RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 October pp. 20-21
  • Munhu Wose Anoda Imba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Munhu Wose Anoda Imba
  • Mukai!—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Idambudziko Riri Munyika Yose
  • Ikodzero Yomunhu Wose
  • Chii Chinokonzera Kushayikwa Kwedzimba?
    Mukai!—2005
  • Vanhu Vose Vachava Nedzimba Dzakanaka—Pakupedzisira!
    Mukai!—2005
  • “Basa Rakadya Nguva Yakawanda Rapedzwa”
    Mukai!—1998
  • Mataundi Amatumba—Nguva Dzakaoma Musango Rakatsikinyidzana Romudhorobha
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 October pp. 20-21

Munhu Wose Anoda Imba

“Munhu wose ane kodzero yokurarama upenyu hwakati nakei hunoita kuti iye nemhuri yake vave noutano hwakanaka uye vagare zvakanaka, kusanganisira . . . kuva neimba yokugara.”—Universal Declaration of Human Rights, Article 25.

GURUSVUSVU revashandi vepapurazi vanongogara vachitama-tama rakazogara pane imwe nzvimbo parava kuti ndipo pamusha. Mazana emhuri dzinogara ipapo tichangoti budei muguta dzinogara mukaravhani dzisingadhuri kurenda dzinonzi maparqueaderos. Munzvimbo ino zvinhu zvakadai sezvimbuzi, kuwana mvura nguva dzose, kubviswa kwemarara hazvina kunyatsotsarukana ndokunge zvichitombovapo. Mumwe mutori wenhau akarondedzera nzvimbo iyi achiti “inzvimbo yakasarira chaizvo zvokuti [vashandi vepapurazi] vanokwanisa kuigara.”

Makore matatu apfuura, hurumende payakatanga kuvhara dzimwe nzvimbo shomanana dzakadai, dzimwe mhuri dzakatengesa karavhani dzadzo dzichibva dzatamira mudzimba dzomumaguta, mafurati, uye mumagaraji anopakwa motokari ari pakati peguta racho zvakanga zvakatozara. Vamwe vakangotuta twavo ndokuenda vachitsvaka nzvimbo yavaizodzoka kwairi pashure pokunge vakohwa—imwe nzvimbo yavaizoti musha wavo.

Uri kufungidzira imwe nzvimbo iri muCentral kana kuti South America here? Fungazve. Unogona kuona karavhani yakadai pedyo neguta rinonzi Mecca riri kumaodzanyemba kweCalifornia, U.S.A., zvokuti hapatori kana awa uchityaira wakananga kumabvazuva kweguta rakabudirira chaizvo rinonzi Palm Springs. Kunyange zvazvo zvichinzi muUnited States vanhu vakawanda vava nedzimba kudarika kare uye kuti muna 2002 avhareji yemari inowanikwa nemhuri munyika iyi yaiva mari inenge US$42 000 (Z$378 000 000), zvave zvichifungidzirwa kuti mhuri dzinodarika mamiriyoni mashanu dzokuAmerica dzichiri kugara mudzimba dzisina kukodzera.

Mamiriro acho ezvinhu akatonyanya kuipa munyika dzichiri kusimukira. Pasinei nezvakaedzwa kuitwa nevezvematongerwo enyika, nevomunzanga, uye vezvitendero, dambudziko redzimba munyika yose riri kuramba richiipa zvishoma nezvishoma.

Idambudziko Riri Munyika Yose

Vanhu vanogara muzvitangwena munyika yose vanofungidzirwa kuti vanodarika bhiriyoni. Nyanzvi dzinoona nezvemaguta dzokuBrazil dzinotyira kuti kuwedzera kuri kuita mafavelas, kana kuti zvitangwena, munyika iyi kuchakurumidza “kukura kudarika maguta uye vagari vomuzvitangwena izvi vowanda kudarika vomumaguta.” KuNigeria kune maguta ane vanhu vanopfuura 80 muzana vanogara muzvitangwena uye vanogara munzvimbo dzavasina kutenderwa. “Kana pakasaitwa chimwe chinhu chaicho,” akadaro Kofi Annan Munyori Mukuru weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose muna 2003, “uwandu hwevanhu vanogara muzvitangwena munyika yose huri kufungidzirwa kuti huchawedzera kusvika kumabhiriyoni anenge maviri mumakore 30 ari kuuya.”

Zvisinei, nhamba idzi dzisiri dzokunyepera hadziratidzi kuvhiringidzwa kwevarombo kunokonzerwa nokugara munzvimbo dzisina kukodzera. Maererano neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose, vanhu vanopfuura hafu vanogara munyika dzichiri kusimukira havana zvinhu zvinovabatsira kuchengetedza utsanana, 33 muzana havawani mvura yakachena, 25 muzana havana dzimba dzakanaka, uye 20 muzana havarapwi nenzira dzemazuva ano dzokurapa. Vanhu vakawanda vari munyika dzakasimukira havangamboregi kunyange zvipfuwo zvavo zvinovavaraidza zvichigara mumamiriro ezvinhu akadaro.

Ikodzero Yomunhu Wose

Zvinonzi munhu wose anoda pokugara pakanaka. Gwaro rinonzi Universal Declaration of Human Rights, rakanyorwa neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose muna 1948 raiti munhu wose ane kodzero yokurarama upenyu hwakati nakei, kusanganisira kuva neimba inomugutsa. Chokwadi, munhu wose anoda musha wakanaka.

Munguva ichangobva kupfuura iyi, muna 1996, nyika dzinoverengeka dzakatanga kushandisa yakasvika pakuzonzi UN’s Habitat Agenda. Gwaro iri rine mashoko ane zvinangwa zvokuwanisa munhu wose pokugara pakakodzera. Zvadaro, musi waJanuary 1, 2002, Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose rakasimbisa chinangwa ichi nokuita kuti chive mupurogiramu yaro.

Izvi zvinoshamisa, nokuti dzimwe nyika dzakapfuma zvikuru dzakatangazve kukumbira kuvaka misha pamwedzi uye kuongorora Mars, asi varombo vari kuramba vachiwedzera venyika idzi vasingatombokwanisi kuwana nzvimbo dzakanaka dzokugara pasi pano. Dambudziko redzimba riri kukunetsawo here? Pane tariro chaiyo iripo here yokuti rimwe zuva vanhu vose vachava nemisha yavo yakanaka yokugara?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]

Kunyange zvazvo dzimwe nyika dzichida kuongorora nezvokuvaka misha pamwedzi, zvizvarwa zvakawanda zviri munyika idzi hazvina nzvimbo dzakanaka dzokugara pasi pano

[Mufananidzo uri papeji 20]

IMWE MHURI YOKUASIA YEVAPOTERI.

Mune rimwe guta, mune mhuri 3 500 dzinogara mumatende uye dzinoda chaizvo mvura nezvinhu zvinodiwa kuchengetedza utsanana

[Kwazvakatorwa]

© Tim Dirven/Panos Pictures

[Mufananidzo uri papeji 21]

NORTH AMERICA

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe