Zvinotaura Bhaibheri
Kuzvidzivirira Kunonzi Kwakarurama Kana Zvaita Sei?
RUZHA runongoerekana rwaitika runokupeputsa pakati pousiku. Unonzwa mitsindo. Mumwe munhu apaza achipinda mumba mako. Hana yako ichirova seichatsemuka, unotanga kunetseka kuti uchaitei.
Izvi zvinogona kusangana nomunhu wose. Utsotsi kunyange chisimba hazvichangoitiki munyika shoma kana mumaguta makuru chete. Pamusana pokutya, vanhu vakawanda vanotenga zvombo kana kuti vanodzidzira mitambo yekarati kana yetsiva kuti vazvidzivirire. Dzimwe hurumende dzakadzika mitemo inopa zvizvarwa zvayo kodzero yokushandisa nzira dzinogona kuuraya kuti vazvidzivirire. Asi Bhaibheri rinotii? Zvakarurama here kuti munhu ashandise chisimba kuti azvidzivirire kana kuti adzivirire mhuri yake?
Mwari Anovenga Chisimba
Bhaibheri rinoshora chisimba uye vanochiita. NezvaJehovha Mwari, munyori wepisarema Dhavhidhi akati: “Mweya wake unovenga munhu wose anoda zvechisimba.” (Pisarema 11:5) Mwari akafanozivisa kuti aizotonga marudzi ekare anoverengeka, kusanganisira vanhu vake nokuti vaiita zvechisimba uye vaiteura ropa. (Joeri 3:19; Mika 6:12; Nahumi 3:1) Kunyange kuuraya munhu usingadi asi wazviita nokusangwarira kwaiva mhosva huru muMutemo wakapiwa vaIsraeri.—Dheuteronomio 22:8.
Bhaibheri rinokurudzira vanhu kuti vatevere rugare zuva nezuva kuitira kuti vadzivise kurwisana kungangoitika. Kurwisana kunowanzotanga nokukandirana makobvu nematete. Bhaibheri rinoti: “Kana pasina huni, moto unodzima, uye kana pasina munhu anochera vamwe, kukakavara kunopera.” (Zvirevo 26:20) Kazhinji kacho rupfave runoderedza hasha uye runoita kuti vanhu vasarwisane. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose.”—VaRoma 12:18.
Kana Wava Kuda Kurwiswa
Kuva norugare hakuvimbisi kuti hauzorwiswi nechisimba. Munhoroondo yose yevanhu, vashumiri vaMwari vakatendeka vave vachirwiswa zvisiri pamutemo. (Genesisi 4:8; Jobho 1:14, 15, 17) Kana munhu ava kuda kurwiswa netsotsi rinenge riine zvombo, anofanira kuitei? Jesu akarayira kuti: “Musadzivisa munhu akaipa.” (Mateu 5:39) Akatiwo: “Anokutorera nguo yako yokunze, usamunyima kunyange nguo yomukati.” (Ruka 6:29) Jesu haana kutendera kushandiswa kwezvombo kuti munhu adzivirire pfuma yake. Kana munhu avingwa negororo rinenge riine zvombo, munhu akachenjera anobvuma kuripa zvinhu zvake zvinokosha. Zvechokwadi, upenyu hunokosha kwazvo kupfuura zvinhu!
Ukuwo, zvakadini kana wava kuda kurwiswa nomumwe munhu? Mutemo wakapiwa vaIsraeri vekare naMwari unojekesa izvi. Kudai mbavha yaizobatwa masikati yourayiwa, munhu ainge aiuraya aizova nemhosva yokuponda. Izvi zvakanga zvakadaro nemhaka yokuti munhu aiba aisafanira kutongerwa rufu uye mbavha yacho yaigona kuzivikanwa uye yorangwa maererano nomutemo. Zvisinei, kana munhu ainge asvika pamusha usiku akaurayiwa, muridzi womusha aisapiwa mhosva nokuti zvainge zvakamuomera kuona zvainge zvichiitwa nomunhu wacho uye kunzwisisa vavariro dzake. Muridzi womusha aigona kufunga kuti mhuri yake yakanga iri pangozi yokukuvadzwa obva atora matanho okuidzivirira.—Eksodho 22:2, 3.
Saka Bhaibheri rinoratidza kuti munhu angazvidzivirira iye kana kuti mhuri yake kana arwiswa. Angatovhara zvibhakera zvaanenge achikandwa, obata munhu anenge achimurwisa, kana kutomurova chibhakera kuti avhiringidzike kana kuti kumuita kuti asarambe achirwisa. Chinangwa chacho chinenge chiri chokuita kuti munhu wacho asaramba achirwisa. Pachiitiko chakadai, kana ari kurwisa wacho akakuvadzwa zvakanyanya kana kuti akaurayiwa mumamiriro ezvinhu akadai, munhu wacho anongonzi afa netsaona.
Anodzivirira Kupfuura Zvose
Zviri pachena kuti pane mamwe mamiriro ezvinhu okuti kuzvidzivirira kune musoro kunonzi kwakarurama. Vanhu vane kodzero yokuzvidzivirira ivo nevavanoda pachisimba uye pakukuvadzwa kunouraya. Pazvinenge zvisingaiti kutiza, hapana mutemo weBhaibheri unorambidza kuzvidzivirira. Zvisinei, kunenge kuri kuchenjera kuti tiite zvose zvatinogona kuti tisava mumamiriro ezvinhu angaguma nokurwiswa.—Zvirevo 16:32.
Bhaibheri rinotikurudzira kuti ‘titsvake rugare torutevera’ muupenyu hwedu hwose. (1 Petro 3:11) Iyi inzira inoshanda inonyatsoita kuti tive norugare nevamwe muupenyu.
WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?
◼ Nei tichifanira kudzivisa chisimba?—Pisarema 11:5.
◼ Ndeipi nzira yokuchenjera patinenge tichidzivirira zvinhu zvedu?—Zvirevo 16:32; Ruka 12:15.
◼ Kuti tidzivise ngozi yokurwiswa tinofanira kuva nounhu hupi?—VaRoma 12:18.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]
Bhaibheri rinoratidza kuti munhu angazvidzivirira iye kana kuti mhuri yake kana arwiswa