RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 January p. 13
  • “Nyorerai Anton Tsamba!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Nyorerai Anton Tsamba!”
  • Mukai!—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2003
  • Kubudirira Kuri Kuita Dzimwe Mhuri Dzokurera
    Mukai!—2012
  • Nzira Yokunyora Nayo Tsamba
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Pasi Rese Pachaguma Paitika Hondo Here?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 January p. 13

“Nyorerai Anton Tsamba!”

● Pane mumwe mukomana uyo ari mumwe weZvapupu zvaJehovha anogara mumusha weSchelkan uri kuStavropol’ Kray, kuRussia. Paaiva achiri muduku akaonekwa kuti ane chirwere chinonzi Duchenne muscular dystrophy chisingarapiki, chinosakadza tsandanyama uye kazhinji chinouraya munhu asati asvitsa makore 20. Anton paakanga ava nemakore 9 akanga asisachagoni kufamba kana kusimuka.

Yevgeny nemudzimai wake Diana pavakashanyira imwe ungano yechiKristu vakaonana naAnton. Diana akatsanangura kuti: “Anton kungomutarisa waiona kuti hapachina chaachagona kuita asi akanga akasimba chaizvo pakunamata. Mukoma wake akafa nechirwere ichocho ane makore 19, saka Anton aiziva kuti iye haachinawo makore achirarama. Asi izvozvo hazvina kumuodza moyo.”

Diana nemurume wake vakakurudzira Anton kuti awedzere ushumiri hwake nokunyorera tsamba vanhu vaigara kumisha iri kure. Muna 2005 akanyora tsamba dzinenge 500 ndokudzitumira kumisha yakanga iri pedyo. Asi hapana kana mumwe chete akapindura. Pasinei neurwere hwake hwaiodza moyo, Anton akaramba achinyora dzimwe tsamba uye akanyengetera nemoyo wose kuti azive kuti angaita sei kuti anyatsobudirira pakuparidza pasinei neurwere hwake.

Rimwe zuva Anton paaiverenga pepanhau akaona tsamba yaivamo yakanyorwa nemumwe mukadzi airwara aida kunyaradzwa. Anton akamunyorera tsamba uye chimwe chikamu chetsamba yacho chakaiswa mupepanhau racho uye chaiti: “Kunyange zvazvo ndine chirwere chisingarapiki, kuverenga Bhaibheri kunondibatsira kuti ndive nechivimbo mune ramangwana. Ndinofarira kunyorerwa tsamba uye ndakadzimirira.”

Mukadzi uya wokurwara paakaverenga tsamba yaAnton akabayiwa moyo zvokuti akabva aipindura achinyorera kupepanhau. Tsamba yacho yakabudiswa mupepanhau yakanzi “Nyorerai Anton Tsamba!” Mukadzi uyu akatenda chaizvo mashoko anonyaradza aiva mutsamba yaAnton uye akawedzera kuti: “Ngatibatsirei Anton! Munyorereiwo tsamba. Mwana uyu anoda kunyaradzwa!” Kero yaAnton yakabva yaiswapo.

Tsamba dzakatanga kunaya dzichiuya kuna Anton. Dzaisvikira pahofisi yetsamba yaiva pedyo nekwaigara uye aigamuchira dzinosvika 30 pazuva. Dzimwe dzaibva kuRussia, dzimwe kunyika dziri pedyo negungwa reBaltic, kuGermany, kunyange kuFrance chaiko. Akagamuchira tsamba gumi nefararira kubva kune vaverengi vemapepanhau. “Anton akanga asiri kubatika nokufara!” anoyeuka kudaro Diana. “Iye zvino akanga ava nevanhu vakawanda vaaigona kunyorera achikurukura navo nezveBhaibheri.”

Kwakapfuura gore Anton achinyorerana tsamba nevanhu ava uye aivaudza chokwadi chiri muBhaibheri. Nokufamba kwenguva maoko ake akanga asisina simba uye akanga ava kutoita zvokutaura mumwe achimunyorera tsamba. Muna September 2008, Anton akabva ashaya aine makore 20. Kunyange zvazvo akanga asisina chaachagona kuita nokurwara, kutenda kwake uye kuda kwaaiita zvokuparidza kwakaita kuti akwanise kuparidzira mazana evanhu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe