RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 July p. 19
  • Mazuva Okupedzisira—Echii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mazuva Okupedzisira—Echii?
  • Mukai!—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anopikira Dhanieri Mubayiro Wakanaka Kwazvo
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Bhuku raDhanieri Newe
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Akasimbiswa noMutumwa Akabva Kuna Mwari
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raDhanieri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 July p. 19

Mazuva Okupedzisira—Echii?

PANE rimwe hwindo rechitoro pane chikwangwani chine mashoko anoti: “Mazuva Okupedzisira.” Zvaanoreva zvakajeka. Anogona kureva kuti sero ichapera nokukurumidza kana kuti chitoro chichavharwa. Asi zvakadini kana mumwe munhu akati, “Tiri kurarama mumazuva okupedzisira”? Izvozvo zvinorevei?

Mashoko okuti “mazuva okupedzisira” uye “nguva yokuguma” ave achishandiswa kwenguva yakareba. (2 Timoti 3:1; Dhanieri 12:4) Makore 2 500 akapfuura, muprofita Dhanieri akaratidzwa hurumende dzaizova nesimba panyika yose uye kurwisana kwadzaizoita kusvikira pa“nguva yokuguma.” Akaudzwa kuti zvaakaratidzwa izvi zvaizojekeswa panguva yokuguma. (Dhanieri 8:17, 19; 11:35, 40; 12:9) Dhanieri akanyorawo kuti: “Mumazuva emadzimambo iwayo, Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.”—Dhanieri 2:44.

Jesu Kristu akataura nezvo“kuguma” paakapindura mubvunzo une chokuita ne“chiratidzo chokuvapo [kwake] nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mateu 24:3-42) Zviri pachena kuti Dhanieri naJesu vakanga vachitaura nezvokuguma—kuchinja kwaizoerekana kwaitika kwaizobata-bata munhu wose ari kurarama uye akamborarama pasi pano. Dhanieri akanyora nezvokuguma kwehurumende dzose dzepanyika. Jesu akataura nezvo“kuguma kwemamiriro ezvinhu.”

Unofanira kufunga nezvazvo here? Hungu. Vanhu vose vanofanira kufunga nezvazvo, sezvo vose vachibatanidzwa. Kunyange zvakadaro, vakawanda vanorerutsa nyaya yacho. Bhaibheri rakafanotaura kuti: “Mumazuva okupedzisira vaseki vachauya nokuseka kwavo, vachiita maererano nokuchiva kwavo, vachiti: ‘Uku kuvapo kwake kwakapikirwa kuri kupiko? Chokwadi, kubvira pazuva rakarara madzitateguru edu murufu, zvinhu zvose zviri kuramba zvakaita sezvazvakanga zvakangoita kubvira pazvakatanga kusikwa.’” (2 Petro 3:3, 4) Chokwadi, nhasi vamwe vanofunga kuti zvakaitika kare zvichaitika zvekare uye kuti sokuziva kwatinoita, upenyu hucharamba hwakadaro nokusingagumi.

Pane uchapupu here hwokuti zvechokwadi tiri kurarama mune anonzi neBhaibheri mazuva okupedzisira? Ngationei.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe