RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 11/8 pp. 22-23
  • Apo Iwe Nevadiwa Vako Munenge Muine Zvitendero Zvakasiyana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Apo Iwe Nevadiwa Vako Munenge Muine Zvitendero Zvakasiyana
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ukama Hunokosha
  • Kunzwisisa Kunokosha
  • Ramba Uchitaura Navo uye Ratidza Rudo
  • Chokwadi Hachiunzi “Rugare, Asi Bakatwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Kukudza Vabereki Vedu Vakwegura
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Ndinogona Sei Kubatira Mwari Kana Vabereki Vangu Vachindishora?
    Mukai!—1988
  • Zorodza Hama Dzako Dzokunyama Nemvura Dzezvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 11/8 pp. 22-23

Zvinotaura Bhaibheri

Apo Iwe Nevadiwa Vako Munenge Muine Zvitendero Zvakasiyana

MAERERANO nokumwe kufungidzira, kune zvitendero zvikuru nezvidiki zvinopfuura 10 000 munyika yose. Mune imwe nyika vanenge 16 muzana yevanhu vakuru vakambochinja zvitendero pane imwe nguva. Saka, hazvishamisi kuti pane kusabvumirana pamusoro pezvitendero pakati pehama neshamwari. Dzimwe nguva izvi zvinoguma nokukanganisa ukama. Ndosaka pane mubvunzo wokuti, VaKristu vanofanira kubata sei vadiwa vavo vane zvitendero zvakasiyana nezvavo?

Ukama Hunokosha

Somuenzaniso funga nezvezvinotaura Bhaibheri nezvoukama hunokosha huri pakati pevabereki nevana vavo. Hapana chinoratidza kuti pane muganhu wenguva yokuteerera murayiro uri pana Eksodho 20:12 woku“kudza baba vako namai vako.” Chokwadi, Jesu paaikurukura murayiro uyu, wakanyorwa pana Mateu 15:4-6, zviri pachena kuti aitaura pamusoro porukudzo urwo vana vakura vaizopa kuvabereki vavo.

Bhuku reBhaibheri raZvirevo rinonyevera pamusoro pokuzvidza vabereki. Zvirevo 23:22 inorayira kuti “usazvidza mai vako kana vachembera.” Zvirevo 19:26 inotonyevera zvakananga kuti “unoitira baba vake simba, nokudzinga mai vake mwanakomana unonyadzisa nokuita zvinonyadza.”

Zviri pachena kubva muMagwaro kuti hatifaniri kurasa vabereki vedu. Kana vabereki vedu vasingagamuchiri chitendero chedu hazvibvi zvatoparadza ukama hwedu navo. Nheyo dzemitemo yeBhaibheri idzi dzinoshandawo kune vamwe voukama hweropa uye kumurume kana kumudzimai. Zviri pachena kuti vaKristu vanorayirwa neMagwaro kuti vanofanira kuramba vachida hama dzavo.

Kunzwisisa Kunokosha

Chokwadi, Bhaibheri rinonyevera kuti tingwarire songaniro dzakaipa, uye vangatifurira ihama dzapedyo. (1 VaKorinde 15:33) Vashumiri vaMwari vakatendeka vazhinji munguva dzakapfuura vakatsigira zvakarurama kunyange zvazvo vabereki vavo vakanga vasingabvumirani nazvo. Hapana mubvunzo kuti izvi ndizvo zvakaitika kuvanakomana vaKora. (Numeri 16:32, 33; 26:10, 11) VaKristu vechokwadi havafaniri kubvumirana nezvinopesana nechitendero chavo kuti vafadze vamwe, kunyange hama dzavo.—Mabasa 5:29.

Mune mamwe mamiriro ezvinhu vabereki kana kuti vamwe vadikanwi vanorwisa zvakasimba zvitendero zvomuKristu. Vamwe vangatova vavengi vechiKristu chechokwadi. Pakadaro vaKristu vanoita zvinonzwisisika kuti vadzivirire kutenda kwavo. Jesu akanyatsotaura kuti: “Vavengi vomunhu vachava vanhu veimba yake. Uyo anoda baba kana amai kwazvo kupfuura ini haana kufanira ini; uye anoda mwanakomana kana mwanasikana kwazvo kupfuura ini haana kufanira ini.”—Mateu 10:36, 37.

Zvisinei, kazhinji vaKristu havatarisani nokushorwa zvakakomba nevadikanwi vavo. Kungoti chete havanzwisisi zvakafanana dzidziso dzeBhaibheri. Magwaro Matsvene anokurudzira vateveri vaJesu kubata vasingatendi “nounyoro” uye “noruremekedzo rukuru.” (2 Timoti 2:25; 1 Petro 3:15) Bhaibheri rinonyatsopa zano rokuti: “Asi muranda waShe haafaniri kurwa, asi anofanira kuva munyoro kune vose.” (2 Timoti 2:24) Muapostora Pauro akapawo vaKristu zano rokuti “vasataure zvakaipa pamusoro pomunhu upi noupi, kuti vasave vanorwa, kuti vave vanonzwisisa, vachiratidza unyoro hwose kuvanhu vose.”—Tito 3:2.

Ramba Uchitaura Navo uye Ratidza Rudo

Pana 1 Petro 2:12, vaKristu vanopiwa kurudziro iyi: “Mufambiro wenyu ngauve wakanaka kwazvo pakati pemamwe marudzi [vasingatendi], kuti . . . vape mbiri kuna Mwari pazuva rokuongorora kwake nemhaka yemabasa enyu akanaka kwazvo avanoona.” Kazhinji, vadikanwi vane zvitendero zvakasiyana nezvedu vanoona kuchinjwa kwatakaitwa neBhaibheri. Yeuka kuti vazhinji vakanga vasingadi kana kuti kunyange vaishora chokwadi cheBhaibheri, vakachinja mafungiro avo. Zvingave zvakatora makore mazhinji okunyatsoona mufambiro wakanaka womudzimai, murume kana kuti mwana kuti vamwe vanhu vazotsvaka chikonzero chinoita kuti vave nomufambiro wakadaro. Apo vanhu vanoramba kugamuchira chokwadi cheBhaibheri, ngazvirege kukonzerwa nokuti vakaregeredzwa nomudikanwi wavo muKristu.

Zvechokwadiwo, mamiriro ezvinhu anosiyana-siyana, uye zvimwe Zvapupu zvechiKristu zvinogara kure nevabereki vazvo. Zvingave zvisingabviri kushanya kakawanda sezvinodiwa. Asi kunyora tsamba, kuridza runhare, kana kuti kugarotaurirana nedzimwe nzira kucharatidza vadikanwi vedu kuti tinovada. Vazhinji vasiri vaKristu vechokwadi vanoda vabereki vavo nedzimwe hama uye vanogara vachitaurirana navo pasinei nechitendero chavo. Zvapupu zvechiKristu zvinofanira kupfuurwa navo here?

[Mufananidzo uri papeji 22]

Kugara uchitaurirana nevadikanwi vako kuchavaratidza kuti unovada

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe