RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g25 nha. 1 pp. 10-11
  • Gutsikana Nezvauinazvo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Gutsikana Nezvauinazvo
  • Mukai!—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NEI ZVICHIKOSHA?
  • ZVII ZVAUNGAITA?
  • Zvaungaita Kuti ‘Ugutsikane’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Zvingaita Here Kuti Ugutsikane?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Zvaungaita Kuti Uve Munhu Anogutsikana
    Mukai!—2021
  • Mararamiro Aungaita Nevanhu Vanongorasa Zvinhu
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—2025
g25 nha. 1 pp. 10-11
Mapikicha: 1. Baba vari kunyemwerera pashure pekunge vapedza basa ravo rekuvaka. 2. Baba vaya vava kutamba nevana vavo vaviri nembwa yavo vari panze pemba yavo isingashamisiri, mudzimai wavo akagara achinyemwerera.

ZVAUNGAITA KANA MITENGO ICHIKWIRA

Gutsikana Nezvauinazvo

Vanhu vanogutsikana vanobvuma zvinenge zviripo. Panochinja zvinhu muupenyu hwavo, vanochinjawo mararamiro avo kuti aenderane nezvinenge zvavapo.

NEI ZVICHIKOSHA?

Mumwe mukadzi anoongorora nezvemafungiro evanhu anonzi Jessica Koehler akaona kuti vanhu vanogutsikana kakawanda kacho vanoramba vaine tariro yekuti zvinhu zvichanaka. Akaonawo kuti havawanzochiva zvinhu zvevanhu. Saka hazvishamisi kuti vanhu vanogutsikana vanowanzofara uye havanyanyi kuzvidya mwoyo. Kutori nevamwe vanhu vanofara chaizvo asi ivo vasina zvinhu zvakawanda zvekurarama nazvo. Izvi ndezvechokwadi kunyanya kuvanhu vaya vanokoshesa zvinhu zvisingagoni kutengwa nemari, zvakadai sekufara kwavanoita pavanenge vari pamwe chete nemhuri dzavo neshamwari.

“Kana tiine zvekudya nezvekupfeka, tichagutsikana nezvinhu izvi.”—1 Timoti 6:8.

ZVII ZVAUNGAITA?

Usazvienzanisa nevamwe. Kana ukaenzanisa upenyu hwako nehwevaya vane zvinhu zvakawanda zvinodhura, unogona kutanga kusagutsikana kunyange kutochiva upenyu hwavo. Unogona kufunga kuti vaya vane zvinhu zvakawanda zvinodhura vakapfuma asi vamwe vacho vanogona kunge vatori muzvikwereti zvakakura chaizvo. Nicole uyo anogara kuSenegal anoti: “Handidi zvinhu zvakawanda kuti ndifare. Kana ndichigutsikana, ndinogona kufara kunyange kana vamwe vanhu vaine zvinhu zvakawanda kundipfuura.”

Edza izvi: Siyana nekutarisa zvinhu zvinobudiswa paindaneti zvinenge zvichiratidza mari dzine vamwe vanhu uye zvinhu zvinodhura zvavainazvo.

“Kunyange kana munhu aine zvizhinji, upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.”—Ruka 12:15.


Iva munhu anoonga. Vanhu vanoonga kakawanda kacho vanogutsikana uye havawanzofunga kuti vanofanira kuramba vachiwana zvimwe zvinhu. Roberton wekuHaiti anoti: “Ndinowana nguva yekufunga nezvezvinhu zvakanaka zvandakaitirwa nevamwe vanhu uye zvavakaitirawo mhuri yangu uye ndinobva ndaudza vanhu ivavo kuti ndinovatenda chaizvo nezvavakandiitira. Ndinodzidzisawo mwanakomana wangu ane makore 8 kuti ave munhu anoonga zvese zvaanenge aitirwa.”

Edza izvi: Zuva nezuva nyora pasi zvinhu zvaunoda kutenda nezvazvo. Zvimwe zvacho zvinosanganisira kuva neutano hwakanaka, kuva nemhuri yakabatana, shamwari dzechokwadi, uye kunyange kuyevedza kunoita zuva parinenge richinyura.

“Munhu ane mwoyo unofara anogara aine mabiko.”—Zvirevo 15:15.

Dzimwe nguva hazvisi nyore kuti tigutsikane. Asi kana tikashanda nesimba kuti tive vanhu vanogutsikana tichawana mufaro, uyo usingagoni kutengwa nemari.

Erik.

“Ini nemhuri yangu tiri kuedza kuva vanhu vanogutsikana, uye izvozvo zviri kutibatsira chaizvo. Zvava kuita kuti tisamhanyidzane nezvinhu zvakawanda muupenyu, uye zviri kuita kuti tiwane nguva yakawanda tiri pamwe chete, tichinakidzwa nezvinhu zvatiinazvo.”—Erik, U.S.A.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe