5.

Pashure pokupedzera nguva muJapan, China, Philippines, uye dzimwe nzvimbo, mitezo yedare yakaita rwendo rwamakiromita 6 400 okuwedzera muIndia. Vamwe vanhu vaigara muIndia vakanga varava mabhuku eSosaiti uye vakanga vanyora tsamba kuratidzira kuaonga kwavo pakuvamba zvikuru sa1887. Kupupura kwokushingaira kwakanga kwaitwawo pakati pavanhu vanotaura chiTamil kubvira muna 1905 nerimwe jaya iro, somudzidzi aiva muAmerica, rakanga rasangana naHama Russell ndokudzidza zvokwadi. Iri jaya rakabetsera kutanga mapoka efundo yeBhaibheri 40 kumaodzanyemba kweIndia. Asi, pashure pokuparidzira vamwe, iro rimene rakava risingatenderwi kupfurikidza nokurega mipimo yechiKristu.—Enzanisa na1 VaKorinte 9:26, 27.

Panenge panguva imwe cheteyo, zvisinei, A. J. Joseph, weTravancore (Kerala), mukupindura mubvunzo waakatumira kumumwe muAdventist akakurumbira, akatumirwa vhoriyamu yeStudies in the Scriptures. Muno akawana mhinduro dzapaMagwaro dzinogutsa dzemibvunzo yake pamusoro poUtatu. Nokukurumidza iye nemimwe mitezo yemhuri vakabudira muminda inorimwa mupunga neminda yemicoconut yekumaodzanyemba kweIndia vachigoverana zvitendero zvavo zvakanga zvichangobva kuwanwa. Pashure peshanyo yaHama Russell muna 1912, Hama Joseph vakatora basa renguva yakazara. Neraruwe, chikochikari chine mavhiri maviri chaidhonzwa nemadhonza, ngarava, uye tsoka, vakafamba kuti vaparadzire mabhuku eBhaibheri. Apo vaipa hurukuro dzavose, idzodzi kazhinji kazhinji dzaidzongonyedzwa navafundisi nevateveri vavo. PaKundara, apo mumwe mufundisi “wechiKristu” akanga achishandisa vateveri vake kudzongonyedza musangano wakadaro uye kukandira ndove pana Hama Joseph, mumwe murume anopesvedzera wechiHindu akauya kuzoona kuti ruzha rwacho rwakanga rumbori rwechii. Akabvunza mufundisi, kuti: ‘Iwoyo ndiwo muenzaniso wakagadzwa naKristu wokuti vaKristu vatevere here, kana kuti zvamuri kuita zvakafanana nomufambiro wavaFarise venguva yaJesu here?’ Mufundisi wacho akatiza.

Kushanya munyika kwemwedzi mina kwakaitwa nedare reIBSA kusati kwapedzwa, Hama Russell vakanga varonga kuti R. R. Hollister ave mumiririri weSosaiti kuMabvazuva uye kupfuurira kuparadzira kuvanhu imomo shoko regadziriro yaMwari yorudo yoUmambo hwaMesiya. Maturakiti chaiwo akagadzirwa mumitauro gumi, uye mamiriyoni aiwaya akaparadzirwa muIndia mose, China, Japan, uye Korea navaparadziri vomunzvimbomo. Ipapo mabhuku akashandurirwa mumina yeiyi mitauro kugovera zvimwe zvokudya zvomudzimu nokuda kwaavo vairatidza fariro. Uno wakanga uri munda mukuru, uye zvakawanda zvakasara kuti zviitwe. Bva, zvakanga zvaitwa kusvikira panguva iyoyo zvakanga zvichishamisa zvirokwazvo.

Uchapupu Hunoorora Hwakapiwa

Kuparadza kwehondo yenyika yokutanga kusati kwagumiswa, uchapupu hwakakura hwakanga hwapiwa munyika yose. Hama Russell vakanga vaita nzendo dzokutaura kumazana amaguta muUnited States neCanada, vakanga vaita vaitazve nzendo dzokuenda kuEurope, vakanga vataura muPanama, Jamaica, uye Cuba, pamwe chete namaguta makuru okuMabvazuva. Makumi ezviuru zvavanhu akanga anzwa pachawo hurukuro dzavo dzeBhaibheri dzinonyandura uye akanga acherekedza sezvavaipindura pachena kubva muMagwaro mibvunzo yaimutswa navose vari vaviri shamwari navavengi. Fariro huru nokudaro yakanyandurwa, uye zviuru zvamapepanhau muAmerica, Europe, South Africa, uye Australia nguva dzose zvaibudisa mharidzo dzaHama Russell. Mamiriyoni amabhuku, pamwe chete nemazana amamiriyoni amaturakiti namamwe mabhuku mumitauro 35, zvakanga zvaparadzirwa naVadzidzi veBhaibheri.

Kunyange zvazvo basa ravo rakanga rakatanhamara, vakanga vasiri bedzi Hama Russell avo vakanga vachiparidza. Vamwewo, vakapararira kupote nyika yose, vakanga vachibatanidza manzwi avo sezvapupu zvaJehovha nezveMwanakomana wake, Jesu Kristu. Avo vakagoverana vakanga vasiri vose vakurukuri vavose. Vaibva mumagariro ose, uye vakashandisa mutoo uri wose wakafanira wavaigona kushandisa kuparadzira mashoko akanaka.

Muna January 1914, nomugumo weNguva dzavaMarudzi waiva kure nerisingasviki gore, humwezve uchapupu hwakakura hwakatangwa. Ihwohwu hwakanga huri “Photo-Drama of Creation,” iyo yakasimbisa nomutoo mutsva chinangwa chaMwari nokuda kwapasi. Yakaita ikoku kupfurikidza namasiraidhi ane mifanikiso yakanyorwa zvakanaka namaoko nemifanikiso inofamba, yaibuda pamwe chete nokurira. Pepanhau ravose muUnited States rakashuma kuti munyika yose vateereri vaiita hwerengedzo yamazana ezviuru vakanga vachiiona vhiki nevhiki. Pakasvika mugumo wegore rokutanga, hwerengedzo yenhamba yavapindi muUnited States neCanada yakanga yasvika mamiriyoni anodokusvika masere. MuLondon, England, makanga mune mapoka aidirana kuOpera House neRoyal Albert Hall kundoona iyi ratidziro iyo yakanga yakaumbwa namativi mana amaawa maviri. Mukati mehafu yegore, vanopfuura 1 226 000 vakanga vapinda mumaguta 98 muBritish Isles. Mapoka muGermany neSwitzerland akazadza zvikuru horo dzaiwanika. Yakaonekwawo navateereri vakawanda muScandinavia neSouth Pacific.

Uchapupu hunoshamisa, hwakakura zvakadini, hwemunyika yose hwakapiwa mukati memakumi amakore iwayo apakuvamba enhau yomuzuva razvino yeZvapupu zvaJehovha! Asi, chaizvoizvo, basa rakanga richingori kuvamba.

Mazana mashomanene bedzi akanga agoverana nenzira yokushingaira mukuparadzira zvokwadi yeBhaibheri mukati mokuvamba kwema1880. Pakasvika 1914, maererano nemishumo inowanika, makanga mune vanenge 5 100 vakatora rutivi mubasa racho. Vamwe panhambo nenhambo vangave vakaparadzira maturakiti. Vashandi vakanga vari vashomanene zvikuru.

Iri boka duku ravaparidzi veevhangeri, munzira dzakasiyana-siyana, rakanga ratoparadzira ziviso yavo yoUmambo hwaMwari munyika 68 pakasvika rutivi rwokupedzisira rwa1914. Uye basa ravo savaparidzi navadzidzisi veShoko raMwari rakatangwa pahwaro hwenguva dzose zvikuru mu30 dzeidzi nyika.

Mamiriyoni amabhuku namazana amamiriyoni amaturakiti zvakanga zvaparadzirwa Nguva dzaVamarudzi dzisati dzaguma. Mukuwedzera kuna ikoko, pakasvika 1913 mapepanhau akawanda zvikuru se2 000 akanga achibudisa nguva dzose mharidzo dzakagadzirwa naC. T. Russell, uye mugore ra1914 vateereri vane hwerengedzo yavanhu vanopfuura 9 000 000 pamakondinendi matatu vakaona “Photo-Drama of Creation.”

Zvirokwazvo, uchapupu hunoshamisa hwakanga hwapiwa! Asi pakanga pane zvakawanda zvikuru zvakanga zvichizouya.

[Mashoko Omuzasi]

a Mushumo wakazara pamusoro pouku kushanya munyika unowanika muNharireyomurindi yechiNgezi yaApril 15, 1912.

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 405]

C. T. Russell akapa pachake hurukuro dzeBhaibheri mumaguta anopfuura 300 (munharaunda dzinoratidzirwa namadododo) muNorth America neCaribbean—muakawanda awo ka10 kana kuti ka15

[Mepu]

(Ona bhuku racho)

[Mepu iri papeji 407]

(Ona bhuku racho)

Nzendo dzokuparidza dzaRussell kuEurope, kazhinji kazhinji achienda nokuEngland

1891

1903

1908

1909

1910 (kaviri)

1911 (kaviri)

1912 (kaviri)

1913

1914

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 408]

Apo akapwiswa kuti akanga awana zvokwadi, Andreas Øiseth akaparadzira nokushingaira mabhuku eBhaibheri murunodokuva rutivi rwuri rwose rweNorway

[Mepu]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

NORWAY

Arctic Circle

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 409]

Adolf Weber, mumwe murimi webindu anozvininipisa, akaparadzira mashoko akanaka kubva muSwitzerland kuenda kudzimwe nyika muEurope

[Mepu]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

BELGIUM

GERMANY

SWITZERLAND

ITALY

FRANCE

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 413]

Bellona Ferguson, muBrazil—“hakuna vari kure zvikuru zvokusagona kusvikwa”

[Mepu]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

BRAZIL

[Mepu iri papeji 415]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

ALASKA

CANADA

GREENLAND

ST. PIERRE & MIQUELON

UNITED STATES OF AMERICA

BERMUDA

BAHAMAS

TURKS & CAICOS ISLANDS

CUBA

MEXICO

BELIZE

JAMAICA

HAITI

DOMINICAN REPUBLIC

PUERTO RICO

CAYMAN ISLANDS

GUATEMALA

EL SALVADOR

HONDURAS

NICARAGUA

COSTA RICA

PANAMA

VENEZUELA

GUYANA

SURINAME

FRENCH GUIANA

COLOMBIA

ECUADOR

PERU

BRAZIL

BOLIVIA

PARAGUAY

CHILE

ARGENTINA

URUGUAY

FALKLAND ISLANDS

VIRGIN ISLANDS (U.S.)

VIRGIN ISLANDS (BRITISH)

ANGUILLA

ST. MAARTEN

SABA

ST. EUSTATIUS

ST. KITTS

NEVIS

ANTIGUA

MONTSERRAT

GUADELOUPE

DOMINICA

MARTINIQUE

ST. LUCIA

ST. VINCENT

BARBADOS

GRENADA

TRINIDAD

ARUBA

BONAIRE

CURAÇAO

ATLANTIC OCEAN

CARIBBEAN SEA

PACIFIC OCEAN

[Mepu iri papeji 416, 417]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

GREENLAND

SWEDEN

ICELAND

NORWAY

FAEROE ISLANDS

FINLAND

RUSSIA

ESTONIA

LATVIA

LITHUANIA

BELARUS

UKRAINE

MOLDOVA

GEORGIA

ARMENIA

AZERBAIJAN

TURKMENISTAN

UZBEKISTAN

KAZAKHSTAN

TAJIKISTAN

KYRGYZSTAN

POLAND

GERMANY

NETHERLANDS

DENMARK

BRITAIN

IRELAND

BELGIUM

LUXEMBOURG

LIECHTENSTEIN

SWITZERLAND

CZECHOSLOVAKIA

AUSTRIA

HUNGARY

ROMANIA

YUGOSLAVIA

SLOVENIA

CROATIA

BOSNIA & HERZEGOVINA

BULGARIA

ALBANIA

ITALY

GIBRALTAR

SPAIN

PORTUGAL

MADEIRA

MOROCCO

WESTERN SAHARA

SENEGAL

ALGERIA

LIBYA

EGYPT

LEBANON

ISRAEL

CYPRUS

SYRIA

TURKEY

IRAQ

IRAN

BAHRAIN

KUWAIT

JORDAN

SAUDI ARABIA

QATAR

UNITED ARAB EMIRATES

OMAN

YEMEN

DJIBOUTI

SOMALIA

ETHIOPIA

SUDAN

CHAD

NIGER

MALI

MAURITANIA

GAMBIA

GUINEA-BISSAU

SIERRA LEONE

LIBERIA

CÔTE D’IVOIRE

GHANA

TOGO

BENIN

EQUATORIAL GUINEA

ST. HELENA

GUINEA

BURKINA FASO

NIGERIA

CENTRAL AFRICAN REPUBLIC

CAMEROON

SÃO TOMÉ

CONGO

GABON

ZAIRE

ANGOLA

ZAMBIA

NAMIBIA

BOTSWANA

SOUTH AFRICA

LESOTHO

SWAZILAND

MOZAMBIQUE

MADAGASCAR

RÉUNION

MAURITIUS

RODRIGUES

ZIMBABWE

MAYOTTE

COMOROS

SEYCHELLES

MALAWI

TANZANIA

BURUNDI

RWANDA

UGANDA

FRANCE

PAKISTAN

AFGHANISTAN

NEPAL

BHUTAN

MYANMAR

BANGLADESH

INDIA

SRI LANKA

GREECE

MALTA

TUNISIA

KENYA

ATLANTIC OCEAN

INDIAN OCEAN

ALASKA

MONGOLIA

DEMOCRATIC PEOPLE’S REPUBLIC OF KOREA

JAPAN

REPUBLIC OF KOREA

CHINA

MACAO

TAIWAN

HONG KONG

LAOS

THAILAND

VIETNAM

CAMBODIA

PHILIPPINES

BRUNEI

MALAYSIA

SINGAPORE

INDONESIA

SAIPAN

ROTA

GUAM

YAP

BELAU

CHUUK

POHNPEI

KOSRAE

MARSHALL ISLANDS

NAURU

PAPUA NEW GUINEA

AUSTRALIA

NEW ZEALAND

NORFOLK ISLAND

NEW CALEDONIA

WALLIS & FUTUNA ISLANDS

VANUATU

TUVALU

FIJI

KIRIBATI

TOKELAU

HAWAII

WESTERN SAMOA

AMERICAN SAMOA

NIUE

TONGA

COOK ISLANDS

TAHITI

SOLOMON ISLANDS

PACIFIC OCEAN

INDIAN OCEAN

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 421]

A. J. Joseph, weIndia, nemwanasikana wake Gracie, uyo akabatira somufundisi akarovedzwa kuGilead

[Mepu]

[Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

INDIA

[Mufananidzo uri papeji 411]

Hermann Herkendell, pamwe chete nomwenga wake, vakaita rwendo rwezororo revachangobva kuchata remwedzi yakawanda kuti vaparidzire vanhu vanotaura chiGerman muRussia

[Mifananidzo iri papeji 412]

Ma“colporteur” muEngland neScotland akaedza kupa munhu ari wose mukana wokugamuchira uchapupu; kunyange vana vavo vakabetsera nokuparadzirwa kwamaturakiti

[Mufananidzo uri papeji 414]

E. J. Coward akaparadzira nokushingaira zvokwadi yeBhaibheri munharaunda yeCaribbean

[Mufananidzo uri papeji 418]

Frank Grove (kuruboshwe) naEd Nelson (vanooneka pano navadzimai vavo) mumwe nomumwe akapa makore anopfuura 50 kukuparadzira shoko roUmambo nguva yakazara muNew Zealand yose

[Mifananidzo iri papeji 420]

C. T. Russell navasonganiri vatanhatu vakaita rwendo kupote nyika muna 1911-12 kuti vagofambisira mberi kuparidzwa kwamashoko akanaka

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe