RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 October pp. 18-19
  • Unofanira Kunyengetera Kumhandara Mariya Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unofanira Kunyengetera Kumhandara Mariya Here?
  • Mukai!—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Tidzidzisei Kunyengetera”
  • Zvakadini neRozari?
  • Kuremekedza Mariya
  • Basa raMariya Muchinangwa chaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Zvatingadzidza Kuna Mariya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • “Tarirai! Murandasikana waJehovha!”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Mariya Ndiamai vaMwari Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 October pp. 18-19

Zvinotaura Bhaibheri

Unofanira Kunyengetera Kumhandara Mariya Here?

MARIYA munhu anozivikanwa chaizvo nevanhu vane zvavanozivawo mune zvechiKristu. Magwaro anotaura kuti Mwari Wemasimbaose akakomborera mudzimai wechiduku uyu nokumusarudza kuti ave amai vaJesu. Kuzvarwa kwaJesu kwakanga kwakasiyana nokumwe kwose pakuti Mariya akanga ari mhandara paakabata pamuviri. Kubvira kare, mamwe machechi echiKristudhomu ave achiremekedza Mariya chaizvo. Muna 431 C.E., Dare reEfeso rechechi rakamuti “Amai vaMwari,” uye nhasi vanhu vakawanda vanodzidziswa kunyengetera kwaari.a

Vanamati vechokwadi vanoziva kuti vanofanira kunyengetera kune munhu akakodzera. Bhaibheri rinodzidzisei nezvenyaya iyi? VaKristu vanofanira kunyengetera kuMhandara Mariya here?

“Tidzidzisei Kunyengetera”

Nhoroondo yeEvhangeri yaRuka inoti mumwe wevadzidzi vaJesu akamukumbira achiti: “Ishe, tidzidzisei kunyengetera.” Achimupindura, Jesu akatanga kuti: “Pose pamunonyengetera, itii, ‘Baba, zita renyu ngaritsveneswe.’” MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akadzidzisawo vateveri vake kunyengetera kuti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.”—Ruka 11:1, 2; Mateu 6:9.

Saka chinhu chokutanga chatinodzidza ndechokuti munyengetero, kana kuti mashoko okunamata, anofanira kutaurwa kuna Baba vaJesu, avo vari Jehovha. Hapana patinobvumirwa neBhaibheri kunyengetera kune mumwe munhuwo zvake. Izvi zvakakodzera sezvo, Jehovha ari “Mwari anoda kuzvipira kwakazara,” sokuudzwa kwakaitwa Mosesi paakagamuchira Mirayiro ine Gumi.—Eksodho 20:5.

Zvakadini neRozari?

Vazhinji vanonyengetera kuna Mariya vakadzidziswa kuti zvikomborero zvinogona kuwanikwa nokudzokorora minyengetero yakarongwa—yakadai saKwaziwai Mariya, Baba Vedu, uye mimwewo. NezvevaKaturike, bhuku rinonzi Symbols of Catholicism rinoti “hazvirambiki kuti rudzi rwokuzvipira kuna Mariya rwakanyanya kupararira irozari.” Rozari inzira yokukudza nayo Mhandara Mariya. Shoko racho rinorevawo chuma chinoshandiswa kuverenga minyengetero. Bhuku iroro rinotsanangura kuti: “Zvikamu zvishanu zvezvuma gumi, zvinokamuraniswa nechuma chimwe chete chakasiyana nezvimwe, chikumbiro chokudzokorora munyengetero wokuti ‘Kwaziwai Mariya’ ka50, kashanu wokuti ‘Baba Vedu’, uye kashanu wokuti ‘Mbiri kuna Baba.’” Mwari anofarira kuteerera kudzokororwa kweminyengetero yerozari here?

Zvakare, mirayiro iyo Jesu akapa vadzidzi vake inotipa mhinduro chaiyo. Akati: “Paunenge uchinyengetera, usadzokorora-dzokorora zvinhu zvakafanana, sezvinoita vanhu vemamwe marudzi, nokuti vanofunga kuti vachanzwiwa nokuda kwokushandisa kwavo mashoko mazhinji.” (Mateu 6:7) Saka Jesu akanyatsoudza vateveri vake kuti vasadzokorore mashoko akarongwa muminyengetero yavo.

‘Asi Jesu haana here kudzidzisa vadzidzi vake kudzokorora munyengetero wokuti Baba Vedu, uyo uri chikamu cherozari?’ mumwe angabvunza kudaro. Zvinofanira kubvumwa kuti Jesu akapa munyengetero womuenzaniso, uyo wava kuzivikanwa saBaba Vedu, kana kuti Munyengetero waShe. Zvisinei, tinofanira kuziva kuti akadaro achangobva kupa yambiro iri pamusoro apa yokuti “usadzokorora-dzokorora zvinhu zvakafanana.” Kuti Jesu akanga asingarevi kuti munyengetero womuenzaniso unofanira kudzokororwa nomusoro kunoonekawo mukusiyana kwemashoko ake mukunyorwa kwawakaitwa kaviri paaidzidzisa vadzidzi vake kunyengetera. (Mateu 6:9-15; Ruka 11:2-4) Pfungwa dzakataurwa naJesu mumamiriro ezvinhu iwayo dzakanga dzakafanana, asi mashoko ake akanga akasiyana. Izvi zvinotiita kuti tigumise kuti Jesu akanga achingopa muenzaniso wokuti vateveri vake vaizonyengetera sei uye zvavaigona kuzonyengeterera chaizvo. Zvinotokosha zvikuru, mashoko ake akaratidza kuti ndiani anofanira kugamuchira munyengetero.

Kuremekedza Mariya

Chokwadi chokuti Magwaro haadzidzisi vaKristu kunyengetera kuna Mariya hachimborevi kuti zvakaitwa naMariya hazvikoshi mukuitwa kwezvinangwa zvaMwari. Zvikomborero zvinouya nokuMwanakomana wake zvichava zvakanakira vanhu vose vanoteerera. Mariya pachake akati: “Zvizvarwa zvose zvichanditi ndinofara.” Uye hama yake Erizabheti yakati Mariya “akakomborerwa . . . pakati pevakadzi.” Zvechokwadi, akanga akakomborerwa. Kusarudzwa kwaMariya kuti abereke Mesiya kwaiva chikomborero chinoshamisa.—Ruka 1:42, 48, 49.

Zvisinei, Mariya haasi iye oga mukadzi anonzi neMagwaro akakomborerwa. Nokuda kwezvakaitwa naJaeri zvakabatsira rudzi rwevaIsraeri rwekare, iyewo akanzi akanga “akomborerwa kwazvo pakati pevakadzi.” (Vatongi 5:24) Jaeri akatendeka, Mariya, uye vamwe vakadzi vaida Mwari vakawanda vanotaurwa muBhaibheri vakakodzera chaizvo kuti tivatevedzere—asi kwete kuvanamata.

Mariya akanga ari muteveri waJesu akatendeka. Ainge aripo pazviitiko zvakasiyana-siyana zvomuushumiri hwaJesu hwepasi pano uyewo pakufa kwake. Pashure pokumuka kwaJesu “airamba achinyengetera” aine hama dzaJesu. Izvi zvinotipa chikonzero chokubvuma kuti iyewo pamwe chete navo akazodzwa nomudzimu mutsvene paPendekosti ya33 C.E. uye saka aiva netariro yokuva mumwe weboka romwenga richatonga kudenga naKristu.—Mateu 19:28; Mabasa 1:14; 2:1-4; Zvakazarurwa 21:2, 9.

Kunyange zvakadaro, hapana chimwe cheizvi chinotiita kuti tinyengetere kuna Mariya. Munyengetero unobva pamwoyo chinhu chinokosha pakunamata, uye vaKristu vanokurudzirwa ‘kuramba vachinyengetera.’ (VaRoma 12:12) Zvisinei, minyengetero yose yakadaro inofanira kuudzwa Jehovha oga, ichipfuura nokuna Jesu.—Mateu 4:10; 1 Timoti 2:5.

[Mashoko Omuzasi]

a Pfungwa yokuti Mariya ndiye amai vaMwari inobva padzidziso isiri yomumagwaro yoUtatu, inoti Jesu ndiMwari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe