RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 July p. 16
  • Ramangwana Rakachengeteka Mukutonga kwaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramangwana Rakachengeteka Mukutonga kwaMwari
  • Mukai!—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ramangwana Rakanaka Kwazvo!
  • Mashoko Bedzi Akanaka
  • Tariro Inopiwa Nechitendero chechokwadi
    Mukai!—1999
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Umambo ‘Husingazomboparadzwi’
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Umambo Hwamwari Hunotonga
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 July p. 16

Ramangwana Rakachengeteka Mukutonga kwaMwari

NOKUKURUMIDZA kuzvidya mwoyo kwatinoita nezveramangwana kuchange kwapera, nokuti Mwari achatarisira zvinhu zvePasi achishandisa hurumende yake, inonzi Umambo hwaMwari. Jesu Kristu aifunga nezvetariro iyi paakadzidzisa vateveri vake kunyengetera achiti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.”—Mateu 6:9, 10.

Umambo hwaMwari hahuzobatani nevetungamiriri vezvematongerwo enyika kana kuvashandisa. Asi huchaparadza hurumende dzose dzevanhu, sezvinoratidzwa nouprofita hunotevera hwaDhanieri nezve“mazuva okupedzisira,” nguva yatiri kurarama. (2 Timoti 3:1) “Mumazuva emadzimambo iwayo, Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. . . . Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu [hwevanhu], uye ihwo huchamira nokusingagumi.” (Dhanieri 2:44) Mashoko aya haanyaradzi kana kupa tariro kune vanhu vanofarira kutongwa nevanhu, asi vose vanoda uchangamire hwaMwari vanofara kuti Mwari achatonga achishandisa Umambo hwake.

Ramangwana Rakanaka Kwazvo!

Umambo hwaMwari pahunenge hwava kutonga nyika yose, vanhu vahuchatonga havazoparadzaniswi nezvematongerwo enyika, dzinza, chitendero, kana kuti miganhu yemepu. Asi vachabatanidzwa nokunamata kwechokwadi uye rudo rwechokwadi vari hama nehama munyika yose. (Johani 13:34, 35; 17:3, 17) Chokwadi, panenge pachitonga Umambo, “munhu akarurama achamera, uye rugare rukuru ruchavapo kusvikira mwedzi usisipo.”—Pisarema 72:7.

Kunze kwezvinhu izvi, Umambo hwaMwari huchaita kuti vanhu vanoteerera vakwane mupfungwa nomuviri, hwobvisa zvirwere zvose, kutambura norufu. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Zvichaguma nei? Pasi redu rose richava paradhiso, zvichizadzisa chinangwa chaMwari chepakutanga chaakataura muEdheni.—Genesisi 1:28.

Mashoko Bedzi Akanaka

Paaitaura nezvechiratidzo chinoumbwa nezvakawanda “chokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho,” Jesu akataurawo chimwe chinhu chinokosha chaizoitwa. (Mateu 24:3-7) Akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.”—Mateu 24:14.

Muna 2007 Zvapupu zvaJehovha zvinoda kusvika mamiriyoni manomwe munyika 236 zvakaita kuda kwaMwari nokuudza vavakidzani vazvo shoko roUmambo uye zvakapedza nomufaro maawa 1,4 bhiriyoni mubasa iri. Nei Zvapupu zvichinyatsotenda zvinovimbiswa neBhaibheri? Mhinduro yacho iri nyore. Sezvinotsanangurwa nenyaya inotevera, Mwari agara achizadzisa zvaanotaura.—VaRoma 3:4.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 16]

Bhaibheri rinotaura kuti “rugare rukuru ruchavapo”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe