RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 April pp. 14-17
  • Nyika Ino Yakananga Kupi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Ino Yakananga Kupi?
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Mepu” Yokutitungamirira
  • Pakashatira Zvinhu
  • Kuona Patiri Iye Zvino
  • Zviri Mberi
  • Muvengi Wokupedzisira, Rufu, Achaparadzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Chivi Chekutanga Chaiva Chii?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Jesu Anoponesa—Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Nei Tichifa?
    Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 April pp. 14-17

Nyika Ino Yakananga Kupi?

CHII chichaitika mumakore 10, 20 kana kuti 30 anotevera? Zvingatyisa kufunga nezveramangwana munguva ino yougandanga. Unyanzvi hwokugadzira zvinhu huri kuwedzera. Kudyidzana kwenyika yose kwakaita kuti nyika dzakawanda dzitsigirane. Vatungamiriri venyika vachabatana voita kuti pave neramangwana rinofadza here? Vamwe vanhu vanoti hungu, vachitarisira kuti panozosvika 2015, vatungamiriri vachakwanisa kumisa kupararira kwourombo nenzara, voderedza kupararira kweAIDS, voita kuti vaya vasingakwanisi kuwana mvura yokunwa yakachena uye utsanana vadzikire kusvika pahafu.—Ona bhokisi rinoti “Kungova Netariro Kana Kuchienzaniswa Nezvazviri.”

Zvisinei, maonero anoita vanhu ramangwana anowanzoratidza kuti anonyengera. Somuenzaniso, makumi emakore akapfuura imwe nyanzvi yakataura kuti paizosvika 1984, varimi vaizorima pasi pegungwa nematarakita anofamba pasi pemvura; imwe yakataura kuti paizosvika 1995, motokari dzaizova nemakombiyuta aizoita kuti dzisabondere; uye imwe yakafanotaura kuti paizosvika 2000, paizova nevanhu vanenge 50 000 vanenge vachigara uye vachishanda muchadenga. Chokwadi, vaya vakafanotaura izvozvo zvichida iye zvino vanongoti kudai zvavo vakaramba vakanyarara. Mumwe mutori wenhau akanyora kuti: “Nokupfuura kwenguva, vanhu vakachenjera zvikuru vomunyika vanova mapenzi chaiwo.”

“Mepu” Yokutitungamirira

Vanhu vanofungidzira zvisingaperi nezveramangwana, asi pane dzimwe nguva maonero avo ndeokungofungidzira panzvimbo pokuona zvinhu sezvazviri chaizvo. Ndokupi kwatingawana maonero akavimbika ezviri mberi?

Funga nezvomuenzaniso uyu. Fungidzira kuti uri kufamba nebhazi mune imwe nyika isiri yako. Unotanga kunetseka pamusana pokuti nzvimbo yacho hauizivi. ‘Ndinombori kupi?’ unoshamisika kudaro. ‘Zvechokwadi bhazi rino riri kuenda kwakarurama here? Ndiri kure zvakadini nokwandiri kuenda?’ Nokutarira pamepu yakarurama uye nokuona nepahwindo zviratidzo zvomumugwagwa zviri kunze, unogona kuwana mhinduro dzemibvunzo yako.

Mamiriro acho ezvinhu akafanana neevakawanda mazuva ano vanonzwa vachinetseka sezvavanofunga nezveramangwana. ‘Takananga kupi?’ vanoshamisika kudaro. ‘Zvechokwadi tiri pamugwagwa unoenda kurugare rwenyika yose here? Kana zvakadaro, tichasvika rini ikoko?’ Bhaibheri rakafanana nemepu ingatibatsira kupindura mibvunzo iyoyo. Kana tikanyatsoriverenga—uye kana tikanyatsotarira zviri kuitika “kunze” munyika—tinogona kuziva zvakawanda nezvepatiri uye kwatakananga. Zvisinei, kutanga, tinofanira kufunga kuti matambudziko edu akambotanga sei.

Pakashatira Zvinhu

Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari paakasika murume nomukadzi vokutanga, vakanga vakakwana uye kuti akavaisa muparadhiso. Adhamu naEvha vakanga vasikirwa kuti vararame nokusingaperi—kwete kwemakore 70 kana kuti 80 chete. Mwari akati kwavari: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire.” Chinangwa chaMwari chaiva chokuti Adhamu, Evha, nevazukuru vavo vakudze Paradhiso kusvika kunzvimbo dzose dzenyika.—Genesisi 1:28; 2:8, 15, 22.

Adhamu naEvha vakapandukira Mwari. Somugumisiro, vakarasikirwa nomusha wavo weParadhiso. Kupfuura izvozvo, miviri yavo uye pfungwa zvakatanga kudzikira zvishoma nezvishoma. Zuva rimwe nerimwe, Adhamu naEvha vakaramba vachiswedera kurufu. Nei? Nokuti nokusiya Musiki wavo, ivo vakaita chivi, uye “mubayiro wechivi ndirwo rufu.”—VaRoma 6:23.

Adhamu naEvha vakazofa vatobereka vanakomana nevanasikana vanoverengeka. Vana ava vaizokwanisa kuita chinangwa chaMwari chepakutanga here? Kwete, nokuti vakanga vaberekwa vaine kusakwana kwevabereki vavo. Kutaura zvazviri, kubva pane chimwe chizvarwa kuenda kune chinotevera, vazukuru vose vaAdhamu vakaberekwa vaine chivi uye vachifa. Isuwo ndizvo zvatiri. Bhaibheri rinoti, “chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.”—VaRoma 3:23; 5:12.

Kuona Patiri Iye Zvino

Kupanduka kwaAdhamu naEvha kwakatanga rwendo rurefu uye runorwadza nokuda kwevanhu, rwendo ruchiripo kusvikira zuva redu. Mumwe munyori weBhaibheri akazvitaura sokuti vanhu ‘vakaitwa kuti vave vasina zvavanobatsira.’ (VaRoma 8:20) Izvozvo zvinonyatsorondedzera kutambura kwevanhu! Chokwadi, vazukuru vaAdhamu vave vachisanganisira varume nevakadzi vezvesayenzi vakangwara, vanhu vane unyanzvi mune zvemishonga uye pakugadzirwa kwezvinhu. Asi, hapana kana mumwe wavo ave achikwanisa kuunza rugare rwenyika yose uye utano hunodiwa uhwo Mwari akarongera vanhu.

Kupanduka kwaAdhamu naEvha kunokanganisa mumwe nomumwe wedu nenzira dzakasiyana. Somuenzaniso, ndiani asina kurwadziwa nokusaruramisira, kutya utsotsi, marwadzo echirwere chisingaperi, kana kuti nhamo inotikunda patinofirwa nomunhu watinoda? Kugadzikana chero kupi zvako muupenyu hwedu kunoita sokunokurumidza kuvhiringidzwa nenjodzi. Kunyange tichimbova nenguva dzinofadza, kuvapo kwedu kwakaita sokurondedzera kwakaita tateguru Jobho paakati: “Munhu . . . anorarama kwenguva pfupi uye akamomoterwa nezvinhu zvinonetsa.”—Jobho 14:1.

Tichifunga nezvekwatakabva uye mamiriro ezvinhu anorwadza atiri maari, ramangwana redu ringaita serisina kujeka. Asi Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari haazobvumiri mamiriro ezvinhu akadaro kuti arambe aripo nokusingaperi. Chinangwa chake chepakutanga nokuda kwevanhu chichabudirira. (Isaya 55:10, 11) Nei tingava nechokwadi chokuti izvi zvichaitika nokukurumidza?

Maererano neBhaibheri, iye zvino tiri kupfuura nomunguva yakaoma inonzi “mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1) Mashoko iwayo haarevi kuguma kweNyika chaiyo uye upenyu hwose huri pairi. Asi, anoreva “kuguma kwemamiriro ezvinhu” anokonzera kuti titambure. (Mateu 24:3) Bhaibheri rinorondedzera zviitiko uye unhu hwevanhu zvaizova zvakapararira mumazuva okupedzisira. Ona zvimwe zvacho mubhokisi riri papeji 16, wobva watarira “kunze” zvakaita munyika. Mepu yedu, Bhaibheri, inotibatsira kuona patiri iye zvino kuti tiri pedyo pedyo nokuguma kwemamiriro ezvinhu aripo iye zvino. Asi chii chichatevera?

Zviri Mberi

Adhamu naEvha vachangobva kupanduka, Mwari akatanga kuzivisa chinangwa chake chourongwa hwokugadza Umambo “husingazomboparadzwi.” (Dhanieri 2:44) Umambo ihwohwo, uhwo vakawanda vakadzidziswa kuti vanyengeterere mune unowanzonzi Munyengetero waShe, huchaunzira vanhu zvikomborero zvisingatauriki.—Mateu 6:9, 10.

Umambo hwaMwari hahusi chinhuwo zvacho chiri mumwoyo. Ihwo ihurumende chaiyo yokudenga ine zvinhu zvikuru zvaichaita panyika. Chimbofunga zvinopikirwa naMwari zvaanoti achaitira vanhu achishandisa Umambo hwake. Bhaibheri rinoti Mwari achatanga ‘kuparadza vaya vanoparadza nyika.’ (Zvakazarurwa 11:18) Achaitirei vaya vanoratidza kuti vanomuteerera? Shoko rake rakanyorwa rinoti “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.” (Zvakazarurwa 21:4) Munhu upi aizomboita zvinhu izvozvo? Mwari chete ndiye anogona kutiunzira mamiriro ezvinhu aakarongera vanhu pakutanga.

Ungabatsirwa sei nezvikomborero zvichaunzwa noUmambo hwaMwari? Johani 17:3 inoti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” Zvapupu zvaJehovha zvine urongwa hwokudzidzisa munyika yose uhwo huri kubatsira vanhu kuita izvozvo chaizvo. Ushumiri hwazvo huri kuitwa munyika dzinenge 230, uye mabhuku azvo anobu- diswa mumitauri inopfuura 400. Kana ungada kudzidza zvakawanda, onana neZvapupu zvaJehovha zvekwaunogara kana kuti nyorera kukero yakakodzero pane dziri papeji 5.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

“Nditeererei, imi munoti, ‘Nhasi kana mangwana tichaenda kune rimwe guta, kwatichagara gore tiri ikoko toita bhizimisi towana mari yakawanda.’ Hamutombozivi zvichange zvakaita upenyu hwenyu mangwana!”—Jakobho 4:13, 14, Today’s English Version

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

Bhaibheri rinorondedzera zvakaitika kare kuvanhu kudzokera kumurume nomukadzi vokutanga. Saka, rinotiudza kwatakabva. Rinoratidzawo kwatakananga. Asi kuti tinzwisise zvatiri kuudzwa neBhaibheri, tinofanira kunyatsoridzidza, sezvataizoita mepu

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]

“Chivi” chingareva chiito chisina kururama kana kuti kungofunga kuda kuita zvakaipa. Tinoberekerwa muchivi, icho chinokanganisa zvatinoita. “Hapana munhu akarurama panyika anoramba achiita zvakanaka asinga[iti chivi].”—Muparidzi 7:20

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 16]

Kudai waizofotokopa pepa rine kadondorodzi katema, kadondorodzi ikako kaizova pamapepa acho ose afotokopwa. Sevazukuru vaAdhamu—takaita semafotokopi—tine kadondorodzi kechivi. Ndiko kadondorodzi kamwe chete kaiva pana Adhamu, “munhu wokutanga”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 16]

Bhaibheri rinoti: “Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Ndokusaka zvinoedza kuitwa nomunhu kuti awane rugare rwenyika zvichikundikana. Munhu haana kusikirwa kuti ‘adzore nhanho dzake’ asingatungamirirwi naMwari

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 17]

Munyori wepisarema reBhaibheri akati kuna Mwari: “Shoko renyu irambi retsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.” (Pisarema 119:105) Serambi, Bhaibheri rinotibatsira kutora matanho okuchenjera patinenge tava kuda kusarudza. Se‘chiedza panzira yedu,’ iro rinovheneka nzira iri mberi zvokuti tinokwanisa kuona kuti ramangwana rinei nokuda kwevanhu

[Bhokisi riri papeji 15]

KUNGOVA NETARIRO KANA KUCHIENZANISWA NEZVAZVIRI

Muna September 2000, nyika dziri muSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose dzakabvumirana dzose kuva nezvinangwa zvinoverengeka zvinofanira kunge zvaitwa panozosvika 2015. Izvozvi zvaisanganisira zvinotevera:

◼ Kuderedza ne50 kubva muzana vanhu vari kurarama pazuva nemari isingasviki dhora rokuAmerica pamwe chete nevaya vari kutambura nenzara.

◼ Kuva nechokwadi chokuti vana vose vanopedza chikoro chepuraimari.

◼ Kubvisa kusaenzana kuri pakati pevarume nevakadzi muzvinhu zvose zvedzidzo.

◼ Kuderedza ne66 kubva muzana vana vanofa vari pasi pemakore mashanu.

◼ Kuderedza ne75 kubva muzana vanhu vanofa pavanenge vachisununguka.

◼ Kumisa uye kutanga kuderedza kupararira kweHIV/AIDS pamwe chete nedzimwe hosha huru dzakadai semarariya.

◼ Kuderedza ne50 kubva muzana kuwanda kwevanhu vasingawani mvura yakachena yokunwa.

Zvinangwa izvi zvinogoneka here? Pashure pokuongororazve zvinhu muna 2004, boka revezvoutano vomunyika yose rakagumisa kuti kuva netariro kunofanira kudzikamiswa nokuziva kuti kubudirira kunotarisirwa hakuratidzi zviri kunyatsoitika. Mashoko okutanga ebhuku rinonzi State of the World 2005 anoti: “Urombo huri kuramba huchipinganidza kubudirira kwenzvimbo dzakawanda. Hosha dzakadai seHIV/AIDS dziri kuwedzera, dzichiita kuti mamiriro acho ezvinhu atarisirwe kutoipa zvikuru munyika dzakawanda. Mumakore mashanu apfuura, vana vanenge mamiriyoni 20 vakafa nehosha dzinodzivisika dzinowanika mumvura ine utachiona, uye mazana emamiriyoni evanhu vari kupfuurira kurarama nenhamo yezuva nezuva uye tsvina inokonzerwa nokushaya mvura yokunwa yakachena uye utsanana hwakakwana.”

[Bhokisi/Mifananidzo zviri papeji 16, 17]

ZVIMWE ZVAIZOITIKA MU“MAZUVA OKUPEDZISIRA”

Kurwisana kusina kumboitika.—Mateu 24:7; Zvakazarurwa 6:4.

Nzara.—Mateu 24:7; Zvakazarurwa 6:5, 6, 8.

Matenda.—Ruka 21:11; Zvakazarurwa 6:8.

Kuwedzera kwokusateerera mutemo.—Mateu 24:12.

Kuparadza nyika.—Zvakazarurwa 11:18.

Kudengenyeka kwenyika.—Ruka 21:11.

Nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.—2 Timoti 3:1.

Kuda mari zvakanyanyisa.—2 Timoti 3:2.

Kusateerera vabereki.—2 Timoti 3:2.

Kushaya rudo rukuru rwokuzvarwa narwo.—2 Timoti 3:3.

Kuda mafaro pane kuda Mwari.—2 Timoti 3:4.

Kusazvidzora.—2 Timoti 3:3.

Kusada zvakanaka.—2 Timoti 3:3.

Kusaona ngozi yava kutosvika.—Mateu 24:39.

Vaseki vanoramba uchapupu hwemazuva okupedzisira.—2 Petro 3:3, 4.

Kuparidzwa kwoUmambo hwaMwari munyika yose.—Mateu 24:14.

[Kwazvakatorwa]

© G.M.B. Akash/Panos Pictures

© Paul Lowe/Panos Pictures

[Mufananidzo uri papeji 17]

Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa kuti zvinoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe