RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • T-31 pp. 1-4
  • Unoona Sei Ramangwana?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoona Sei Ramangwana?
  • Unoona Sei Ramangwana?
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
  • Kutambura Kuchazombopera Here?
    Kutambura Kuchazombopera Here?
  • Ndiani Ari Kutonga Pasi Rese?
    Ndiani Ari Kutonga Pasi Rese?
  • Vakafa Vachararamazve Here?
    Vakafa Vachararamazve Here?
Ona Zvimwe
Unoona Sei Ramangwana?
T-31 pp. 1-4

Unoona Sei Ramangwana?

Nyika ino . . .

  • icharamba iri sezvairi here?

  • ichatowedzera kuipa here?

  • ichava nani pane zvairi here?

BHAIBHERI RINOMBOTII?

“Mwari . . . achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa. Zvinhu zvekutanga zvapfuura.”​—Zvakazarurwa 21:3, 4, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

ZVARINOTAURA ZVINGAKUBATSIRA SEI?

Uchava nebasa rinokugutsa uye rinofadza.​—Isaya 65:21-23.

Panenge pasisina kurwara kana chero chinonzi kutambudzika.​—Isaya 25:8; 33:24.

Uchava neupenyu hunofadza husingagumi nehama neshamwari.​—Pisarema 37:11, 29.

Murume nemudzimai vane tariro yeramangwana rakanaka; musikana ari kudiridza; vanhu vari kuvaka imba

TINGANYATSOBVUMA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI HERE?

Hongu. Tine zvikonzero zviviri zvinoita kuti tidaro:

  • Mwari haatadzi kuzadzisa zvaakavimbisa. MuBhaibheri, Jehovha Mwari chete ndiye anonzi “Wemasimbaose,” nekuti ane simba risingagumi. (Zvakazarurwa 15:3) Saka anonyatsokwanisa kuita zvaakavimbisa zvekuti achachinja nyika kuti inake. Sezvinotaurwa neBhaibheri, “zvinhu zvese zvinobvira kuna Mwari.”​—Mateu 19:26.

  • Mwari anoda kuzadzisa zvaakavimbisa. Semuenzaniso, Jehovha anosuwa vanhu vakafa, saka achavamutsa.​—Jobho 14:14, 15.

    Bhaibheri rinoratidzawo kuti Mwanakomana waMwari, Jesu, akaporesa vanorwara. Akazviitirei? Nekuti aida kuzviita. (Mako 1:40, 41) SaBaba vake, Jesu aida kubatsira vaitambura.​—Johani 14:9.

    Saka tinogona kuva nechokwadi kuti Jehovha naJesu vanoda kutibatsira kuti tive neramangwana rinofadza!​—Pisarema 72:12-14; 145:16; 2 Petro 3:9.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO

Munhu ari kunongedza vhesi muBhaibheri

Mwari achachinja sei nyika kuti inake?

Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo pana MATEU 6:9, 10 naDHANIERI 2:44.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe