Chinokosha 2: Kuzvipira
“Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”—Mateu 19:6.
Zvakunoreva. Vakaroorana vanobudirira vanoona kuroorana kwavo seukama husingagumi. Kana pakamuka dambudziko, vanoedza kurigadzirisa pane kurishandisa sechikonzero chokurambana. Kana murume nemudzimai vakazvipira kune mumwe nemumwe, vanonzwa pasina chokutyira. Vanova nechivimbo chokuti vose vacharemekedza ukama hwavo.
Nei kuchikosha. Kuzvipira ndiwo musimboti weukama hwevakaroorana pane zvakawanda. Asi pashure pokunetsana kakawanda, vakaroorana vangaona kuzvipira sechinhu chavanofanira kuita nokuti hapana zvavangaita, pane kuti vakuone sechinhu chavanofanira kuita vachizvidira. Chokwadi, mhiko iya yokuti “kusvikira rufu rwatiparadzanisa” inopedzisira yangova chibvumirano chisina rudo—chavanongoti dai chaigona kuputswa. Vangasaita zvokurambana chaizvo, asi vanga“buda” muchibvumirano chacho nedzimwe nzira. Somuenzaniso, panomuka nyaya dzakakomba dzinoda kukurukurwa, vangangonyarara vasingadi kutaura nezvadzo.
Edza kuita izvi. Ona kuti wakazvipira zvakadini, nokuzvibvunza mibvunzo iri pasi apa.
◼ Patinenge tichikakavadzana, ndinodemba here kuti dai ndisina kuroorana nemumwe wangu?
◼ Ndinogara ndichifungidzira ndiine mumwe asiri wandakaroorana naye here?
◼ Dzimwe nguva ndinoudza here mumwe wangu kuti, “Ndava kukusiya” kana kuti “Ndava kunotsvaka mumwe anondikoshesa”?
Sarudza zvokuita, wozviita. Funga chinhu chimwe chete kana zviviri zvaungaita kuti unyanye kuzvipira. (Zvimwe zvaungaita: Pano neapo nyorera mumwe wako katsamba, kubasa isa mapikicha emumwe wako paunogara uchiaona, kana kuti fonera mumwe wako zuva rega rega uri kubasa, kuitira kuti mugare muchitaura mose.)
Wadii kufunga zvimwe zvaungaita zvakati kuti, wobvunza mumwe wako kuti ndezvipi zvaanoona zviine musoro kwaari?
[Mufananidzo uri papeji 4]
Kuzvipira kunokudzivirirai kungofanana nemasimbi anoita kuti motokari dzisabuda mumugwagwa
[Kwazvakatorwa]
© Corbis/age fotostock