Unogona Kuvimba Neramangwana!
Wasvika pamharadzano dzenzira. Chimwe chikwangwani chiri kuti, “Vimba nevanhu uye zvavanovimbisa nezveramangwana.” Chimwe chacho chinoti, “Vimba naMwari noUmambo hwake.” Uchaenda nenzira ipi?
NZIRA yokuchenjera ndeyokuvimba naMwari. Anoti: “Munhu anonditeerera achagara akachengeteka, asinganetseki nokutya dambudziko.” (Zvirevo 1:33) Tinoteerera Musiki wedu nokuteerera dzidziso dziri muBhaibheri, tichiziva kuti dzakavimbika. (2 Timoti 3:16) Pane zvikonzero zvakanaka zvokuti tivimbe naye here? Hungu! Somuenzaniso, sezvatakaona munyaya yechipiri, Bhaibheri chete ndiro rinogona kutsanangura zvakarurama kuti nei vanhu vasingakwanisi kuzvitonga zvakanaka. Haubvumi here kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvinoenderana nezviri kuitika?
Kuti izvi zvakarurama zvinoonekawo muuprofita hweBhaibheri. Somuenzaniso, Bhaibheri rakafanotaura nezvematambudziko aizoratidza “mazuva okupedzisira” enyika ino. Tiri kuzvionera nemaziso edu. (Mateu 24:3-7; 2 Timoti 3:1-5) Bhaibheri rakatofanotaura kuti vanhu vaizokanganisa pasi chairo. Zvakazarurwa 11:18 inoti Mwari ‘achaparadza vaya vanoparadza nyika.’
Mashoko aya paakanyorwa makore anenge 2 000 akapfuura, zvinhu zvakadai sokushatiswa kwemhepo, kwegungwa, uye kwepasi; kupisa kwepasi; nokutsakatika kwezvisikwa zvakawanda kuri kukonzerwa nevanhu zvingave zvakanga zvisinganzwisiswi. Asi kwete iye zvino! Chokwadi, Mwari haamborevi nhema. Shoko rake rakanyorwa rinogara richizadzika mune zvose.a (Tito 1:2; VaHebheru 6:18) Kutaura chokwadi, zvinotaurwa naMwari zvakabatana nezita rake.
Zita Raunogona Kuvimba Naro
Siginicha zvainoita kuti cheki ishande, zita raMwari rokuti Jehovha rinoita kuti tive nechokwadi chokuti zvipikirwa zvose zviri muBhaibheri zvichazadzika.b Mumwe munyori weBhaibheri akazvionera kazhinji kuti aidiwa naMwari akati: “Takaisa chivimbo chedu muzita rake dzvene.”—Pisarema 33:21; 34:4, 6.
Ichiratidza kubatana kwakaita zita raMwari norudo rwaanoratidza sababa, Zvirevo 18:10 inoti: “Zita raJehovha inhare yakasimba. Munhu akarurama anomhanyira mariri odzivirirwa.” Saizvozvowo, pana VaRoma 10:13 panoti: “Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.” Zvechokwadi, zita raMwari harisi simba romudzimu rinotidzivirira pane zvakaipa. Asi ndiMwari pachake anotiponesa, uye vaya vanodana kwaari sezvinotaura rugwaro urwu vanoita izvi nokuti vanovimba naye zvakakwana, vachiziva kuti haakanganisi. Pisarema 91:14 rinoti: “Nokuti [Jehovha] akandida kwazvo, ndichamupukunyutsawo. Ndichamudzivirira nokuti ava kuziva zita rangu.”
Zvibvunze kuti, ‘Ndinovimba naani, naMwari here kana kuti nevanhu?’ Zvapupu zvaJehovha zvakasarudza Mwari noUmambo hwake, kwete nokuti zvinongoda kudavira izvi kana nokuti zvinongodavira zvose zvose zvazvinonzwa, asi nokuti zvine chivimbo chakasimba chinobva pazivo yakarurama yeBhaibheri. (VaHebheru 11:1; 1 Johani 4:1) Somugumisiro, hazvityi nguva yemberi asi ‘zvinofara netariro’ yakaiswa pamberi pazvo. Zvinokukoka kuti uvewo netariro iyi yakajeka yazvinayo.—VaRoma 12:12.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inokosha yakabuda muAwake! yaNovember 2007 inonyatsokurukura nezvomubvunzo uyu unoti “Unogona Kuvimba neBhaibheri Here?”
b Ona bhokisi riri pano rinoti “Izita uye Ivimbiso.”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 18]
Siginicha zvainoita kuti cheki ishande, zita raMwari rinoita kuti tive nechokwadi chokuti zvipikirwa zvose zviri muBhaibheri zvichazadzika
[Bhokisi riri papeji 18]
IZITA UYE IVIMBISO
Zita raMwari rokuti Jehovha, harisi shoko rinongoshandiswa kumuzivisa.c Nei? Zita iri rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvivepo.” Kutaura nenzira iri nyore, Mwari ane rudo, simba, uye uchenjeri hwokuva zvose zvaanoda kuva kuitira kuti aite zvinangwa zvake uye azadzise zvaanotaura. Somuenzaniso, anogona kuva Muponesi kune vakarurama, Muparadzi wevakaipa, Munzwi womunyengetero, kana kuti Baba vane rudo, kuva chero chipi zvacho chaanosarudza kuva.
“Ndini Mwari,” anodaro Jehovha, “Iye ari kuzivisa zvokuguma kubvira pakutanga, . . . Iye ari kuti, ‘Zvandakaronga zvichamira, uye ndichaita zvinhu zvose zvandinofarira’” (Isaya 46:9, 10) Mwari zvaagara akavimbika kune zvinangwa zvake uye nokuti zita rake rinobatanidzwa, zvinotaurwa neShoko rake rakanyorwa zvinotofanira kuzadzika. “Mwari haasi munhu zvokuti angareva nhema.”—Numeri 23:19.
[Mashoko Omuzasi]
c Zita rokuti Jehovha rakasiyana nemamwe mazita okuremekedza akadai seaya, Wemasimbaose, Musiki, Mwari, uye Ishe. Rinooneka kanoda kusvika ka7 000 mumagwaro epakutanga eBhaibheri Dzvene. Mwari akazvipa oga zita iri. Pana Eksodho 3:15 panoti: “Jehovha, . . . ndiro zita rangu nokusingagumi.”