RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 October pp. 26-29
  • Vanhu Vose Vachava Nedzimba Dzakanaka—Pakupedzisira!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu Vose Vachava Nedzimba Dzakanaka—Pakupedzisira!
  • Mukai!—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Urongwa Hutsva Hwedzimba
  • Chipikirwa Chaunogona Kuvimba
  • Kuva Nomusha Pakupedzisira!
  • Chii Chinokonzera Kushayikwa Kwedzimba?
    Mukai!—2005
  • Munhu Wose Anoda Imba
    Mukai!—2005
  • Nyika Itsva Yava Pedyo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare
    Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 October pp. 26-29

Vanhu Vose Vachava Nedzimba Dzakanaka—Pakupedzisira!

TANGOTI bude muNairobi, kuKenya, kune nzvimbo yakaisvonaka ine zvivako zvinonzi United Nations Gigiri, zvinosanganisira muzinda mukuru weUN-HABITAT. Nzvimbo iyi inoratidza chinangwa chenyika yose chokuda kugadzirisa dambudziko redzimba munyika yose. Kana munhu akangofamba-famba zvake achitevedza Gigiri Nature Trail iri panzvimbo iyi, anogona kuona uchapupu hunoshamisa hwezvinogona kuitwa nevanhu kana vakaramba vachiedza uye vachinyatsotsigira nemari chinangwa ichi. Nzvimbo iri pano iyi yaimborasirwa marara yakanyatsochinjwa kuva nzvimbo inogona kushandiswa uye yakanaka zvokuti vashandi nevashanyi vanogona zvavo kutandara ipapa.

Zvisinei, makiromita mashomanana kubva apa, pane nzvimbo itsva iri kukura zvishoma nezvishoma ine zvitangwena. Nzvimbo iyi inoyeuchidza nenzira inoodza mwoyo kuoma kwakaita kugadzirisa dambudziko redzimba riripo. Misha ine zvitangwena, yakavakwa nevhu, mapango, nemarata, yakakura masikweya mita anenge 16. Migwagwa iri mumisha iyi inonhuwa zvichikonzerwa nemvura ine tsvina. Vanogara apa vanobhadhara mari yemvura kakapetwa kashanu pane zvinoita avhareji yevagari vomuUnited States. Vanhu 40 000 kana kupfuura vanogara apa, vane makore okuma20 ne30. Havasi vanhu vane nungo kana kuti vasingadi kugadzirisa mamiriro avo ezvinhu. Vakauya panzvimbo iyi vachitsvaga mabasa pedyo neguta reNairobi.

Zvinotoshamisa ndezvokuti vatungamiriri venyika dzakasiyana-siyana vanoungana pedyo nenzvimbo iyi mumusha wakachena, wakanaka kuti vakurukure remangwana revarume vari kutambura, vakadzi, nevana vari kugara pedyo pavo chaipo. Maererano nomunyori mukuru weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose, chokwadi chinoodza mwoyo ndechokuti, “nyika ine zvinhu, inoziva uye ine simba” rokunatsiridza zviri nani upenyu hwevanhu vanogara muzvitangwena. Saka chii chinofanira kuitwa? “Ndinotarisira kuti,” vanogumisa vachidaro VaAnnan, “vanhu vose vari kubatanidzwa [vachagona] kukunda ruvengo uye kushayikwa kwechido kwevezvematongerwo enyika zviri izvo zvave zvichitadzisa kubudirira.”

Zvisinei, tarisiro iyi ndeyechokwadi zvakadini? Zvinodei kuti nyika dzose, dzedunhu rimwe chete, uye vezvematongerwo enyika vomunyika imwe chete vambosiya kuita zvakavanakira vogadzirisa dambudziko iri? Kune mumwe Munhu ane zvinhu, anoziva maitirwe azvo, uye ane simba rokugumisa dambudziko riripo iri. Zvinotokosha zvikuru ndezvokuti, ane tsitsiwo uye anoda kuita chimwe chinhu nokukurumidza. Kutaura zvazviri, hurumende yake yakatotaura urongwa hune mashoko anoratidza kuti ichagadzirisa zvachose dambudziko redzimba riri munyika yose.

Urongwa Hutsva Hwedzimba

MuBhaibheri, Musiki wedu, Jehovha Mwari, anotaura zvinangwa zvake. Anopikira kuti: “Ndiri kusika matenga matsva nenyika itsva.” (Isaya 65:17) Izvozvo zvichaguma nokuchinja kukuru. “Matenga” ehurumende itsva achaita zvisingagonekwi nehurumende dzevanhu dziripo iye zvino. Umambo hwaMwari, kana kuti hurumende yake ichaita kuti munhu wose achange ari mupasi idzva ave noutano hwakanaka, anzwe akachengeteka, uye achiremekedzeka. Isaya akanga amboudzwa kuti vanotarisira kugara mupasi idzva iri vachaunganidzwa mu“mazuva okupedzisira.” (Isaya 2:1-4) Izvi zvinoreva kuti kuchinja uku kwava kuda kuitika.—Mateu 24:3-14; 2 Timoti 3:1-5.

Zvinokosha ndezvokuti mumashoko akanyorwa mune dzimwe ndima dziri muna Isaya chitsauko 65, Mwari anotaura zvakananga kuti achapa musha wechigarire munhu wose panguva iyoyo. “Vachavaka dzimba vogaramo,” anodaro. “Havazovaki mumwe ogaramo.” (Isaya 65:21, 22) Chimbofungidzira wava neimba yakowo uye uchigara munzvimbo yakachena yakachengeteka muparadhiso yakaisvonaka! Ndiani asingadi mamiriro ezvinhu akadaro? Asi unogona sei kuva nechokwadi nezvakapikirwa naMwari?

Chipikirwa Chaunogona Kuvimba

Pakutanga, Mwari paakasika Adhamu naEvha, haana kuvaisa munyika yaiva nemarara. Asi, akavaisa mumunda weEdheni, paka yakanga yakaisvonaka yaiva nemhepo yakachena nemvura yakawanda nezvokudya. (Genesisi 2:8-15) Uye Adhamu akaudzwa kuti ‘azadze nyika,’ kwete kuita kuti izarise. (Genesisi 1:28) Kubvira pakutanga, Mwari aiva nechinangwa chokuti munhu wose ave noupenyu hwakarongeka, hwokunzwanana, uye hune zvinhu zvakanaka zvakawanda.

Nokufamba kwenguva, mumazuva aNoa, vanhu vakava nechisimba uye vaiita zvounzenza, saka “nyika yakashatiswa pamberi paMwari wechokwadi.” (Genesisi 6:11, 12) Mwari akangorega zvinhu zvakadaro here? Kwete. Akakurumidza kuita chimwe chinhu. Akachenesa pasi achishandisa Mafashamo akaitika munyika yose, achiitira zvose zita rake uye Noa akarurama nevana vake. Saka Noa paakabuda muareka achipinda mumusha wake mutsva, akaudzwa zvakare kuti vaberekane, uye ‘vawande uye vazadze nyika.’—Genesisi 9:1.

Kunyange zvakadaro, gare gare Mwari akapa vaIsraeri nhaka yaakanga apikira tateguru wavo Abrahamu. Nyika iyoyo Yakapikirwa yakarondedzerwa se“nyika yakanaka uye yakakura, . . . inoyerera mukaka nouchi.” (Eksodho 3:8) Nemhaka yokuti havana kuteerera, vaIsraeri vakadzungaira murenje vasina musha wavo chaiwo wokugara kwemakore 40. Asi achizadzika zvaakataura, Mwari akazovapa nyika yokugara. Nhoroondo yakafuridzirwa inoti: “Jehovha akavapawo zororo kumativi ose . . . Hapana kana chipikirwa chimwe chete chakakundikana pazvipikirwa zvose zvakanaka zvakanga zvaitwa naJehovha kuimba yaIsraeri; zvose zvakaitika.”—Joshua 21:43-45.

Kuva Nomusha Pakupedzisira!

Saka zviri pachena kuti mashoko aJehovha ari pana Isaya chitsauko 65 haasi zvipikirwa zvisina musoro. SoMusiki wezvinhu zvose, chokwadi ane simba rokuita chero zvipi zvinodiwa kuchenesa pasi ozadzika zvinangwa zvake. (Isaya 40:26, 28; 55:10, 11) Uyezve, Bhaibheri rinotipikira kuti anoda kuzviita. (Pisarema 72:12, 13) Kare akapa vanhu vakarurama dzimba dzakakwana, uye nokukurumidza achazviita zvakare.

Kutaura zvazviri, Mwanakomana wake, Jesu Kristu, paakauya pasi pano, akanyatsodzidzisa vateveri vake kuti vanyengeterere kuti ‘kuda kwaMwari kuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.’ (Mateu 6:10) Akaratidza kuti pasi richazova paradhiso. (Ruka 23:43) Funga kuti izvozvo zvicharevei. Panenge pasisina zvitangwena, misha isingatenderwi, vanhu vanorara mumigwagwa, kana kudzingwa mumisha yavo. Ichava nguva inofadza zvikuru! Umambo hwaMwari pahuchange hwava kutonga, munhu wose achava nomusha wake wechigarire pakupedzisira!

[Bhokisi riri papeji 28]

DZIMBA MUNGUVA YEVAISRAERI VEKARE

Zviri pachena kuti sevaKenani vakavatangira, vaIsraeri vaifarira dzimba dzematombo, sezvo zvivako izvi zvaive zvakasimba chaizvo kudarika zvimwe uye zvaidzivirira pavavengi. (Isaya 9:10; Amosi 5:11) Zvisinei, munzvimbo dzakadzikira, midhuri yedzimba yaivakwa nezvidhina zvakaomeswa nezuva kana kuti zvakatsva. Matenga mazhinji aiva akati sandara, dzimwe nguva aine kamuri rakavakwa pamusoro. Muchivanze maiwanzovakwa ovheni uye kazhinji, netsimewo.—2 Samueri 17:18.

Mutemo waMosesi waisanganisira mirau yakawanda yaiva nechokuita nedzimba. Chokwadi, kuchengeteka ndiko kwainyanya kukosheswa. Mudhuri usina kureba waifanira kuvakwa wakapoteredza denga rakati sandara kuitira kuti pasave netsaona. Murayiro wegumi wakanyevera vaIsraeri kuti vasachochora imba yomumwe. Ani naani aifanira kutengesa imba yake aimbowana kodzero kwenguva yakati yokuti aitengezve.—Eksodho 20:17; Revhitiko 25:29-33; Dheuteronomio 22:8.

Imba muna Israeri yaishandiswawo senzvimbo inokosha pakupa mirayiridzo ine chokuita nokunamata. Vanababa vairayirwa zvakananga kudzidzisa vanakomana vavo zvaidiwa naMwari pavainge vagere navo mumba, uye musha waifanira kuchengetwa usina zvinhu zvine chokuita nezvidhori.—Dheuteronomio 6:6, 7; 7:26.

[Mufananidzo uri papeji 28]

MuIsraeri yekare, dzimba dzaishandiswa nokuda kwezvinhu zvokunamata, zvakadai sokupemberera Mutambo weMatumba

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 29]

DZIMBA DZEKARE-KARE

Hapana patinoudzwa muBhaibheri nezvokuti munhu wokutanga, Adhamu, aigara mumba. Zvisinei, pana Genesisi 4:17 panotaura kuti Kaini aka“vaka guta, akatumidza guta racho zita romwanakomana wake Inoki.” Guta racho ringangodaro rakanga rakafanana nomusha une rusvingo kana zvichienzaniswa nemaguta emazuva ano. Nhoroondo yacho haina kutaura kuti dzimba dzorudzii dzakavakwa. Zvichida musha wacho wose wakanga uine vanhu vaiva noukama hwepedyo vemhuri yaKaini.

Matende aishandiswa chaizvo sedzimba munguva yekare. Mumwe wevazukuru vaKaini, ainzi Jabhari, anonzi “muvambi wevaya vanogara mumatende uye vane zvipfuwo.” (Genesisi 4:20) Zviri pachena kuti matende angave aiva nyore kugadzira uye kutama nawo.

Nokufamba kwenguva, kufambira mberi kworuzivo kwakaita kuti pave nemaguta azere nedzimba dzemaoresa. Somuenzaniso, muguta reUri, rakambogarwa nomusoro wemhuri Abramu (Abrahamu), matongo anoratidza kuti vamwe vaigara imomo vaiva nedzimba dzakanaka dzakapurasitwa uye dzakapendwa nependi chena dzaiva nemakamuri 13 kana kuti 14. Dzimba idzodzo dzingadaro dzaiyemurwa uye kudiwa nevakawanda munguva iyoyo.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Mwari anopikira dzimba dzakachengeteka kune vakarurama

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe