Ungada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here?
Nei Uchifanira Kuverenga Bhaibheri?
BHAIBHERI rakasiyana nemamwe mabhuku ose—rine murayiro waMwari worudo. (1 VaTesaronika 2:13) Kana ukashandisa zvinodzidziswa neBhaibheri, zvichakubatsira zvikuru. Uchawedzera kuda Mwari uye uchaswedera pedyo naye, Mupi we“zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana.” (Jakobho 1:17) Uchasvika pakuziva kuti unganyengetera sei kwaari. Munguva dzenhamo, unogona kubatsirwa naMwari. Kana ukaita kuti upenyu hwako huwirirane nemitemo inotaurwa muBhaibheri, Mwari achakupa upenyu husingaperi.—VaRoma 6:23.
Bhaibheri rine chokwadi chinopa kunzwisisa. Avo vanowana zivo yeBhaibheri vanosunungurwa pakusanzwisisa kuri kudzora upenyu hwemamiriyoni evanhu. Somuenzaniso, kuziva chokwadi pamusoro pokuti chii chinoitika patinofa kunotisunungura pakutya kuti vakafa vanogona kutikuvadza kana kuti hama dzedu dzakafa neshamwari dziri kutambura. (Ezekieri 18:4) Dzidziso yeBhaibheri yorumuko inonyaradza vakafirwa. (Johani 11: 25) Kuziva chokwadi pamusoro pengirozi dzakaipa kunotichenjedza pangozi yokuita zvemidzimu uye kunotibatsira kunzwisisa kuti nemhaka yei pasi pano paine nhamo yakakura kudai.
Nheyo dzaMwari dziri muBhaibheri dzinotiratidza mararamiro atingaita munzira inobatsira miviri yedu. Somuenzaniso kuva ne“tsika dzine mwero” kunobatsira kuva noutano hwakanaka. (1 Timoti 3:2) Noku‘zvichenesa pazvose zvinosvibisa nyama nomudzimu,’ hatikanganisi utano hwedu. (2 VaKorinde 7:1) Kushandisa zano raMwari riri muBhaibheri kunoitawo kuti vanhu vakaroorana vafare uye munhu azviremekedze.—1 VaKorinde 6:18.
Kana ukashandisa Shoko raMwari, uchava munhu anofara. Zivo yomuBhaibheri inotibatsira kuwana rugare nokugutsikana mumwoyo uye inotipa tariro. Inotibatsira kuti tive nounhu hunofadza zvakadai setsitsi, rudo, mufaro, rugare, mutsa, uye kutenda. (VaGaratiya 5:22, 23; VaEfeso 4:24, 32) Unhu hwakadaro hunotibatsira kuti tive murume kana kuti mudzimai ari nani, baba kana kuti amai vari nani, mwanakomana kana kuti mwanasikana ari nani.
Wati wambofunga nezvenguva yemberi here? Uprofita hweBhaibheri hunotiratidza kuti tave papi nenguva. Uprofita uhwu hahungorondedzeri mamiriro ezvinhu munyika nhasi chete asi hunoratidzawo kuti Mwari achashandura pasi kuti rive paradhiso munguva pfupi iri kutevera.—Zvakazarurwa 21:3, 4.
Chinobatsira Kunzwisisa Bhaibheri
Pamwe wakamboedza kuverenga Bhaibheri asi ukaona rakaoma kunzwisisa. Pamwe hauzivi pokutarisa muBhaibheri kuti uwane mhinduro dzemibvunzo yako. Kana zvakadaro, hausiwe woga. Tose tinoda kubatsirwa kuti tinzwisise Shoko raMwari. Zvapupu zvaJehovha munyika dzinenge 235, zvinopa zvidzidzo zveBhaibheri pachena kumamiriyoni evanhu. Zvingafara kukubatsirawo.
Kazhinji zvakanaka kudzidza Bhaibheri uchiwedzera paduku napaduku, uchitanga nedzidziso dzokutanga. (VaHebheru 6:1) Sezvaunoramba uchidaro, uchakwanisa kudya “zvokudya zvikukutu”—kureva kuti, chokwadi chakadzama. (VaHebheru 5:14) Bhaibheri ndiro rine shoko rinokosha. Mabhuku anodzidzisa Bhaibheri akadai serimwe rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, achakubatsira kunzwisisa Magwaro eBhaibheri panyaya dzakasiyana-siyana.
Unoda Here Kushandisa Nguva Vhiki Imwe Neimwe Kuti Unzwisise Bhaibheri?
Chidzidzo cheBhaibheri kazhinji chinogona kurongwa panguva nenzvimbo zvakakunakira. Vamwe vanodzidzira pamba pavo. Vamwe vanotodzidza nepafoni. Chirongwa chokudzidza ichi hachisi chekirasi ine vanhu vakawanda, asi chinoitwa nomunhu mumwe chichiitwa kuti chiwirirane nemamiriro ako ezvinhu, kusanganisira kuwanda kwezivo yako nedzidzo. Hakuna mazamanishoni, uye hauzonyadziswi. Mibvunzo yako yeBhaibheri ichapindurwa, uye uchadzidza nzira yokuswedera nayo pedyo naMwari.
Chidzidzo cheBhaibheri chakadaro hachibhadharwi. (Mateu 10:8) Chinoitwa pachena nevanhu vezvitendero zvose uye nevasinganamati asi vanoda nemwoyo wose kuwedzera zivo yavo yeShoko raMwari.
Ndivanaani vanogona kuvapo pachidzidzo chacho? Mhuri yako yose. Chero shamwari dzaunenge wada kukoka dzinogonawo kuvapo. Kana kuti kana uchida hako, unogona kungodzidziswa uri woga.
Vazhinji vanotsaura awa imwe pavhiki imwe neimwe kuti vadzidze Bhaibheri. Kana uchigona kupedza nguva yakawanda kana kuti une nguva shoma vhiki imwe neimwe, Zvapupu zvichauya kuzokubatsira.
Unokumbirwa Kuti Udzidze
Tinokukurudzira kutaura neZvapupu zvaJehovha. Imwe nzira yaunogona kuita nayo izvi kunyora tsamba kukero iri pasi apa. Ipapo zvicharongwa kuti mumwe munhu azokudzidzisa Bhaibheri pamusha pachena.
□ Nditumirei bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
□ Ndioneiwo nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha.
Kutoti zvaratidzwa, Magwaro echiHebheru anobva muBhaibheri muNdimi yeUnion Shona nomunyorero mutsva uye Magwaro echiGiriki anobva muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki.