RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 October p. 25
  • Zvii Zvichagadziriswa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvii Zvichagadziriswa?
  • Mukai!—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Chirongwa Chekudzidza Bhaibheri Chemunhu Wose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Ungada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here?
    Ungada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here?
  • Unoona Sei Ramangwana?
    Unoona Sei Ramangwana?
  • Mwari Anochinja Mafungiro Ake Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 October p. 25

Zvii Zvichagadziriswa?

“Rumwe rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa.”

“Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”

“Rufu haruchazovipo.”

ZVATAURWA pamusoro apa zvinoita sokuti kurota. Asi tine chokwadi chokuti izvi hazvisi zvinhu zvokuda kungofadzana. Sei tichidaro? Nemhaka yokuti izvi zvakasiyana nezvinovimbiswa nevezvematongerwo enyika avo vasina simba rokugadzirisa zvinhu panyika. Asi vimbiso dziri pamusoro apa dzinowanikwa muBhaibheri.a

Vakawanda vanofunga kuti Bhaibheri ibhuku rechinyakare uye harichaenderani nenguva yatiri kurarama. Ndizvo zvaunofungawo here? Kana zviri izvo, wadii kuongorora zvinotaurwa neBhaibheri? Chokwadi ndechokuti Bhaibherindiro bhuku dzvene rinotaura nezvenhoroondo yevanhu kubvira pavakatangira chaipo. Rinotsanangura kuti:

● Chii chakakonzera kuti vanhu vasvike pakutambura?—VaRoma 5:12.

● Zvii zviri kuitwa naMwari kuti agadzirise matambudziko acho?—Johani 3:16.

● Sei hurumende dzisingagoni kugadzirisa matambudziko aya?—Jeremiya 10:23.

● Sei tingati zvakavimbiswa naMwari zvichaitika?—Joshua 23:14.

Ichokwadi here kuti Mwari achapedza nzara, hondo, urwere uye rufu? Vimbiso dzakadaro hadzina kuoma kuti udzitende kana uchibvuma zvinhu izvi:

1. Mwari ndiye akatisika.

2. Ane hanya nesu.

3. Ane simba rokugadzirisa zvinhu panyika.

4. Ane urongwa hwokuzviita.

Pane zvikonzero zvine musoro zvinoita kuti tibvume zvinhu izvi zvina here? Zvapupu zvaJehovha, zvinobudisa magazini ino, zvinokukoka kuti uzvionere zvikonzero zvacho kuburikidza nokudzidza Bhaibheri.

Zvimwe une Bhaibheri asi unoriverenga apo neapo kana kuti hautomboriverengi. Kunyange vaya vanoverenga Bhaibheri vanoti rinovaomera kunzwisisa. Kana rakakuomerawo, tinokukumbira kuti utaure neZvapupu zvaJehovha kuti mukurukure nezveBhaibheri usingabhadhari. Vakawanda pasi rose vari kubatsirwa neurongwa ihwohwo. Hunofambiswa sei urongwa hwacho?

Vhiki yoga yoga, mumwe chete kana vaviri veZvapupu zvaJehovha vanogona kuuya kumba kwako kana kune imwe nzvimbo yakakunakira kuti vazokurukura newe Bhaibheri usingabhadhari. Zvidzidzo izvi zveBhaibheri zvichakubatsira kupindura mibvunzo yakadai sokuti, Sei tichitambura? Nei hurumende dzevanhu dzisina simba rokugadzirisa zvinhu panyika? Umambo hwaMwari chii, uye huchagadzirisa sei zvinhu zviri kutadzwa nehurumende dzevanhu?

Kuti unzwe zvakawanda nezvemaitirwo ezvidzidzo zveBhaibheri, taura neZvapupu zvaJehovha zvekwaunogara kana kuenda paIndaneti pawww.jw.org. Unogonawo kunyorera uchishandisa kero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

[Mashoko Omuzasi]

a Mashoko ari kwekutanga kwepeji ino anobva muna Isaya 2:4; Isaya 33:24; naZvakazarurwa 21:4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe