RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 January p. 3
  • Chinokosha 1: Kuisa Zvinonyanyokosha Pokutanga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinokosha 1: Kuisa Zvinonyanyokosha Pokutanga
  • Mukai!—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Kana Mukava Nemaonero Akasiyana
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Kushamwaridzana Kwacho Kwanyanya Here?
    Mukai!—2013
  • Zvingaitwa Nevanhu Vechikuru Kuti Vasarambana
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Chinokosha 6: Kukanganwirana
    Mukai!—2010
Ona Zvimwe
Mukai!—2010
g10 January p. 3

Chinokosha 1: Kuisa Zvinonyanyokosha Pokutanga

‘Iva nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.’—VaFiripi 1:10.

Zvakunoreva. Mumhuri dzinobudirira, murume kana mukadzi anoisa zvinodiwa nemumwe wake pokutanga kupfuura zvaanoda iye, zvinhu, basa, shamwari, uye kunyange hama. Murume nomudzimai vanopedza nguva yakawanda vari vose uye nevana. Vari vaviri vanonzwa vachida kurega zvimwe zvinhu kuti mhuri ibatsirwe.—VaFiripi 2:4.

Nei Kuchikosha. Bhaibheri rinokoshesa chaizvo mhuri. Chokwadi, muapostora Pauro akanyora kuti munhu asingapi mhuri yake zvainoda “akaipa kwazvo kupfuura munhu asingatendi.” (1 Timoti 5:8) Asi nokufamba kwenguva zvinokosheswa nemunhu zvingachinja. Somuenzaniso, mumwe murume anopa mhuri mazano akaona kuti vakawanda vakapinda musangano waakaitisa vaiita sokuti vainyanya kufunga nezvebasa ravo kupfuura mhuri. Anoti zvaiita sokuti vaitarisira kudzidza “nzira dzechimbichimbi dzokugadzirisa zvinhu” kuitira kuti “vakurumidze kupedza zvine chokuita nemhuri dzavo, vobva vapfuurira kufunga nezvemabasa avo.” Tinodzidzei? Zviri nyore kutaura kuti tinoisa mhuri dzedu pokutanga pane kuzviita.

Edza kuita izvi. Ona kuti unokoshesa mhuri yako zvakadini, nokuzvibvunza mibvunzo iri pasi apa.

◼ Mumwe wangu kana kuti mwana paanenge achida kutaura neni, ndinobva ndakurumidza kumuteerera here?

◼ Pandinotaura nevamwe nezvezvandinoita, ndinonyanya kutaura nezvezvinhu zvandinoita nemhuri yangu here?

◼ Ndingaramba here zvimwe zvokuita (kubasa kana kumwewo) kana kuri kuti mhuri yangu inoda kuva neni?

Kana wapindura kuti hungu mibvunzo iri pamusoro apa, ungati unoisa zvinonyanya kukosha pokutanga. Asi mumwe wako uye vana vangatii nezvako? Maonero atinozviita handiwo chete anoratidza kuti tiri kuisa zvinonyanya kukosha pokutanga. Izvozvowo ndezvechokwadi pane zvimwe zvinhu zvinokosha zvinoita kuti mhuri ibudirire zvichakurukurwa pamapeji anotevera.

Sarudza zvokuita, wozviita. Funga nzira imwe chete kana mbiri dzaungaratidza nadzo kuti mhuri yako iri pokutanga. (Somuenzaniso: Funga nezvekushandisa nguva shoma pazvinhu zvingadya nguva yaungapedza uine mumwe wako uye vana.)

Wadii kuudza mhuri yako zvawatsunga kuita? Mumwe womumhuri akaratidza kuti anoda kuchinja, vamwe vangangomutevedzera.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Mubereki anobudirira anonyanya kuisa mumwe wake uye vana pokutanga

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe