RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 April p. 18
  • Musi Unokosha Kwazvo Munhoroondo Yezvakaitika Kare

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Musi Unokosha Kwazvo Munhoroondo Yezvakaitika Kare
  • Mukai!—2006
Mukai!—2006
g06 April p. 18

Musi Unokosha Kwazvo Munhoroondo Yezvakaitika Kare

Musi uyu ndeuya wakafa Jesu Kristu. Nei rufu rwaJesu rwaikosha kwazvo? Nokuda kwezvikonzero zvinoverengeka.

Kutendeka kwaJesu kusvikira parufu kwakaratidza kuti vanhu vanogona kuramba vakavimbika kuna Mwari.

Rufu rwaKristu rwakapawo mukana wokuti vamwe vanhu vatonge pamwe chete naye mudenga. Uyezve, rwakazarurirawo vanhu vakawanda nzira yokuti vararame nokusingaperi mupasi rinenge riri paradhiso.

Manheru aya asati afa, Jesu akashandisa chingwa chisina mbiriso newaini tsvuku sezviratidzo zvechibayiro chake chomunhu chairatidza rudo. Uye akaudza vadzidzi vake kuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Ruka 22:19) Uchayeuka chiitiko ichi chinokosha here?

Zvapupu zvaJehovha zvinokukoka noushamwari kuti uyeukewo nazvo Chirangaridzo chorufu rwaJesu. Gore rino chichayeukwa musi weChitatu, April 12, zuva ranyura. Ungaenda kuImba yoUmambo iri pedyo nekwaunogara. Tapota bvunza Zvapupu zvaJehovha zvekwaunogara nguva chaiyo nenzvimbo yachichaitirwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe